Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anokwevera Vanozvininipisa Kuchokwadi

Jehovha Anokwevera Vanozvininipisa Kuchokwadi

Nyaya Youpenyu

Jehovha Anokwevera Vanozvininipisa Kuchokwadi

YAKATAURWA NAASANO KOSHINO

Muna 1949, makore mashomanana Hondo Yenyika II yapera, mumwe munhu murefu aiva noushamwari wokune imwe nyika, akashanyira mhuri yandaishandira muKobe City. Ndiye aiva mumishinari weZvapupu zvaJehovha wokutanga kuuya muJapan. Kushanya kwake kwakavhura mukana wokuti ndikweverwe kuchokwadi cheBhaibheri. Asi regai ndimbokuudzai nezvoupenyu hwangu.

NDAKABEREKWA muna 1926 mumusha muduku nechokumusoro kweOkayama Prefecture. Ndaiva wechishanu pavana vasere. Baba vaidavira zvakasimba muna Mwari wenzvimbo tsvene yokunamatira yechiShinto munharaunda yedu. Saka isu vana tainakidzwa nemhemberero uye kusanganazve kwemhuri dzakawanda pamhemberero dzechitendero mugore rose.

Sezvandaikura, ndaiva nemibvunzo yakawanda yezvoupenyu, asi ndainyanya kunetseka nezvorufu. Tsika dzedu dzaida kuti munhu afire pamba uye kuti vana vavepo panenge pachifa munhu womumhuri. Ndakasuruvara zvikuru apo ambuya vangu vakafa uye apo hanzvadzi yangu yakafa isati yambova negore chairo. Zvakanga zvichityisa kwandiri kuti ndifunge nezvokufa kwevabereki vangu. ‘Ndizvo bedzi zviripo here izvi? Pangava nezvimwe zvinopfuura apa muupenyu here?’ Ndaiva neshungu dzokuda kuziva.

Muna 1937, pandakanga ndiri mugiredhi rechitanhatu kupurayimari, hondo yeChina neJapan yakatanga. Varume vaitorwa uye vaitumirwa kuhondo kuChina. Vana vechikoro vaiona madzibaba avo kana vakoma vachivaoneka, vachishevedzera kuti “banzai!” (raramai nokusingaperi) kuna mambo. Vanhu vaiva nechokwadi chokukunda kweJapan, nyika inotongwa namwari, namambo wayo, mwari mupenyu.

Pasina nguva refu, mhuri dzakatanga kugamuchira mishumo yorufu kubva kuhondo. Mhuri dzakanga dzafirwa dzakanga dzisinganyaradziki. Ruvengo rwakanga ruchikura mumwoyo madzo, uye dzaifara kana mauto omuvengi akawanda aurayiwa. Asi panguva iyi ndaifungawo kuti, ‘Vanhu vari kudivi romuvengi vanofanira kunge vachirwadziwawo sezvatinoita kana vadiwa vavo vafa.’ Panguva yandakazopedza chikoro chepurayimari, hondo yakanga yave kupinda mukatikati meChina.

Kuonana Nomunhu Wokune Imwe Nyika

Sezvo takanga tiri varimi, mhuri yedu yakanga ichingova muurombo, asi baba vangu vakandibvumira kudzidza chero bedzi pakanga pasina mari yaishandiswa. Saka, muna 1941, ndakapinda chikoro chevasikana muOkayama City, chiri makiromita 100 kubva kumba. Chikoro chacho chakanga chakarongwa kuti chipe dzidzo kuvasikana kuti vave vadzimai uye vanaamai vakanaka, uye chaiita kuti vadzidzi vagare nemhuri dzakapfuma muguta sevanhu vari kudzidzira kutarisira dzimba. Mumangwanani vadzidzi vaidzidza nokushanda mudzimba idzi, uye masikati vaienda kuchikoro.

Pashure penguva yokugamuchirwa, mudzidzisi wangu, akapfeka kimono, akaenda neni kune imwe imba hombe. Asi hameno kuti mukadzi wacho akandirambirei. “Saka toenda kumba kwaMai Koda here?” akabvunza kudaro mudzidzisi wacho. Akaenda neni kuimba yakanga yakavakwa sezvinoitwa kunyika dzokumadokero akaridza bhero. Pashure pekanguva, mumwe mukadzi murefu aiva nebvudzi jena akabuda. Ndakashamiswa! Akanga asiri munhu womuJapan, uye ndainge ndisati ndamboona munhu woKumadokero muupenyu hwangu. Mudzidzisi wangu akandiita kuti ndizivane naMai Maud Koda akabva aenda pakarepo. Ndichikwekweretsa mabhegi angu, ndakapinda muimba yacho ndichitya. Ndakazoziva kuti Mai Koda vakanga vari vokuAmerica uye vakanga vakaroorwa nomunhu womuJapan akanga adzidza kuAmerica. Vaidzidzisa chiRungu muchikoro chezvokutengeserana.

Upenyu hwakabatikana hwakatanga mangwanani akatevera acho. Murume waMai Koda airwara nepfari, uye ndaifanira kubatsira pakumuchengeta. Sezvo ndakanga ndisingambonzwi Chirungu, ndakatanga kunetseka. Ndakanyevenuka apo Mai Koda vakataura neni nechiJapan. Zuva nezuva, ndaivanzwa vachitaura neChirungu, uye nokufamba kwenguva ndakatanga kunzwa mutauro iwoyo. Ndaifarira magariro ataiita pamba apa akanga ane runyararo.

Ndaiororwa nokuzvipira kwaMaud kumurume wake airwara. Murume wake aifarira kuverenga Bhaibheri. Ndakazoziva kuti vaviri vacho vakanga vawana bhuku rechiJapan rinonzi The Divine Plan of the Ages pachimwe chitoro chaitengesa mabhuku akamboshandiswa uye vakanga vagara vachitambira magazini yeChirungu yeNharireyomurindi kwemakore anoverengeka.

Rimwe zuva ndakapiwa Bhaibheri sechipo. Ndakafara nokuti ndiyo yakanga iri nguva yokutanga muupenyu hwangu kuva neBhaibheri rangu pachangu. Ndairiverenga ndichienda nokudzoka kuchikoro asi zvishoma zvandainzwisisa mariri. Sezvo ndakanga ndarerwa ndiri muShinto womuJapan, Jesu Kristu airatidzika kuva mumwewo munhu wandakanga ndisingazivi. Handina kumbozviziva kuti uku ndokwaiva kutanga kwezvaizonditungamirira kugamuchira chokwadi cheBhaibheri, chaizopindura mibvunzo yangu youpenyu norufu.

Zviitiko Zvitatu Zvinosuruvarisa

Makore maviri angu okudzidza akabva apera, uye ndaifanira kuonekana nemhuri yacho. Pandakapedza chikoro, ndakabatana neboka revasikana vaizvipira uye ndakatanga kugadzira yunifomu dzemauto omugungwa. Kubhomba kwendege dzinokanda mabhomba dzeAmerica dzeB-29 kwakatanga, uye musi waAugust 6, 1945, bhomba reatomu rakakandwa paHiroshima. Mazuva mashoma gare gare, ndakagamuchira teregiramu, uye ndakanzwa kuti Amai vairwara zvikuru. Ndakabva ndatongokwira chitima chokutanga chaivapo kuenda kumba. Pandakaburuka chitima, imwe hama yangu yakanditambira ikandiudza kuti Amai vakanga vafa. Vakafa musi waAugust 11. Zvandakanga ndichitya kwemakore akawanda zvakanga zvazoitika! Vakanga vasingazogoni kutaura kana kunyemwerera kwandiri zvekare.

Musi waAugust 15, Japan yakakundwa. Saka ndaifanira kunangana nezviitiko zvitatu zvinosuruvarisa, zvose munguva pfupi yemazuva gumi: kuputika kwokutanga kwebhomba reatomu, kufa kwaAmai vangu, uye kukundwa kweJapan. Asi zvainyaradza hazvo kuziva kuti vanhu vakanga vasingazofizve muhondo. Ndiine bundu mumwoyo, ndakabva pafekitari ndikadzokera kumusha kwedu.

Kukweverwa Kuchokwadi

Rimwe zuva ndisingambofungiri, ndakagamuchira tsamba ichibva kuOkayama kuna Maud Koda. Akandikumbira kana ndaizokwanisa kuenda kunomubatsira mabasa omumba, sezvo akanga achizovhura chikoro chokudzidzisa Chirungu. Ndakashaya kuti ndoita sei, asi ndakabvuma kundikoka kwaakaita. Makore mashoma gare gare, ndakaenda kuKobe navanaKoda.

Mukutanga kwezhizha ra1949, mumwe murume murefu aiva noushamwari akashanyira mhuri yavana Koda. Ainzi Donald Haslett, uye akanga abva kuTokyo achiuya kuKobe kuti azotsvakira mamishinari musha muKobe. Ndiye aiva mumishinari weZvapupu zvaJehovha wokutanga kuuya kuJapan. Imba yakawanikwa, uye muna November 1949, mamishinari akawanda akasvika muKobe. Rimwe zuva, vashanu vavo vakauya kuzoshanyira mhuri yavanaKoda. Vaviri vavo, Lloyd Barry naPercy Iszlaub, vakataura neChirungu kweanoda kuva maminitsi gumi mumwe nomumwe kune vanhu vakanga vaungana pamba pacho. Maud aitorwa sehanzvadzi yechiKristu nemamishinari acho uye zvairatidzika kuti akakurudzirwa nokuwadzana uku kwakaitika. Ipapo ndipo pandakanzwa shungu dzokudzidza Chirungu.

Ndichibatsirwa nemamishinari aishingaira, ndakatanga kunzwisisa chokwadi chinokosha cheBhaibheri zvishoma nezvishoma. Ndakawana mhinduro dzemibvunzo yandakagara ndiinayo kubva ndichiri muduku. Ndizvozvo, Bhaibheri rinopa tariro yokurarama nokusingaperi muparadhiso yepasi, uye vimbiso yorumuko rwe“vose vari mumakuva ekurangaridza.” (Johani 5:28, 29; Zvakazarurwa 21:1, 4.) Ndakaonga zvikuru Jehovha nokuita kuti pave netariro yakadaro achishandisa chibayiro chorudzikinuro choMwanakomana wake, Jesu Kristu.

Mabasa Anofadza Ane Chokuita Nokunamata

Kubva musi waDecember 30, 1949, kusvika January 1, 1950, gungano rokutanga reZvapupu zvaJehovha muJapan rakaitwa pamusha wemamishinari muKobe. Ndakaenda naMaud. Imba yacho hombe yaimbova yeimwe nhengo yeNazi, uye uripo wainyatsoona Inland Sea neAwaji Island. Nokusanyatsoziva Bhaibheri, hapana zvizhinji zvandakanzwisisa pane zvakataurwa. Asi, ndakaororwa zvikuru nemamishinari, aishamwaridzana akasununguka nevanhu vomuJapan. Vanhu vanosvika 101 vakapinda hurukuro yavose pagungano iri.

Nguva pfupi pashure paizvozvo, ndakasarudza kupinda mubasa romumunda. Zvaitoda kushinga kuti ndiende pamba nemba, nokuti ndakagara ndiri munhu ainyara. Mamwe mangwanani, Hama Lloyd Barry vakauya kumba kwedu kuti vaende neni muushumiri. Vakatangira paimba yaiva pamberi chaipo peyaHanzvadzi Koda. Ndakatoita zvokuhwanda seri kwavo ndichiteerera mharidzo yavo. Pandakaenda kechipiri, ndakashanda nemamwe mamishinari maviri. Mumwe mudzimai wechiJapan akanga akwegura akatipinza mumba, akateerera, uye akazopa mumwe nomumwe wedu girazi romukaka. Akabvuma kudzidziswa Bhaibheri uye pakupedzisira akava muKristu akabhabhatidzwa. Zvaikurudzira kumuona achifambira mberi.

Muna April 1951, Hama Nathan H. Knorr, vaibva kudzimbahwe reBrooklyn, vakashanyira Japan kokutanga. Vanhu vanenge 700 vakauya kuhurukuro yavose yavakapa muKyoritsu Auditorium muKanda, Tokyo. Pamusangano uyu waikosha, vose vakapinda vakafara nokubudiswa kweNharireyomurindi muchiJapan. Mumwedzi wakatevera, Hama Knorr vakashanyira Kobe, uye pamusangano unokosha wakaitirwa imomo, ndakabhabhatidzwa ndichiratidza kuzvitsaurira kuna Jehovha.

Papera gore, ndakakurudzirwa kupinda muushumiri hwenguva yakazara, basa roupiyona. MuJapan maingova nemapiyona mashoma, uye handina kuziva kuti ndaizozvitarisira sei. Ndakafungawo nezvokuti ndaizomboroorwa here. Asi ndakasvika pakuziva kuti kushumira Jehovha kunofanira kuuya pokutanga muupenyu, saka ndakatanga kupayona muna 1952. Zvinofadza kuti ndaikwanisa kupota ndichishandira Hanzvadzi Koda uku ndichipayona.

Panguva iyoyo, hanzvadzi yangu, yandaifunga kuti yakanga yafira kuhondo, yakadzoka kumusha nemhuri yayo ichibva kuTaiwan. Mhuri yangu yakanga isina kumbobvira yafarira chiKristu, asi nokushingaira kwokupayona, ndakatanga kuvatumira magazini edu notubhuku. Gare gare, hanzvadzi yangu yakatamira kuKobe nemhuri yake pamusana pebasa rake. “Wakaverenga magazini here?” Ndakabvunza muroora wangu. Ndakashamisika achipindura kuti, “Magazini acho anonakidza zvokuti.” Akatanga kudzidza Bhaibheri nomumwe wemamishinari, uye munun’una wangu aigara navo akatangawo kudzidza pamwe naye. Nokufamba kwenguva vakava vaKristu vakabhabhatidzwa.

Kuororwa Noukama Hwemarudzi Akawanda

Pasina nguva refu, ndakashamiswa pandakakokwa kuti ndizopinda kirasi yechi22 yeChikoro cheBhaibheri cheGiriyedhi cheWatchtower. Ini naHama Tsutomu Fukase tisu taiva vokutanga muJapan kukokwa kuchikoro ichi. Muna 1953, chikoro chisati chatanga, takakwanisa kupinda Gungano reNew World Society muYankee Stadium kuNew York. Ndakaororwa zvikuru noukama hwevanhu vaJehovha vemarudzi akawanda.

Pazuva rechishanu rekokorodzano, vanhu vaibva kuJapan, vazhinji vavo mamishinari, vaizopfeka makimono. Sezvo kimono yandakanga ndafanotumira yakanga isati yasvika, ndakakumbira yaHanzvadzi Knorr. Purogiramu yatanga kwakatanga kunaya, uye ndakanetseka nokuti kimono yaigona kunyorova. Pakarepo, mumwe munhu aiva shure kwangu akandifukidza nerenikoti zvinyoro-nyoro. “Unoziva kuti ndiani here?” yakabvunza kudaro imwe hanzvadzi yaiva pedyo neni. Ndakazoziva kuti vakanga vari Hama Frederick W. Franz, nhengo yeDare Rinodzora. Chokwadi ndakanzwa ushamwari huri musangano raJehovha!

Kirasi yechi22 yeGiriyedhi yakanga iri yemarudzi akawanda zvechokwadi, iine vadzidzi 120 vaibva kunyika 37. Kunyange zvazvo paiva nechinetso chokusanzwanana mitauro yedu, tainakidzwa kwazvo noukama hwemarudzi akawanda. Pazuva raidonha chando muna February 1954, ndakapedza kudzidza ndokugamuchira mugove wokushanda kwakare kuJapan. Mumwe wandaiva naye mukirasi yedu, Inger Brandt, hanzvadzi yokuSweden, ndiye wandaizoshanda naye muNagoya City. Ikoko takabatana neboka remamishinari akanga abviswa kuKorea pamusana pehondo. Makore mashoma andakapedza ndiri mubasa roumishinari aikosha zvikuru kwandiri.

Kunakidzwa Nokushanda Ndave Nomurume Wangu

Muna September 1957, ndakakokwa kuzoshanda paBheteri romuTokyo. Imba yemapuranga ine nhurikidzwa mbiri ndiyo yaishandiswa sehofisi yebazi yeJapan. Pabazi, paingova nenhengo ina bedzi, mumwe wacho aiva Hama Barry, mutariri webazi. Vamwe vose vaiva mamishinari. Ndakapiwa basa rokushandura nokuverenga zvashandurwa, uye kuchenesa, kuwacha, kubika, nezvimwewo.

Basa romuJapan rakanga richikura, uye hama dzakawanda dzakashevedzwa kuBheteri. Mumwe wadzo akava mutariri muungano yandaipinda. Muna 1966, ini nahama ivavo, Junji Koshino, takaroorana. Taroorana, Junji akapihwa basa redunhu. Zvaifadza kuziva hama nehanzvadzi dzakawanda kwazvo sezvataifamba muungano dzakasiyana-siyana. Sezvo ndainge ndapiwa basa rokushandura, ndairiita pamba pataigara kwevhiki iroro. Pakufamba, taifanira kutakura maduramazwi anorema, kuwedzera pamasutukezi nemabhegi.

Takaita basa redunhu kwemakore anodarika mana uye takaona sangano richiramba richikura. Bazi rakatamisirwa kuNumazu, uye makore akazotevera kuEbina, kune zvivako zvebazi nhasi. Ini naJunji tave tiri kuita basa repaBheteri, iye zvino tichishanda nemhuri ine nhengo 600. Muna May 2002, shamwari dzepabazi dzakapemberera makore angu 50 ndiri mubasa renguva yakazara.

Kufara Nokuona Kuwedzera

Pandakatanga kushumira Jehovha kare kuma1950, muJapan maingova nevaparidzi vashoma bedzi. Iye zvino mune vaparidzi voUmambo vanodarika 210 000. Chokwadi, zviuru zvevakafanana nemakwai vakakweverwa kuna Jehovha, sezvandakangoita.

Hama ina dzaiva mamishinari nehanzvadzi imwe idzo dzakatishanyira pamba paHanzvadzi Koda kare muna 1949, pamwe naHanzvadzi Maud Koda, vakapedza upenyu hwavo nokutendeseka vose. Ndozvakaitawo hanzvadzi yangu, yaiva mushumiri anoshumira, uye muroora wangu, akaita basa roupiyona kwemakore 15. Vabereki vangu vandaityira kufa kwavo ndichiri mwana muduku, vane tariro yei munguva yemberi? Vimbiso yeBhaibheri yorumuko inondipa tariro nenyaradzo.—Mabasa 24:15.

Pandinofunga makarekare, ndinonzwa kuti kuonana kwangu naMaud muna 1941 kwakachinja upenyu hwangu. Kudai ndakanga ndisina kuonana naye panguva iyoyo, uye kudai ndisina kubvuma kundikoka kwaakazoita kuti ndizomushandira hondo yapera, zvichida ndingadai ndakagara papurazi redu kumusha uye ndisina kumboonana nemamishinari mumazuva okutanga iwayo. Ndinoonga Jehovha kwazvo nokundikwevera kuchokwadi achishandisa Maud nemamishinari okutanga!

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ndiina Maud Koda nomurume wake. Ndiri pamberi kuruboshwe

[Mufananidzo uri papeji 27]

Ndiine mamishinari okuJapan paYankee Stadium muna 1953. Ndiri kwokupedzisira kuruboshwe

[Mifananidzo iri papeji 28]

Ndiri paBheteri nomurume wangu, Junji