Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuti Uwane Mubayiro, Zvidzore!

Kuti Uwane Mubayiro, Zvidzore!

Kuti Uwane Mubayiro, Zvidzore!

“Munhu wose anotora rutivi mumakwikwi anoshandisa kuzvidzora muzvinhu zvose.”—1 VAKORINDE 9:25.

1. Maererano naVaEfeso 4:22-24, mamiriyoni evanhu akabvuma Jehovha sei?

KANA wakabhabhatidzwa somumwe weZvapupu zvaJehovha, wakaratidza pachena kuti wakanga uchida kupinda mumakwikwi ane mubayiro woupenyu husingaperi. Wakabvuma kuita kuda kwaJehovha. Tisati tazvitsaurira kuna Jehovha, vakawanda vedu tine zvizhinji zvataifanira kuchinja kuitira kuti kuzvitsaurira kwedu kuve kunokosha, kunogamuchirwa naMwari. Takatevedzera zano romuapostora Pauro kuvaKristu rokuti: “[Bvisai] unhu hwekare hunotsinhirana newaichimbova mufambiro wenyu uye hunoodzwa maererano nokuchiva kwake kunonyengera . . . [Pfekai] unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEfeso 4:22-24) Nemamwe mashoko, tisati tabvuma kuzvitsaurira kuna Mwari, taifanira kuramba mararamiro asingagamuchirwi ataimboita kare.

2, 3. 1 VaKorinde 6:9-12 inoratidza sei kuchinja kuviri kunofanira kuitwa kuti titenderwe naMwari?

2 Zvimwe zvinhu zvounhu hwekare zvinofanira kubviswa nevanoda kuva Zvapupu zvaJehovha ndizvo zviya zvinoshorwa zvakananga neShoko raMwari. Pauro akataura zvimwe zvacho mutsamba yake kuvaKorinde, achiti: “Zvifeve, kana vanonamata zvidhori, kana mhombwe, kana varume vanochengeterwa zvinhu zvisiri zvomuzvarirwo, kana varume vanorara nevarume, kana mbavha, kana vanhu vanokara, kana zvidhakwa, kana vanotuka, kana makororo havazogari nhaka yeumambo hwaMwari.” Adaro akaratidza kuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakachinja unhu hwavo sezvaidiwa, achiwedzera kuti: “Asi ndozvakanga zvakaita vamwe venyu.” Cherechedza kuti zvanzi, ndozvakanga, kwete kuti ndozvakaita.1 VaKorinde 6:9-11.

3 Pauro akataura kuti zvaigona kuva zvakafanira kuchinja pane zvimwe zvakare, nokuti akaenderera mberi achiti: “Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo kwandiri; asi hazvisi zvinhu zvose zvinobetsera.” (1 VaKorinde 6:12) Saka, nhasi vakawanda vanoda kuva Zvapupu zvaJehovha vanoona kudiwa kwokuramba zvinhu izvo kunyange zvichibvumirwa nomutemo, zvisina zvazvinobatsira kana kuti zvisingakoshi zvinogara nguva refu. Izvi zvingadya nguva uye zvinogona kuvatsausa pakuita zvinhu zvinokosha zvikuru.

4. VaKristu vakazvitsaurira vanobvumirana naPauro pachii?

4 Kuzvitsaurira kuna Mwari kunoitwa nokuzvidira, kwete nokunyunyuta, sezvinonzi kunobatanidza chibayiro chikuru kwazvo. VaKristu vakazvitsaurira vanobvumirana naPauro, uyo pashure pokuva muteveri waKristu akati: “Nemhaka ya[Jesu] ndakabvuma kurasikirwa nezvinhu zvose uye ndinozviona semarara akawanda, kuti ndiwane Kristu.” (VaFiripi 3:8) Pauro akaramba nomufaro zvinhu zvaisanyanya kukosha kuitira kuti akwanise kuramba achibvuma zvinodiwa naMwari.

5. Pauro akabudirira kumhanya munhangemutange yorudzii, uye tinogona sei kuitawo kudaro?

5 Pauro akazvidzora mukumhanya nhangemutange yake yomudzimu uye pakupedzisira akakwanisa kuti: “Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo, ndamhanya kusvika kumugumo, ndachengeta kutenda. Kubvira panguva ino ndakachengeterwa korona yokururama, iyo Ishe, mutongi akarurama, achandipa pazuva iroro somubayiro, asi kwete ini bedzi, asiwo vose vakada kuoneka kwake.” (2 Timoti 4:7, 8) Rimwe zuva tichakwanisa kutaurawo zvakadaro here? Tichakwanisa kana tikazvidzora nokutenda patinenge tichimhanya nhangemutange yedu yechiKristu tisingamiri uye kusvika taipedza.

Tinofanira Kuzvidzora Kuti Tiite Zvakanaka

6. Kuzvidzora kuita sei, uye munzira dzipi mbiri matinofanira kukuratidza?

6 Mashoko echiHebheru nechiGiriki akashandurwa kuti “kuzvidzora” muBhaibheri sezvaari anoratidza kuti munhu ane simba kana kuti anokwanisa kudzora muviri wake. Anowanzopa pfungwa yokuzvidzora pakuita zvakaipa. Asi zviri pachena kuti mwero wakati wokuzvidzora unodiwawo kana tichizoshandisa miviri yedu kuita mabasa akanaka. Vanhu vasina kukwana vagara vanoda kukanganisa, saka tine hondo mbiri. (Muparidzi 7:29; 8:11) Patinenge tichirega kuita zvakaipa, tinofanirawo kuzvimanikidza kuita zvakanaka. Tingati, kudzora muviri wedu kuti tiite zvakanaka ndeimwe yenzira dzakanakisisa dzokurega nadzo kuita zvakaipa.

7. (a) Chii chatinofanira kunyengeterera, sezvakaita Dhavhidhi? (b) Kufungisisei kuchatibatsira kuzvidzora zvikuru?

7 Sezviri pachena, kuzvidzora kunokosha kana tichizoita maererano nokuzvitsaurira kwedu kuna Mwari. Tinofanira kunyengetera sezvakaita Dhavhidhi kuti: “Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, Mwari; vandudzai mukati mangu mweya wakarurama.” (Pisarema 51:10) Tinogona kufungisisa nezvokubatsirwa kwatinoitwa nokusaita zvinhu zvakaipa mutsika kana zvinopedza simba romuviri. Funga nezvemigumisiro inorwadza ingangovapo patinorega kudzivisa zvinhu zvakadaro: zvinetso zvakakomba zvoutano, ukama hwakakanganiswa, kunyange kukurumidza kufa. Ukuwo, funga nezvezvakawanda zvatinobatsirwa nokuomerera kumararamiro anokurudzirwa naJehovha. Zvisinei, tichitora zvinhu sezvazviri, hatifaniri kukanganwa kuti mwoyo wedu unonyengera. (Jeremia 17:9) Tinofanira kusimba pakuramba kuedza kwawo kurerutsa kukosha kwokutsigira zvinodiwa naJehovha.

8. Upenyu hunotidzidzisa chokwadi chipi? Enzanisira.

8 Vakawanda vedu tinoziva kubva muupenyu hwedu kuti nyama isingadi inowanzoedza kudira mvura papfungwa yokuda kuita zvinhu. Tora, somuenzaniso, kuparidza Umambo. Jehovha anofarira kuda kwevanhu kuita basa iri rinoponesa upenyu. (Pisarema 110:3; Mateu 24:14) Kune vakawanda vedu, kudzidza kuparidza pachena kwakanga kusiri nyore. Kwaida—uye pamwe kuchiri kuda—kuti tidzore muviri wedu, ‘kuurwadzisa’ uye ‘kuutungamirira somuranda,’ pane kuubvumira kutituma kuita zvatinoona zviri nyore.—1 VaKorinde 9:16, 27; 1 VaTesaronika 2:2.

“Muzvinhu Zvose” Here?

9, 10. “Kuzvidzora muzvinhu zvose” kunosanganisirei?

9 Zano reBhaibheri ro“kuzvidzora muzvinhu zvose” rinoratidza kuti pane zvakawanda zvinobatanidzwa kupfuura kungodzora hasha dzedu nokurega kuva nomufambiro wounzenza. Tingafunga kuti tava kukwanisa kuzvidzora muzvinhu izvozvo, uye kana zvakadaro, tingafara zvechokwadi. Asi, zvakadini nedzimwe nharaunda dzoupenyu umo kudiwa kwokuzvidzora kungasava pachena zvikuru? Kuenzanisira, ngatiti tinogara munyika yakati simukirei ine mararamiro akakwirira. Hakungavi kuchenjera here kurega kushandisa mari zvisina kufanira? Vabereki vanoita zvakanaka kudzidzisa vana vavo kusatenga chero chavanenge vaona nokuti chiripo, chinonakidza, kana kuti vane mari yokuchitenga. Chokwadi, kana murayiridzo wakadaro uchizoshanda, vabereki vanofanira kuratidza muenzaniso wakakodzera.—Ruka 10:38-42.

10 Kudzidza kurarama tisina zvimwe zvinhu kungasimbisa kutsunga kwedu. Kungawedzerawo kuonga kwatinoita zvinhu zvenyama zvatinazvo uye kungaita kuti tinzwire vamwe tsitsi zvikuru avo vanorarama vasina zvimwe zvinhu, kwete nokuda, asi pamusana pokushayiwa. Ichokwadi kuti kuva nomwero kunopesana nepfungwa dzakakurumbira dzakadai sokuti “nakidzwa noupenyu hwako” kana kuti “unofanira kuwana zvakanakisisa.” Masangano ezvokushambadzira anokurudzira chishuvo chokuzvigutsa pakarepo, asi anoita kudaro kuti bhizimisi rawo rifambire mberi. Zvakadai zvingatitadzisa kuratidza kuzvidzora. Imwe magazini yokune imwe nyika yakabudirira yokuEurope nguva pfupi yapfuura yakati: “Kana kudzora pfungwa dzisina kunaka kuchida kuti vaya vanorarama mumamiriro ezvinhu ourombo hwakanyanyisa zvinorwadza vatamburire mupfungwa dzavo, vaya vanorarama munyika inoyerera mukaka nouchi munzanga yanhasi yakabudirira vanotofanira kudaro zvakanyanya sei!”

11. Nei kudzidza kurarama tisina zvimwe zvinhu kuchibatsira, uye chii chinoita kuti izvi zvisave nyore?

11 Kana tichinetseka kusiyanisa zvatinongodawo hedu nezvinokosha zvatinonyatsoda, zvingabatsira kutora matanho okuva nechokwadi chokuti hatiiti zvinhu tisingafungi. Somuenzaniso, kana tichida kurwisa muitiro wokuda kushandisa mari zvisingadzorwi, tingada kusarudza kusatenga nechikwereti, kana kuti patinenge tichitenga, tingatakura mari ine chitsama chakaganhurirwa bedzi. Yeuka kuti Pauro akati “kuzvipira kuna Mwari . . . pamwe nokugutsikana, inzira inopfumisa zvikuru.” Akatsanangura kuti: “Hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho. Nokudaro, kana tine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” (1 Timoti 6:6-8) Tiri kugutsikana here? Kudzidza kurarama upenyu huri nyore, husina zvipingamupinyi zvinokonzerwa nokuda kuzvigutsa—munzira ipi neipi—kunoda kutsunga nokuzvidzora. Kunyange zvakadaro, chidzidzo chakakodzera kudzidza.

12, 13. (a) Misangano yechiKristu inosanganisira kuzvidzora munzira dzipi? (b) Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinofanira kuzvidzora mazviri?

12 Kupinda misangano yechiKristu, magungano, uye kokorodzano kunosanganisirawo kuratidzwa kwakati kwokuzvidzora. Somuenzaniso, kuzvidzora kunodiwa nokuti tikasadaro tinorega pfungwa dzedu dzichidzungaira mukati mepurogiramu. (Zvirevo 1:5) Zvingada kuzvidzora kuti tisadzongonyedza vamwe nokuzevezera kune vanenge vagere pedyo nesu pane kuteereresa mukurukuri. Kugadziridza purogiramu yedu kuti tisvike nenguva kungada kuzvidzora. Uyezve, kuzvidzora kungadiwa kuti titsaure nguva yokugadzirira misangano tozobatanidzwa mairi.

13 Kuratidza kuzvidzora muzvinhu zviduku kunosimbisa kukwanisa kwedu kuita kudaro muzvinhu zvikuru. (Ruka 16:10) Nokudaro, zvakanaka zvikuru kuzviranga kuti tiverenge Shoko raMwari nemabhuku eBhaibheri nguva dzose, tichiadzidza uye kufungisisa pane zvatinodzidza! Kuchenjera zvikuru kuzviranga maererano nemabasa, ushamwari, mafungiro, uye miitiro yedu isina kukodzera kana kuzviranga kuti tirambe mabasa angatitorera nguva inokosha yebasa raMwari! Kuramba takabatikana mubasa raJehovha idziviriro yakanaka kwazvo pazvinhu zvinogona kutibvisa muparadhiso yomudzimu yeungano yaJehovha yepasi pose.

Ivai Vakuru Zvakakwana Nokuzvidzora

14. (a) Vana vanofanira kudzidza sei kuzvidzora? (b) Vana pavanodzidza zvidzidzo zvakadaro vachiri vaduku, vanobatsirwa sei?

14 Mwana achangobva kuzvarwa anenge asina kuzvidzora. Kamwe kabhuku kakabudiswa nenyanzvi dzemaitiro evana kanotsanangura kuti: “Kuzvidzora hakungoerekani kwaitika kana kuitika kamwe kamwe. Vacheche nendumure vanoda kutungamirirwa uye kutsigirwa nevabereki kuti vatange muitiro wokudzidza kuzvidzora. . . . Vabereki vachitungamirira muitiro wacho, kuzvidzora kunowedzera mumakore ose okuchikoro.” Kuongororwa kwevana vane makore mana kwakaratidza kuti vaya vakanga vadzidza kuratidza mwero wakati wokuzvidzora “kazhinji kacho vakazova pwere dzinokwanisa kuchinja zviri nani, dzinofarirwa zvikuru, dzinoda kuziva zvakawanda, dzine chivimbo uye dzinovimbwa nadzo.” Vaya vakanga vasati vatanga kudzidza chidzidzo ichi “vaiva nomukana mukuru wokusurukirwa, kukurumidza kugumbuka uye kuomesa musoro. Vaikundwa nokuora mwoyo uye vaitadza kubata nezvinetso.” Sezviri pachena, kuti ave munhu mukuru akagadzikana, mwana anofanira kudzidza kuzvidzora.

15. Kushaya kuzvidzora kunoratidzei, mukusiyana nevavariroi inoratidzwa muBhaibheri?

15 Saizvozvowo, kana tichizova vaKristu vakakura zvakakwana, tinofanira kudzidza kuratidza kuzvidzora. Tikatadza kuzvidzora zvinoratidza kuti tichiri vana mumudzimu. Bhaibheri rinotirayira ‘kuva vakuru zvakakwana mumasimba okunzwisisa.’ (1 VaKorinde 14:20) Vavariro yedu ndeyoku“svika pakuva vamwe mukutenda nezivo yakarurama pamusoro poMwanakomana waMwari, tava munhu akura zvakakwana, tava nemwero woukuru hwokuzara kwaKristu.” Nei? “Kuti tirege kuvazve vacheche, tichikandirwa kwose kwose sezvinoita mafungu uye tichitakurwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa nounyengeri hwevanhu, nemanomano okuruka mazano okukanganisa.” (VaEfeso 4:13, 14) Sezviri pachena, kudzidza kuzvidzora kunokosha kuti tive vakakura mumudzimu.

Kuva Nokuzvidzora

16. Jehovha anopa sei rubatsiro?

16 Kuti tizvidzore, tinoda kubatsirwa naMwari, uye rubatsiro irworwo ruripo. Shoko raMwari, kufanana negirazi rakanaka, rinotiratidza patinofanira kuchinja, uye rinopa mazano okuti tinozviita sei. (Jakobho 1:22-25) Hama dzine rudo dzakagadzirira kubatsirawo. Vakuru vechiKristu vanoratidza kunzwisisa mukupa rubatsiro rwomunhu oga. Jehovha pachake anopa mudzimu mutsvene wake akasununguka kana tikaukumbira mumunyengetero. (Ruka 11:13; VaRoma 8:26) Naizvozvo, ngatishandisei zvinhu izvi nomufaro. Mazano ari papeji 21 angabatsira.

17. Zvirevo 24:16 inotikurudzira sei?

17 Zvinonyaradza sei kuziva kuti Jehovha anokoshesa zvatinoita patinoedza kumufadza! Izvi zvinofanira kutikurudzira kuramba tichiedza kuzvidzora zvikuru. Pasinei nokuti tinokanganisa kakawanda sei, hatimbofaniri kurega zvatinoita. “Munhu wakarurama ungawa kanomwe, achisimukazve.” (Zvirevo 24:16) Nguva imwe neimwe yatinobudirira, tine chikonzero chokufara. Tinogonawo kuva nechokwadi chokuti Jehovha anofara nesu. Chimwe chapupu chinoti chisati chatsaurira upenyu hwacho kuna Jehovha, nguva imwe neimwe yachaibudirira kurega kusvuta kwevhiki imwe, chaizvipa mubayiro nokutenga chimwe chinhu chinobatsira nemari yachanga chabatsirwa kuchengeta nokuzvidzora.

18. (a) Chii chinobatanidzwa muhondo yedu yokuzvidzora? (b) Jehovha anotivimbisa chii?

18 Pamusoro pezvose, tinofanira kuyeuka kuti kuzvidzora kunobatanidza pfungwa nezvatinonzwa. Izvi tinogona kuzviona mumashoko aJesu anoti: “Munhu wose anoramba akatarira mukadzi zvokuti anomuchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateu 5:28; Jakobho 1:14, 15) Iye anenge akwanisa kudzora pfungwa dzake nokunzwa kwake achawana zviri nyore kudzora muviri wake wose. Naizvozvo ngatisimbise shungu dzedu dzokudzivisa kwete kungoita zvakaipa bedzi asi kunyange kufunga nezvazvo. Kana pakamuka pfungwa dzisina kururama, dzirambe nokukurumidza. Tinogona kutiza muedzo nokuita kuti maziso edu arambe akatarira pana Jesu kuburikidza nokunyengetera. (1 Timoti 6:11; 2 Timoti 2:22; VaHebheru 4:15, 16) Sezvatinoita zvose zvatinogona, tinenge tichitevedzera zano raPisarema 55:22 rinoti: “Kandira mutoro wako pamusoro paJehovha, iye uchakusimbisa; haangatongetenderi wakarurama kuti azununguswe.”

Unoyeuka Here?

• Munzira dzipi mbiri dzatinofanira kuratidza kuzvidzora?

• “Kuzvidzora muzvinhu zvose” kunorevei?

• Mazanoi anoshanda okushandira kuzvidzora awabatisisa muchidzidzo chedu?

• Kuzvidzora kunotangira papi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 21]

Nzira Yokusimbisa Nayo Kuzvidzora

• Shandira kuva nako kunyange muzvinhu zviduku

• Fungisisa kubatsira kwakunoita iye zvino nomunguva yemberi

• Tsiva zvinorambidzwa naMwari nezvaanokurudzira

• Ramba pfungwa dzisina kururama pakarepo

• Zadza ndangariro dzako nepfungwa dzinovaka mumudzimu

• Gamuchira rubatsiro rungapiwa nehama dzako dzechiKristu dzakakura mumudzimu

• Usave mumamiriro ezvinhu anoisa pamuedzo

• Nyengeterera kubatsirwa naMwari munguva yomuedzo

[Mifananidzo iri papeji 18, 19]

Kuzvidzora kunoita kuti tiite zvakanaka