Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutsungirira Miedzo Kunoita Kuti Jehovha Arumbidzwe

Kutsungirira Miedzo Kunoita Kuti Jehovha Arumbidzwe

Kutsungirira Miedzo Kunoita Kuti Jehovha Arumbidzwe

“Kana muchiti mukaita zvakanaka motambura uye motsungirira, ichi chinhu chinofadza Mwari.”— 1 PETRO 2:20.

1. Sezvo vaKristu vechokwadi vachida kurarama maererano nokuzvitsaurira kwavo, mubvunzoi unofanira kufungwa nezvawo?

VAKRISTU vakazvitsaurira kuna Jehovha uye vanoda kuita zvaanoda. Kuti vararame maererano nokuzvitsaurira kwavo, vanoita zvose zvavanogona kuti vatevedzere makwara oMuenzaniso wavo, Jesu Kristu, uye kuti vapupurire chokwadi. (Mateu 16:24; Johani 18:37; 1 Petro 2:21) Zvisinei, Jesu nevamwe vakatendeka vakapa upenyu hwavo vakafa sevanhu vanofira kutenda kwavo. Izvi zvinoreva here kuti vaKristu vose vangatarisira kufira kutenda kwavo?

2. VaKristu vanoona sei miedzo nokutambura?

2 SevaKristu, tinorayirwa kuti tive vakatendeka kusvikira parufu, kwete hazvo kufira kutenda kwedu. (2 Timoti 4:7; Zvakazarurwa 2:10) Izvi zvinoreva kuti kunyange tichibvuma kutambura—uye kana zvichidiwa,—kufira kutenda kwedu, hatinakidzwi nazvo. Hatifariri kutambura uye hatinakidzwi nemarwadzo kana kunyadziswa. Zvisinei, sezvo tichiziva kuti tinogona kuedzwa uye kutambudzwa, tinofanira kufungisisa zvatingaita kana zvakadaro zvikativinga.

Kutendeka Mumiedzo

3. Mienzaniso ipi yomuBhaibheri yokubata nokutambudzwa yaungarondedzera? (Ona bhokisi rinoti “Zvavakaita Pakutambudzwa,” riri papeji inotevera.)

3 MuBhaibheri, tinowana nhoroondo dzakawanda dzinoratidza manzwiro akaita vashumiri vaMwari kare apo vakatarisana nemamiriro ezvinhu aiisa upenyu pangozi. Nzira dzakasiyana-siyana dzavakaita nadzo dzinoratidza vaKristu zvokuita nhasi kana vakazotarisana nemiedzo yakadaro. Ona nhoroondo dziri mubhokisi rinoti “Zvavakaita Pakutambudzwa,” woona zvaungadzidza kwavari.

4. Chii chingataurwa pamusoro penzira iyo Jesu nevamwe vashumiri vakanga vakatendeka vakaita nayo pavaiedzwa?

4 Kunyange zvazvo Jesu nevamwe vashumiri vakatendeka vaMwari vakaita nenzira dzakasiyana-siyana pakutambudzwa, zvichienderana nemamiriro ezvinhu, zviri pachena kuti havana kuisa upenyu hwavo mungozi zvisina kufanira. Pavaizviwana vari mumamiriro ezvinhu ane ngozi, vaiva noushingi asi vakangwarira. (Mateu 10:16, 23) Chinangwa chavo chaiva chokufambisira mberi basa rokuparidza uye kuramba vakatendeka kuna Jehovha. Zvavaiita mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana zvinopa mienzaniso kuvaKristu vaya vanotarisana nemiedzo nokutambudzwa nhasi.

5. Kutambudzwai kwakamuka kuMalawi muma1960, uye Zvapupu zvakaita sei?

5 Mazuva ano, vanhu vaJehovha kakawanda vakazviwana vachitambura zvikuru uye vachirasikirwa nezvinhu zvavo pamusana pehondo, uye kunamata kwavo kuchirambidzwa, kana kuti kutambudzwa chaiko. Somuenzaniso, muma1960, Zvapupu zvaJehovha kuMalawi zvakatambudzwa nenzira youtsinye. Dzimba dzavo dzoUmambo, misha, zvokudya, uye mabhizimisi—zvinenge zvose zvavaiva nazvo—zvakaparadzwa. Vakarohwa nokutambudzwa. Hama dzakaita sei? Zviuru zvakatotiza misha yazvo. Vamwe vakahwanda musango, asi vamwe vakambopotera kwenguva pfupi kuMozambique yavakavakidzana nayo. Kunyange vakawanda vaiva vakatendeka vakafa, vamwe vakasarudza kutiza nzvimbo yaiva nengozi, sezviri pachena chakanga chiri chisarudzo chakanaka mumamiriro ezvinhu akadaro. Mukuita kudaro, hama dzakatevedzera zvakanga zvaitwa naJesu naPauro.

6. Chii chisina kuregwa neZvapupu zvokuMalawi pasinei nokutambudzwa zvinotyisa?

6 Kunyange zvazvo hama dzokuMalawi dzakatotama kana kunohwanda, dzakatsvaka ndokutevera nhungamiro yaMwari dzikaramba dzichiita mabasa adzo echiKristu pachivande sezvadzaigona. Zvakaguma nei? Vakanga vasvika panhamba yepamusoro-soro yevaparidzi voUmambo 18 519 nguva pfupi basa risati rarambidzwa muna 1967. Kunyange zvazvo kurambidzwa kwacho kwakanga kuchiri kushanda uye vakawanda vakanga vatizira kuMozambique, pakasvika 1972 kwakashumwa nhamba itsva yepamusoro-soro yevaparidzi 23 398. Vaiita avhareji yemaawa anopfuura 16 muushumiri mwedzi mumwe nomumwe. Pasina mubvunzo, zvavakaita zvakaita kuti Jehovha arumbidzwe, uye chikomborero chaJehovha chaiva nehama dzakatendeka idzodzo munguva iyoyo yakanga yakaoma zvikuru. *

7, 8. Vamwe vanosarudza kusatiza nokuda kwezvikonzero zvei, kunyange zvazvo kushorwa kuri kukonzera zvinetso?

7 Ukuwo, munyika umo kushorwa kuri kukonzera zvinetso, dzimwe hama dzingasarudza kusatama, kunyange dzichikwanisa kuita kudaro. Kutama kungagadzirisa zvimwe zvinetso, asi pamwe kungatanga zvimwe. Somuenzaniso, vangazokwanisa kuramba vachisonganira nehama dzechiKristu vasingazoparadzani nevamwe mune zvokunamata here? Vangazokwanisa here kuramba vachiita zvinhu zvokunamata nguva dzose sezvavanotamburira kugadzikana, zvichida munyika yakasimukira zvikuru kana kuti mune nyika inopa mikana yakawanda yokufambira mberi muzvinhu zvokunyama?—1 Timoti 6:9.

8 Vamwe vanosarudza kusatama nokuti vane hanya nokunamata zvakanaka kwehama dzavo. Vanosarudza kugara votarisana nemamiriro ezvinhu aripo kuitira kuti varambe vachiparidza mundima yokumusha kwavo uye kuti vakurudzire vamwe vavanonamata navo. (VaFiripi 1:14) Nokuita chisarudzo chakadaro, vamwe vakatokwanisa kubatsira kukunda pamutemo munyika mavo. *

9. Munhu anofanira kufunga nezvechii pakusarudza kana achifanira kugara kana kutama pamusana pokutambudzwa?

9 Kugara kana kutama—munhu anotozvisarudzira izvozvo. Asi ichokwadi kuti zvisarudzo zvakadaro zvinofanira kungoitwa bedzi pashure pokunyengetera tichitsvaka kutungamirirwa naJehovha. Zvisinei, pasinei nokuti tingasarudza nzira ipi, tinofanira kuyeuka mashoko omuapostora Pauro anoti: “Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.” (VaRoma 14:12) Sezvatacherechedza kumavambo, chinodiwa naJehovha ndechokuti mumwe nomumwe wevashumiri vake arambe akatendeka mumamiriro ezvinhu ose zvawo. Vamwe vevashumiri vake vari kutarisana nemiedzo uye vari kutambudzwa nhasi; vamwe vangadaro gare gare. Vose vachaedzwa munzira dzakasiyana-siyana, uye hapana anofanira kutarisira kusiyiwa. (Johani 15:19, 20) Sevashumiri vakazvitsaurira vaJehovha, hatinganzvengi nyaya inobatanidza nyika yose ine chokuita nokutsveneswa kwezita raJehovha nokurevererwa kwouchangamire hwake.—Ezekieri 38:23; Mateu 6:9, 10.

“Musadzorera Chakaipa Nechakaipa Kune Munhu Upi Noupi”

10. Muenzaniso upi unokosha uyo Jesu nevaapostora vakatiratidza mukutarisana nezvinetso uye kushorwa?

10 Chimwe chinhu chinokosha chatinogona kudzidza munzira iyo Jesu nevaapostora vakaita nayo pavakanga vaomerwa ndechokusambotsiva vanotitambudza. Hapana patinowana muBhabheri pfungwa yokuti Jesu kana kuti vateveri vake vakaronga boka rokurwisa kana kuti vakashandisa simba kuti varwisane nevaivatambudza. Kusiyana neizvi, muapostora Pauro akapa vaKristu zano achiti, “musadzorera chakaipa nechakaipa kune munhu upi noupi. . . . Musazvitsivira, vanodiwa, asi dziurirai hasha; nokuti zvakanyorwa kuti: ‘Kutsiva ndekwangu; ndichatsividza, anodaro Jehovha.’” Uyezve, “usazvirega uchikundwa nezvakaipa, asi ramba uchikunda zvakaipa nezvakanaka.”—VaRoma 12:17-21; Pisarema 37:1-4; Zvirevo 20:22.

11. Mumwe munyori wenhau dzakaitika kare anotii pamusoro pemaonero ayo vaKristu vokutanga vaiita Hurumende?

11 VaKristu vokutanga vakafungisisa zano iroro. Mubhuku rake rinonzi The Early Church and the World, munyori wenhau dzakaitika kare Cecil J. Cadoux anotsanangura maonero aiita vaKristu Hurumende munguva ya30-70 C.E. Anonyora kuti: “Hatina uchapupu hunoratidza zvakananga kuti vaKristu venguva iyi vakamboedza kukunda kutambudzwa vachishandisa chisimba. Zvavaiwanzoita kwaiva kutsoropodza vatongi vavo kana kuvaodza mwoyo nokutiza. Zvisinei, mhinduro yaiwanzopiwa nevaKristu kana vatambudzwa kwaingova kuramba zvine mwero asi zvakasimba kuteerera mirayiro iya yehurumende yavaidavira kuti yaipesana nokuteerera kwavaifanira kuita Kristu.”

12. Nei zviri nani kutsungirira kutambura pane kudzorera?

12 Maitiro akadaro anenge okuzviisa pasi ndiyo nzira yokuchenjera zvikuru here? Zvaisaita kuti chero ani zvake aiita nenzira iyoyo ave nyore kuitirwa zvakashata nevaya vaida kuvaparadza here? Kwaisazova kuchenjera here kuzvidzivirira? Mukuona kwevanhu, zvingaita sezvakadaro. Zvisinei, sevashumiri vaJehovha, tine chivimbo chokuti kutevera zvinotaurwa naJehovha muzvinhu zvose ndizvo zvakanakisisa. Tinogara tichifunga mashoko aPetro anoti: “Kana muchiti mukaita zvakanaka motambura uye motsungirira, ichi chinhu chinofadza Mwari.” (1 Petro 2:20) Tine chivimbo chokuti Jehovha anonyatsoziva zviri kuitika uye haazobvumiri zvinhu kuramba zvichingoitika zvisina mugumo. Tingava sei nechokwadi nazvo? Kune vanhu vake vakanga vakatapwa muBhabhironi, Jehovha akazivisa kuti: “Unokugunzvai imi, unogunzva mboni yeziso” rangu. (Zekaria 2:8) Munhu angabvumira kuti mboni yeziso rake igunzviwe kwenguva yakareba sei? Jehovha achaunza rusununguko panguva yakafanira. Izvozvo hazvina kana mubvunzo.—2 VaTesaronika 1:5-8.

13. Nei Jesu nenzira yokuzviisa pasi akabvumira muvengi kumusunga?

13 Panyaya iyi, tinogona kutarira kuna Jesu somuenzaniso wedu. Paakabvumira vavengi vake kumusunga mubindu reGetsemani, yakanga isiri mhaka yokuti aisagona kuzvidzivirira. Akatoudza vadzidzi vake kuti: “[M]unofunga kuti handigoni kukumbira Baba vangu kuti vandigovere panguva ino mapoka makuru engirozi anopfuura gumi nemaviri here? Ipapo, Magwaro aizozadzika sei okuti zvinofanira kuitika saizvozvi?” (Mateu 26:53, 54) Kuitwa kwokuda kwaJehovha kwaikosha zvikuru kuna Jesu, kunyange kwaireva kuti aifanira kutambura. Aivimba zvizere nemashoko episarema rechiprofita raDhavhidhi, anoti: “Hamungasiyi mweya wangu muSheori; hamungatenderi mutsvene wenyu kuti aone kuora.” (Pisarema 16:10) Makore akawanda gare gare, muapostora Pauro akati nezvaJesu: “Nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, akatsungirira danda rokutambudzikira, achizvidza nyadzi, akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.”—VaHebheru 12:2.

Mufaro Wokutsvenesa Zita raJehovha

14. Mufaro wei wakatsigira Jesu mumiedzo yake yose?

14 Mufaro wei wakatsigira Jesu mumuedzo wakaipisisa sezvingafungidzirwa? Pavashumiri vaJehovha vose, Jesu, Mwanakomana anodiwa waMwari, ndiye ainyanyovhimwa naSatani. Saka kuramba kwaJesu akatendeka paaiedzwa kwaizova mhinduro chaiyo yokushora uko Satani aiita Jehovha. (Zvirevo 27:11) Ungafungidzira here mufaro nokugutsikana kunofanira kunge kwakanzwiwa naJesu paakamutswa? Anofanira kuve akafara kwazvo, achiziva kuti akanga aita basa raakanga apiwa kuti aite somunhu akakwana mukurevererwa kwouchangamire hwaJehovha uye kutsveneswa kwezita Rake! Kuwedzera kune izvi kugadzwa “kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari” pasina mubvunzo kukudzwa kukuru uye ndicho chinhu chikuru kupfuura zvose chakakonzera mufaro waJesu.—Pisarema 110:1, 2; 1 Timoti 6:15, 16.

15, 16. Kutambudzwai kwoutsinye kwakatsungirirwa neZvapupu muSachsenhausen, uye zvakawana kupi simba rokudaro?

15 Saizvozvowo mufaro kuvaKristu kubatanidzwa mukutsvenesa zita raJehovha nokutsungirira miedzo nokutambudzwa, vachitevera muenzaniso waJesu. Mumwe muenzaniso wakakodzera waiva weZvapupu zvakatambura mumusasa wevasungwa usingafadzi weSachsenhausen zvikapona murwendo rworufu runorwadza pakapera Hondo Yenyika II. Murwendo rwacho, zviuru zvevasungwa zvakafa pamusana pokusadzivirirwa kumamiriro okunze akaipa, chirwere, kana nzara kana kuti vakaurayiwa nenzira youtsinye murutivi rwomugwagwa chaimo nevarindi veSS. Zvapupu, zvose zviri 230, zvakapona nokubatana zvakasimba uye kubatsirana zvichiisa upenyu hwazvo pangozi.

16 Chii chakapa Zvapupu izvi simba rokutsungirira kutambudzwa uku nenzira youtsinye? Pazvakangosvika kunzvimbo yakachengeteka, zvakaratidza mufaro wazvo nokuonga kwazvaiita Jehovha mugwaro raiva nomusoro unoti “Chisarudzo chezvapupu zvaJehovha 230 zvinobva munyika nhanhatu, zvakaungana musango pedyo neSchwerin muMecklenburg.” Mariri, vakanyora kuti: “Nguva refu yakaoma yokuedzwa yapera uye vaya vakadzivirirwa, vakaita sokunge kuti vakabvutwa muchoto chinopisa kwazvo, havana kunyange hwema hwomoto pavari. (Ona Dhanieri 3:27.) Kusiyana neizvi, vazere noushingi nesimba zvinobva kuna Jehovha uye vari kumirira nomwoyo wose mirayiro mitsva inobva kuna Mambo yokufambisira mberi zvinodiwa naMwari.” *

17. Marudzii emiedzo ari kutarisana nevanhu vaMwari iye zvino?

17 Kufanana nevakatendeka 230 ivavo, nesuwo tingaedzwa kutenda kwedu, kunyange zvazvo tisati ta“mbodzivisa kusvika pakubuda ropa.” (VaHebheru 12:4) Asi muedzo unogona kuuya nenzira dzakawanda. Kungava kushorwa nevaunodzidza navo kuchikoro, kana kuti kungava kufurirwa nevezera rako kuti uite unzenza nezvimwe zvakaipa. Kuwedzera pane izvi, kusarudza kurega ropa, kuroora munaShe bedzi, kana kurera vana mukutenda mumhuri ine zvitendero zvakasiyana dzimwe nguva kungaguma nezvinetso nemiedzo yakaoma.—Mabasa 15:29; 1 VaKorinde 7:39; VaEfeso 6:4; 1 Petro 3:1, 2.

18. Ikurudziroi yatinayo yokuti tinogona kutsungirira kunyange muedzo wakaomesesa?

18 Zvisinei, pasinei nokuti muedzoi ungauya patiri, tinoziva kuti tinotambura nokuti tinoisa Jehovha noUmambo hwake pakutanga, uye tinoiona iri ropafadzo chaiyo uye mufaro kuita kudaro. Tinowana ushingi mumashoko aPetro anokurudzira anoti: “Kana muri kuzvidzwa nokuda kwezita raKristu, munofara, nokuti mudzimu wembiri, iwo mudzimu waMwari, uri pamuri.” (1 Petro 4:14) Musimba romudzimu waJehovha, tine simba rokutsungirira kunyange mumiedzo yakaomesesa, zvichaita kuti apiwe mbiri uye arumbidzwe.—2 VaKorinde 4:7; VaEfeso 3:16; VaFiripi 4:13.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Zviitiko zvokuma1960 zvakanga zvichingova mavambo bedzi enhevedzano yokutambudzwa nenzira youtsinye uye kuurayiwa uko Zvapupu zvokuMalawi zvaizotsungirira kweanoda kusvika makumi matatu emakore. Kuti unzwe nyaya yakazara, ona Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1999 reChirungu, mapeji 171-212.

^ ndima 8 Ona nyaya inoti “Dare Repamusoro Rinotsigira Kunamata Kwechokwadi mu‘Nyika yeArarat’” iri mumagazini yeNharireyomurindi yaApril 1, 2003, mapeji 11-14.

^ ndima 16 Kuti uwane mashoko akazara echisarudzo ichi, ona Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra1974 reChirungu, mapeji 208-9. Nhoroondo inopiwa nomumwe wevakapona rwendo urwu inogona kuwanikwa mumagazini yeNharireyomurindi yaJanuary 1, 1998, mapeji 25-9.

Unogona Kutsanangura Here?

• VaKristu vanoona sei kutambura uye kutambudzwa?

• Chii chatingadzidza munzira iyo Jesu nevamwe vakatendeka vakaita nayo pavaiedzwa?

• Nei kuri kuchenjera kusadzorera patinotambudzwa?

• Mufaro wei wakatsigira Jesu mumiedzo yake, uye chii chatingadzidza kubva mazviri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 15]

Zvavakaita Pakutambudzwa

• Mauto aHerodhi asati asvika muBheterehema kuzouraya vacheche vechikomana vose vemakore maviri zvichidzika, nokutungamirira kwengirozi Josefa naMariya vakatora mucheche Jesu ndokutizira kuIjipiti.—Mateu 2:13-16.

• Nguva dzakawanda mukati moushumiri hwaJesu, vavengi vake vaitsvaka kumuuraya pamusana pouchapupu hwake hwaiva nesimba. Jesu aivanzvenga nguva imwe neimwe.—Mateu 21:45, 46; Ruka 4:28-30; Johani 8:57-59.

• Apo mauto nevakuru vakuru vakauya kubindu reGetsemani kuzosunga Jesu, akazvizivisa pachena, achivaudza kaviri kuti: “Ndini.” Akatorambidza vateveri vake kurwisa ndokubvuma kutorwa neboka revanhu iri.—Johani 18:3-12.

• MuJerusarema, Petro nevamwe vakasungwa, vakarohwa, ndokurayirwa kuti varege kutaura pamusoro paJesu. Asi, pavakasunungurwa “vakabva zvavo . . . , uye mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.”—Mabasa 5:40-42.

• Apo Sauro, akazova muapostora Pauro, akaziva nezvourongwa hwokumuuraya hwaiitwa nevaJudha muDhamasiko, hama dzakamuisa mudengu ndokumudzikisa nepakanga pakazaruka porusvingo rweguta usiku, uye akatiza.—Mabasa 9:22-25.

• Makore akawanda gare gare, Pauro akasarudza kukwirira kuna Kesari, kunyange zvazvo Gavhuna naMambo Agripa vasina kuwana “chinhu chakafanira rufu kana zvisungo” maari.—Mabasa 25:10-12, 24-27; 26:30-32.

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

Kunyange zvakamanikidzwa kutiza nemhaka yokutambudzwa nenzira youtsinye, zviuru zveZvapupu zvokuMalawi zvakanga zvakatendeka zvakaramba zvichiita basa roUmambo zvichifara

[Mifananidzo uri papeji 17]

Mufaro wokutsvenesa zita raJehovha wakatsigira vakatendeka ava murwendo rworufu uye mumisasa yevasungwa

[Kwazvakatorwa]

Rwendo rworufu: KZ-Gedenkstätte Dachau, kubva muUSHMM Photo Archives

[Mifananidzo iri papeji 18]

Miedzo nezvinetso zvinogona kuuya nenzira dzakawanda