Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wedzerai Pazivo Yenyu Kuzvidzora

Wedzerai Pazivo Yenyu Kuzvidzora

Wedzerai Pazivo Yenyu Kuzvidzora

“Wedzerai . . . pazivo yenyu kuzvidzora.”—2 PETRO 1:5-8.

1. Zvinetso zvakawanda zvevanhu mugumisiro wokusakwanisa kuti chii?

PANGUVA yakamboratidzirwa zvikuru mukushora kushandisa zvinodhaka, vechiduku vomuUnited States vakakurudzirwa kuti: “Ingotii kwete.” Zvinhu zvaizova nani sei kudai munhu wose aizongoti kwete, pasiri pakushandisa zvinodhaka chete asiwo pakunwisa, pamararamiro okusachenjera ounzenza, pamiitiro yebhizhimisi yokusatendeseka, uye pa“kuchiva kwenyama”! (VaRoma 13:14) Asi ndiani angati kutaura kuti kwete kuri nyore nguva dzose?

2. (a) Mienzanisoi yomuBhaibheri inoratidza kuti kunetseka kutaura kuti kwete hakusi kutsva? (b) Mienzaniso iyi inofanira kutikurudzira kuitei?

2 Sezvo vanhu vose vasina kukwana vachinetseka nokuzvidzora, tinofanira kuda kuziva nzira yokubudirira nayo muhondo ipi zvayo yatinotarisana nayo. Bhaibheri rinotiudza nezvevanhu vekare vakaedza kushumira Mwari asi dzimwe nguva vakanetseka kuti vangoti kwete. Rangarira Dhavhidhi nechivi chake choupombwe naBhatishebha. Chakatungamirira kurufu rwomwana wavo akanambwa muupombwe uye rwomurume waBhatishebha, vose vakanga vasina mhosva. (2 Samueri 11:1-27; 12:15-18) Kana kuti funga nezvomuapostora Pauro, uyo akareurura pachena kuti: “Nokuti zvakanaka zvandinoda handizviiti, asi zvakaipa zvandisingadi ndizvo zvandinoita.” (VaRoma 7:19) Unombonzwa uchikundikana kuita zvaunoda saizvozvo here? Pauro akaenderera mberi achiti: “Ndinofarira chaizvoizvo mutemo waMwari maererano nomunhu wandiri mukati, asi ndinoona mumitezo yangu mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kumutemo wechivi uri mumitezo yangu. Ndiri munhu wenhamo! Ndiani achandinunura mumuviri uri kuwana urwu rufu?” (VaRoma 7:22-24) Mienzaniso yomuBhaibheri inofanira kusimbisa shungu dzedu dzokusamborega hondo yedu yokuti tizvidzore zvikuru.

Kuzvidzora, Chidzidzo Chinofanira Kudzidzwa

3. Tsanangura chikonzero nei tisingafaniri kufunga kuti zvichava nyore kuratidza kuzvidzora.

3 Kuzvidzora, kunosanganisira kukwanisa kuti kwete, kunotaurwa pana 2 Petro 1:5-7 pamwe chete nokutenda, kunaka, zivo, kutsungirira, kuzvipira kuna Mwari, kudanana kwazvo sehama, uye rudo. Hapana nechimwe chezvinhu zvinodikanwa izvi chatinongoberekwa tinacho chakazara. Zvinofanira kushandirwa. Zvinoda shungu nesimba kuti tizviratidze pamwero wakati kurei. Saka tinofanira kufunga kuti kuzvidzora kuchava nyore here?

4. Nei vakawanda vachifunga kuti havanetseki nokuzvidzora, asi ichi chiratidzo chei?

4 Chokwadi, mamiriyoni evanhu angafunga kuti haanetseki nokuzvidzora. Vanorarama upenyu hwavo vachiita zvavanoda, vachizviziva kana kuti vasingazvizivi vachizvibata maererano nezvavanotumwa kuita nenyama yavo isina kukwana, vasina hanya nokuti zvichaguma nei kwavari kana kune vamwe. (Judha 10) Kukundikana kwevanhu uye kusada kwavo kuti kwete kwava pachena zvikuru iye zvino kupfuura zvakwati kwamboita. Chiratidzo chokuti zvechokwadi tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” akarehwa naPauro paakafanotaura kuti: “Nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, . . . vasingazvidzori.”—2 Timoti 3:1-3.

5. Nei Zvapupu zvaJehovha zvichifarira nyaya yokuzvidzora, uye izano ripi richiri kushanda?

5 Zvapupu zvaJehovha zvinonyatsoziva chinetso chinokonzerwa nokudiwa kwokuzvidzora. Kufanana naPauro, vanoziva hondo iripo pakati pechido chokufadza Mwari nokurarama maererano nezvaanoda, nenzira yavanganzwa nyama yavo ichivatuma kutora. Nokuda kwechikonzero ichi kwenguva refu vave vachida kuziva nzira yokuti vakunde nayo mumakakatanwa aya. Kare muna 1916, imwe yemagazini dzokutanga dzemagazini yauri kuverenga iye zvino yakataura nezve“nzira yakarurama yokuti titore kuti tizvidzore, tidzore pfungwa dzedu, mashoko edu nomufambiro wedu.” Yakakurudzira kugarofunga VaFiripi 4:8. Zano raMwari riri murugwaro irworwo richiri kushanda, kunyange rakatanga kupiwa makore anenge 2 000 akapfuura uye zvimwe rakaoma zvikuru kutevedzera iye zvino kupfuura zvazvakanga zvakaita panguva iyoyo kana kuti muna 1916. Zvisinei, vaKristu vanoedza zvakasimba kuti kwete kuzvishuvo zvenyika, vachiziva kuti nokuita kudaro, vari kuti hungu kuMusiki wavo.

6. Nei tisingafaniri kurasa tariro patinenge tichishandira kuzvidzora?

6 Kuzvidzora kunotaurwa pana VaGaratiya 5:22, 23 sechimwe che“zvibereko zvomudzimu [mutsvene].” Kana tikaratidza unhu uhwu pamwe chete no“rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, [uye] unyoro,” tichabatsirwa zvikuru. Kuita kudaro kuchatidzivisa pakuva “vasingaiti basa kana kuti vasina zvibereko” mubasa redu kuna Mwari, sokutsanangura kwakaita Petro. (2 Petro 1:8) Asi hatifaniri kurasa tariro kana kuzvishora kana tikatadza kuratidza unhu uhwu nokukurumidza uye zvakazara sezvataizoda. Pamwe wakacherechedza kuti kuchikoro mumwe mudzidzi anokurumidza kubata zvinhu kupfuura mumwe. Kana kuti pabasa mumwe munhu anodzidza basa idzva nokukurumidza kupfuura vamwe vaanoshanda navo. Saizvozvowo, vamwe vanodzidza kuratidza unhu hwechiKristu nokukurumidza kupfuura vamwe. Chinokosha kuramba tichishandira kuva nounhu hunodiwa naMwari munzira yakanakisisa yatinogona. Izvi tinogona kuzviita nokushandisa zvizere rubatsiro runopiwa naJehovha kuburikidza neShoko rake neungano. Shungu dzokuramba tichifambira mberi ndidzo dzinonyanya kukosha pane kumhanya kuti tisvike patiri kuvavarira.

7. Chii chinoratidza kuti kuzvidzora kunokosha?

7 Pasinei nokuti kwakanyorwa pokupedzisira pazvinhu zvinoberekwa nomudzimu, kuzvidzora hakuna kumboderera pane zvimwe zvacho. Asi kunotokosha. Tinofanira kuziva kuti “mabasa enyama” ose aigona kudziviswa kudai taizvidzora zvakakwana. Asi, vanhu vasina kukwana havatani kukundwa nemamwe e“mabasa enyama . . . , ufeve, kusachena, unzenza, kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu, kuvengana, kukakavadzana, godo, kufufutirwa nokutsamwa, kukakavara, kupesana, mapoka.” (VaGaratiya 5:19, 20) Naizvozvo tinofanira kuramba tichirwa, tine shungu dzokudzura vavariro dzakashata kubva mumwoyo nomupfungwa.

Vamwe Vane Hondo Yakaoma

8. Zvii zvinoita kuti kuzvidzora kuve kwakaoma chaizvo kune vamwe?

8 Vamwe vaKristu vanoomerwa zvakanyanya nokuzvidzora kupfuura vamwe. Nei? Kurovedzwa kwavakaitwa nevabereki kana kuti zvakaitika kare zvingakonzerawo izvozvo. Kana kukudziridza nokuratidza kuzvidzora kusina kumboita sokunotinetsa, ichocho chikonzero chomufaro. Asi tinotofanira kunzwa tsitsi uye kunzwisisa patinenge tichibata nevaya vanonetseka zvikuru kukuratidza, kunyange zvazvo kusazvidzora kwavo kuchiita kuti tisanzwe zvakanaka. Tichifunga nezvokusakwana kwedu pachedu, ndiani wedu ane chikonzero chokuratidza pfungwa dzokuzviruramisa?—VaRoma 3:23; VaEfeso 4:2.

9. Zvinetsoi izvo vamwe vanazvo, uye ndirini pachakundwa zvinetso izvi zvachose?

9 Kuenzanisira: Tingaziva kuti dzimwe hama dzedu dzechiKristu dzakarega kushandisa fodya kana kuti kushandisa zvinodhaka zvinoshandisirwa kunakirwa dzimwe nguva dzingava dzichiri kunzwa havi yazvo yakasimba. Kana kuti vamwe vanoona zvakaoma kuderedza kudya kwavanoita zvokudya kana zvinwiwa zvinodhaka. Vamwe vane chinetso chokudzora rurimi rwavo, saka vanowanzokanganisa pakutaura. Kuti tikunde zvinetso zvakadaro zvinoda kushanda nesimba kuti tive nokuzvidzora. Nei? Jakobho 3:2 inotaura zvazviri kuti: “Tose tinokanganisa kakawanda. Kana munhu asingakanganisi pakutaura, iyeyu munhu akakwana, anokwanisawo kudzora muviri wake wose.” Kunyange zvakadaro, vamwe vanonzwa muedzo mukuru wokubheja. Kana kuti vangawana zvakaoma kudzora hasha dzavo. Zvingatora nguva kudzidza kukunda zvinobudirira zvinetso izvi kana zvimwe zvakadai. Kunyange tingafambira mberi zvinooneka iye zvino, zvishuvo zvakashata zvichabviswa zvachose kana bedzi tasvika pakukwana. Panguva ino, kuedza zvakasimba kuzvidzora kuchatibatsira kuti tisadzokerazve mumararamiro okuita zvivi. Sezvo hondo yacho inoenderera mberi, ngatibatsiranei kuti tisarega.—Mabasa 14:21, 22.

10. (a) Nei kuzvidzora panyaya dzepabonde kwakanyanya kuomera vamwe? (b) Imwe hama yakachinja zvikuru zvakadini? (Ona bhokisi riri papeji 16.)

10 Pamwe panonetseka vamwe kuzvidzora panyaya yokusangana pabonde. Kusangana pabonde kwevanhu pachako ndiyo imwe nzira yatakaitwa nayo naJehovha Mwari. Asi, vamwe vanoomerwa zvakanyanya kuchengeta bonde riri munzvimbo yaro yakakodzera, maererano nezvinodiwa naMwari. Chinetso chavo chingawedzerwa nokuti vanonzwa kuda bonde zvakanyanya. Tinorarama munyika iri kupengeswa nenyaya dzepabonde iyo inoshandisa nzira dzakawanda kukurudzira vanhu kuti vanyanye kufarira zvepabonde. Izvi zvingakonzera dambudziko rakakura kune vaKristu vanoda kumbotora kanguva vasati varoora kuitira kuti vashumire Mwari vasingavhiringidzwi nokuroora. (1 VaKorinde 7:32, 33, 37, 38) Asi maererano nekurudziro yeMagwaro inoti “zviri nani kuroora pane kutsva,” vangasarudza kuroora, izvo zvinokudzwa chaizvo. Uyezve, vakatsunga kuroora “munaShe bedzi,” sezvinorayirwa neMagwaro. (1 VaKorinde 7:9, 39) Tinogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha anofara nokuda kwavanoita kutsigira tsika dzake dzakarurama. Hama dzavo dzechiKristu dzinofara kusonganira nevanamati vechokwadi vane manamatiro akakwirira zvakadaro uye ruvimbiko.

11. Tingabatsira sei hama kana hanzvadzi inonzwa ichida wokuroorana naye asi isati yamuwana?

11 Zvakadini kana wokuroorana naye akakodzera asingawaniki? Fungidzira kuora mwoyo kunogona kuita munhu anoda kuroora asi asina kukwanisa kuita kudaro! Angaona shamwari dzake dzichiroora dzowana mufaro wakati, iye achiri kutsvaka wokuroorana naye akakodzera. Kune vamwe vari mumamiriro ezvinhu akadaro, tsika isina kuchena yebonhora ingava chinetso chenguva dzose. Chero zvazviri, hapana muKristu anoda kuodza mwoyo nokusaziva mumwe ari kurwa kuti arambe akachena. Tinogona kuodza vamwe mwoyo mukusaziva kana tikataura mashoko okusafunga akadai sokuti, “Ucharoora rini?” Izvozvo zvingataurwa pasina vavariro yakaipa, asi zviri nani sei kuratidza kuzvidzora mupfungwa yokungwarira zvatinotaura! (Pisarema 39:1) Vaya vari pakati pedu vanoramba vakachena ivo vasina kuroora tinofanira kuvarumbidza chaizvo. Pane kutaura zvingaodza mwoyo, tingaedza kuva vanokurudzira. Somuenzaniso, tingaedza kubatanidza vasina kuroora apo boka duku revanhu vakura rinoungana nokuda kwezvokudya kana kuwadzana kwakanaka kwechiKristu.

Kuzvidzora Mumba

12. Nei mwero wakati wokuzvidzora uchidiwa kunyange nevaya vakaroorana?

12 Kuroora pachako hakuiti kuti munhu asazoda kuzvidzora panyaya yezvepabonde. Somuenzaniso, zvinoda murume nomukadzi pabonde zvingasiyana zvikuru. Kana kuti kurwara kwomumwe wacho dzimwe nguva kungaita kuti kusangana pabonde nenzira yenguva dzose kunetse kana kuti kunyange kusambobvira. Pamwe nemhaka yezvakamboitika, murume kana mukadzi angawana zvakaoma kuteerera murayiro unoti: “Murume ngaape mukadzi wake chakafanira chake; asi mukadzi ngaaitire murume wake saizvozvowo.” Pazvinenge zvakadaro, mumwe wacho angafanira kuratidza kuzvidzora kwakawedzerwa. Asi vose vangayeuka zano raPauro rorudo kune vaKristu vakaroorana rokuti: “Musanyimane, asi mubvumirane kwenguva yakatemwa, kuti mutsaure nguva yomunyengetero uye muve pamwe zvakare, kuti Satani arege kuramba achikuedzai nokuda kwokusava nokuzvidzora kwenyu.”—1 VaKorinde 7:3, 5.

13. Chii chatingaitira vaya vari kutamburira kuzvidzora?

13 Vakaroorana vangafara kwazvo kana vose vakadzidza kuzvidzora zvakanaka muukama hwapedyo pedyo uhwu. Zvakare, vangaita zvakanaka kuratidza kunzwisisa vavanonamata navo vachiri kutamburira kuti vakuratidze panyaya iyi. Hatimbofaniri kukanganwa kunyengetera kuti Jehovha ape hama dzedu dzomudzimu nzwisiso, chivimbo, uye shungu dzokuramba vachirwa kuti vazvidzore uye kuti vatore matanho okuti vakunde zvishuvo zvisina kururama.—VaFiripi 4:6, 7.

Rambai Muchibatsirana

14. Nei tichifanira kubata nehama dzedu dzechiKristu netsitsi uye nokunzwisisa?

14 Dzimwe nguva, tingawana zvakaoma kunzwisisa hama dzedu dzechiKristu dziri kutamburira kuratidza kuzvidzora pazvinhu zvisingatinetsi. Asi vanhu vanosiyana zvavari. Vamwe vanodzorwa nyore nemanzwiro avo; vamwe havadaro. Vamwe vanozviwana zviri nyore chaizvo kuzvidzora, vasingambonetseki zvakanyanya nako. Vamwe vanonetseka zvikuru. Asi, yeuka kuti munhu ari kutamburira haasi munhu akaipa. Hama dzedu dzechiKristu dzinoda kuti tidzinzwisise nokudzinzwira tsitsi. Zvinotifadza isu pachedu sezvatinoramba tichiratidza ngoni kune vaya vachiri kutamburira kuwedzera kuzvidzora. Tinogona kuona izvozvo kubva mumashoko aJesu akanyorwa pana Mateu 5:7.

15. Nei mashoko ari pana Pisarema 130:3 achinyaradza panyaya yokuzvidzora?

15 Hatimbofaniri kukanganisa kuona hama yedu yechiKristu iyo ingatadza kuratidza unhu hwechiKristu uhwu pane imwe nguva. Zvinokurudzira kwazvo kuziva kuti Jehovha haana kungoona nguva imwe chete yatingave takakundikana kuzvidzora, asi anoona nguva dzakawanda dzatinobudirira kuzvidzora, kunyange nguva dzose idzodzo dzisina kucherechedzwa nehama dzedu dzechiKristu. Zvinonyaradza zvikuru kugara tichifunga mashoko aPisarema 130:3 anoti: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire, Ishe?”

16, 17. (a) Tingashandisa sei VaGaratiya 6:2, 5 pakuzvidzora? (b) Chii chatichakurukura pamusoro pokuzvidzora?

16 Kuti tifadze Jehovha, mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvidzora, asi tinogona kuva nechokwadi chokuti hama dzedu dzechiKristu dzichatibatsira. Kunyange mumwe nomumwe wedu achifanira kuzvitakurira mutoro wake, tinokurudzirwa kunyange zvakadaro kubatsirana kutsungirira zvinetso. (VaGaratiya 6:2, 5) Tinogona kukoshesa mubereki, murume kana mudzimai wedu, kana kuti shamwari inotirambidza kuenda kunzvimbo dzatisingafaniri kuenda, kuona zvinhu zvatisingafaniri kuona, kana kuita zvinhu zvatisingafaniri kuita. Ari kutibatsira kuzvidzora, kukwanisa kuti kwete uye kurevesa!

17 VaKristu vakawanda vangave vachiita maererano nezvatakurukura kusvika panguva ino pamusoro pokuzvidzora, asi vangafunga kuti ivo pachavo vachiri kufanira kuvandudza. Vangada kuratidza kuzvidzora zvakazara zvikuru, kusvika pamwero wavanofunga kuti ndiwo ungatarisirwawo vanhu vasina kukwana. Ndizvo zvaunofunga here? Saka, chii chaungaita kuti uve nechibereko ichi chomudzimu waMwari? Uye kuita kwako kudaro kungakubatsira sei kuita zvaunovavarira kuita kwenguva refu somuKristu? Ngationei munyaya inotevera.

Unoyeuka Here?

Nei Kuzvidzora . . .

• kwakakosha kuti vaKristu vave nako?

• kuchinetsa vamwe zvakanyanya?

• kuchikosha pane vakaroorana?

• huri unhu hwatingabatsirana kuva nahwo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 16]

Akadzidza Kuti Kwete

Mumwe weZvapupu zvaJehovha anogara kuGermany akanga achishanda samabharani wezvokukurukurirana. Basa rake raisanganisira kutarisa mapurogiramu 30 eterevhizheni neredhiyo. Kana pane chakanganisika, aifanira kutarira purogiramu yacho kuti azive chinetso chacho. Anoti: “Inenge nguva yose zvinhu zvairatidzika sezvaikanganisika panguva isina kukodzera, panguva chaiyo inenge ichiratidzwa zvechisimba nezvepabonde. Zvinhu zvakaipa izvi zvinenge zvaigara mumusoro mangu kwemazuva uye dzimwe nguva kwevhiki dzakawanda, kunge zvakanga zvatemererwa muuropi hwangu.” Anobvuma kuti izvi zvakanga zvava kumukanganisa pakunamata kwake: “Ndinenge ndinoda kuti omesei musoro, saka zvinhu zvechisimba zvakaita kuti ndiomerwe kuzvidzora. Zviitiko zvepabonde zvakaita kuti ini nomudzimai wangu tinetsane. Ndaitambura zuva nezuva. Kuti ndisakundwe nezvinhu izvi, ndakasarudza kutsvaka rimwe basa, kunyange zvaireva kubhadharwa mari shoma. Nguva pfupi yapfuura ndakabudirira kuriwana. Zvandaida zvakaitika.”

[Mifananidzo iri papeji 15]

Zivo inowanikwa mukudzidza Bhaibheri inotibatsira kuzvidzora