Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kunzwisisa Chinangwa Chokuranga Nokurayira

Kunzwisisa Chinangwa Chokuranga Nokurayira

Kunzwisisa Chinangwa Chokuranga Nokurayira

UNOFUNGEI ukanzwa shoko rokuti “chirango”? Rimwe duramazwi rinoti chirango “kuita kuti vanhu vateerere mitemo kana kuti tsika dzavanotarisirwa kuita, vachirangwa kana vakasadaro.” Kunyange iyi isiri iyo tsanangudzo inobvumwa chete, chinhu chose chine chokuita nechirango chinonzi chakaipa nevanhu vakawanda nhasi.

Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza chirango nenzira yakasiyana. “Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha,” akanyora kudaro Mambo Soromoni akachenjera. (Zvirevo 3:11) Mashoko aya haarevi kurangawo zvakwo, asi “kuranga kwaJehovha,” kureva kuranga kunobva pamitemo yaMwari yakakwirira. Chirango chakadaro bedzi ndicho chinobatsira pakunamata—uye ndicho chinodiwa. Kusiyana neizvi, chirango chinopiwa nevanhu chisingawirirani nemitemo yaJehovha yakakwirira kazhinji ndechokushusha uye chinorwadza. Ndokusaka vanhu vakawanda vasingadi chirango.

Nei tichikurudzirwa kugamuchira chirango chaJehovha? MuMagwaro, chirango chinobva kuna Mwari chinotsanangurwa sokuratidzwa kworudo rwaMwari kuvanhu vake. Ndokusaka Soromoni akazoti: “Nokuti Jehovha unorayira mudikanwa wake; sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira.”—Zvirevo 3:12.

Chirango Kana Kuti Kurwadzisa—Zvakasiyanei?

Chirango sezviri muBhaibheri chinoreva zvakawanda—kutungamirira, kurayiridza, kudzidzisa, kutsiura, kururamisa, uye kunyange kurwadzisa. Zvisinei, pane zvose izvi, kurayira kwaJehovha kunobva murudo, uye chinangwa chakwo ndechokubatsira munhu wacho. Kurayira kwaJehovha kwokururamisa hakuna chinangwa chokungorwadzisa.

Asiwo kuranga kwaMwari hakusi kwokungoruramisa kana kuti kudzidzisa ari kurangwa wacho. Somuenzaniso, kubva pazuva chairo iro Adhamu naEvha vakatadza, vakatanga kutambura nemigumisiro yokusateerera kwavo. Jehovha akavadzinga muparadhiso yebindu reEdheni, uye vakafa pamusana pokusakwana, kurwara, uye kukwegura. Pashure pemazana emakore oupenyu hunorwadza, vakafa nokusingaperi. Zvose izvi kwakanga kuri kurangwa naMwari, asi kwakanga kusiri kwokururamisa. Vachiita namaune uye vasingapfidzi, Adhamu naEvha vakanga vasingaruramisiki.

Dzimwe nhoroondo dzokuranga kwaJehovha ndeidzi dzinoti, Mafashamo omuzuva raNoa, kuparadzwa kweSodhoma neGomora, uye kuparadzwa kweuto reIjipiti muGungwa Dzvuku. Zvakaitwa naJehovha izvi zvakanga zvisina chinangwa chokupa nhungamiro, murayiridzo, kana kuti kudzidzisa vairangwa vacho. Nezvokuranga kwakadaro kwakaitwa naMwari zvokuranga zvakadaro zvaibva kuna Mwari, muapostora Petro akanyora kuti: “Haana kurega kuranga nyika yekare, asi akachengeta Noa, muparidzi wokururama, akachengeteka nevamwe vanomwe paakaunza boporodzi panyika yevanhu vasingadi Mwari; uye nokuroromesa maguta eSodhomu neGomora akaapa mhosva nokuaroromesa, achiisira vanhu vasingadi Mwari muenzaniso wezvinhu zvichauya.”—2 Petro 2:5, 6.

Zviito izvi zvokuranga zvakanga zvi“chiisira vanhu vasingadi Mwari muenzaniso wezvinhu zvichauya” mupfungwai? Mutsamba yaPauro kuVaTesaronika, anotaura nezvezuva redu senguva apo Mwari, acha“tsiva vasingazivi Mwari uye vasingateereri mashoko akanaka,” achishandisa Mwanakomana wake, Jesu Kristu. Pauro anowedzera kuti: “Ivava vachatongerwa kuparadzwa nokusingaperi.” (2 VaTesaronika 1:8, 9) Zviri pachena kuti, kuranga kwakadaro hakuna kugadzirirwa kudzidzisa kana kunatsiridza vari kurangwa vacho. Zvisinei, apo Jehovha anokoka vanamati vake kuti vabvume kurayirwa, haasi kureva nezvokurangwa kwevatadzi vasingapfidzi.

Zvinokosha kuti Bhaibheri haritsananguri Jehovha somunhu anongoranga chete. Asi, kakawanda anotsanangurwa somudzidzisi ane rudo uye murayiridzi anoshivirira. (Jobho 36:22; Pisarema 71:17; Isaya 54:13) Hungu, kurayira kwaMwari kunopiwa kuti kururamise nguva dzose kunenge kune rudo neshiviriro. Nokunzwisisa chinangwa chechirango, zvakakodzera kuti vaKristu vabvume uye kuti vape chirango nemaonero akanaka.

Kurayira Kwevabereki Vane Rudo

Mumhuri uye muungano yechiKristu, pane kudiwa kwokuti vanhu vose vanzwisise chinangwa chechirango. Izvi zvakadaro kunyanya kune vaya vari munzvimbo dzokutarisira vamwe, vakadai sevabereki. Zvirevo 13:24 inoti: “Unorega shamhu unovenga mwanakomana wake; asi unomuda, unomuranga zvakanaka.”

Vabereki vanofanira kurayira sei? Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Imi, madzibaba, musatsamwisa vana venyu, asi rambai muchivarera mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4) Kurudziro iyi inodzokororwa mumashoko aya: “Imi madzibaba, musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”—VaKorose 3:21.

Vabereki vechiKristu vanonzwisisa chinangwa chechirango havazoiti nehasha. Pfungwa inotaurwa pana 2 Timoti 2:24 inogona kushandiswa munzira iyo vabereki vanorayiridza nayo. Pauro akanyora kuti: “Muranda waShe haafaniri kurwa, asi anofanira kuva munyoro kune vose, anokwanisa kudzidzisa.” Kungoputika nehasha, kupopota, uye kutuka kana kunyomba hazvimbokodzeri kurayira kworudo uye hazvina nzvimbo muupenyu hwomuKristu.—VaEfeso 4:31; VaKorose 3:8.

Kururamisa kwevabereki kunopfuura kutsunga kungoranga nokukurumidza. Vana vakawanda vanoda kuramba vachirayirwa vasati vachinja mafungiro avo. Saka vabereki vanofanira kupedza nguva, kushivirira, uye kufungisisa nzira yavanorayira nayo. Vanofanira kuramba vachiziva kuti vana vanofanira kurerwa “mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” Izvi zvinoreva kurovedza kunotora makore akawanda.

Vafudzi vechiKristu Vanorayira Nounyoro

Izvozvowo zvinoshanda kuvakuru vechiKristu. Sevafudzi vane rudo, vanoedza kuvaka boka nokupa mirayiridzo, nhungamiro, uye kutsiura pazvinodiwa. Mukuita kudaro, vanenge vachifunga nezvechinangwa chaicho chokurayira. (VaEfeso 4:11, 12) Dai vaizoomerera pakuranga chete, vaizongoranga anotadza vomusiya akadaro. Kurayira kunotungamirirwa nemitemo yaMwari kunopfuura ipapo. Vachikurudzirwa norudo, vakuru vanoramba vachiedza kuona kuti zano ravo riri kutevedzerwa here. Nokuti vane hanya zvepachokwadi, kakawanda vanoronga nguva dzokukurudzira uye kurovedza.

Maererano nekurudziro inowanikwa pana 2 Timoti 2:25, 26, kunyange vachishanda nevaya vasingakurumidzi kubvuma zano, vakuru vanofanira kudzidzisa “nounyoro.” Ipapo rugwaro runobva rwapa chinangwa chechirango: “Zvimwe Mwari avape rupfidzo zvichitungamirira kuzivo yakarurama pamusoro pechokwadi, uye vangapengenukazve kubva mumusungo waDhiyabhorosi.”

Pane dzimwe nguva, zvakakodzera kudzinga muungano vatadzi vasingapfidzi. (1 Timoti 1:18-20) Kunyange chiito chakaomarara kudaro chinofanira kuonekwa sokurayira, kwete kungoranga chete. Nguva nenguva, vakuru vanoedza kushanyira vanhu vakadzingwa vanenge vasiri kuita zvinhu zvakaipa. Mukushanya kwakadaro, vakuru vanoita maererano nechinangwa chaicho chokurayira nokutaura nhanho dzinodiwa kuti munhu adzokere muungano yechiKristu.

Jehovha Ndiye Mutongi Akakwana

Vabereki, vafudzi vechiKristu, nevamwe vane chiremera chepaMagwaro chokurayira vanofanira kuita basa iroro sezvariri. Havafaniri kufanotongera vamwe kuti havambofi vakagadzirisika. Nokudaro, kurayira kwavo hakufaniri kuva chirango chokutsiva kana choutsinye.

Chokwadi, Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha ndiye achaita chirango chakaomarara uye chokupedzisira. Kutaura zvazviri, Magwaro anotaura kuti “chinhu chinotyisa kuwira mumaoko aMwari mupenyu.” (VaHebheru 10:31) Asi hapana munhu anofanira kuedza kuzvienzanisa naJehovha munyaya iyi kana imwewo zvayo. Uye hapana anofanira kuva nechikonzero chokunzwa kuti zvinotyisa kuwira mumaoko omubereki kana omumwe mukuru ari muungano.

Jehovha anogona kuenzanisa zvinhu zvakakwana paanenge achirayira. Vanhu havagoni. Mwari anogona kuverenga mwoyo oona kana mumwe munhu asingachagoni kururamiswa uye achizofanira kurangwa zvikuru pakupedzisira. Asi vanhu havagoni kupa mutongo wakadaro. Nechikonzero ichocho, kana pachidiwa kurayira, vaya vane chiremera vanofanira kuita kudaro nguva dzose nechinangwa chokururamisa.

Kubvuma Kurayira kwaJehovha

Tose tinoda kurayira kwaJehovha. (Zvirevo 8:33) Chaizvoizvo, tinofanira kuda kurayira kunobva muShoko raMwari. Sezvatinodzidza Shoko raMwari, tinogona kubvuma kurayira kunobva zvakananga kuna Jehovha kuchiuya nomumagwaro. (2 Timoti 3:16, 17) Zvisinei, dzimwe nguva tinogona kurayirwa nevamwe vaKristu. Kuziva chinangwa chaicho chokurayira kwakadaro kuchatibatsira kubvuma nokuzvidira.

Muapostora Pauro akabvuma kuti: “Chokwadi, hapana chirango chinoita sechinofadza panguva ino, asi chinoshungurudza.” Akabva awedzera kuti: “Asi gare gare chinoberekera vakarovedzwa nacho chibereko chine rugare, iko kururama.” (VaHebheru 12:11) Kurayira kwaJehovha kuratidzwa kwokutida kwake zvikuru. Tingava tichirayirwa kana kurayira, ngatirambe tichiziva chinangwa chokurayira kwaMwari toteerera zano reBhaibheri rinoti: “Natsa kubata kurayirirwa; usakuregedza; ukuchengete, nokuti ndihwo upenyu hwako.”—Zvirevo 4:13.

[Mifananidzo iri papeji 21]

Vatadzi vasingapfidzi vanorangwa naMwari, havawani kurayira kwokururamisa

[Mifananidzo iri papeji 22]

Vachitumwa norudo, vakuru vanopedza nguva yakawanda vachitsvakurudza mashoko uye kubatsira vanotadza

[Mifananidzo iri papeji 23]

Vabereki vano‘ranga nokutungamirira ndangariro kwaJehovha’ nenzira yokushivirira uye yorudo