Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupindira kwaMwari—Chii Chatingatarisira?

Kupindira kwaMwari—Chii Chatingatarisira?

Kupindira kwaMwari—Chii Chatingatarisira?

MUZANA remakore rechisere B.C.E., Mambo Hezekia akanga ava nemakore 39 akaziva kuti akanga ane chirwere chinouraya. Achishushikana nemashoko aya, Hezekia akateterera Mwari mumunyengetero kuti amurape. Achishandisa muprofita wake, Mwari akapindura kuti: “Ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu.”—Isaya 38:1-5.

Nei Mwari akapindira pachiitiko ichocho? Mazana emakore izvi zvisati zvaitika, Mwari akanga avimbisa Mambo Dhavhidhi akanga akarurama kuti: “Imba yako noushe hwako zvichasimbiswa pamberi pako nokusingaperi; nechigaro chako choushe chichasimbiswa nokusingaperi.” Mwari akazivisawo kuti Mesiya aizoberekerwa mudzinza raDhavhidhi. (2 Samueri 7:16; Pisarema 89:20, 26-29; Isaya 11:1) Hezekia paakarwara, akanga asati ava nomwanakomana. Nokudaro dzinza roumambo raDhavhidhi rakanga rava mungozi yokuguma. Kupindira kwaMwari munyaya yaHezekia kwakapedza chinangwa chaicho chokudzivirira dzinza raitungamirira kuna Mesiya.

Kuti azadzike zvipikirwa zvake, Jehovha akanzwa achida kupindira nokuda kwevanhu vake pazviitiko zvakawanda munguva yose yakatangira chiKristu. Mosesi akazivisa maererano nokununurwa kwaIsraeri muuranda muIjipiti kuti: “Nokuti Jehovha unokudai, uye nokuti wakanga achida kusimbisa kupika kwaakapikira madzibaba enyu, nokuda kwaizvozvo Jehovha wakakubudisai nechanza chine simba.”—Dheuteronomio 7:8.

Muzana remakore rokutanga, kupindira kwaMwari kwakashandawo kufambisira mberi zvinangwa zvake. Somuenzaniso, mumugwagwa waienda kuDhamasiko, mumwe muJudha ainzi Sauro akaona chiratidzo chinoshamisa kuti arege kutambudza vadzidzi vaKristu. Kutendeuka kwomurume uyu, akazova muapostora Pauro, kwakaita basa rinokosha mukuparadzirwa kwemashoko akanaka kumarudzi.—Mabasa 9:1-16; VaRoma 11:13.

Aifanira Kupindira Nguva Dzose Here?

Kupindira kwaMwari waiva mutemo here kana kuti kwaingoitwawo pane dzimwe nguva? Magwaro anoratidza zvakajeka kuti handizvo zvaigara zvichiitwa. Kunyange zvazvo Jehovha akanunura majaya matatu echiHebheru kuti asaurayiwa muchoto chinopfuta kwazvo uye muprofita Dhanieri mugomba reshumba, haana zvaakaita kuti anunure vamwe vaprofita murufu. (2 Makoronike 24:20, 21; Dhanieri 3:21-27; 6:16-22; VaHebheru 11:37) Petro akanunurwa zvinoshamisa mujeri maakanga avharirwa naHerodhi Agiripa I. Asi, mambo iyeyu zvakare akaita kuti Jakobho aurayiwe, uye Mwari haana kupindira kuti adzivise mhosva iyi. (Mabasa 12:1-11) Kunyange Mwari akapa vaapostora simba rokurapa vanorwara uye kunyange kumutsa vakafa, haana kubvuma kubvisa “munzwa munyama” wakatambudza muapostora Pauro, ungadaro waiva chirwere chomumuviri.—2 VaKorinde 12:7-9; Mabasa 9:32-41; 1 VaKorinde 12:28.

Mwari haana kupindira kuti adzivise kutambudzwa kwakangoerekana kwava kuitwa vadzidzi vaKristu naMambo weRoma, Nero. VaKristu vakatambudzwa, vakapiswa vari vapenyu, uye vakakandirwa kumhuka dzesangano. Zvisinei, kupikiswa uku hakuna kushamisa vaKristu vokutanga, uye hakuna kumboderedza kutenda kwavaiita kuti Mwari ariko. Pamusoro pazvo, Jesu akanga anyevera vadzidzi vake kuti vaizoendeswa pamberi pematare uye kuti vaifanira kugadzirira kutambura uye kunyange kufira kutenda kwavo.—Mateu 10:17-22.

Sezvaakangoita kare, nhasi Mwari anokwanisa chaizvo kununura vashumiri vake mumamiriro ezvinhu ane ngozi, uye vaye vanofunga kuti vakadzivirirwa naye havafaniri kutsoropodzwa. Zvisinei, zvakaoma kutaura zvakasimba kana Mwari akapindira kana kuti asina kupindira muzviitiko izvozvo. Vashumiri vaJehovha vakawanda vakakuvadzwa nokuputika kwakaitika muToulouse, uye zviuru zvevaKristu vakatendeka zvakafira mumisasa yeNazi neyechiKomonisti kana kuti mune mamwe mamiriro ezvinhu anorwadza pasina kupindira kwaMwari kuti azvidzivise. Nei Mwari asingapindiri nguva dzose nokuda kwevose vaanotendera?—Dhanieri 3:17, 18.

“Nguva Nezvinoitika”

Panoitika njodzi, munhu upi noupi anogona kukuvadzwa kana kuurayiwa, uye kutendeka kuna Mwari handiko hako kunoratidza mafambiro achaita zvinhu. Pakuputika kwakaitika kuToulouse, pakapona Alain naLiliane, vanhu 30 vakafa uye mazana akakuvara, kunyange zvazvo yakanga isiri mhosva yavo. Pamwero mukuru, makumi ezviuru evanhu anoona nhamo noutsotsi, kutyaira zvine ngozi, kana kuti hondo, uye Mwari haangapiwi mhosva yenjodzi dzavanosangana nadzo. Bhaibheri rinotiyeuchidza kuti “nguva nezvinoitika” zvinowira munhu wose.—Muparidzi 9:11.

Pamusoro pazvo, vanhu vanorwara, vanokwegura, uye vanofa. Kunyange vamwe vakafunga kuti Mwari akavaponesa nenzira inoshamisa kana kuti vakamupa mbiri yokupora kwavakaita pachirwere chavo vasingazvitarisiri pakupedzisira vakazofa. Kubviswa kwezvirwere norufu uye ‘kupukutwa kwemisodzi yose’ mumaziso evanhu zvichiri zvomunguva yemberi.—Zvakazarurwa 21:1-4.

Kuti izvozvo zviitike, panodiwa chimwe chinhu chakakura kwazvo uye chinokosha zvikuru kupfuura kupindira pano neapo. Bhaibheri rinotaura nezvechiitiko chinonzi “zuva guru raJehovha.” (Zefania 1:14) Mukupindira kukuru uku, Mwari achabvisa uipi hwose. Vanhu vachapiwa mukana wokurarama nokusingaperi mumamiriro ezvinhu akakwana, umo ‘zvinhu zvakare zvisingazorangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.’ (Isaya 65:17) Kunyange vakafa vachamutswa, nokudaro zvichigadzirisa inonzi nhamo huru kupfuura dzose dzevanhu. (Johani 5:28, 29) Norudo rwake rusingaperi uye nokunaka kwake, Mwari achave agadzirisa zvinetso zvevanhu zvachose.

Kupindira Kunoita Mwari Nhasi

Zvisinei, izvi hazvirevi kuti Mwari panguva ino anongotarisa asina hanya apo zvisikwa zvinenge zvichitambura. Nhasi, Mwari ari kupa vanhu vose mukana wokusvika pakumuziva uye wokutanga ukama hwavo pachavo naye, pasinei nedzinza kana magariro avo. (1 Timoti 2:3, 4) Jesu akarondedzera izvi nemashoko aya: “Hapana munhu angagona kuuya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasamukweva.” (Johani 6:44) Mwari anoswededza vanhu vane mwoyo yakatendeseka kwaari achishandisa shoko roUmambo rinoziviswa pasi pose nevashumiri vake.

Mukuwedzera, Mwari ane zvaanonyatsoita noupenyu hwevaya vanoda kutungamirirwa naye. Achishandisa mudzimu mutsvene wake, Mwari ari ‘kuvhura mwoyo yavo’ kuti inzwisise kuda kwake uye ishandise zvaanoda. (Mabasa 16:14) Chokwadi, nokupa mukana wokusvika pakumuziva iye, Shoko rake, uye zvinangwa zvake, Mwari anopa uchapupu hwokufarira norudo kwaanoita mumwe nomumwe wedu.—Johani 17:3.

Pakupedzisira, Mwari anobatsira vashumiri vake nhasi, kwete nokuvanunura nenzira inoshamisa, asi nokuvapa mudzimu mutsvene wake uye “simba rinopfuura romuzvarirwo” kuti vatsungirire chero mamiriro ezvinhu api zvawo avangatarisana nawo. (2 VaKorinde 4:7) Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndine simba rokuita zvinhu zvose nemhaka youyo [Jehovha Mwari] anondipa simba.”—VaFiripi 4:13.

Saka tine zvikonzero zvokuonga Mwari zuva rimwe nerimwe nokuda kwoupenyu uye nokuda kwetariro yaanotipa yokurarama nokusingaperi munyika isina kutambura kwose. “Ndichavigireiko Jehovha pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri?” akabvunza kudaro munyori wepisarema. “Ndichasimudza mukombe wokuponeswa, ndichidana zita raJehovha.” (Pisarema 116:12, 13) Kuverenga magazini ino nguva dzose kuchakubatsira kunzwisisa zvakaitwa naMwari, zvaari kuita, uye zvaachaita izvo zvinogona kukupa mufaro iye zvino uye tariro yakasimba yenguva yemberi.—1 Timoti 4:8.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

“Zvinhu zvakare hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.”—Isaya 65:17

[Mifananidzo iri papeji 5]

Munguva dzinotaurwa muBhaibheri, Jehovha haana kudzivisa kutemwa nematombo kwaZakaria . . .

kunyange kuparadzwa kwevaisava nemhosva naHerodhi

[Mufananidzo uri papeji 7]

Nguva yava pedyo apo kutambura kuchava kusisipo; kunyange vakafa vachararamazve