Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Erisha akakumbira “migove miviri” yomudzimu waEriya?

Kwangosara nguva pfupi kuti Eriya apedze basa rake somuprofita muIsraeri, muprofita wechiduku Erisha akakumbira kwaari kuti: “Ndipei migove miviri yomweya wenyu.” (2 Madzimambo 2:9) Kutaura nenzira yokumudzimu, Erisha sezviri pachena aikumbira migove miviri seiya yaipiwa mwanakomana wedangwe. (Dheuteronomio 21:17) Kumboongorora zvishoma nhoroondo yacho kuchajekesa izvi uye kuchatibatsira kuwana zvidzidzo kubva mune zvakaitika.

Maererano nezvakarayirwa naJehovha, muprofita Eriya akatsiviwa naErisha akazodzwa. (1 Madzimambo 19:19-21) Kwemakore anenge matanhatu, Erisha akashanda somuranda akatendeka waEriya uye akanga akatsunga kuita izvi kusvikira kumagumo. Kunyange pazuva rokupedzisira raEriya somuprofita muIsraeri, Erisha akaramba aine mudzidzisi wake. Kana zvazvo Eriya akakurudzira Erisha kuti arege kumutevera, muprofita wechiduku uyu akataura katatu kuti: “Handingakusiyii.” (2 Madzimambo 2:2, 4, 6; 3:11) Zvechokwadi, Erisha aiona muprofita wechikuru uyu sababa vake mumudzimu.—2 Madzimambo 2:12.

Zvisinei, Erisha akanga asiriye oga mwanakomana womudzimu waEriya. Eriya naErisha vaisonganira neboka revarume raizivikanwa se“vanakomana vavaprofita.” (2 Madzimambo 2:3) Nhoroondo iri muna Madzimambo Wechipiri inoratidza kuti “vanakomana” ava vainzwawo vari pedyo zvikuru nababa vavo vokumudzimu, Eriya. (2 Madzimambo 2:3, 5, 7, 15-17) Asi, somutsivi akazodzwa, Erisha ndiye aidiwa zvikuru pavana vokumudzimu vaEriya—aiva somwana wedangwe. MuIsraeri yekare, mwanakomana wedangwe chaiye aigamuchira migove miviri yenhaka yababa vake, nepo vamwe vanakomana vaigamuchira mugove mumwe chete pamunhu. Saka Erisha akakumbira migove miviri yenhaka yomudzimu yaEriya.

Nei Erisha akaita chikumbiro ichi panguva iyoyo? Nokuti akanga ava kuda kutakura basa rinorema—riya rokutsiva Eriya somuprofita muIsraeri. Erisha akaziva kuti, kuti aite mitoro yaiva nechokuita nebasa rakakura iri, aida simba romudzimu raipfuura kwazvo mano ake, simba iro Jehovha bedzi aigona kupa. Aida kuva asingatyi sezvakanga zvakaita Eriya. (2 Madzimambo 1:3, 4, 15, 16) Saka akakumbira migove miviri yomudzimu waEriya, mudzimu woushingi uye wokuva ano“shingairira Jehovha”—unhu hunodiwa hunoberekwa nomudzimu waMwari. (1 Madzimambo 19:10, 14) Eriya akatii?

Eriya aiziva kuti Erisha akanga akumbira chimwe chinhu chaakanga asingagoni kupa asi chaigona kupiwa naMwari bedzi. Saka Eriya nenzira yokuzvininipisa akapindura kuti: “Wakumbira chinhu chinogozha; asi kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo.” (2 Madzimambo 2:10) Uye, zvechokwadi, Jehovha akabvumira Erisha kuona Eriya achikwira nechamupupuri. (2 Madzimambo 2:11, 12) Erisha akaitirwa zvaakanga akumbira. Jehovha akamupa mudzimu waaida kuti aite basa rake idzva uye kuti atarisane nemiedzo yakanga ichiuya.

Nhasi, vaKristu vakazodzwa (dzimwe nguva vanombonzi boka raErisha) nevashumiri vaMwari vose zvavo vanogona kukurudzirwa chaizvo nenhoroondo yeBhaibheri iyi. Dzimwe nguva, tinganzwa tichiremerwa kana kuti tisingakwanisi kuita basa idzva ratinenge tapiwa, kana kuti tingave tava kurasikirwa nechimwe chivimbo chedu chokuti tienderere mberi nebasa redu rokuparidza Umambo sezvatinosangana nevanhu vakawanda vasingakendengi kana kuti vanotishora mundima yedu. Asi, kana tikakumbira Jehovha kuti atitsigire, achatipa mudzimu mutsvene sezvatinouda kuti titsungirire zvinetso nemamiriro ezvinhu anochinja. (Ruka 11:13; 2 VaKorinde 4:7; VaFiripi 4:13) Chokwadi, sokusimbisa uko Jehovha akaita Erisha kuti aite mabasa ake airema, achatibatsira isu tose, vaduku nevakuru, kuita ushumiri hwedu.—2 Timoti 4:5.