Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nhoroondo Inokurudzira Kutenda Uye Ushingi—Zvapupu zvaJehovha muUkraine

Nhoroondo Inokurudzira Kutenda Uye Ushingi—Zvapupu zvaJehovha muUkraine

Nhoroondo Inokurudzira Kutenda Uye Ushingi—Zvapupu zvaJehovha muUkraine

SOKUTAMBUDZWA kwakaitwa vaKristu muzana remakore rokutanga, ndizvo zviri kuitwa vanhu vaMwari nhasi. (Mateu 10:22; Johani 15:20) Munzvimbo shomanana makava nokutambudzwa kwevanamati kwenguva yakareba kana kuti kwakanyanyisa kupfuura muUkraine, umo basa rokuparidza Umambo rakanga rakarambidzwa kwemakore 52.

Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2002 reChirungu rakataura nhoroondo yevanhu vaMwari vomunyika iyoyo. Inhoroondo yokutenda, ushingi, uye simba pasinei nokutambura kwakakasharara. Anotevera mashoko okuonga akagamuchirwa nehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha rokuUkraine, anoti:

“Ndakapedza kuverenga Bhuku Regore ra2002. Ndakatadza kuzvibata ndikachema pandaiverenga nezvebasa renyu muUkraine. Ndinoda kukuudzai kuti ndakakurudzirwa zvakadini nomuenzaniso wenyu wokushingaira uye kutenda kwakasimba. Ndinodada kuva mumhuri imwe chete mune zvokunamata nemi. Ndinokutendai nomwoyo wangu wose!”—Andrée, France.

“Handina mashoko angagona kutsanangura kuonga kwandinokuitai imi naJehovha nokuda kweBhuku Regore ra2002. Misodzi yakayerera pachiso changu pandaiverenga zvakawanda zvakasangana nehama idzo dzakapedza makore adzo akanakisisa dziri mumajeri nomumisasa yevasungwa. Ndinoyemura ushingi hwadzo. Kunyange zvazvo ndave ndiri Chapupu kwemakore 27, ndichiri kugona kudzidza kubva kuhama nehanzvadzi idzodzo. Dzakasimbisa kutenda kwangu muna Baba vedu vokudenga, Jehovha.”—Vera, yaimbova Yugoslavia.

“Ndiri kunyora tsamba ino ndichifara pamusana pomuenzaniso wenyu wakanaka wokutsungirira nokutendeka mumakore ose iwayo okushorwa. Chivimbo chenyu chakazara muna Jehovha uye kutsunga kwenyu kuramba makatendeka kunokuunzirai rukudzo. Uyezve, kuzvininipisa kwenyu pasinei nemiedzo kunosimbisa chivimbo changu chokuti Jehovha haasiyi vanhu vake. Pamusana pomuenzaniso wenyu wakanaka wokushinga, kusimba, uye kutsungirira, tinogona kugamuchira zvinetso zvedu zviduku zviri nyore zvikuru.”—Tuteirihia, French Polynesia.

“Pashure pokuverenga Bhuku Regore, ndaifanira kukunyorerai. Ndakaororwa zvikuru nezvakaitika zvose zvinokurudzira. Ndakanzwa kudada kuva nhengo yesangano rakavimbika kudaro, rakabatana, rinotungamirirwa naBaba vane rudo, vane hanya, avo vanotipa simba panguva yakakodzera. Ndakasuruvara kuti vashumiri vaJehovha vakanaka vakawanda zvikuru vakatambura kwazvo uye vakatorasikirwa noupenyu hwavo. Asi ndakafarawo nokuti nokuda kwoushingi uye kushingaira kwavo, vanhu vakawanda kwazvo vakadzidza chokwadi uye vakasvika pakuziva Baba vedu vane rudo.”—Colette, Netherlands.

“Ini nomudzimai wangu taifanira kukunyorerai tichikuudzai kuti mwoyo yedu yakaororwa pataiverenga nhoroondo pamusoro peUkraine muBhuku Regore. Imi hama dzakatendeka makaratidza muenzaniso unoshamisa wokutsungirira muri munhamo huru yenguva refu. Maererano nemashoko ari pana Zvirevo 27:11, Jehovha anofanira kuva anofara zvikuru kuziva kuti hama dzakatendeka dzakawanda kudaro dzokuUkraine dzakaramba dzakatendeka pasinei nezviito zvose zvakaipa zvaDhiyabhorosi.”—Alan, Australia.

“Maziso angu akayangarara misodzi pandaiverenga nezvehama dzokuUkraine. Dzakatsungirira zvinhu zvakawanda zvikuru—makore okuva mujeri, kutambudzwa, kushorwa, uye kuparadzana kwemhuri. Ndinoda kutaurira hama dzose dzichiri kushumira muungano dzenyu kuti ndinodzida uye ndinodziremekedza zvikuru. Ndinongofarira kushinga uye kusimba kwadzo. Ndinoziva kunobva simba radzo, mudzimu waJehovha. Jehovha ari pedyo nesu, uye anoda kutibatsira.”—Sergei, Russia.

“Ndakaverenga Bhuku Regore ra2002, ndokuchema. Hama nehanzvadzi dzakawanda dzomuungano medu dzakataura nezvenyu. Munokosha zvikuru. Ndinofara kwazvo kuva mumwe wemhuri yakakura kudaro mune zvokunamata.”—Yeunhee, South Korea.

“Ndinoororwa zvikuru nenhoroondo yokutenda kwenyu, kutsungirira, uye rudo rwakasimba nokuda kwaJehovha noUmambo hwake. Dzimwe nguva tinokundikana kukoshesa rusununguko rwatiinarwo uye zvokudya zvomudzimu zvakawanda zvatinogoverwa naJehovha. Zvisinei, izvi handizvo zvamave muchiita. Muenzaniso wenyu wokutenda unotibatsira kuziva kuti kana tiine ukama hwepedyo naMwari wedu, achatipa simba rokubata nemarudzi ose emiedzo.”—Paulo, Brazil.

“Ndakava neropafadzo yokuverenga zvakaitika kwamuri muBhuku Regore ra2002. Zvakandikurudzira zvikuru, kunyanya zvinobaya mwoyo zvakaitika kuna Hanzvadzi Lydia Kurdas. Ndakanzwa ndiri pedyo zvikuru nehanzvadzi iyi.”—Nidia, Costa Rica.

“Nhasi ndapedza kuverenga Bhuku Regore ra2002. Sezvandairiverenga, kutenda kwangu muna Jehovha kwakasimbiswa. Handimbofi ndakanganwa nhoroondo yeapo mbeu dzokusavimba nevaya vaitungamirira dzakadyarwa. Yakandidzidzisa kuti ndivimbe nehama dziri kutungamirira. Ndinokutendai zvikuru! Zvokudya zvomudzimu izvi zvinokurudzira uye zvinotigadzirira nokuda kwenguva apo kutenda kwedu kungaiswa pamuedzo.”—Leticia, United States.

“Tinoonga Bhuku Regore rakaisvonaka. Vaparidzi vakawanda vakanga vachiverenga kokutanga pamusoro pebasa rehama dzedu muUkraine. Hama kuno dzakasimbiswa. Vakawanda, zvikurukuru pakati pevechiduku, vakawedzera basa ravo. Vamwe vakatanga kushumira semapiyona enguva dzose kana kuti ebetsero. Tose takakurudzirwa nenhoroondo dzehama nehanzvadzi dzakashumira Jehovha munguva yokurambidzwa.”—Dare Rebasa Reungano, Ukraine.

Kutendeka kwehama dzedu muUkraine zvechokwadi kwave kuchisimbisa vanhu vaJehovha pasi pose. Kutaura zvazviri, kugaroverenga nhoroondo dzinonyevenutsa mwoyo dzinenge dziri muBhuku Regore gore rimwe nerimwe inzira yakanaka kwazvo yokusimbisa nayo kutenda uye kutsungirira kwedu munguva ino yakaoma.—VaHebheru 12:1.