Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidza Kuva Norupo

Dzidza Kuva Norupo

Dzidza Kuva Norupo

HAPANA anozvarwa aine rupo. Mwana anongova nepfungwa yokuitirwa zvaanoda iye, asinei nezvinodiwa kunyange nevatarisiri vake. Kunyange zvakadaro, nokufamba kwenguva, mwana wacho anodzidza kuti haafaniri kungofunga zvaanoda iye. Vamwe vanofanira kufungwawo, uye anofanira kudzidza kwete kungogamuchira chete asiwo kupa nokugovana. Rupo runofanira kudzidzwa.

Havasi vanhu vose vanopa—kunyange zvakawanda—vane rupo. Vamwe vangapa kune sangano rakati kuitira kuti vasimudzire zvavanofarira pachavo. Vamwe vangapa kuitira kuti varumbidzwe nevanhu. Zvisinei, kupa kunoitwa nevaKristu vechokwadi kwakasiyana. Zvino, kupa kworudzii kunokurudzirwa muShoko raMwari? Kumboongorora zvishoma kupa kwaiitwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga kuchapindura mubvunzo iwoyo.

Mienzaniso Yokupa kwechiKristu

Kupa kwechiKristu, sezvinotsanangurwa muBhaibheri, zvikurukuru kwaiva “kugoverana zvinhu nevamwe” vakanga vachishayiwa zvechokwadi. (VaHebheru 13:16; VaRoma 15:26) Kwaisafanira kuitwa zvokumanikidzirwa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Mumwe nomumwe ngaaite sezvaakasarudza kuita mumwoyo make, asingaiti nokunyunyuta kana nokugombedzerwa, nokuti Mwari anoda mupi anofara.” (2 VaKorinde 9:7) Kupa kwaisafanirawo kuitwa nechinangwa chokushamisira. Ananiyasi naSafira vakanyepedzera kupa uye vakabhadhara nenzira inorwadza.—Mabasa 5:1-10.

Kupa kwakadiwa chaizvo apo vaJudha vakawanda nevatendeuki vaibva kure vakaungana muJerusarema nokuda kwomutambo wePendekosti muna 33 C.E. Ipapo ndipo apo vateveri vaJesu vaka“zadzwa nomudzimu mutsvene vakatanga kutaura nedzimwe ndimi.” Boka guru rakavaunganira rikanzwa hurukuro yaPetro yaikurudzira pamusoro paJesu Kristu. Gare gare, vanhu vakaona maporesero akaita Petro naJohani murume akanga akaremara pasuo retemberi, uye vakanzwa Petro achikurukurazve pamusoro paJesu nokudiwa kwokupfidza. Zviuru zvakapfidza zvikabhabhatidzwa sevateveri vaKristu.—Mabasa, zvitsauko 2 ne3.

Vakanga vachangobva kutendeuka ava vaida kumbogara muJerusarema kuti vamboramba vachidzidziswa nevaapostora vaJesu. Asi vaapostora vaizotarisira sei zvaidiwa nevashanyi vose ivavo? Nhoroondo yeBhaibheri inotiudza kuti: “Vose vakanga vane minda kana dzimba vaizvitengesa vachiunza zvainge zvawanwa pakutengesa uye vaizviisa patsoka dzevaapostora. Uyewo mumwe nomumwe aizogoverwa, sokushayiwa kwaaiita.” (Mabasa 4:33-35) Chokwadi, ungano yeJerusarema yakanga ichangobva kuumbwa yaiva norupo!

Gare gare, dzimwe ungano dzakaratidza rupo rwakadaro. Somuenzaniso, vaKristu vokuMakedhoniya, kunyange vaiva varombo, vakaita zvinopfuura zvavaikwanisa kuita chaizvo mukupa mipiro nokuda kwehama dzavo dzaishayiwa muJudhiya. (VaRoma 15:26; 2 VaKorinde 8:1-7) Ungano yeFiripi yaiita zvakanakisisa mukutsigira kwayo ushumiri hwaPauro. (VaFiripi 4:15, 16) Ungano yeJerusarema yaipawo chirikadzi dzaishayiwa zvokudya zuva nezuva, uye vaapostora vakagadza varume vanomwe vaigona basa kuti vaone kuti hapana chirikadzi yakanga yakakodzera kupiwa zvokudya yaisiyiwa.—Mabasa 6:1-6.

Ungano dzekare dzaikurumidza kuita chimwe chinhu kunyange padzaitarisira kuuya kwenguva dzakaoma. Somuenzaniso, muprofita Agabhasi paakafanotaura nezvokuuya kwenzara huru, vadzidzi muungano yokuSiriya yeAndiyoki “vakasarudza, mumwe nomumwe wavo maererano nezvavaigona mumwe nomumwe, kutumira ruyamuro kuhama dzaigara muJudhiya.” (Mabasa 11:28, 29) Vakaratidza pfungwa yakanaka chaizvo mukutarisira izvo vamwe vaizoshaya!

Chii chakaita kuti vaKristu vekare vave vane rupo uye vane rudo zvikuru? Chaizvoizvo, munhu anova sei norupo? Tinogona kudzidza zvakawanda nokumbokurukura zvishoma muenzaniso waMambo Dhavhidhi.

Kutsigira Zvikuru Kwakaita Dhavhidhi Kunamata Kwakachena

Kwemakore anoda kusvika 500, areka yesungano—bhokisi dzvene raimiririra kuvapo kwaJehovha—rakanga risina nzvimbo chaiyo yokugara. Raichengetwa mutende, kana kuti tebhenekeri, iyo yaitakurwa kubva panzvimbo nenzvimbo panguva yokudzungaira kwevaIsraeri murenje vachizopinda muNyika Yakapikirwa. Mambo Dhavhidhi aida zvikuru kubvisa areka mutende mayaichengeterwa ovakira Jehovha imba yakakodzera yaizogara areka tsvene. Achitaura kune muprofita Natani, Dhavhidhi akati: “Tarira, ini ndigere muimba yomusidhari, asi areka yesungano yaJehovha igere pasi pemicheka.”—1 Makoronike 17:1.

Zvisinei, Dhavhidhi aigara achirwa hondo. Saka Jehovha akarayira kuti mwanakomana wake Soromoni ndiye aizovaka temberi yaizogara areka yesungano, panguva yokutonga kwake kwaiva norunyararo. (1 Makoronike 22:7-10) Zvisinei, izvi hazvina kutadzisa Dhavhidhi kuva norupo. Achironga boka guru revashandi, akatanga kuunza zvinhu zvaizoshandiswa pakuvaka temberi. Gare gare akaudza Soromoni kuti: “[Ndaka]gadzirira imba yaJehovha matarenda ane zviuru zvine zana zvendarama, namatarenda ane chiuru chezviuru esirivheri; nendarira namatare zvisina kuidzwa, nokuti zvakawanda kwazvo; ndakagadzirawo matanda namabwe.” (1 Makoronike 22:14) Asina kugutsikana nazvo, kubva papfuma yake pachake, Dhavhidhi akapa ndarama nesirivha zvine ukoshi hwomuzuva ranhasi hunopfuura US$1,200,000,000 [Z$988 800 000 000]. Uyewo, machinda akapawo zvakawanda. (1 Makoronike 29:3-9) Zvechokwadi, Dhavhidhi akaratidza rupo rwakakura!

Chii chakaita kuti Dhavhidhi ape zvakawanda kwazvo? Aiziva kuti zvose zvaakanga awana uye zvaakanga aita waiva mugumisiro wechikomborero chaJehovha. Akabvuma mumunyengetero kuti: “Jehovha Mwari wedu, izvi zvose zvakawanda zvatakagadzira kukuvakirai imba yezita renyu dzvene, zvinobva paruoko rwenyu, zvose ndezvenyu; ndinozivawo Mwari wangu, kuti imi munoidza mwoyo, munofarira kururama. Kana ndirini, ndakapa izvi zvose nomwoyo wakarurama nomwoyo wose; zvino ndakafara ndichiona vanhu venyu vari pano vachikupai nomwoyo wose.” (1 Makoronike 29:16, 17) Dhavhidhi aikoshesa ukama hwake naJehovha. Aiziva kudiwa kwokushumira Mwari “nomwoyo wakarurama, uye nomweya unoda kwazvo,” uye akanzwa kufara nokuita kudaro. (1 Makoronike 28:9) Unhu hwakadai hwakaitawo kuti vaKristu vekare varatidze rupo.

Jehovha—Mupi Mukuru

Tinowana muenzaniso wakanaka zvikuru wokupa kuna Jehovha. Ane rudo nehanya zvikuru zvokuti ‘anoita kuti zuva rake ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye anoita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.’ (Mateu 5:45) Kuvanhu vose anopa “upenyu nokufema nezvinhu zvose.” (Mabasa 17:25) Zvechokwadi, sokutaura kunoita mudzidzi Jakobho, “Zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, nokuti zvinoburuka zvichibva kuna Baba vezviedza zvokudenga.”—Jakobho 1:17.

Chipo chaJehovha chakakura kupfuura zvose kutumira kwaakaita “Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Hapana angataura kuti akafanirwa nechipo chakadaro, “nokuti vanhu vose vakaita zvivi vakaperevedza pambiri yaMwari.” (VaRoma 3:23, 24; 1 Johani 4:9, 10) Rudzikinuro rwaKristu ndihwo hwaro nenzira inouya nayo “chipo chake chepachena chisingarondedzereki,” kureva “mutsa mukuru usina kufanirwa waMwari.” (2 VaKorinde 9:14, 15) Achionga chipo chaMwari, Pauro akaita kuti ‘kupupurira kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kufanirwa waMwari’ kuve basa rake guru muupenyu. (Mabasa 20:24) Akaziva kuti kwaiva kuda kwaMwari kuti “vanhu vose vaponeswe uye vasvike pazivo yakarurama yechokwadi.”—1 Timoti 2:4.

Nhasi, izvi zviri kuitwa nebasa guru rokuparidza nokudzidzisa iro zvino rapararira kusvika kunyika 234 pasi pose. Jesu akafanotaura nezvokupararira uku paakati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:14) Chokwadi, “mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ose.” (Mako 13:10) Gore rapera vazivisi vemashoko akanaka vanopfuura mamiriyoni matanhatu vakashandisa maawa 1 202 381 302 mubasa iri vakaitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvinopfuura 5 300 000. Upenyu zvahuri pangozi, murayiro uyu unokosha zvikuru.—VaRoma 10:13-15; 1 VaKorinde 1:21.

Mamiriyoni emabhuku—kusanganisira maBhaibheri, mabhuku, nemabhurocha—anodhindwa gore rimwe nerimwe kuti abatsire vaya vane nzara yechokwadi cheBhaibheri. Kuwedzera kune izvi, magazini eNharireyomurindi neMukai! anopfuura bhiriyoni rimwe nokure anobudiswa. Sezvo vanhu vanogamuchira mashoko akanaka, Dzimba dzoUmambo neDzimba Dzemagungano dzeZvapupu zvaJehovha dzakawanda dziri kuvakwa, idzo dzinoshanda senzvimbo dzokudzidzisirwa Bhaibheri. Magungano edunhu nemazuva egungano chairo, pamwe chete nekokorodzano dzoruwa, zvinorongwa gore rimwe nerimwe. Kudzidziswa kwemamishinari, vatariri vanofambira, vakuru, uye vashumiri vanoshumira kuri kuitwawo nguva dzose. Tinoonga Jehovha kuti akaita kuti zvinhu izvi zviwanikwe kuburikidza no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45-47) Tinoda kwazvo kuratidza kuonga kwedu kwaAri!

Kuratidza Kuonga Kuna Jehovha

Kufanana nokuvakwa kwetemberi nokutarisirwa kwezvaidiwa neungano dzechiKristu dzekare, mari yokutarisira zvinhu zvose izvi inobva yose pamipiro yokuzvidira. Zvisinei, zvinofanira kuyeukwa kuti hapana angapfumisa Jehovha, Muridzi wezvinhu zvose. (1 Makoronike 29:14; Hagai 2:8) Saka, mipiro inoratidza kuda kwedu Jehovha uye chido chedu chokufambisira mberi kunamata kwechokwadi. Uku kuratidzwa kworupo, anodaro Pauro, kunobereka “kuonga Mwari kukuru.” (2 VaKorinde 9:8-13) Jehovha anokurudzira kupa kwakadaro nokuti kunoratidza kuti tine pfungwa yakarurama uye mwoyo wakanaka kwaari. Vaya vane rupo uye vanovimba naJehovha vachakomborerwa naye uye vachabudirira mumudzimu. (Dheuteronomio 11:13-15; Zvirevo 3:9, 10; 11:25) Jesu akativimbisa kuti mufaro uchavapo, achiti: “Pane mufaro mukuru pakupa kupfuura uri pakugamuchira.”—Mabasa 20:35.

VaKristu vane rupo havangomiriri nguva dzokushayiwa. Pane kudaro, vanotsvaka mikana yoku‘itira vose zvakanaka, asi zvikurukuru vaya vane ukama navo mukutenda.’ (VaGaratiya 6:10) Achikurudzira kupa kunodiwa naMwari, Pauro akanyora kuti: “Musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe, nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” (VaHebheru 13:16) Kushandisa zvinhu zvedu—nguva, simba, mari—kubatsira vamwe uye kusimudzira kunamata kwakachena kunofadza Jehovha Mwari zvikuru. Chokwadi, anoda kuti tive norupo.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 28, 29]

Nzira Idzo Vamwe Vanosarudza Kupa Nadzo

MIPIRO YEBASA ROMUNYIKA YOSE

Vakawanda vanotsaura, kana kuti kuronga, mari yavanoisa mumabhokisi omupiro akanyorwa kuti “Mipiro Yebasa Romunyika Yose—Mateu 24:14.”

Mwedzi woga woga, ungano dzinoendesa mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika mavo. Mipiro yemari yokuzvidira ingatumirwawo zvakananga kuWatch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, c/o Office of the Secretary and Treasurer, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yebazi inotarisira nyika yenyu. Cheki dzinofanira kunyorerwa “Watch Tower.” Zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha zvingapiwawo. Mipiro iyi inofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti ichi chipo chaichoicho.

CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZOGONA KUDZORERWA

Mari ingapiwa nourongwa chaihwo hwokuti kana anenge apa akaikumbira, anogona kuidzorerwa. Nokuda kwemamwe mashoko, tapota nyorera kuOffice of the Secretary and Treasurer pakero yakanyorwa pamusoro apa.

KURONGA KUBATSIRA VAMWE

Kuwedzera kuzvipo chaizvoizvo zvemari nemipiro yaungazodzorerwa, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo kubatsira basa roUmambo romunyika yose. Idzi dzinosanganisira:

Inishuwarenzi: Watch Tower Society inganzi ndiyo inozowana inishuwarenzi youpenyu kana kuti chirongwa chokurega basa kana kuti mudyandigere.

Maakaundi Okubhengi: Maakaundi okubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti maakaundi okurega basa omunhu anganzi atarisirwe kana kuita kuti kana wafa azopiwa Watch Tower Society, maererano nezvinodiwa nebhengi romunzvimbo iyoyo.

Mari yeBhizimisi neMagwaro Anoratidza Mari iri Kumamwe Mabhizimisi: Mari yebhizimisi nemagwaro anoratidza mari iri kumamwe mabhizimisi zvingapiwa Watch Tower Society zvimwe sechipo chaicho.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa zvimwe nokuita chipo chaicho kana kuti, kana iri imba, nokuchengetera anenge apa wacho chivako kana nzvimbo kwoupenyu hwose, uyo anogona kuramba achigarapo paanenge achiri mupenyu. Zivisa hofisi yebazi romunyika yako usati wanyora gwaro repamutemo rokupa chivako kana nzvimbo ipi neipi.

Chipo Chinobviswa Pagore Negore: Chipo chinobviswa pagore negore urongwa hwokuti munhu anotamisa mari kana kuti zvinhu achizviendesa kuWatch Tower Society. Watch Tower Society inozopa munhu wacho kana kuti mumwe munhu anosarudzwa neanenge apa anozowana mari yakati gore negore kwoupenyu hwose. Anenge apa wacho anobvisirwa mari yomutero gore rinotanga kubviswa chipo chacho chepagore negore.

Zvido Zvenhaka Nokuchengetesa: Zvinhu kana kuti mari zvingapiwa kuWatch Tower Society pachishandiswa chido chenhaka chepamutemo, kana kuti Watch Tower Society inganzi ndiyo inowana chibvumirano chokuchengetesa. Kuchengetesa kunobatsira sangano rechitendero kungaita kuti pave nezvaunobatsirwa pamutero.

Sezvinoreva mashoko okuti “kuronga kubatsira vamwe,” mipiro yorudzi urwu inonyatsoda kuti anenge apa wacho aronge. Kuyamura vanhu vanoda kubatsira basa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha norumwe rudzi rwokuronga kuti vabatsire, pakagadzirwa bhurocha riri mumutauro weChirungu neSpanish rine musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide (Kupa Kwakarongwa Kwokubatsira Basa roUmambo Romunyika Yose). Bhurocha racho rakanyorerwa kupindura mibvunzo yakawanda yakagamuchirwa pamusoro pezvipo, zvido zvenhaka, nokuchengetesa. Rinewo mashoko okuwedzera pamusoro pezvivako kana nzvimbo, mari, uye kuronga mutero. Rinotaurira vanhu nezvenzira dzakasiyana-siyana dzokupa nadzo zvipo iye zvino kana kuti zvingasiya zvanyorwa sechido chenhaka pakufa. Vaverenga bhurocha iri uye vabvunza mazano kune vanachipangamazano vavo vepamutemo kana kuti vemitero uye Hofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe [Charitable Planning Office], vakawanda vave vachikwanisa kubatsira Zvapupu zvaJehovha munyika yose, uye panguva iyoyowo, vachiwedzera kubatsirwa kwavanoitwa nokubvisirwa mutero. Bhurocha iri ringawanika nokurikumbira kuHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe.

Kana uchida mamwe mashoko, ungataura neHofisi Yokuronga Kubatsira Vamwe, zvimwe netsamba kana kuti norunhare, pakero iri pasi apa kana kuti pahofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yenyu.

Charitable Planning Office

Jehovah’s Witnesses

P. Bag WG-5001, Westgate

Runhare: 332137/8

 

[Mufananidzo uri papeji 26]

Chii chakaita kuti vaKristu vekare vave norupo?