Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kubhabhatidzwa nokuda kwevakafa kunorevei?

Achinyora nezvorumuko rwokudenga, muapostora Pauro akanyora ndima inofadza zvikuru. MuBhaibheri reTestamende Itsva, tinoverenga kuti: “Kana zvisizvo, ko vaya vanobhapatidzirwa vakafa, vangagoiteiko? Kana vakafa vasingatongomutswi, vangagobhapatidzirweiko nokuda kwavo?” Uye Bhaibheri Dzvene Testamende Itsva rinoti pandima iyi: “Kana zvisina kudaro, zvinorevei kuti vanhu vabhapatidzwe panzvimbo yavakafa, kana ivo vasingazomutswa kuvakafa? Ko, vanobhabhatidzirweiko panzvimbo yavakafa?”—1 VaKorinde 15:29.

Pano Pauro akanga ari kutaura kuti vanhu vapenyu vanofanira kubhabhatidzwa nokuda kwevaya vakafa vasati vabhabhatidzwa here? Zvingaita sokuti ndizvo kubva mushanduro dzeBhaibheri idzi nedzimwewo. Zvisinei, kunyatsoongorora Magwaro uye chiGiriki chepakutanga chakashandiswa naPauro kunopa imwe pfungwa. Pauro aireva kuti vaKristu vakazodzwa vanobhabhatidzwa, kana kuti kunyudzwa, muupenyu hunotungamirira kurufu rwokuvimbika sorwuya rwaKristu. Pashure pacho, vanozomutsirwa kuupenyu hwomudzimu sezvaakaitwa.

Magwaro anotsigira tsanangudzo iyi. Mutsamba yake kuvaRoma, Pauro akanyora kuti: “Hamuzivi here kuti isu tose takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu takabhabhatidzwa murufu rwake?” (VaRoma 6:3) Mutsamba yake kuvaFiripi, Pauro akataura nezvake, achiti “[Ndino]goverana na[Kristu] mukutambura kuzhinji kwake, ndichibvuma rufu rwakafanana norwake, kuti ndione kana ndingawana kumuka kwokutanga kubva kuvakafa.” (VaFiripi 3:10, 11) Pauro akanga achitaura kuti upenyu hwomuteveri waKristu akazodzwa hunosanganisira kuramba akatendeka mumuedzo, kutarisana norufu zuva nezuva, uye pakupedzisira rufu rwokutendeka, ruchiteverwa norumuko rwokudenga.

Zvinokosha kuti magwaro aya nemamwe anotaura zvakananga nezvorufu rwevakabhabhatidzwa anoreva vanhu vapenyu avo vakanga vabhabhatidzwa kwete kune vaya vakanga vakafa. Pauro akaudzawo vamwe vaKristu vakazodzwa kuti: “Makavigwa pamwe naye murubhabhatidzo rwake, uye makabatana naye makamutswawo pamwe naye nokutenda kwenyu mukushanda kwaMwari, akamumutsa kubva kuvakafa.”—VaKorose 2:12.

Shoko rechiGiriki rinoiswa pamberi pezita rokuti hy·perʹ, rinoshandurwa kuti “nokuda” kana kuti “panzvimbo pe-” mushanduro dzeBhaibheri dzakasiyana-siyana pana 1 VaKorinde 15:29, ringarevawo kuti “kuti uve.” Saka maererano nedzimwe ndima dzeBhaibheri, Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene inoshandura ndima iyi zvakarurama kuti: “Vari kubhabhatidzwa kuti vave vakafa vachaitei? Kana vakafa vasingazombomutswi, vari kubhabhatidzirweiwo kuti vave vakadaro?”