Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvimbana Kunokosha Kuti Pave Noupenyu Hunofadza

Kuvimbana Kunokosha Kuti Pave Noupenyu Hunofadza

Kuvimbana Kunokosha Kuti Pave Noupenyu Hunofadza

KUISA muchetura mune zvokudya kwakaipa. Munhu anoramba achiisirwa muchetura muzvokudya anofanira kungwarira zvikuru madyiro ake. Asi kurega kudya zvachose kuti anzvenge ngozi yokuisirwa muchetura mune zvokudya handicho chisarudzo chine musoro. Kuita kudaro kungakonzera zvinetso zvakawanda kupfuura zvakungagadzirisa. Pasina zvokudya hapana munhu angagona kurarama kwenguva yakareba.

Saizvozvowo, kusaremekedzwa kwechivimbo chako kunorwadza. Kana kusaremekedzwa kwechivimbo chedu kukaramba kuchiitika zvingaita kuti tifungisise nezveshamwari dzatinosarudza. Asi kurega kushamwaridzana nevanhu zvachose kuti tinzvenge ngozi yokuodzwa mwoyo handiwo mushonga. Nei? Nokuti kusavimba vamwe kunotitorera mufaro wedu. Kuti tive noupenyu hunogutsa, tinoda ukama hunobva pakuvimbana.

“Kuvimba nevamwe chimwe chezvinhu zvinokosha zvinoita kuti tibate zviri nyore nevamwe zuva nezuva,” rinodaro bhuku rinonzi Jugend 2002. “Munhu wose anopanga kuvimbwa,” rinoshuma kudaro pepanhau rinonzi Neue Zürcher Zeitung. “Kuvimba nevamwe kunoita kuti upenyu huve nani” kusvika pamwero uya wokuti “kunokosha kuti tirarame.” Chokwadi, pepanhau racho rinoenderera mberi richiti, pasina kuvimbana, “munhu haagoni kurarama.”

Sezvo zvichikosha kuti tivimbe nomumwe munhu, ndiani watingavimba naye pasina ngozi yokuodzwa mwoyo?

Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose

“Vimba naJehovha nomwoyo wako wose,” Bhaibheri rinotiudza kudaro. (Zvirevo 3:5) Chokwadi, Shoko raMwari rinoramba richitikurudzira kuvimba noMusiki wedu, Jehovha Mwari.

Nei tingavimba naMwari? Kutanga, nokuti Jehovha Mwari mutsvene. Muprofita Isaya akanyora kuti: “Mutsvene, mutsvene, mutsvene, iye Jehovha.” (Isaya 6:3) Pfungwa youtsvene haikukwezvi here? Chaizvoizvo, inofanira kukukwezva nokuti utsvene hwaJehovha hunoreva kuti akachena, ari kure nezvakaipa zvose, uye akanyatsovimbika. Haangambovi nouori kana utsinye, uye haamboputsi chivimbo chedu.

Uyezve, tinogona kuvimba naMwari nokuti anokwanisa uye anoda kutsigira vaya vanomushumira. Somuenzaniso, simba rake guru rinoita kuti akwanise kuita chimwe chinhu. Kururamisira kwake kwakakwana uye uchenjeri hwake zvinotungamirira nzira yaanoita nayo zvinhu. Uye rudo rwake rusina chinoenzana narwo runomuita kuti aite chimwe chinhu. “Mwari rudo,” akanyora kudaro muapostora Johani. (1 Johani 4:8) Rudo rwaMwari rune zvarunoita pane zvose zvaanoita. Utsvene hwaJehovha nohumwe unhu hwake hwakaisvonaka hunomuita Baba vakanaka, mumwe munhu watingavimba naye zvizere. Hapana chimwe chinhu kana mumwe munhu angambova akavimbika zvikuru kupfuura Jehovha.

Vimba naJehovha Ufare

Chimwe chikonzero chinokosha chokuvimba naJehovha ndechokuti anotinzwisisa zviri nani kupinda zvinoitwa nomumwe munhu upi noupi. Anoziva kuti munhu mumwe nomumwe ane chido chinokosha chokuva noukama hwakachengeteka, husingaperi, uye hwakavimbika noMusiki. Vaya vane ukama hwakadaro vanonzwa vakachengeteka zvikuru. “Wakakomborerwa unoita Jehovha chivando chake,” akagumisa kudaro Mambo Dhavhidhi. (Pisarema 40:4) Nhasi mamiriyoni anodzokorora pfungwa dzaDhavhidhi nomwoyo wose.

Funga mimwe mienzaniso. Doris ave achigara muDominican Republic, Germany, Greece, neUnited States. Anoti: “Ndinofara zvikuru kuvimba naJehovha. Anoziva kunditarisira kunyama, mumudzimu, nomupfungwa. Ndiye shamwari yakanakisisa iyo munhu angagona kuva nayo.” Wolfgang, mupi wemazano emutemo, anotsanangura kuti: “Zvinoshamisa kugona kutsamira pane mumwe munhu anokufarira nomwoyo wose, mumwe munhu anokwanisa—uye chaizvoizvo achakuitira zvakanakisisa!” Ham, uyo akaberekerwa muAsia asi zvino anogara muEurope, anoti: “Ndine chivimbo chokuti zvinhu zvose zviri muruoko rwaJehovha, uye haakanganisi, saka ndinofara kuvimba naye.”

Chokwadi, mumwe nomumwe wedu anofanira kuvimba kwete noMusiki wedu chete asiwo nevanhu. Nokudaro, Jehovha, seshamwari yakachenjera uye ine ruzivo, anotinyevera kuti tinofanira kuvimba nevanhu vorudzii. Nokunyatsoverenga Bhaibheri, tinogona kuona mazano ake panhau iyi.

Vanhu Vatinogona Kuvimba Navo

“Regai kuvimba namachinda, kana nomwanakomana womunhu, usingagoni kubatsira,” akanyora kudaro munyori wepisarema. (Pisarema 146:3) Mashoko aya akafuridzirwa anotibatsira kubvuma kuti hatifaniri kuvimba nevanhu vakawanda. Kunyange vaya vanoremekedzwa zvikuru se“machinda” enyika ino, vakadai senyanzvi dzoruzivo chairwo kana mabasa, havangoerekani vakodzera kuvimbwa nesu. Kazhinji utungamiriri hwavo hahuna kunaka, uye chivimbo chinoiswa mu“machinda” iwayo chinogona kukurumidza kuodza mwoyo.

Chokwadi, izvi hazvifaniri kutiita kuti tisavimba nomunhu wose. Zvisinei, zviri pachena kuti tinoda kuva vanosarura patinosarudza vaya vokuvimba navo. Inzirai yatinofanira kushandisa? Mumwe muenzaniso worudzi rwekare rwaIsraeri ungatibatsira. Apo zvakanga zvakakodzera kugadza vanhu vaizotakura mutoro unorema muIsraeri, Mosesi akanyeverwa ‘kutsvaka pakati pevanhu vose varume vakachenjera, vanotya Mwari, varume vechokwadi, vanovenga pfuma yakaipa.’ (Eksodho 18:21) Tingadzidzei pane izvi?

Ava varume vakaratidza humwe unhu hwaMwari vasati vagadzwa panzvimbo dzokuvimbwa nadzo. Vakanga vatopa uchapupu hwokuti vaitya Mwari; vairemekedza Musiki zvikuru uye vaitya kusamufadza. Zvaiva pachena kumunhu wose kuti varume ava vaiita nepavaigona napo kutsigira zvaidiwa naMwari. Vaivenga pfuma isina kururama, izvo zvairatidza kuti vakanga vaine tsika dzakanaka kwazvo dzaizoita kuti vasave nouori hwaizokonzerwa nesimba ravaizova naro. Vaisazoshandisa zvisina kufanira kuvimbwa kwavakanga vaitwa kuti vasimudzire zvido zvavo pachavo kana kuti zviya zvehama kana shamwari.

Kwaisazova kuchenjera here kuti tishandise nzira iyoyo nhasi patinosarudza vaya vokuvimba navo? Tinoziva vanhu vane tsika dzinoratidza kuti vanotya Mwari here? Vakatsunga kuomerera pamufambiro waanoda here? Vakavimbika zvokurega kuita zvinhu zvakaipa here? Vakatendeseka zvokuti havarongi zvinhu kuti zvivanakire ivo kana kuitira kuti vawane zvavanoda here? Chokwadi tinofanira kuvimba nevarume nevakadzi vanoratidza unhu hwakadaro.

Kumboora Mwoyo Ngakusakudzosera Shure

Pakusarudza kuti tingavimba naani, tinofanira kushivirira, sezvo chivimbo chichiwanikwa nokufamba kwenguva. Nzira yokuchenjera ndeyokuratidza kuvimba kwedu nomumwe munhu zvishoma nezvishoma. Sei? Tingaongorora mufambiro womunhu kwenguva yakati, tichiona kuti anoita sei mune zvimwe zvinhu. Munhu wacho akavimbika munhau duku here? Somuenzaniso, anodzorera zvinhu zvaanokwereta sezvaakavimbisa here uye anosvika nenguva kwaanenge akaronga kusangana nevamwe here? Kana zvakadaro, ipapo tinganzwa kuti tinogona kuvimba naye mune dzimwe nhau dzakakomba zvikuru takasununguka. Izvi zvinoenderana nenhungamiro inoti: “Munhu akatendeka muzviduku pane zvose akatendekawo muzvikuru.” (Ruka 16:10) Kuva vanosarudza nevanoshivirira kungatibatsira kunzvenga kuora mwoyo kukuru.

Kunyange zvakadaro, zvakadini kana mumwe munhu akatiodza mwoyo? Vadzidzi veBhaibheri vachayeuka kuti usiku hwaakasungwa, Jesu Kristu akaodzwa mwoyo zvikuru nevaapostora vake. Judhasi Isikariyoti akamutengesa, uye vamwe vakatiza nokutya. Petro akatoramba Jesu katatu. Asi Jesu akanzwisisa kuti Judhasi chete ndiye akaita achida. Kuodzwa mwoyo panguva yakaoma kudaro hakuna kuita kuti Jesu arege kusimbisazve chivimbo chake muvaapostora 11 vakanga vasara vhiki shomanana bedzi gare gare. (Mateu 26:45-47, 56, 69-75; 28:16-20) Saizvozvowo, kana tichinzwa tanyengedzwa nomumwe munhu watinovimba naye, tinoita zvakanaka kuona kana kunoratidzika sokunyengedzwa kwacho kuri uchapupu hwokusavimbika kana kuti kushayiwa simba kwenyama kwenguva pfupi.

Ndakavimbika Here?

Munhu anosarudza waanoda kuvimba naye anofanira kuva akatendeseka ozvibvunza kuti: ‘Ndakavimbika here? Kuvimbikai kunonzwisisika kwandinofanira kutarisira kuti ini nevamwe tive nako?’

Chokwadi munhu akavimbika anotaura chokwadi nguva dzose. (VaEfeso 4:25) Haaiti kuti mashoko ake akodzere vateereri vake kuitira kuti zvimunakire. Uye kana akaita mhiko, munhu akavimbika anoita zvose musimba rake kuti achengete shoko rake. (Mateu 5:37) Kana mumwe munhu akamutaurira chimwe chinhu, munhu akavimbika anochichengeta uye haaiti makuhwa. Munhu akavimbika akatendeka kune waakaroorana naye. Haatariri zvinonyadzisira, haarambi achifungidzira zvinhu zvounzenza, haatambi nevamwe nenyaya dzorudo iye asingarevesi. (Mateu 5:27, 28) Mumwe munhu akakodzera kuvimbwa nesu ndeuya anoshanda nesimba kuti awane chokurarama nacho iye nemhuri yake uye haatsvaki kuwana mari nyore nyore nokushandisa vamwe vanhu. (1 Timoti 5:8) Kuyeuka zvinodiwa izvozvo zvinonzwisisika uye zvomuMagwaro kuchatibatsira kuziva vanhu vatingavimba navo. Uyezve, kuramba tichizvibatawo saizvozvo kuchabatsira mumwe nomumwe wedu kuva akakodzera kuvimbwa naye nevamwe.

Zvaizofadza kugara munyika umo vanhu vose vakavimbika uye umo kuodzwa mwoyo nokuda kwokusaremekedzwa kwechivimbo kunenge kusisipo! Kunongovawo zvako kurota here? Kwete kuvanhu vanotora zvipikirwa zveBhaibheri nenzira yakakomba, nokuti Shoko raMwari rinofanotaura kuuya kwe“pasi idzva” rakaisvonaka risina unyengeri, nhema, nokubiridzira uye risina kusuruvara, kurwara, kunyange kufa! (2 Petro 3:13; Pisarema 37:11, 29; Zvakazarurwa 21:3-5) Zvaisazova zvakafanira here kuwana zvakawanda pamusoro petariro iyi? Zvapupu zvaJehovha zvichafara kukuudza mamwe mashoko pamusoro peizvi nemimwe misoro inokosha.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Kuva vasina kuvimbika kunoita kuti tisava nomufaro

[Mufananidzo uri papeji 5]

Jehovha akakodzera zvikuru kuvimbwa nesu

[Mifananidzo iri papeji 7]

Tose tinoda ukama hunobva pakuvimbana