Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutambudzwa Nokuda Kwokururama

Kutambudzwa Nokuda Kwokururama

Kutambudzwa Nokuda Kwokururama

“Vanofara avo vakatambudzwa nokuda kwokururama.”—MATEU 5:10.

1. Nei Jesu aiva pamberi paPondiyo Pirato, uye Jesu akatii?

“IZVI ndizvo zvandakaberekerwa, uye ndizvo zvandakauyira munyika, kuti ndipupurire chokwadi.” (Johani 18:37) Jesu paakataura mashoko aya, aiva pamberi paPondiyo Pirato, Gavhuna wechiRoma weJudhiya. Jesu akanga asina kuzvisarudzira kuuya ipapo kana kuti kudaidzwa naPirato. Asi, aivapo nokuti vatungamiriri vechitendero vechiJudha vakanga vamupomera zvenhema kuti aiva mutadzi akafanirwa norufu.—Johani 18:29-31.

2. Chii chakaitwa naJesu, zvikazoguma nei?

2 Jesu ainyatsoziva kuti Pirato aiva nesimba rokumusunungura kana kumuuraya. (Johani 19:10) Asi izvozvo hazvina kumutadzisa kutaurira Pirato pamusoro poUmambo noushingi. Kunyange upenyu hwaJesu hwaiva mungozi, akashandisa mukana wacho kuti apupurire kumunhu aiva nesimba guru rehurumende kupfuura ani zvake munharaunda yacho. Pasinei nouchapupu ihwohwo, Jesu akatongwa ndokuurayiwa, achifa rufu runorwadza padanda rokutambudzikira nokuda kwezvaaitenda.—Mateu 27:24-26; Mako 15:15; Ruka 23:24, 25; Johani 19:13-16.

Aiva Chapupu Here Kana Kuti Munhu Anofira Zvaanotenda?

3. Mashoko okuti “anofira zvaanotenda” airevei munguva dzinotaurwa muBhaibheri, asi anorevei nhasi?

3 Kuvanhu vakawanda nhasi, munhu anofira zvaanotenda haana kusiyana nomunyanyisi, munhu anopfuura mwero. Vaya vanoda kufira zvavanotenda, kunyanya zvechitendero, kakawanda vanowanzofungidzirwa kuti magandanga kana kuti ingozi kunzanga. Zvisinei, rondedzero yokuti anofira zvaanotenda inobva pashoko rechiGiriki (marʹtys) iro munguva dzinotaurwa muBhaibheri raireva “chapupu,” munhu anopupurira chokwadi chaanodavira, zvimwe panyaya iri kutongwa mudare. Yaiva imwe nguva gare gare apo shoko racho rakazoreva “munhu anopa upenyu hwake nokuda kwokupupurira,” kana kuti kunyange kupupurira kuburikidza nokupa upenyu hwako.

4. Jesu akafirei chaizvoizvo?

4 Jesu akafira zvinorehwa chaizvoizvo nepfungwa yokutanga yeshoko racho. Sezvaakaudza Pirato, akauya kuti a“pupurire chokwadi.” Kupupurira kwake kwakaita kuti vanhu vave nemanzwiro akasiyana-siyana. Vamwe pakati poruzhinji rwevanhu vakaororwa zvikuru nezvavakanzwa nokuona, uye vakatenda muna Jesu. (Johani 2:23; 8:30) Ruzhinji rwevanhu nevatungamiriri vezvitendero zvikurukuru vakava nemanzwiro akasimba—asi okusafarira. Jesu akataura kuhama dzake dzakanga dzisingatendi kuti: “Nyika haina chikonzero chokukuvengai, asi inondivenga, nokuti ndinopupura pamusoro payo kuti mabasa ayo akaipa.” (Johani 7:7) Nokuda kwokupupurira chokwadi, Jesu akavengwa nevatungamiriri vemarudzi, izvo zvakaita kuti aurayiwe. Chokwadi, aiva “chapupu chakatendeka nechechokwadi (marʹtys).”—Zvakazarurwa 3:14.

“Muchavengwa”

5. Kumavambo oushumiri hwake, Jesu akatii nezvokutambudzwa?

5 Jesu haana kungotambudzwa zvakaoma iye pachake bedzi asi akafanonyeverawo vateveri vake kuti naivo vaizotambudzwawo. Kumavambo oushumiri hwake, Jesu akaudza vateereri vake muMharidzo yepaGomo kuti: “Vanofara avo vakatambudzwa nokuda kwokururama, sezvo umambo hwokumatenga huri hwavo. Munofara imi apo vanhu vanokuzvidzai nokukutambudzai nokukureverai zvenhema chinhu chakaipa chorudzi rwose nokuda kwangu. Farai musvetuke nomufaro, sezvo mubayiro wenyu uri mukuru kumatenga.”—Mateu 5:10-12.

6. Inyeveroi yakapiwa naJesu paakatuma vaapostora 12?

6 Gare gare, paakatuma vaapostora vake 12, Jesu akavaudza kuti: “Chenjererai vanhu; nokuti vachakuisai kumatare emunzvimbo imomo, uye vachakuzvamburai mumasinagogi avo. Chokwadi, muchamanikidzwa kuenda pamberi pemagavhuna nemadzimambo nokuda kwangu, nokuda kwouchapupu kwavari uye nokuna mamwe marudzi.” Asi vakuru vezvitendero havasirivo voga vaizotambudza vadzidzi. Jesu akatiwo: “Mukoma achaisa munun’una kurufu, uye baba mwana wavo, uye vana vachamukira vabereki vachivaita kuti vaurawe. Uye muchavengwa nevanhu vose nemhaka yezita rangu; asi iye anenge atsungirira kusvikira kumugumo ndiye achaponeswa.” (Mateu 10:17, 18, 21, 22) Nhoroondo yevaKristu vomuzana remakore rokutanga inopupurira kuti mashoko aya ndeechokwadi.

Chinyorwa Chokutsungirira Nokutendeka

7. Stefani akaurayirwei?

7 Nguva pfupi pashure porufu rwaJesu, Stefani ndiye akava muKristu wokutanga kufira kupupurira chokwadi. Akanga “azere nenyasha nesimba [uye] akanga achiita manenji nezviratidzo zvikuru pakati pevanhu.” Vavengi vake vechitendero “havana kugona kumupikisa pauchenjeri nomudzimu waakanga achitaura nawo.” (Mabasa 6:8, 10) Vakazara negodo, vakazvuzvurudza Stefani vachienda naye pamberi peSanihedrini, dare repamusoro rechiJudha, uko akatarisana nevapomeri vake venhema achibva apa uchapupu hwakasimba. Zvisinei, pakupedzisira, vavengi vaStefani vakauraya chapupu chakanga chakatendeka ichi.—Mabasa 7:59, 60.

8. Vadzidzi vaiva muJerusarema vakanzwa sei nokutambudzwa kwakauya pavari pashure porufu rwaStefani?

8 Zvichitevera kupondwa kwaStefani, “chitambudzo chikuru chakamuka paungano yakanga iri muJerusarema; vose kunze kwevaapostora vakapararira munzvimbo dzose dzeJudhiya neSamariya.” (Mabasa 8:1) Kutambudzwa kwakamisa kupupurira kwechiKristu here? Kusiyana neizvi, nhoroondo yacho inotiudza kuti “avo vakanga vapararira vakapfuura nomunyika iyoyo vachizivisa mashoko akanaka eshoko.” (Mabasa 8:4) Vanofanira kunge vakanzwa semanzwiro akaita muapostora Petro paakanga ataura kuti: “Tinofanira kuteerera Mwari somutongi panzvimbo pevanhu.” (Mabasa 5:29) Pasinei zvapo nokutambudzwa, vadzidzi ivavo vakanga vakatendeka uye vaiva noushingi vakaramba vachiita basa rokupupurira chokwadi, kunyange zvazvo vaiziva kuti izvi zvaizotungamirira kumamwe matambudziko.—Mabasa 11:19-21.

9. Vateveri vaJesu vakaramba vachitambudzwa nenzira ipi?

9 Ichokwadi kuti kutambura hakuna kumira. Chokutanga, tinonzwa kuti Sauro—murume akaona kutemwa nematombo kwaStefani achibvumirana nazvo—“achine shungu dzokutyisidzira nokuponda vadzidzi vaShe, akaenda kumupristi mukuru akamukumbira tsamba dzokuenda kumasinagogi eDhamasiko, kuti aunze vakasungwa kuJerusarema vapi nevapi vaaizowana vaiva veNzira Iyi, varume nevakadzi.” (Mabasa 9:1, 2) Zvadaro, munenge mugore ra44 C.E., “Herodhi mambo akashandisa maoko ake kuitira zvakaipa vamwe veungano. Akauraya Jakobho mukoma waJohani nebakatwa.”—Mabasa 12:1, 2.

10. Chinyorwai chokutambudzwa chatinowana muna Mabasa naZvakazarurwa?

10 Chikamu chasara chebhuku raMabasa chine chinyorwa chisingadzimiki chemiedzo, kuiswa mujeri, uye kutambudzwa kwakatsungirirwa nevakatendeka vakadai saPauro, uyo aimbova mutambudzi akazova muapostora, uyo zvichida akaurayirwa zvaaitenda naMambo wechiRoma Nero munenge muna 65 C.E. (2 VaKorinde 11:23-27; 2 Timoti 4:6-8) Pakupedzisira mubhuku raZvakazarurwa, iro rakanyorwa pedyo nokumagumo ezana remakore rokutanga, tinowana kuti muapostora Johani anoiswa mujeri pachitsuwa chePatimosi “nemhaka yokutaura pamusoro paMwari nokupupurira Jesu.” Bhuku raZvakazarurwa rinotaurawo nezva“Andipasi, chapupu changu, chakatendeka, chakaurawa” muPegamo.—Zvakazarurwa 1:9; 2:13.

11. Upenyu hwevaKristu vekare hwakaratidza sei kuti mashoko aJesu pamusoro pokutambudzwa aiva echokwadi?

11 Zvose izvi zvakaratidza kuti mashoko aJesu kuvadzidzi vake ndeechokwadi okuti: “Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo.” (Johani 15:20) VaKristu vakatendeka vekare vakanga vakagadzirira kutarisana nomuedzo mukuru, rufu—nokutambudzwa, nokukandirwa kumhuka dzesango, kana kuti nomumwe mutoo upi zvawo—kuitira kuti vaite basa ravakapiwa naIshe Jesu Kristu paakati: “Muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi rwuri kure zvikuru rwepasi.”—Mabasa 1:8.

12. Nei kutambudzwa kwevaKristu isingori nyaya yakaitika kare?

12 Kana mumwe akafunga kuti kutambudzwa kwoutsinye kwakadaro kwevateveri vaJesu kwakangoitika kare chete, anenge asina kururama zvachose. Pauro, uyo sezvataona akatsungirira nhamo dzakewo, akanyora kuti: “Vose vanoda kurarama nokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12) Nezvokutambudzwa, Petro akati: “Chaizvoizvo, makadanirwa izvozvi, nokuti kunyange Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake.” (1 Petro 2:21) Kusvikira kuano “mazuva okupedzisira” enyika ino, vanhu vaJehovha vanoramba vachingovengwa nokuitirwa utsinye. (2 Timoti 3:1) Kumativi ose epasi, mukutonga kwehurumende dzoudzvinyiriri uye nyika dzine hurumende dzinosarudzwa nevanhu, Zvapupu zvaJehovha zvakatambudzwa panguva dzakasiyana-siyana, somunhu mumwe nomumwe uye zvakawanda.

Nei Tichivengwa Nokutambudzwa?

13. Vashumiri vaJehovha vemazuva ano vanofanira kuzivei pamusoro pokutambudzwa?

13 Kunyange zvazvo vakawanda vedu nhasi tiine rusununguko norunyararo rwakati rwokuparidza nokuungana norugare, tinofanira kufungisisa chiyeuchidzo cheBhaibheri chokuti “mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.” (1 VaKorinde 7:31) Zvinhu zvinogona kuchinja nokukurumidza zvikuru zvokuti kana tisina kugadzirira mupfungwa, mumanzwiro edu, uye mumudzimu, tinogona kupingirishwa nyore nyore. Zvino, chii chatingaita kuti tizvidzivirire? Nzira yakasimba yokuzvidzivirira nayo ndeyokunyatsoziva kuti nei vaKristu vanoda rugare uye vanoteerera mutemo vachivengwa nokutambudzwa.

14. Petro akati vaKristu vaitambudzirwa chii?

14 Muapostora Petro akataura nezvenyaya iyi mutsamba yake yokutanga, yaakanyora munenge muna 62-64 C.E., apo vaKristu muUmambo hweRoma hwose vakanga vachiedzwa uye vachitambudzwa. Akati: “Vanodiwa, musashamiswa nemoto uri kubvira pakati penyu, zviri kuitika kwamuri kuti muedzwe, sokunge kuti chinhu chitsva chiri kukuwirai.” Kuti atsanangure zvaakanga achifunga, Petro akaenderera mberi achiti: “Ngaparege kuva nomumwe wenyu anotambura nokuti imhondi kana mbavha kana muiti wezvakaipa kana nokuti anopindira munhau dzevamwe vanhu. Asi kana achitambura nokuti muKristu, ngaarege kunyara, asi ngaarambe achipa mbiri kuna Mwari muzita iri.” Petro akataura kuti vakanga vachitambura, kwete nokuti vaikanganisa, asi nokuda kwezvavaiva. Kudai vakanga vachifara mu“mumatope ezvakaipa” sezvaiita vanhu vakanga vakavapoteredza, vangadai vakagamuchirwa nokufarirwa navo. Sezvazvakanga zviri, vakatambura nokuti vaiedza kurarama maererano nebasa ravo sevateveri vaKristu. Ndiwo mamiriro akaita zvinhu kuvaKristu vechokwadi nhasi.—1 Petro 4:4, 12, 15, 16.

15. Musiyanoi unooneka mumabatirwo anoitwa Zvapupu zvaJehovha nhasi?

15 Mumativi akawanda epasi pano, Zvapupu zvaJehovha zvinorumbidzwa pachena nokuda kwokubatana nokushandira pamwe kwazvinoratidza pakokorodzano dzazvo nezvirongwa zvokuvaka, nokuda kwokutendeseka kwazvo nokubishaira, nokuda kwomuenzaniso wazvo wokuzvibata uye upenyu hwemhuri, uye kunyange nokuda kwechitarisiko chazvo chakanaka uye ruremekedzo. * Ukuwo, basa razvo riri kurambidzwa kana kuti harina kusununguka munyika dzinenge 28 panguva yokunyorwa kwenyaya ino, uye zvapupu zvakawanda zvinotambura nokubatwa zvisina kunaka uye kurasikirwa nezvinhu pamusana pokutenda kwazvo. Nei pane musiyano unooneka zvakadaro? Uye nei Mwari achiubvumira?

16. Ndechipi chiri chikonzero chikuru chokubvumira kwaMwari kuti vanhu vake vatambudzwe?

16 Chokutanga, tinofanira kugara tichiyeuka mashoko aZvirevo 27:11 anoti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.” Chokwadi, imhaka yenyaya youchangamire pazvinhu zvose yava nemakore nemakore iripo. Pasinei nokuwanda kwouchapupu hwakapiwa nevose vakaratidza kuva vakatendeka kuna Jehovha mumazana emakore ose aya, Satani haana kurega kushora Jehovha sezvaakaita mumazuva omurume aiva akarurama Jobho. (Jobho 1:9-11; 2:4, 5) Hapana mubvunzo kuti Satani ava kuparapatika mukuedza kwake kwokupedzisira kuonesa zvaakataura, sezvo Umambo hwaMwari hwanyatsogadzwa, huine vanhu vahwo nevamiririri vakavimbika pasi pose. Ivava vacharamba vakatendeka kuna Mwari pasinei nenhamo nokutambura kungauya pavari here? Uyu ndiwo mubvunzo uyo mushumiri mumwe nomumwe waJehovha anofanira kuzvipindurira.—Zvakazarurwa 12:12, 17.

17. Jesu airevei nemashoko okuti “zvichakuitai kuti mupupurire”?

17 Achiudza vadzidzi vake zviitiko zvaizotora nzvimbo mu“kuguma kwegadziriro yezvinhu,” Jesu akaratidza chimwe chikonzero nei Jehovha achibvumira kuti vashumiri vake vatambudzwe. Akavaudza kuti: Mucha“endeswa pamberi pemadzimambo nemagavhuna nokuda kwezita rangu. Zvichakuitai kuti mupupurire.” (Mateu 24:3, 9; Ruka 21:12, 13) Jesu pachake akapupurira pamberi paHerodhi naPondiyo Pirato. Muapostora Pauro zvakare aka“endeswa pamberi pemadzimambo nemagavhuna.” Arayirwa naIshe Jesu Kristu, Pauro akatsvaka kupa uchapupu kumutongi aiva nesimba zvikuru wezuva racho paakati: “Ndinokwirira kuna Kesari!” (Mabasa 23:11; 25:8-12) Saizvozvowo nhasi, mamiriro ezvinhu anoedza kakawanda akaguma nokupiwa kwouchapupu hwakanaka kwazvo kuvakuru vakuru uye ruzhinji rwevanhu. *

18, 19. (a) Kutsungirira miedzo kuchatibatsira sei? (b) Mibvunzoi ichakurukurwa munyaya inotevera?

18 Pakupedzisira, kutsungirira miedzo nokutambudzwa kunogona kutibatsira isu pachedu. Munzira ipi? Mudzidzi Jakobho akayeuchidza hama dzake dzechiKristu kuti: “Zvose zvifungei kuva mufaro, hama dzangu, pamunosangana nemiedzo yakasiyana-siyana, sezvamunoziva kuti kutenda kwenyu uku kwakaedzwa kunoparira kutsungirira.” Chokwadi, kutambudzwa kunogona kunatsiridza kutenda kwedu nokusimbisa kutsungirira kwedu. Nokudaro, hatityi kutambudzwa, uye hatitsvaki nzira dzisingatenderwi neMagwaro dzokukunzvenga nadzo kana kukugumisa. Pane kudaro, tinoteerera zvakarayirwa naJakobho zvokuti: “Kutsungirira ngakupedze basa rakwo, kuti muve vakakwana uye vakanaka mumativi ose, pasina chamunoshayiwa.”—Jakobho 1:2-4.

19 Kunyange zvazvo Shoko raMwari richitibatsira kunzwisisa chikonzero nei vashumiri vakatendeka vaMwari vachitambudzwa uye chikonzero nei Jehovha achikubvumira, izvozvo hazviiti hazvo kuti kutambudzwa kuve nyore kutsungirira. Chii chingatisimbisa kuti tirwisane nako? Chii chatingaita patinotarisana nokutambudzwa? Tichakurukura nhau dzinokosha idzi munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Ona Nharireyomurindi yaDecember 15, 1995, mapeji 27-9; April 15, 1994, mapeji 16-17; uye Mukai! yaJanuary 8, 1994, mapeji 21-28.

Ungatsanangura Here?

• Jesu akafirei chaizvoizvo?

• Kutambudzwa kwakaita kuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga vanzwe sei?

• Sezvakatsanangurwa naPetro, nei vaKristu vekare vaitambudzwa?

• Jehovha anobvumira vashumiri vake kutambudzwa nokuda kwezvikonzeroi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10, 11]

VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakatambura, kwete nokuti vaikanganisa, asi nokuda kwezvavaiva

PAURO

JOHANI

ANDIPASI

JAKOBHO

STEFANI