Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Musasungwa Zvisina Kufanira Pajoko”

“Musasungwa Zvisina Kufanira Pajoko”

“Musasungwa Zvisina Kufanira Pajoko”

SEZVAUNOGONA kuona pano, ngamera nenzombe zviri kurima pamwe chete zvinoratidza kuti hazvinyatsopindirani. Joko rakazvibatanidza—rinoita kuti mhuka dzacho dzose dzirwadziwe—rakagadzirirwa mhuka mbiri dzakakura zvakaenzana uye dzine simba rakafanana. Aine hanya nokuchengeteka kwemhuka idzodzo dzinoshandiswa kudhonza zvinhu, Mwari akaudza vaIsraeri kuti: “Usarima nenzombe nembongoro zvakasungwa pamwe chete.” (Dheuteronomio 22:10) Mutemo iwoyowo unoshanda kunzombe nengamera.

Kazhinji, murimi aisarwadzisa mhuka dzake zvakadaro. Asi kana akanga asina nzombe mbiri, aigona kusunga mhuka mbiri dzaaiva nadzo. Sezviri pachena, izvi ndizvo zvakasarudzwa kuitwa nomurimi womuzana remakore rechi19 ari pamufananidzo. Nokuda kwokusiyana muukuru nouremu hwadzo, mhuka ine simba shoma yaizotamburira kuti ifambirane neine simba rakawanda, uye yakasimba yaizova nomutoro wakakura.

Muapostora Pauro akashandisa mufananidzo wokusasungwa zvisina kufanira pajoko kuti atidzidzise chidzidzo chinokosha. “Musasungwa zvisina kufanira pajoko nevasingatendi,” akanyora kudaro. “Nokuti kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo? Kana kuti chiedza chine mugove wei nerima?” (2 VaKorinde 6:14) MuKristu aigona sei kusungwa zvisina kufanira pajoko?

Imwe nzira yaizova yokuti kana muKristu wacho aisarudza wokuroorana naye akanga asingadaviri zvaanotenda. Mubatanidzwa wakadaro waizova wakaomera vose vari vaviri, vasingabvumirani panhau dzinokosha.

Jehovha paakatanga muchato, akapa mudzimai basa rokuva ‘mukwaniri.’ (Genesi 2:18) Saizvozvowo, achishandisa muprofita Maraki, Mwari akataura kuti mudzimai i“shamwari.” (Maraki 2:14) Musiki wedu anoda kuti vanhu vaviri vakaroorana vashandire pamwe mune zvokunamata, vachitakurirana mitoro uye vachikohwa mibayiro zvakaenzana.

Nokuroora “munaShe bedzi,” muKristu anoratidza kuremekedza zano raBaba vedu vokudenga. (1 VaKorinde 7:39) Izvi zvinoita kuti pave nomuchato wakabatana, zvingaunzira Mwari mbiri norukudzo sezvo vaviri vacho vanomushumira se‘shamwari dzechokwadi dziri pajoko’ mupfungwa inokosha.—VaFiripi 4:3.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 32]

Ngamera nenzombe: Mubhuku rinonzi La Tierra Santa, Volume 1, 1830