Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nzira Yaungasimbisa Nayo Imba Yako

Nzira Yaungasimbisa Nayo Imba Yako

Nzira Yaungasimbisa Nayo Imba Yako

FUNGIDZIRA imba isisina kunaka pamusana pokusagadziriswa. Pendi iri kukwakwanuka, denga rafa, uye kunyange tsangadzi haisi kutarisirwa. Zviri pachena kuti chivako ichi chave chichiparadzwa nemadutu akakura kwemakore, uye chave chichiregeredzwa. Chinofanira kuparadzwa here? Kwete hazvo. Kana nheyo yacho yakasimba uye chidziro chisingazununguki, imba yacho ingangogadziriswa.

Zvakaita imba iyoyo zvinokuyeuchidza nezveimba yako yomuchato here? Kwemakore, madutu akakura, angave akakanganisa zvikuru imba yenyu yomuchato. Mumwe wenyu kana kuti mose mungava makaregeredza imba yenyu kusvika pamwero wakati. Munganzwa sezvakaita Sandy. Pashure pokunge ave akaroorwa kwemakore 15, akati: “Pakanga pasina kana chataimbowirirana pachiri kunze kwokuti takanga takaroorana chete. Uye izvozvo zvakanga zvisina kukwana.”

Kunyange kana imba yako yasvika apa, usakurumidza kugumisa kuti munofanira kurambana. Zvimwe ingagona kugadziriswa. Zvakawanda zvinotsamira pakuti iwe nomumwe wako makazvipira zvakadini. Kuzvipira kungabatsira kutsigisa muchato wenyu munguva yomuedzo. Asi kuzvipira kudini? Uye Bhaibheri ringakubatsira sei kukusimbisa?

Kuzvipira Kunosanganisira Mutoro

Kuzvipira kunoreva kunzwa uchisungirwa kuita chinhu kana kuti kukuchidzirwa nepfungwa. Pane dzimwe nguva, shoko racho rinonoshandisirwa chimwe chinhu chisiri munhu, zvakadai sechibvumirano chebhizimisi. Somuenzaniso, muvaki anganzwa achisungirwa kuita zvinorayirwa nechibvumirano chaakasaina kuti avake imba. Angasaziva iye pachake munhu akarayira basa racho. Kunyange zvakadaro, anonzwa achisungirwa kuita zvaakavimbisa.

Kunyange zvazvo muchato usiri chibvumirano chebhizimisi chisina rudo, kuzvipira kunobatanidzwa kunosanganisira mutoro. Iwe nomumwe wako zvimwe makapika nomwoyo wose pamberi paMwari nevanhu kuti muchagara pamwe chete chero zvodini. Jesu akati: “Iye wakavasika [murume nomukadzi] kubva pakutanga akavaita munhurume nomunhukadzi uye akati, ‘Saka murume achasiya baba vake naamai vake onamatira kumudzimai wake.’” Jesu akawedzera kuti: “Ngaparege kuva nomunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe pajoko naMwari.” (Mateu 19:4-6) Saka, zvinetso pazvinomuka, iwe nomumwe wako munofanira kuva makatsunga zvikuru kuzadzikisa zvamakavimbisana. * Mumwe mudzimai anoti: “Zvinhu zvakatanga kuva nani pashure pokunge tarega kufunga nezvokurambana somushonga.”

Kunyange zvakadaro, kunze kwomutoro, kuzvipira mumhuri kunosanganisira zvakawanda. Kunosanganisira chii zvekare?

Kushandira Pamwe Kunosimbisa Kuzvipira Kune Wawakaroorana Naye

Kuzvipira kune wawakaroorana naye hakurevi kuti vakaroorana havazofi vakapesana. Kana kusawirirana kukamuka, panofanira kuva nechido chomwoyo wose chokugadzirisa nhau yacho kwete bedzi nokuda kwomutoro wemhiko asi nokuda kwechisungo chepfungwa. Pamusoro pomurume nomudzimai, Jesu akati: “Havachisirizve vaviri, asi nyama imwe.”

Zvinorevei kuva “nyama imwe” nomumwe wako? Muapostora Pauro akanyora kuti “varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo.” (VaEfeso 5:28, 29) Saka, neimwe nzira, kuva “nyama imwe” kunoreva kuti unonzwa uine hanya nokugara zvakanaka kwomumwe wako sezvaunoita kwako. Vanhu vakaroora vanofanira kuchinja mafungiro avo kubva pakuti “changu” voti “zvedu,” kubva pakuti “ini” voti “isu.” Mumwe chipangamazano akanyora kuti: “Vakaroorana vose vari vaviri vanofanira kurega kufunga sevasina kuroora, vosvika pakufunga sevakaroora.”

Iwe nomumwe wako “munofunga sevanhu vakaroorana here”? Zvinobvira kuva pamwe chete kwemakore akawanda asi musiri “nyama imwe” mupfungwa iyoyo. Chokwadi, izvozvo zvingaitika, asi bhuku rinonzi Giving Time a Chance rinoti: “Kuroorana kunoreva kurarama pamwe chete, uye vanhu vaviri pavanoitira zvinhu pamwe chete kakawanda, zvichavafambira zvakanaka.”

Vamwe vakaroorana vasingafari vanogara pamwe nokuda kwevana vavo kana kuti nokuda kwemari. Vamwe vanotsungirira pamusana pokuti vanoona kurambana kuri kurasa tsika zvikuru kana kuti pamusana pokuti vanotya zvingazofungwa nevamwe kana vakaparadzana kana kurambana. Kunyange zvichirumbidzwa kuti vakaroorana vanotsungirira, yeuka kuti vavariro yenyu inofanira kuva yokuva noukama hune rudo, kwete ukama hwokungoti chero huri kuramba huripo.

Kusava Noudyire Kunosimudzira Kuzvipira Kune Mumwe Wako

Bhaibheri rakafanotaura kuti “pamazuva okupedzisira,” vanhu vaizova “vanozvida.” (2 Timoti 3:1, 2) Sezvakafanotaurwa nouprofita ihwohwo, zvinoita sokuti kuzvida zvakanyanya ndiko kunonyanyosimbiswa nhasi. Pane vakaroorana vakawanda kwazvo, kuzvipira pasina chokwadi chokuti mumwe wako achazvipirawo kunoonekwa sechiratidzo chokusava nesimba. Zvisinei, pamuchato wakasimba, murume nomudzimai vanozvipira. Ungaita sei kudaro?

Pane kuramba uchifunga mubvunzo unoti, ‘Ndiri kuwanei muukama uhwu?’ zvibvunze kuti, ‘Ndiri kuitei ini pachangu kuti ndisimbise imba yangu?’ Bhaibheri rinoti vaKristu vanofanira ‘kusaramba vachiva nehanya nezvinhu zvavo zvomunhu oga, asi vachiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.’ (VaFiripi 2:4) Paunenge uchifungisisa nhungamiro iyi yeBhaibheri, ongorora zvawakaita vhiki yapfuura. Kangani kawakaita chiito chomutsa kuti mumwe wako angobatsirwa chete? Mumwe wako paaida kutaura, waiteerera here—kunyange kana wakanga usinganzwi chaizvoizvo uchida kuita kudaro? Mabasa mangani awakaita aifadza mumwe wako kudarika kuafarira kwawaiita?

Pakuyera mibvunzo yakadaro, usanetseka kuti zviito zvako zvakanaka hazvicherechedzwi kana kupiwa mubayiro. “Muukama hwakawanda,” rinodaro rimwe bhuku, “kuita zvakanaka kunoita kuti vamwe vaitewo zvakanaka, saka ita nepaunogona napo kukurudzira mumwe wako kuita zvakanaka kuburikidza nokuita zvakanaka zvikuru iwe pachako.” Zviito zvokuzvipira zvinosimbisa muchato wenyu nokuti zvinoratidza kuti munoukoshesa uye munoda kuuchengetedza.

Maonero Anosvika Kure Anokosha

Jehovha Mwari anokoshesa kuvimbika. Chokwadi, Bhaibheri rinoti: ‘Akavimbika Jehovha munomuitirawo nokuvimbika.’ (2 Samueri 22:26) Kuramba wakavimbika kuna Mwari kunosanganisira kuramba wakavimbika kuurongwa hwemhuri hwaakatanga.—Genesi 2:24.

Kana iwe nomumwe wako makavimbika kune mumwe nomumwe, munogona kuona muchato wenyu uchigara nokusingaperi. Pamunofunga nezvemwedzi, makore, uye makumi emakore ari mberi, munozviona muchiri pamwe chete. Pfungwa yokuti dai tisina kuroorana haitombofungiki, uye maonero aya anochengetedza ukama hwenyu. Mumwe mudzimai anoti: “Kunyange kana ndakatsamwira [murume wangu] zvikuru uye ndakagumbuka zvikuru nezviri kuitika kwatiri, handisi kunetseka nezvokuti muchato wedu uchaparara. Ndinonetseka nezvokuti tichazombodzoka sei patakanga tiri. Ndine chokwadi chokuti tichadzoka—handingooni kuti panguva iyoyo tichazviita sei chete.”

Maonero anosvika kure ndechimwe chinhu chinokosha pakuzvipira kune mumwe wako, asi anoshayikwa zvinosiririsa mumichato yakawanda. Pakuitisana nharo huru, mumwe angabvotomoka kuti, “Ndiri kukusiya!” kana kuti, “Ndichatsvaka mumwe anonyatsondinzwisisa!” Chokwadi, kazhinji mashoko akadaro haasi okurevesa. Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza kuti rurimi runogona ku“zara nouturu hunouraya.” (Jakobho 3:8) Kutyisidzira uye kutaura kuti uchaita chimwe chinhu kana zvaunoda zvisina kuitwa kwakafanana nokuti: ‘Handioni muchato wedu uchigara. Ndinogona kuusiya chero nguva.’ Kupa pfungwa yakadaro kunogona kuparadza imba.

Kana uine maonero anosvika kure, unotarisira kuva nomumwe wako kunyange zvotsvuka sei. Izvi zvine zvimwe zvazvinobatsira. Zvichaita kuti zvive nyore zvikuru kwauri nomumwe wako kubvuma kusava nesimba uye zvikanganiso uye kuramba muchishivirirana nokukanganwirana zvikuru. (VaKorose 3:13) “Pane vakaroorana vanonzwisisana,” rinodaro rimwe bhuku, “pane mukana wokuti mose muri vaviri mukanganise, uye wokuti imba yacho irambe yakabatana pasinei neizvi.”

Pamusi wawakachata, wakaita mhiko, kwete kupfungwa yokuroora, asi kumunhu mupenyu—mumwe wako. Chokwadi ichi chinofanira kuva nomugumisiro mukuru panzira yaunofunga nayo uye yaunoita nayo iye zvino somunhu akaroora. Haubvumi here kuti unofanira kuramba uine mumwe wako kwete nokungoti unotenda zvakasimba muutsvene hwokuroorana asiwo nokuti unoda munhu wawakaroorana naye?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Muzviitiko zvakanyanyisa, pangava nechikonzero chinokosha chokuti murume nomudzimai wake vaparadzane. (1 VaKorinde 7:10, 11; ona bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri, mapeji 160-1, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.) Uyewo, Bhaibheri rinobvumira kurambana pazvikonzero zvoufeve (unzenza).—Mateu 19:9.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]

Zvaungaita Iye Zvino

Iwe nowawakaroorana naye muri kubudirira sei kana toreva nezvokuzvipira? Zvichida unoona kuti munogona kuita zviri nani. Kuti usimbise kuzvipira kwako, edza zvinotevera:

● Zviongorore. Zvibvunze kuti: ‘Ndinofunga somunhu akaroora here, kana kuti ndichiri kufunga nokuita somunhu asina kuroora?’ Ona kuti mumwe wako anoti kudini pamusoro pako panhau iyi.

● Verenga nyaya ino nomumwe wako. Ipapo, nenzira yakadzikama, kurukurai nzira dzamungasimbisa nadzo kuzvipira kwenyu kuimba yenyu.

● Nomumwe wako, itai zvinhu zvinosimbisa kuzvipira kwenyu. Somuenzaniso: Onai mapikicha omuchato wenyu uye ezvimwe zviitiko zvisingakanganwiki. Itai zvinhu zvaikunakidzai muchiri mukomana nomusikana kana kuti mumakore okutanga pamakaroorana. Dzidzai pamwe chete nyaya dzeBhaibheri dziri muNharireyomurindi neMukai! dzine chokuita nokuroorana.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 6]

Pane Vakaroorana, Kuzvipira Kunosanganisira . . .

Mutoro “Ripa zvaunopika. Zviri nani kuti urege kupika, pakuti upike usingaripi.”—Muparidzi 5:4, 5.

Kushandira Pamwe “Vaviri vanopfuura mumwe . . . Nokuti kana vakawira pasi, mumwe uchasimudza shamwari yake.”—Muparidzi 4:9, 10.

Kuzvipa “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—Mabasa 20:35.

Maonero Anosvika Kure “Rudo . . . runotsungirira zvinhu zvose.”—1 VaKorinde 13:4, 7.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Mumwe wako paanoda kutaura, unoteerera here?