Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kuva no“upenyu maari” kunorevei?

Bhaibheri rinotaura nezvaJesu Kristu seane “upenyu maari” uye nezvevateveri vake sevane ‘upenyu mavari.’ (Johani 5:26; 6:53) Zvisinei, magwaro maviri aya haarevi zvakafanana.

“Sezvo Baba vane upenyu mavari,” akadaro Jesu, “nokudaro vakapawo Mwanakomana kuti ave noupenyu maari.” Asati ataura mashoko aya akanaka kwazvo, Jesu akati “Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, Anonzwa shoko rangu akatenda iye akandituma ane upenyu husingaperi . . . Awa iri kuuya, uye yatovapo zvino, apo vakafa vachanzwa inzwi reMwanakomana waMwari uye vanenge vateerera vachararama.” Pano Jesu akanga achitaura nezvesimba risiri renguva dzose raakapiwa naBaba—kukwanisa kupa vanhu zita rakanaka pamberi paMwari. Uyezve, Jesu anokwanisa kumutsa vaya vakarara murufu ovapa upenyu. Kuna Jesu, kuva no“upenyu maari” kunoreva kuti akapiwa masimba aya. Saka, kufanana naBaba, Mwanakomana anewo ‘chipo choupenyu maari,’ sokushandurwa kunogona kuitwawo mashoko acho. (Johani 5:24-26) Zvakadini nevateveri vake?

Rinenge gore rimwe gare gare, Jesu akataura nevateereri vake, achiti: “Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, Kana mukasadya nyama yoMwanakomana womunhu nokunwa ropa rake, hamuna upenyu mamuri. Uyo anodya nyama yangu nokunwa ropa rangu ane upenyu husingaperi, uye ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.” (Johani 6:53, 54) Pano Jesu anofananidza kuva no“upenyu mamuri” nokuwana “upenyu husingaperi.” Mashoko anotaurwa zvakafanana neokuti kuva no“upenyu mamuri” anowanikwa kumwezve muMagwaro echiGiriki. Mienzaniso miviri ndeiyi, “Ivai nomunyu mamuri” uye “vachigamuchira mavari muripo wakakwana.” (Mako 9:50; VaRoma 1:27) Muzviitiko izvi, mashoko aya haaratidzi simba rokupa munyu kuvamwe kana kuti kupa muripo kuna ani naani. Asi, kukwana kana kuti kuzara kwomukati ndiko kuri kuratidzwa. Saka, mashoko okuti “upenyu mamuri” akashandiswa pana Johani 6:53 anongoreva kuwana kuzara kwoupenyu chaiko.

Achitaura nezvevateveri vake sevane upenyu mavari, Jesu akataura nezvenyama neropa rake. Gare gare, paaitanga Kudya kwaShe Kwemanheru, Jesu akataura zvakare nezvenyama neropa rake ndokurayira vateveri vake vaizopinzwa musungano itsva kuti vadye zviratidzo zvechingwa chisina mbiriso newaini. Izvi zvinoreva here kuti vaKristu vakazodzwa, avo vari musungano itsva naJehovha Mwari, ndivo voga vanopinda mukuzara kwoupenyu kwakadaro? Kwete. Zviitiko zviviri izvi zvakanga zvakaparadzana negore. Vaya vakanzwa mashoko aJesu akanyorwa pana Johani 6:53, 54 vakanga vasingazivi nezvokuchengeta kwegore negore uye zviratidzo zvichimirira nyama neropa raKristu.

Maererano naJohani chitsauko 6, Jesu akatanga aenzanisa nyama yake nemana, achiti: “Madzitateguru enyu akadya mana murenje asi akafa. Ichi ndicho chingwa chinoburuka chichibva kudenga, kuti munhu achidye arege kufa. Ndini chingwa chipenyu chakaburuka chichibva kudenga; kana munhu akadya chingwa ichi achararama nokusingaperi.” Nyama yaJesu, pamwe chete neropa rake, zvaipfuura mana chaiyo. Sei? Mukuti nyama yake yakapiwa nokuda kwo“upenyu hwenyika,” zvichiita kuti zviite kuva noupenyu husingaperi. * Saka, mashoko anotaura nezvokuva no“upenyu mamuri” ari pana Johani 6:53 anoshanda kune vose vanogamuchira upenyu husingaperi—kudenga kana panyika.—Johani 6:48-51.

Vateveri vaKristu vanogamuchira rini upenyu mavari, kana kuti kuwana kuzara kwoupenyu? Kana vari vadyi venhaka yoUmambo vakazodzwa, izvi zvinoitika pakumutsirwa kwavo kuupenyu hwokudenga sezvisikwa zvomudzimu zvisingafi. (1 VaKorinde 15:52, 53; 1 Johani 3:2) “Mamwe makwai” aJesu anowana kuzara kwoupenyu pashure pokuguma kwoKutonga kwake Kwemakore Ane Chiuru. Panguva iyoyo, vachange vaedzwa, vawanika vakatendeka, uye vanzi vakarurama nokuda kwoupenyu husingaperi muParadhiso pasi pano.—Johani 10:16; Zvakazarurwa 20:5, 7-10.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Murenje, vaIsraeri ne“vanhu vazhinji vakanga vakavhengana” vaida mana kuti varambe vachirarama. (Eksodho 12:37, 38; 16:13-18) Saizvozvowo, kuti vararame nokusingaperi, vaKristu vose, vangava vakazodzwa kana vasina, vanofanira kuzviita kuti vabatsirwe nemana yokudenga nokuratidza kutenda musimba rinodzikinura renyama neropa zvaJesu zvakapiwa muchibayiro.—Ona Nharireyomurindi, yaFebruary 1, 1988, mapeji 30-1.

[Mifananidzo iri papeji 31]

VaKristu vose vechokwadi vane ‘upenyu mavari’