Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jehovha aireva ani so“mumwe wedu” pana Genesi 3:22?

Zviri pachena kuti Jehovha Mwari akanga achizvireva iye pachake noMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi paakati: “Munhu wava somumwe wedu zvaanoziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesi 3:22) Ngatikurukurei kuti nei.

Jehovha akataura mashoko aya pashure pokuzivisa mutongo pavanhu vaviri vokutanga. Vamwe vakatora mashoko okuti “mumwe wedu” kuva uzhinji hunoreva ukuru, sokungotaura kungaitwa namambo kuti “hatisi kufara” paanenge achingozvireva iye pachake. Zvisinei, maererano naGenesi 1:26 uye 3:22, nyanzvi yeBhaibheri Donald E. Gowan anoti: “Testamendi Yekare hapana painotsigira zhinji dzetsanangudzo dzakataurwa: ‘isu’ anoratidza kuremekedza, ‘isu’ wokufungisisa chimwe chinhu, uzhinji hwokuzara, kana kuti chiratidzo chevanhu vanopfuura mumwe muna Mwari Baba. . . . Hapana kana imwe yetsanangudzo idzi inoita seine musoro pana Genesi 3:22, iyo inotaura nezvo‘mumwe wedu.’”

Jehovha angave aireva Satani Dhiyabhorosi here, uyo akanga atanga kuzvisarudzira “zvakanaka nezvakaipa” uye akanga afurira vanhu vokutanga kuitawo izvozvo? Izvozvo hazvina musoro. Pano Jehovha akashandisa mashoko okuti “mumwe wedu.” Satani akanga asisiri pakati peboka rengirozi dzaJehovha dzakatendeka, saka aisagona kubatanidzwa nedziya dzaiva kudivi raJehovha.

Mwari aireva ngirozi dzakatendeka here? Hatigoni kudaro chaizvoizvo. Zvisinei, kufanana kwemashoko ari pana Genesi 1:26 uye 3:22 kunotibatsira. Pana Genesi 1:26, tinoverenga kuti Jehovha akati: “Ngatiitei munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu.” Akanga achitaura mashoko aya kunaani? Achireva chisikwa chomudzimu chakazova munhu akakwana Jesu, muapostora Pauro akati: “Ndiye mufananidzo waMwari asingaoneki, dangwe rezvisikwa zvose; nokuti naye zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri pasi pano.” (VaKorose 1:15, 16) Chokwadi, zvinoita sezvine musoro kuti pana Genesi 1:26, Jehovha akanga achitaura kuMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, “mhizha,” uyo aiva padivi pake panguva yaisikwa matenga nepasi. (Zvirevo 8:22-31) Kufanana kwemashoko ari pana Genesi 3:22 kunoratidza kuti Jehovha akanga achitaurazve kumunhu aiva pedyo zvikuru naye, Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi.

Mwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe bedzi sezviri pachena akanga achiziva “zvakanaka nezvakaipa.” Nokuda kwokugara naJehovha kwenguva refu ari pedyo zvikuru naye, chokwadi Jesu akanyatsodzidza kufunga kwaBaba vake, mitemo, uye zvavanoda. Aine chokwadi chokuti Mwanakomana wake aiziva izvi uye aiva akavimbika kwazviri, Jehovha angave akamupa rusununguko mukutarisira nhau pasina kukurukurirana Naye zvakananga nguva nenguva. Saka pane izvi Mwanakomana aizokwanisa uye aizopiwa simba rokusarudza zvakanaka nezvakaipa. Zvisinei, kusiyana naSatani, Adhamu, naEvha, Jesu haana kutanga chinhu chinorwisana nezvinodiwa naJehovha.