Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Yakawanda—Mhinduro Shoma Dzinogutsa

Mibvunzo Yakawanda—Mhinduro Shoma Dzinogutsa

Mibvunzo Yakawanda—Mhinduro Shoma Dzinogutsa

MANGWANANI eZuva reVasande Vose, November 1, 1755, kudengenyeka kwepasi kukuru kwakaitika muguta reLisbon apo ruzhinji rwevagari vemo rwaiva muchechi. Zviuru zvezvivako zvakaondomoka, uye makumi ezviuru evanhu akafa.

Nguva pfupi pashure penjodzi yacho, munyori wokuFrance Voltaire akabudisa detembo rake rinonzi Poème sur le désastre de Lisbonne (Detembo Renjodzi yokuLisbon), umo akaramba kuti njodzi yacho yakanga iri chirango chaMwari nokuda kwezvivi zvevanhu. Achiratidza kuti njodzi dzakadaro dzaiva dzisingagoni kunzwisiswa kana kutsanangurwa nevanhu, Voltaire akanyora kuti:

Nyika chimumumu, tinoibvunza asi zvisingabatsiri;

Tinoda Mwari anotaura nedzinza revanhu.

Ichokwadi kuti Voltaire akanga asiri iye akatanga kumutsa mibvunzo pamusoro paMwari. Munhoroondo yose yevanhu, matambudziko nenjodzi zvakamutsa mibvunzo mupfungwa dzevanhu. Zviuru zvemakore zvakapfuura, tateguru Jobho, avo vakanga vachangobva kurasikirwa nevana vavo vose uye vakanga vachitambura nechirwere chakaipa kwazvo, vakabvunza kuti: “Munhu uri panjodzi unopirweiko chiedza [naMwari], noupenyu kune une shungu pamwoyo?” (Jobho 3:20) Nhasi, vakawanda vanoshamisika kuti zvingaita sei kuti Mwari akanaka uye ane rudo aratidzike seanoramba asina hanya nokutambura uye kusaruramisira kwakawanda kudai.

Vatarisana nenzara, hondo, kurwara, uye rufu, vakawanda vanonyatsoramba pfungwa yokuti kune Musiki ane hanya nevanhu. Mumwe muzivi asingadaviri kuvapo kwaMwari akati: “Hapana chingapembedza Mwari pakubvumira kwake kutambura kwomwana, . . . kunze kwokuti asipo.” Njodzi huru, dzakadai seHolocaust muHondo Yenyika II, dzinoita kuti pave nemaonero akafanana neaya. Ona mashoko aya ari mugwaronhau rakanyorwa nomunyori wechiJudha anoti: “Nzira iri nyore zvikuru yokutsanangura nayo kutambura kwakaitika kuAuschwitz ndeyokuti hakuna Mwari anopindira munhau dzevanhu.” Maererano neimwe ongororo yakaitwa muna 1997 kuFrance, nyika ine vanhu vakawanda vechiKaturike, inenge 40 muzana yevanhu veko havana chokwadi nokuvapo kwaMwari pamusana pehondo dzokuparadza rudzi, dzakadai seyakaitika kuRwanda muna 1994.

Chipinganidzo Chokutenda Here?

Nei Mwari asingapindiri kuti adzivise zvinhu zvakaipa kuitika? Mumwe munyori wezvinoitika muchechi yeKaturike anoti mubvunzo uyu “chipinganidzo chikuru chokutenda” kwevakawanda. Anobvunza kuti: “Nhai, zvinobvira here kudavira muna Mwari anongomira pasina chaanoita apo mamiriyoni evanhu vasina mhosva anofa uye vanhu vakawanda munyika vanoparadzwa uye asina chaanoita kuzvidzivisa?”

Imwe nyaya yomunyori wepepanhau reKaturike rinonzi La Croix inotiwo: “Angava matambudziko akaitika kare, zviitiko chaizvo zvinokonzerwa nokugadzirwa kwezvinhu, njodzi dzinongoitika dzoga, utsotsi hwakarongwa, kana kuti rufu rwomudiwa, muchiitiko chimwe nechimwe, vanhu vanenge vavhundutswa vanotsvaka mhinduro kudenga. Mwari ari kupi? Vanoda mhinduro. Haasi Munhu Asina Hanya Zvachose, Munhu Asina Basa Nevanhu here?”

Papa John-Paul II akambotaura nezvenyaya iyi mutsamba yake yechiapostora ya1984 inonzi Salvifici Doloris. Akanyora kuti: “Kunyange zvazvo kuvapo kwenyika kuchiita sokunovhura maziso evanhu kuti vaone kuvapo kwaMwari, uchenjeri hwake, simba noukuru, kuvapo uku kunenge kunodzikatidzwa nouipi nokutambura, dzimwe nguva nenzira yakakura, kunyanya muzviitiko zvezuva nezuva zvokutambura kusina kufanira kwakawanda kudai kuri kuitika uye uipi hwakawanda kudai pasina kurangwa kwakakodzera.”

Kuvapo kwaMwari ane rudo zvikuru uye ane simba rose, kunotaurwa muBhaibheri, kunopindirana here nokutambura kwakawanda kwevanhu? Anopindira here kuti adzivise dambudziko rimwe nerimwe kana kuti akawanda? Ane chaanotiitira here nhasi? Tichidzokorora zvakataurwa naVoltaire, aripo here “Mwari anotaura nedzinza revanhu” kuti apindure mibvunzo iyi? Tapota verenga nyaya inotevera kuti uwane mhinduro yacho.

[Mifananidzo iri papeji 3]

Kuparadzwa kweLisbon muna 1755 kwakaita kuti Voltaire ataure kuti zviitiko zvakadaro zvakanga zvisingagoni kunzwisiswa nevanhu

[Kwazvakatorwa]

Voltaire: Kubva mubhuku rinonzi Great Men and Famous Women; Lisbon: J.P. Le Bas, Praça da Patriarcal depois do terramoto de 1755. Foto: Museu da Cidade/Lisboa

[Mufananidzo uri papeji 4]

Vakawanda havana chokwadi nokuvapo kwaMwari pamusana pemigumisiro inorwadza yehondo dzokuparadza rudzi dzakadai seyakaitika kuRwanda

[Kwazvakatorwa]

AFP PHOTO

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

BUTIRO vana: USHMM, courtesy of Main Commission for the Prosecution of the Crimes against the Polish Nation