Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichifanira Kuramba Tichinyengetera?

Nei Tichifanira Kuramba Tichinyengetera?

Nei Tichifanira Kuramba Tichinyengetera?

“Rambai muchinyengetera. Ongai pamusoro pezvinhu zvose.”—1 Vatesaronika 5:17, 18.

1, 2. Dhanieri akaratidza sei kuti aikoshesa ropafadzo yomunyengetero, uye izvi zvakabatsira sei paukama hwake naMwari?

MUPROFITA Dhanieri aiva netsika yokunyengetera kuna Mwari katatu pazuva. Aipfugama pahwindo rekamuri rake repadenga, rakanga rakatarisa kuguta reJerusarema, opa minyengetero yake. (1 Madzimambo 8:46-49; Dhanieri 6:10) Kunyange apo murayiro wamambo wakarambidza kunyengetera kuna ani naani kunze kwaDhariusi, mambo weMedhiya, Dhanieri haana kana kumbotsuduguka. Kunyange zvaiisa upenyu hwake pangozi kana kwete, murume womunyengetero uyu akaramba achikumbira Jehovha.

2 Jehovha akaona sei Dhanieri? Apo ngirozi Gabrieri yakauya kuzopindura mumwe weminyengetero yaDhanieri, yakarondedzera muprofita wacho so“murume unodikanwa kwazvo.” (Dhanieri 9:20-23) Muuprofita hwaEzekieri, Jehovha akataura nezvaDhanieri somurume akarurama. (Ezekieri 14:14, 20) Nokufamba kwemakore, minyengetero yaDhanieri sezviri pachena yakaita kuti ave noukama hwapedyo naMwari wake, chinhu chakacherechedzwa kunyange naDhariusi.—Dhanieri 6:16.

3. Sezvinoratidzwa nezvakaitika kune mumwe mumishinari, munyengetero ungatibatsira sei kuramba takatendeka?

3 Munyengetero wenguva dzose unogonawo kutibatsira kutarisana nemiedzo yakaoma. Somuenzaniso, funga nyaya yaHarold King, mumwe mumishinari kuChina uyo akatongerwa kugara mujeri rake oga kwemakore mashanu, Vachitaura nezvenyaya yavo, Hama King vakati: “Ndaigona kuparadzaniswa nehama dzangu, asi hapana aigona kundiparadzanisa naMwari. . . . Saka, zvichioneka naani zvake aigona kupfuura nepachitokisi changu, ndaipfugama muchitokisi changu katatu pazuva ndonyengetera zvinonzwika, ndichiyeuka Dhanieri, anotaurwa nezvake muBhaibheri. . . . Zvaiita sokuti panguva idzodzo mudzimu waMwari waitungamirira pfungwa dzangu kunyaya dzaibatsira zvikuru woita kuti ndinzwe kugadzikana. Munyengetero wakaita kuti ndiwane simba romudzimu nenyaradzo zvechokwadi!”

4. Mibvunzoi pamusoro pomunyengetero yatichakurukura munyaya ino?

4 Bhaibheri rinoti: “Rambai muchinyengetera. Ongai pamusoro pezvinhu zvose.” (1 VaTesaronika 5:17, 18) Tichifunga nezvezano iri, ngatikurukurei mibvunzo inotevera: Nei tichifanira kufunga nezveminyengetero yedu? Tine zvikonzeroi zvokugara tichitaura naJehovha? Uye chii chatinofanira kuita kana tichifunga kuti hatina kukodzera kunyengetera kuna Mwari pamusana pezvikanganiso zvedu?

Tanga Ushamwari Kuburikidza Nomunyengetero

5. Munyengetero unotibatsira kuva noushamwari hupi hunoshamisa?

5 Unoda kuti Jehovha akuone seshamwari yake here? Akataura kudaro nezvatateguru Abrahamu. (Isaya 41:8; Jakobho 2:23) Jehovha anoda kuti titange ukama hwakadaro naye. Anototikoka kuti tiswedere pedyo naye. (Jakobho 4:8) Chikumbiro ichocho hachifaniri kutiita kuti tifungisise nezvourongwa hwomunyengetero hunoshamisa here? Zvakaoma kwazvo kuwana nguva yokutaura nomukuru mukuru wehurumende anoremekedzwa, tisingatauri hedu kuva shamwari yake! Asi, Musiki wezvose anotikurudzira kutaura naye mumunyengetero takasununguka, pose patinodira kana kuti patinofanira kuita kudaro. (Pisarema 37:5) Minyengetero yedu yenguva dzose inotibatsira kuva noushamwari hwapedyo naJehovha.

6. Muenzaniso waJesu unotidzidzisa chii pamusoro pokudiwa kwoku‘ramba tichinyengetera’?

6 Kunyange zvakadaro, tinogona nyore nyore kuregeredza munyengetero! Kungobata nezvinetso zvoupenyu hwemazuva ose kunogona kutora nguva yedu yose zvokuti hatimboedzi kutaura naMwari. Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti ‘varambe vachinyengetera,’ uye iye pachake akaita kudaro. (Mateu 26:41) Kunyange aigara akabatikana kubva mangwanani kusvikira usiku, akatsaura nguva yokutaura naBaba vake vokudenga. Dzimwe nguva, Jesu aimuka “mangwanani-ngwanani, kuchine rima,” kuti anyengetere. (Mako 1:35) Pane dzimwe nguva, aienda kunzvimbo isina vanhu pakupera kwezuva kuitira kuti ataure naJehovha. (Mateu 14:23) Jesu aigaroronga nguva yokunyengetera, uye ndizvo zvatinofanira kuitawo.—1 Petro 2:21.

7. Mamiriroi ezvinhu anofanira kutiita kuti titaure naBaba vedu vokudenga zuva nezuva?

7 Nguva dzakakodzera dzokunyengetera munhu ari oga dzinowanika kakawanda zuva rimwe nerimwe sezvatinotarisana nezvinetso, tinosangana nemiedzo, uye tinoita zvisarudzo. (VaEfeso 6:18) Patinotsvaka nhungamiro yaMwari pane zvose zvatinoita muupenyu, ushamwari hwedu naye huchatokura chete. Apo shamwari mbiri dzinosangana nezvinetso dziri pamwe, ushamwari huri pakati padzo hahutowedzeri kusimba here? (Zvirevo 17:17) Ndizvowo zvinoitika patinovimba naJehovha tobatsirwa naye.—2 Makoronike 14:11.

8. Kubva mumienzaniso yaNehemia, Jesu, uye Hana, tinodzidzei pamusoro pourefu hweminyengetero yedu toga?

8 Tinogona kufara kwazvo kuti Mwari haaisi muganhu wokuti tingataura naye mumunyengetero kwenguva yakareba sei uye kakawanda sei! Nehemia akakurumidza kunyengetera muchinyararire asati aita chikumbiro kuna mambo wePersia. (Nehemia 2:4, 5) Jesu akapawo munyengetero mupfupi paakakumbira kuti Jehovha amupe simba rokumutsa Razaro. (Johani 11:41, 42) Ukuwo, Hana aka“ramba achinyengetera pamberi paJehovha” paakataura zvaive zviri mumwoyo wake. (1 Samueri 1:12, 15, 16) Minyengetero yedu toga inogona kuva mipfupi kana mirefu maererano nezviri kudiwa uye mamiriro ezvinhu.

9. Nei minyengetero yedu ichifanira kusanganisira kurumbidza nokuonga zvinhu zvose izvo Jehovha akatiitira?

9 Minyengetero yakawanda iri muBhaibheri inoratidza kubvuma kwokuonga kunobva pamwoyo nzvimbo yakakwirira yaJehovha nemabasa ake anoshamisa. (Eksodho 15:1-19; 1 Makoronike 16:7-36; Pisarema 145) Mune zvaanoratidzwa, muapostora Johani anoona vakuru 24—nhamba yakakwana yevaKristu vakazodzwa vari munzvimbo dzavo dzokudenga—vachirumbidza Jehovha, vachiti: “Makafanirwa, Jehovha, imi Mwari wedu, kuti mugamuchire mbiri nokukudzwa nesimba, nokuti makasika zvinhu zvose, uye nemhaka yokuda kwenyu zvakavapo uye zvakasikwa.” (Zvakazarurwa 4:10, 11) Nesuwo tine chikonzero chokurumbidza Musiki wedu nguva dzose. Vabereki vanofara kwazvo apo mwana wavo anovatenda zvinobva pamwoyo nokuda kwechimwe chinhu chavamuitira! Kufungisisa tichionga mutsa uyo Jehovha akatiitira uye kutaura kuonga kwedu kunobva pamwoyo nokuda kwawo inzira yakanaka kwazvo yokuita kuti minyengetero yedu ivandudzike.

“Rambai Muchinyengetera”—Nei?

10. Munyengetero unoita basa rei mukusimbisa kutenda kwedu?

10 Munyengetero wenguva dzose unokoshapakutenda kwedu. Pashure pokuenzanisira kudiwa ‘kwokuti tigaronyengetera tisingaregi,’ Jesu akabvunza kuti: “Panosvika Mwanakomana womunhu, chaizvoizvo achawana kutenda pasi pano here?” (Ruka 18:1-8) Munyengetero wepachokwadi, unobva pamwoyo unovaka kutenda. Apo tateguru Abrahamu vakanga vava kukwegura asi vasati vava nomwana, vakataura naMwari nezvenyaya yacho. Achipindura, Jehovha akatanga amukumbira kutarira kumatenga overenga nyeredzi, kana aigona kudziverenga. Ipapo Mwari akavimbisa Abrahamu kuti: “Ndizvo zvichaita vana vako.” Zvakaguma nei? Abrahamu “akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.” (Genesi 15:5, 6) Kana tikataurira Jehovha zviri mumwoyo yedu nokunyengetera, tikagamuchira zvaanotivimbisa muBhaibheri, uye tikamuteerera, achasimbisa kutenda kwedu.

11. Munyengetero ungatibatsira sei kubata nezvinetso?

11 Munyengetero unogonawo kutibatsira kubata nezvinetso. Upenyu hwedu huri kutiremera here uye mamiriro ezvinhu atinotarisana nawo akaoma kutsungirira here? Bhaibheri rinotiudza kuti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongotenderi wakarurama kuti azununguswe.” (Pisarema 55:22) Patinotarisana nezvisarudzo zvakaoma, tinogona kutevedzera muenzaniso waJesu. Akapedza usiku hwose achinyengetera oga asati agadza vaapostora vake 12. (Ruka 6:12-16) Uye usiku hwakatangira zuva rokufa kwake, Jesu akanyengetera zvikuru zvokuti “ziya rake rakava semadonhwe eropa richidonhera pasi.” (Ruka 22:44) Zvakaguma nei? “Akanzwiwa nemhaka yokutya kwake Mwari.” (VaHebheru 5:7) Minyengetero yedu inobva pamwoyo uye yenguva dzose ichatibatsira kutsungirira mamiriro ezvinhu anorwadza uye miedzo yakaoma.

12. Munyengetero unoratidza sei kufarira uko Jehovha anotiita somunhu mumwe nomumwe?

12 Chimwe chikonzero chokuswedera pedyo naJehovha kuburikidza nomunyengetero ndechokuti iye achaswederawo pedyo nesu. (Jakobho 4:8) Patinotaurira Jehovha zviri mumwoyo yedu, hatinzwi here kuti anofarira zvatinoda uye ane hanya zvikuru nesu? Tinoratidzwa rudo rwaMwari isu pachedu. Jehovha haana kupa ani zvake basa rokuteerera munyengetero mumwe nomumwe uyo vashumiri vake vanonangidzira kwaari saBaba vavo vokudenga. (Pisarema 66:19, 20; Ruka 11:2) Uye anotikumbira ku‘kandira kufunganya kwedu kwose paari, nokuti ane hanya nesu.’—1 Petro 5:6, 7.

13, 14. Zvikonzero zvipi zvatinazvo zvokuramba tichinyengetera?

13 Munyengetero unogona kutiita kuti tishingairire zvikuru ushumiri hwepachena wotisimbisa apo kusakendenga kana kushorwa kungatiita kuti tinzwe tava kuda kurega. (Mabasa 4:23-31) Munyengetero unogonawo kutidzivirira pa“manomano aDhiyabhorosi.” (VaEfeso 6:11, 17, 18) Patinotamburira kutsungirira miedzo yezuva nezuva, tinogona kuramba tichikumbira kuti Mwari atisimbise. Munyengetero waJesu womuenzaniso une chikumbiro chokuti Jehovha ati‘nunure pane wakaipa,’ Satani Dhiyabhorosi.—Mateu 6:13.

14 Kana tikaramba tichinyengeterera kubatsirwa kudzora kusatana kuita zvivi kwedu, tichabatsirwa naJehovha. Tine vimbiso iyi: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” (1 VaKorinde 10:13) Muapostora Pauro pachake akanzwa achisimbiswa naJehovha mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana zvikuru. “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo anondipa simba,” akadaro.—VaFiripi 4:13; 2 VaKorinde 11:23-29.

Ramba Uchinyengetera Pasinei Nezvikanganiso

15. Chii chingaitika apo mufambiro wedu unotadza kusvika panodiwa naMwari?

15 Kuti minyengetero yedu ifarirwe, hatifaniri kuramba zano reShoko raMwari. “Zvinhu zvose zvatinokumbira tinogamuchira kwaari,” akanyora kudaro muapostora Johani, “nokuti tiri kuchengeta mirayiro yake uye tiri kuita zvinhu zvinofadza mumaziso ake.” (1 Johani 3:22) Zvisinei, chii chingaitika apo mufambiro wedu unotadza kusvika pane zvinodiwa naMwari? Adhamu naEvha vakavanda pashure pechivi chavo mubindu reEdheni. Isuwo tinganzwa tichida kuvanda “pamberi paJehovha” torega kunyengetera. (Genesi 3:8) “Ndakacherechedza kuti inenge nguva yose chikanganiso chokutanga chinoitwa nevaya vanokukurwa vachibva kuna Jehovha nesangano rake ndechokuti vanorega kunyengetera,” akadaro Klaus, mumwe mutariri anofambira ave ari mubasa iri kwenguva refu. (VaHebheru 2:1) Ndizvo zvakaita José Ángel. Anoti: “Kwemakore anoda kusvika masere, ndakanga ndisingawanzonyengetera kuna Jehovha. Ndainzwa ndisina kukodzera kunyengetera kwaari, kunyange zvazvo ndakanga ndichiri kumuona saBaba vangu vokudenga.”

16, 17. Ipa mienzaniso yokuti munyengetero wenguva dzose unogona sei kutibatsira kukunda kusava nesimba mumudzimu.

16 Vamwe vedu tinganzwa tisina kukodzera kunyengetera pamusana pokusava nesimba mumudzimu kana kuti nokuti tadzokazve pakuita zvakaipa. Asi ipapa ndipo patinofanira kushandisa zvizere urongwa uhwu hwomunyengetero. Jona akatiza basa rake. Asi ‘Jona akadana kuna Jehovha ari munhamo yake, akamupindura. Jona akadana ari mudumbu reSheori, uye Jehovha Akanzwa inzwi rake.’ (Jona 2:2) Jona akanyengetera, Jehovha akapindura munyengetero wake, uye Jona akanaya mumudzimu.

17 José Ángel akanyengeterawo nomwoyo wose kuti abatsirwe. Anoyeuka kuti: “Ndakataura zvaiva mumwoyo wangu, ndokukumbira Mwari kuti andikanganwire. Uye akandibatsira. Handifungi kuti ndingadai ndakadzokera kuchokwadi pasina kubatsirwa nomunyengetero. Iye zvino ndava kunyengetera nguva dzose mazuva ose, uye ndinotarisira nguva idzodzi.” Tinofanira kunzwa takasununguka nguva dzose kutaura pachena naMwari pamusoro pezvikanganiso zvedu uye kukumbira kukangwanwirwa nenzira yokuzvininipisa. Mambo Dhavhidhi paakareurura kudarika kwake, Jehovha akamukanganwira zvivi zvake. (Pisarema 32:3-5) Jehovha anoda kutibatsira, kwete kutipa mhosva. (1 Johani 3:19, 20) Uye minyengetero yevarume vakuru veungano inogona kutibatsira mumudzimu, nokuti mikumbiro yakadaro ine “simba guru.”—Jakobho 5:13-16.

18. Vashumiri vaMwari vanogona kuva nechivimbo chei pasinei nokuti vangave vakatsauka zvakadini?

18 Ndibaba vapi vangaramba mwanakomana anouya kwavari nokuzvininipisa achida kubatsirwa uye achida mazano pashure pokukanganisa? Mufananidzo womwanakomana mupambadzi unoratidza kuti pasinei nokuti tingave tatsauka zvakadini, Baba vedu vokudenga vanofara patinodzoka kwavari. (Ruka 15:21, 22, 32) Jehovha anokurudzira vose vanokanganisa kudana kwaari, “nokuti uchakanganwira zvikuru.” (Isaya 55:6, 7) Kunyange zvazvo Dhavhidhi akaita zvivi zvakawanda, akadana kuna Jehovha, achiti: “Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, Mwari; regai kuzvivanza pakukumbira kwangu.” Akatiwo: “Madekwana namangwanani namasikati ndichachema ndichivuvura; iye [Jehovha] uchanzwa inzwi rangu.” (Pisarema 55:1, 17) Izvi zvinopa chivimbo zvikuru!

19. Nei tisingafaniri kubva tafunga kuti minyengetero yedu inoita seisingapindurwi inoratidza kuti Mwari haatifariri?

19 Zvakadini kana chikumbiro chedu chikasapindurwa pakarepo? Ipapo tinofanira kuva nechokwadi chokuti chikumbiro chedu chinopindirana nokuda kwaJehovha uye chinoitwa muzita raJesu. (Johani 16:23; 1 Johani 5:14) Mudzidzi Jakobho akataura nezvevamwe vaKristu vane minyengetero isina kumbopindurwa nokuti vai“kumbira nokuda kwechinangwa chakaipa.” (Jakobho 4:3) Ukuwo, hatifaniri kukurumidza kufunga kuti minyengetero yedu inoita seisingapindurwi nguva dzose inoratidza kuti Mwari haatifariri. Dzimwe nguva Jehovha angabvumira vanamati vake vakatendeka kuramba vachinyengeterera imwe nyaya kwenguva yakati mhinduro yake isati yava pachena. “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa,” akadaro Jesu. (Mateu 7:7) Naizvozvo, tinofanira ‘kuramba tichinyengetera.’—VaRoma 12:12.

Nyengetera Nguva Dzose

20, 21. (a) Nei tichifanira kuramba tichinyengetera mu“mazuva okupedzisira” ano? (b) Tichagamuchirei patinoswedera pachigaro choumambo chomutsa usina kufanirwa chaJehovha zuva nezuva?

20 Zvinetso nematambudziko zviri kuwanda mu“mazuva okupedzisira” ano, anoratidzwa ne“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timoti 3:1) Uye tinogona kungozadza pfungwa nemiedzo nyore nyore. Zvisinei, kuramba kwedu tichinyengetera kuchatibatsira kuchengeta upenyu hwedu huri pazvinhu zvomudzimu pasinei nezvinetso, miedzo, uye kuora mwoyo kunopfuurira. Minyengetero yedu yezuva nezuva kuna Jehovha inogona kutipa tsigiro inokosha yatinoda.

21 Jehovha, ‘Munzwi womunyengetero,’ haana kumbonyanya kubatikana zvokusakwanisa kutiteerera. (Pisarema 65:2) Ngatisambove vakanyanya kubatikana zvokusakwanisa kutaura naye. Ushamwari hwedu naMwari ndicho chinhu chatinacho chinokosha kupfuura zvose. Ngatisambohutore sechinhu chenhando. “Naizvozvo, ngatiswederei norusununguko rwokutaura kuchigaro choumambo chomutsa usina kufanirwa, kuti tiwane ngoni uye tiwane mutsa usina kufanirwa nokuda kwokubetserwa panguva yakafanira.”—VaHebheru 4:16.

Ungapindura Sei?

• Chii chatinodzidza kumuprofita Dhanieri pamusoro pokukosha kwomunyengetero?

• Tingasimbisa sei ushamwari hwedu naJehovha?

• Nei tichifanira kuramba tichinyengetera?

• Nei kunzwa kwokusakosha kusingafaniri kutitadzisa kunyengetera kuna Jehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Nehemia akataura munyengetero mupfupi, muchinyararire asati ataura namambo

[Mufananidzo uri papeji 17]

Hana aka“ramba achinyengetera pamberi paJehovha”

[Mifananidzo iri papeji 18]

Jesu akanyengetera usiku hwose asati agadza vaapostora vake 12

[Mifananidzo iri papeji 20]

Mikana yokunyengetera inowanikwa mukati mezuva rose