Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pwere, Fambai Zvakafanira Jehovha

Pwere, Fambai Zvakafanira Jehovha

Pwere, Fambai Zvakafanira Jehovha

DZIMWE pwere dzechiKristu dzaifanira kumbogara dziri kure nemhuri dzadzo uye neungano yokumusha kwenguva pfupi. Dzimwe dzakaita kudaro kuti dziwedzere ushumiri hwadzo. Dzimwe dzaifanira kusiya misha yadzo pamusana pokusava kwadzo nekwadzakarerekera munhau dzenyika ino. (Isaya 2:4; Johani 17:16) Mune dzimwe nyika, “Kesari” akatongera pwere dzakaramba dzakavimbika kugara mujeri kana kuti kuita basa renzanga. *Mako 12:17; Tito 3:1, 2.

Padzaiva mujeri pamusana pokusava kwadzo nekwadzakarerekera, pwere idzi dzaigona kuva nenhubu kwenguva refu. Kusava pamusha nokuda kwezvimwe zvikonzero kwamanikidzawo pwere kushanda munzvimbo dzakaipa. VaKristu vechiduku ava kana kuti vamwe vanomanikidzwa kuva mumamiriro ezvinhu akadaro vangabudirira sei kutarisana nezvinonetsa nematambudziko sezvavanoedza ‘kuramba vachifamba zvakafanira Mwari?’ (1 VaTesaronika 2:12) Vabereki vavo vangavabatsira sei kugadzirira mamiriro ezvinhu asina kunaka chero api zvawo angangovapo?—Zvirevo 22:3.

Zvinetso Zvacho Chaizvo

“Zvaiva zvakaoma uye zvaityisa kuva kure nokudzivirira kwevabereki vangu pamwe nokutarisira kune rudo kwevakuru vainyatsondiziva,” anodaro Tákis ane makore 21, uyo aifanira kupedza mwedzi 37 asiri pamusha. * Anotizve: “Dzimwe nguva, ndainzwa ndisingabatsiri zvikuru.” Pétros ane makore makumi maviri aifanira kusava pamusha kwemakore anopfuura maviri. Anobvuma kuti: “Kokutanga muupenyu hwangu, ndaifanira kuzvisarudzira ndoga varaidzo neshamwari, uye zvisarudzo zvangu zvakanga zvisiri zvokuchenjera nguva dzose.” Anotizve: “Dzimwe nguva ndainzwa ndakaomerwa nomutoro mukuru uyo waiunzwa norusununguko rwakawedzerwa.” Tássos, mumwe mukuru wechiKristu anogaroonana nepwere dzechiKristu dziri mumamiriro iwayo ezvinhu, akati: “Mutauro usina kuchena, kupandukira, uye chisimba chevezera radzo vasingatendi zvingafurira pwere dzisina kuchangamuka nedzisingagoni kuzvidzivirira.”

Padzinorarama nokushanda nevanhu vasingaremekedzi nhungamiro dzeBhaibheri, pwere dzechiKristu dzakadaro dzinofanira kungwarira muedzo wokutevedzera tsika dzakaipa uye nzira dzisiri dzepamagwaro dzevezera radzo. (Pisarema 1:1; 26:4; 119:9) Kuramba dzichitevera purogiramu yakanaka yokudzidza dzoga, kupinda misangano, uye kuita ushumiri hwomumunda zvingaita sezvakaoma. (VaFiripi 3:16) Kuronga uye kushandira zvinangwa zvomudzimu zvingavawo zvisiri nyore.

Pwere dzechiKristu dzakatendeka zvechokwadi dzinoda kufadza Jehovha nomufambiro uye kutaura kwadzo. Dzinoedza kuteerera nokuvimbika kukoka kunofadza kwaBaba vadzo vokudenga kunoti: “Mwanakomana wangu, iva wakachenjera, ufadze mwoyo wangu; kuti ndigone kupindura unondishora.” (Zvirevo 27:11) Dzinoziva kuti kuzvibata nomufambiro wadzo zvine chokuita nemaonero anoita vamwe Jehovha nevanhu vake.—1 Petro 2:12.

Zvinorumbidzwa kuti dzakawanda dzepwere dzakadaro dzinoita zvakanakisisa kuti dzifanane nehama dzadzo dzezana remakore rokutanga, nezvadzo muapostora Pauro akanyengeterera kuti: “Mufambe zvakafanira Jehovha muchimufadza kwazvo sezvamunoramba muchibereka zvibereko mubasa rose rakanaka . . . kuti mutsungirire kwazvo nokuva vane mwoyo murefu nomufaro.” (VaKorose 1:9-11) Bhaibheri rinopa mienzaniso inoverengeka yepwere dzinotya Mwari dzakafamba zvakafanira Mwari nokubudirira dziri munyika yokumwe, inotyisa, uye yainamatwa zvidhori.—VaFiripi 2:15.

‘Jehovha Aiva naJosefa’

Achiri muduku, Josefa, mwanakomana aidiwa waJakobho naRakeri, akaona ava kure zvikuru nomusha unodzivirira wababa vake vaitya Mwari. Akatengeswa muuranda kuIjipiti. Josefa akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo sejaya rinobishaira, rakavimbika, uye rine tsika. Pasinei nokushandira Potifari—munhu akanga asiri munamati waJehovha—Josefa aiva akangwarira uye aibishaira, zvokuti tenzi wake akazomuronzesa zvinhu zvose zvomumba make. (Genesi 39:2-6) Josefa akaramba akavimbika kuna Jehovha, uye apo izvi zvakaguma nokukandwa kwake mujeri, haana kugumisa kuti: “Zvinobatsirei?” Kunyange ari mujeri akaratidza unhu hwakanaka, uye pasina nguva akanga ava kutarisira zvinhu zvakawanda zvomujeri. (Genesi 39:17-22) Mwari akamukomborera, uye sezvakanyorwa pana Genesi 39:23, ‘Jehovha aiva naJosefa.’

Zvaizova nyore zvechokwadi kuna Josefa, uyo akanga aparadzana nevabereki vake vaitya Mwari, kuita kuti mufambiro wake uenderane nouya wevahedheni vairarama vakamupoteredza, achitevedzera mararamiro ounzenza evaIjipiti! Pane kudaro, akaomerera panhungamiro dzaMwari ndokuramba akachena pasinei nemiedzo yakasimba zvikuru. Mudzimai waPotifari paakaramba achimumanikidza kuti arare naye, mhinduro yake yakasimba yaiva yokuti: “Ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa zvikuru nditadzire Mwari?”—Genesi 39:7-9.

Nhasi, pwere dziri Zvapupu dzinofanira kuteerera nyevero dziri muBhaibheri pamusoro peshamwari dzisina kunaka, varaidzo younzenza, kuona kana kuverenga zvinonyadzisira, uye nziyo dzinoshatisa. Dzinoziva kuti “meso aJehovha ari pose pose; achicherekedza vakaipa navakanaka.”—Zvirevo 15:3.

Mosesi Akaramba “Kufadzwa Nechivi”

Mosesi akakurira mumhoteredzo yainamatwa zvidhori uye yaida mafaro pamuzinda waFarao. Bhaibheri rinoti nezvake: “Nokutenda Mosesi . . . akaramba kunzi mwanakomana wemwanasikana waFarao, achisarudza kuitirwa zvakaipa pamwe nevanhu vaMwari panzvimbo pokufadzwa nechivi kwenguva duku.”—VaHebheru 11:24, 25.

Ushamwari nenyika hunogona kuguma nezvimwe zvakanaka, asi ndohwenguva duku. Kana hwatogarisa, hunogona kungogara kwenguva pfupi yasarira nyika ino. (1 Johani 2:15-17) Hazvingavi nani here kutevera muenzaniso waMosesi? Bhaibheri rinoti “akaramba akasimba seaiona Uyo asingaoneki.” (VaHebheru 11:27) Akaramba akaisa pfungwa dzake panhaka yezvokunamata yemadzitateguru ake aitya Mwari. Akaita kuti chinangwa chaJehovha chive chinangwa chake muupenyu, achiita kuti kuda kwaMwari kuve chinangwa chake.—Eksodho 2:11; Mabasa 7:23, 25.

Apo pwere dzinotya Mwari dzinozviona dzava mumhoteredzo isingadi Mwari uye isina ushamwari, dzingasimbisa ukama hwadzo naJehovha nokudzidza dziri dzoga, dzichisvika pakuziva zviri nani “Uyo asingaoneki.” Purogiramu yakazara yezviito zvechiKristu, kusanganisira kupinda misangano nokuita ushumiri hwomumunda nguva dzose, ichabatsira pwere idzi kuita kuti pfungwa dzadzo dzirambe dziri pazvinhu zvokunamata. (Pisarema 63:6; 77:12) Dzinofanira kuedza kukudziridza kutenda netariro zvakasimba sezviya zvaMosesi. Dzingaita zvakanaka kuvakira kufunga kwadzo nezviito pana Jehovha, dzichifara kuva shamwari yake.

Akashandisa Rurimi Rwake Kurumbidza Mwari

Imwe pwere yakaratidza muenzaniso wakanaka payaiva isiri pamusha yaiva musikana wechiIsraeri akatapwa nevaSiriya mumazuva omuprofita waMwari Erisha. Akava musikana webasa womudzimai womukuru weuto reSiriya aiva nemaperembudzi, Naamani. Musikana uyu akaudza tenzikadzi wake kuti: “Dai ishe wangu aiva kumuprofita uri paSamaria, ungadai akavaporesa maperembudzi ake.” Nokuda kwokupupurira kwake, Naamani akaenda kuna Erisha kuIsraeri ndokucheneswa maperembudzi ake. Uyezve, Naamani akava munamati waJehovha.—2 Madzimambo 5:1-3, 13-19.

Muenzaniso womusikana uyu unosimbisa kukosha kwokuti pwere dzishandise rurimi rwadzo munzira inokudza Mwari, kunyange kana dziri kure nevabereki vadzo. Kudai musikana iyeye akanga aine tsika yo‘kutaura zvoupenzi’ kana “majee anonyadzisa,” aizonzwa zvakanaka here kushandisa rurimi rwake zvinobudirira sezvaakaita apo mukana wacho wakamuka? (VaEfeso 5:4; Zvirevo 15:2) Níkos, jaya rine makore okumavambo kwema20 akaisirwa mujeri kusava nekwaakarerekera, anoyeuka kuti: “Pandaiva nedzimwe hama dzechiduku pane rimwe jeri rezvokurima, kure netarisiro yevabereki neungano, ndakaona kuti kutaura kwedu kwakaipa. Chaizvoizvo kwakanga kusingaunzi mbiri kuna Jehovha.” Zvinofadza kuti Níkos nevamwe vakabatsirwa kuteerera zano raPauro panhau iyi, rinoti: “Ufeve nokusachena kworudzi rwose kana kukara ngazvirege kumbodudzwa pakati penyu, sezvazvinokodzera vanhu vatsvene.”—VaEfeso 5:3.

Jehovha Aiva Chaiyeiye Kwavari

Zvakaitika kushamwari nhatu dzechiHebheru dzaDhanieri muBhabhironi rekare zvinopupurira chokwadi chenhungamiro yakanyorwa naJesu yokuti kutendeka muzvinhu zviduku kunotungamirira kukutendeka muzvinhu zvikuru. (Ruka 16:10) Pavakatarisana nechinetso chokudya zvokudya zvairambidzwa noMutemo waMosesi, vaigona kudai vakapa zvikonzero zvokuti vaiva nhapwa munyika yokumwe saka pakanga pasina zvokuita. Asi vakagamuchira chikomborero chakakura kwazvo nokuti vakakoshesa kunyange zvingave zvaiita sechinhu chiduku! Vakava noutano hwakanaka uye vakachenjera kupfuura dzimwe nhapwa dzose dzakaramba dzichidya machikichori amambo. Hapana mubvunzo kuti kutendeka muzvinhu zviduku izvi kwakavasimbisa, zvokuti pavakazotarisana nomuedzo wakakura wokupfugamira chifananidzo, vakaramba kubvumirana pane zvisina kufanira.—Dhanieri 1:3-21; 3:1-30.

Jehovha aiva chaiyeiye kumajaya aya matatu. Pasinei nokusava pamisha yavo uye panzvimbo yokunamatira Mwari, vakanga vakatsunga kuramba vasina ruvara rwenyika. (2 Petro 3:14) Ukama hwavo naJehovha hwaikosha zvikuru kwavari zvokuti vaiva vakazvipira kubayira upenyu hwavo nokuda kwahwo.

Jehovha Haazokurasii

Pwere padzinenge dzisiri pane vaya vadzinoda uye vadzinovimba navo, zvinonzwisisika kuti dzinganzwa dzisina kuchengeteka, dzisina chokwadi, uye dzisina kugadzikana. Zvisinei, dzingatarisana nemiedzo yadzo dziine chivimbo chakakwana chokuti ‘Jehovha haazodzirasi.’ (Pisarema 94:14) Kana pwere dzakadaro dzi“katambura nokuda kwokururama,” Jehovha aripo kudzibatsira kuti dzirambe dzichifamba “nenzira yokururama.”—1 Petro 3:14; Zvirevo 8:20.

Jehovha akaramba achisimbisa uye achikomborera zvikuru Josefa, Mosesi, murandasikana wechiIsraeri, uye pwere nhatu dzechiHebheru dzakatendeka. Nhasi, ari kushandisa mudzimu mutsvene wake, Shoko rake, uye sangano rake kutsigira vaya vano“rwa kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda,” achiisa mberi kwavo mubayiro wo“upenyu husingaperi.” (1 Timoti 6:11, 12) Chokwadi, kufamba zvakafanira Jehovha kunobvira, uye kuchenjera kudaro.—Zvirevo 23:15, 19.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Ona Nharireyomurindi, yaMay 1, 1996, mapeji 18-20.

^ ndima 5 Mamwe mazita akachinjwa.

[Bhokisi riri papeji 25]

VABEREKI—GADZIRIRAI VANA VENYU!

“Semiseve muruoko rwemhare, ndizvo zvakaita vana voujaya.” (Pisarema 127:4) Museve haungasviki paunoda kubaya netsaona. Unofanira kunangidzirwa nounyanzvi. Saizvozvowo, vana havangagadzirirwi kutarisana nechokwadi choupenyu vasiri pamusha pasina nhungamiro yakarurama yevabereki.—Zvirevo 22:6.

Vechiduku havatani kuita chinhu vasina kunyatsofunga kana kuti kubvumira “kuchiva kwouduku.” (2 Timoti 2:22) Bhaibheri rinonyevera kuti: “Shamhu nokurayira zvinouyisa uchenjeri; asi mwana wangoregwa hake unonyadzisa amai vake.” (Zvirevo 29:15) Zviito zvoupwere zvikasadzorwa zvinosiya mwana asina kugadzirirwa pane zvinodiwa nezvinonetsa muupenyu asiri pamusha.

Munzira yakajeka ine chiremera, vabereki vechiKristu vanofanira kutaurira vana vavo zvinetso, zvinhu zvinomanikidza, uye chokwadi choupenyu zviri munyika ino. Vangarondedzera mamiriro ezvinhu asingafadzi ayo pwere ingatarisana nawo kana isingazogari pamusha, asi vasingaipi tariro kana kuiodza mwoyo. Kudzidzisa uku, pamwe nouchenjeri hunopiwa naMwari, ‘zvichapa vasina mano kungwara, jaya ripiwe zivo nokuchenjera.’—Zvirevo 1:4.

Vabereki vanopinza zvishoma nezvishoma mumwoyo yevana vavo tsika dzinodiwa naMwari uye tsika dzakanaka vanoita kuti vakwanise kukurira zvinetso zvoupenyu. Kudzidza Bhaibheri semhuri nguva dzose, kukurukurirana vakasununguka, uye kufarira zvepachokwadi kugara zvakanaka kwevana vavo, zvingapa musiyano pakati pokubudirira nokukundikana. Vabereki vanofanira kudzidzisa vana vavo zvinodiwa naMwari munzira yakadzikama asi yakanaka uye inoratidza kunzwisisa, vachivagadzirira kuzvimiririra muupenyu. Nomuenzaniso wavo, vabereki vanogona kudzidzisa vana vavo kuti zvinobvira kuva munyika asi vasiri rutivi rwayo.—Johani 17:15, 16.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Dzimwe pwere dzechiKristu dzaifanira kusiya misha yadzo

[Mifananidzo iri papeji 24]

Nokudzivisa muedzo, pwere dzingatevedzera Josefa ndokuramba dzakachena mutsika

[Mifananidzo iri papeji 26]

Tevedzera murandasikana wechiIsraeri akashandisa rurimi rwake kurumbidza Jehovha