Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munhu Wose Anofanira Kuvimbwa Naye Here?

Munhu Wose Anofanira Kuvimbwa Naye Here?

Munhu Wose Anofanira Kuvimbwa Naye Here?

PASHURE pokuwa kwoRusvingo rweBerlin muna 1989, zvakavanzika zvakati kuti zvakanga zvakanyatsochengetedzwa zvakabudiswa pachena. Somuenzaniso, Lydia * akawana kuti panguva yokutonga kwegutsaruzhinji muEast Germany, Stasi, kana kuti Sangano Rehurumende Rokudzivirira, rakanga ranyora pamusoro pemabasa ake epachivande. Kunyange zvazvo Lydia akashamiswa kunzwa nezvazvo, akakatyamadzwa paakaziva akanga apa Stasi mashoko acho—murume wake. Akanga atengeswa nomumwe munhu waaifanira kunge achivimba naye zvakakwana.

Robert aiva murume akwegura uyo “airemekedza zvikuru, aiyemura uye aivimba” nachiremba womunharaunda make, inoshuma kudaro The Times yeLondon. Chiremba wacho ainzi aiva “nomutsa uye ainzwira tsitsi.” Zvadaro Robert akafa zvisingatarisirwi. Yaiva hosha yemwoyo kana kuti sitiroko here? Aiwa. Zviremera zvakagumisa kuti chiremba wacho akanga ashanyira Robert mumusha make uye, zvisingazivikanwi naRobert nemhuri yake, akanga amubaya jekiseni rinouraya. Zviri pachena kuti Robert akaurayiwa nomunhu waaivimba naye zvakakwana.

Zvakaitika kuna Lydia naRobert kwaiva kuputswa kwechivimbo kunotyisa, kuchiguma nemigumisiro yakaoma. Mune zvimwe zviitiko migumisiro yacho haina kunyanya kuoma zvakadaro. Kunyange zvakadaro, kuodzwa mwoyo nomunhu watinovimba hakusi chinhu chinoshamisa. Mushumo wakabudiswa nomutungamiriri wesangano rokuvhota rokuGermany, Allensbacher Jahrbuch der Demoskopie 1998-2002, wakazivisa mune imwe ongororo kuti 86 muzana yevakabvunzwa vakanga vaodzwa mwoyo nomumwe munhu wavakanga vachivimba naye. Zvichida zvakadaro zvakamboitika kwauri. Naizvozvo, hatifaniri kushamiswa kuti pepanhau reSwiss rinonzi Neue Zürcher Zeitung rakashuma muna 2002 kuti “munyika dzokuMadokero dzakabudirira, ukama hwokuvimbana hwave huchiderera kwemakumi emakore.”

Kunotangwa Zvishoma Nezvishoma, Kunoparadzwa Nokukurumidza

Kuvimba kudini? Maererano nerimwe duramanzwi, kuvimba nevamwe kunoreva kudavira kuti vakatendeseka uye ndevepachokwadi uye kuti havazoiti chinhu chipi nechipi nemaune icho chingazokurwadzisa. Kuvimba nevamwe kunotangwa zvishoma nezvishoma asi kunogona kuparadzwa nokukurumidza. Sezvo vakawanda zvikuru vachifunga kuti chivimbo chavo chave chisingaremekedzwi, zvingashamisa here kuti vanhu vazeze kuvimba nevamwe? Maererano neimwe ongororo yakabudiswa muGermany muna 2002, “inenge pwere imwe muvatatu inovimba zvikuru nevamwe vanhu.”

Tingazvibvunza kuti: ‘Tingagona kuvimba nomunhu upi noupi chaizvoizvo here? Zvakafanira here kuisa chivimbo chedu mune mumwe munhu paine mukana wokuodzwa mwoyo?’

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 2 Mazita akachinjwa.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

Kumwe kuongorora kwakazivisa kuti 86 muzana yevakabvunzwa vakanga vaodzwa mwoyo nomumwe munhu wavakanga vachivimba naye