Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndakadzidziswa naJehovha Kubva Pauduku Hwangu

Ndakadzidziswa naJehovha Kubva Pauduku Hwangu

Nyaya Youpenyu

Ndakadzidziswa naJehovha Kubva Pauduku Hwangu

YAKATAURWA NARICHARD ABRAHAMSON

“Mwari, makandidzidzisa kubva paujaya hwangu; kusvikira zvino ndadudzira mabasa enyu anoshamisa.” Regai nditsanangure kuti nei mashoko iwayo ePisarema 71:17 akakosha kwandiri.

AMAI vangu, Fannie Abrahamson, vakashanyirwa muna 1924 neVadzidzi veBhaibheri, sokuzivikanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo. Ndaingova negore rimwe bedzi. Amai pavaidzidziswa chokwadi cheBhaibheri, vaibva vangoenda kuvavakidzani vavo vovaudza zvinhu zvavakanga vadzidza, uye vakadzidzisawo ini nomukoma wangu nehanzvadzi. Ndisati ndava kukwanisa kuverenga, vakanga vandibatsira kubata nomusoro magwaro akawanda anotaura pamusoro pezvikomborero zvoUmambo hwaMwari.

Ma1920 ava kunopera, boka redu reVadzidzi veBhaibheri muLa Grande, muruwa rweOregon, U.S.A., kwandakaberekerwa nokurererwa, raiva nevakadzi vashomanana nevana. Kunyange taiva kure nevamwe, taishanyirwa kamwe kana kaviri pagore nevashumiri vaifambira, vaizivikanwa semapilgrim. Ivava vaipa hurukuro dzinokurudzira, vaienda nesu muushumiri hwepaimba neimba, uye vaifarira vana chaizvo. Vamwe vadikani vacho ndivanaShield Toutjian, Gene Orrell, naJohn Booth.

Muna 1931 hapana nomumwe womuboka redu akakwanisa kupinda kokorodzano muColumbus, Ohio, uko Vadzidzi veBhaibheri vakagamuchira zita rokuti Zvapupu zvaJehovha. Asi, makambani, sokudanwa kwaiitwa ungano nguva iyoyo, nemapoka akanga asati ava makambani, ayo akanga aine vanhu vakakundikana kuenda kukokorodzano yacho, akasangana kunzvimbo dzawo muna August wegore iroro kuti azogamuchira chisarudzo chokubvuma zita iroro. Boka redu duku raiva kuLa Grande rakaita izvi. Zvadaro, pane rimwe basa guru ra1933 rokuparadzira kabhuku kanonzi The Crisis, ndakadzidzira nomusoro mharidzo yeBhaibheri, uye kwenguva yokutanga, ndakapupurira ndiri ndoga paimba neimba.

Muma1930, basa redu rakanga riri kuwedzera kushorwa. Kuti akwanise kutarisana neizvi, makambani akaiswa mumapoka akadaidzwa kuti zvikamu, zvaiita magungano maduku nokuita mabasa okuparidza, aizivikanwa semabasa makuru ezvikamu, kamwe chete kana kaviri pagore. Mumagungano aya, tairayirwa nzira dzokuparidza nadzo uye tairayirwa nzira yokutaura zvine ruremekedzo nemapurisa aidzongonyedza. Sezvo Zvapupu zvaiwanzoendeswa pamberi pomutongi wechipurisa kana kuti dare chairo, taidzidzira mashoko aiva papepa rainzi Order of Trial. Izvi zvaiita kuti tizive zvokuita kana tava kushorwa.

Kukura Muchokwadi cheBhaibheri Pakuvamba

Nzwisiso yangu yechokwadi cheBhaibheri netariro inotaurwa muBhaibheri yokurarama nokusingaperi pasi pano muUmambo hwaMwari hwokudenga yakanga ichikura. Panguva iyoyo, rubhabhatidzo rwaisanyanyotorwa sorunokosha kune vaya vakanga vasina tariro yokutonga kudenga naKristu. (Zvakazarurwa 5:10; 14:1, 3) Kunyange zvakadaro, ndakaudzwa kuti kana ndakanga ndasarudza mumwoyo mangu kuita kuda kwaJehovha, zvaizova zvakakodzera kuti ndibhabhatidzwe. Ndakaita izvi muna August 1933.

Pandakanga ndava nemakore 12, mudzidzisi wangu akaona kuti ndakanga ndichigona chaizvo kuverengera vamwe, saka akakurudzira Amai kuti varonge kuti ndiwedzere kudzidziswa. Amai vakafunga kuti izvi zvaigona kundibatsira kushumira Jehovha zviri nani. Naizvozvo vakabhadhara zvidzidzo zvangu nokuwachira mudzidzisi wangu mbatya kwegore rimwe. Kudzidziswa uku kwakandibatsira muushumiri hwangu. Pandakanga ndava nemakore 14, ndakarwara nefivha, iyo yakandiradzika kwerinopfuura gore.

Muna 1939 mumwe mushumiri wenguva yakazara ainzi Warren Henschel akauya kunharaunda yedu. * Mumudzimu, aiva mukoma wangu, achienda neni muushumiri hwomumunda kwemaawa akawanda pazuva. Nokukurumidza akaita kuti nditange kuita basa roupiyona hwenguva duku, rudzi rwoushumiri hwenguva yakazara kwenguva pfupi. Muchirimo ichocho, boka redu rakarongwa kuti rive kambani. Warren akagadzwa kuva mutariri wekambani, uye ini ndakagadzwa kuva muitisi weChidzidzo cheNharireyomurindi. Warren paakaenda kunoshanda kuBheteri, dzimbahwe repasi pose reZvapupu zvaJehovha muBrooklyn, New York, ndakava mutariri wekambani.

Kutanga Kuita Ushumiri Hwenguva Yakazara

Mutoro wakawedzerwa wokushanda somuranda wekambani wakaita kuti chido changu chokupinda muushumiri hwenguva yakazara hwenguva dzose chibva chawedzera kusimba, uye ndakaita izvi ndava nemakore 17 pashure pokupedza gore rangu rechitatu rechikoro chesekondari. Baba vakanga vasinganamati nesu, asi vaiva muriritiri akanaka uye munhu aida tsika dzakakwirira. Vaida kuti ndiende kukoreji. Zvisinei, vakandiudza kuti chero ndaisazotarisira kuti ivo vandibhadharire pokugara uye zvokudya, ndaigona kuita zvandainge ndasarudza. Saka ndakatanga kupayona musi waSeptember 1, 1940.

Pandakabva pamusha, amai vakandiverengesa Zvirevo 3:5, 6 inoti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.” Kuvimba naJehovha nguva dzose, kutaura chokwadi, kwave kuchindibatsira zvikuru.

Nokukurumidza, ndakabatana naJoe naMargaret Hart muushumiri vaiva nechepakati pekuchamhembe kweWashington State. Ndima yacho yakanga yakasiyana-siyana—mapurazi emombe, mapurazi emakwai, maruzevha evaIndia, uyewo mataundi maduku nemisha yakawanda. Muchirimo cha1941, ndakagadzwa somuranda wekambani muungano yeWenatchee, Washington.

Pane rimwe remagungano edu muWalla Walla, kuWashington, ndakashanda somurindiri, ndichigamuchira vaya vaipinda muimba yegungano. Ndakaona imwe hama yechiduku ichitamburira pasina chimuko kuita kuti gudzanzwi rishande. Saka ndakati kana aida iye aite basa rangu, ini ndoita rake. Pakadzoka muranda weruwa, Albert Hoffman, ndokuona kuti ndakanga ndasiya basa rangu, akanditsanangurira achinyemwerera kukosha kwokuti munhu aomerere pabasa rake kusvikira audzwa zvimwe zvokuita. Ndakaramba ndichifunga zano rake kubvira ipapo.

Muna August 1941, Zvapupu zvaJehovha zvakaronga kokorodzano huru muSt. Louis, Missouri. VanaHart vakavhara shure kwekarori kavo ndokuisa mabhenji. Isu tose mapiyona mapfumbamwe takatanga rwendo rwemakiromita 2 400 kuenda kuSt. Louis tiri mukarori ikako. Zvakatitorera inenge vhiki kuenda uye vhiki kudzoka. Pakokorodzano yacho, mapurisa akafungidzira kuti nhamba yepamusoro yevanhu vakapinda yaiva 115 000. Kunyange zvazvo vakapinda vangangodaro vaiva vashoma pane ivavo, chokwadi ndechokuti vaipfuura Zvapupu 65 000 zvaiva muUnited States panguva iyoyo. Kokorodzano yacho yaikurudzira mumudzimu zvechokwadi.

Kushanda paBheteri rokuBrooklyn

Ndadzoka kubva kuWenatchee, ndakawana tsamba yakati ndisvike kuBheteri rokuBrooklyn. Pandakasvika musi waOctober 27, 1941, ndakaendeswa kuhofisi yaNathan H. Knorr, aiva mutariri wefekitari. Akanyatsonditsanangurira nezveBheteri ndokusimbisa kuti kusambotsukunyuka pana Jehovha kwakanga kwakakosha kuti munhu ubudirire muupenyu hweipapo. Zvadaro ndakaendeswa kuDhipatimendi Rokutumira Mabhuku ndokupiwa basa rokusunga mabhokisi emabhuku aida kutumirwa.

Musi waJanuary 8, 1942, Joseph Rutherford, uyo akanga achitungamirira pakati peZvapupu zvaJehovha pasi pose, akafa. Mazuva mashanu gare gare vatungamiriri veSosaiti vakasarudza Hama Knorr kuti vamutsive. Apo W. E. Van Amburgh, aiva mubati wehomwe namabharani weSosaiti kwenguva refu, akazivisa izvi kumhuri yeBheteri, akati: “Ndichiri kuyeuka apo C. T. Russell akafa [muna 1916] uye akatsiviwa naJ. F. Rutherford. Ishe akaramba achitungamirira basa Rake nokuita kuti rirambe richibudirira. Zvino ndinotarisira zvizere kuti basa rienderere mberi Nathan H. Knorr ari purezidhendi nokuti iri ibasa raShe, kwete romunhu.”

Muna February 1942, zvakaziviswa kuti paizotangwa “Kosi Yakakwirira Youshumiri Hwokutonga Kunoitwa naMwari.” Yakanga yakagadzirirwa kudzidzisa vaya vaiva paBheteri kuitira kuti vavandudze mano avo okutsvakurudza nyaya dzomuBhaibheri, kunyatsoronga mashoko avo, uye kuataura nenzira inobatsira. Ndichibatsirwa nokudzidziswa kwandakanga ndamboitwa kukurukura pachena, ndakakwanisa kufambira mberi nokukurumidza mupurogiramu yacho.

Pasina nguva refu, ndakaiswa kuDhipatimendi Rebasa, iro rinotarisira ushumiri hweZvapupu muUnited States. Gare gare gore iroro, chirongwa chokuti pave nevashumiri vanoshanyira makambani eZvapupu chakanzi chitangwezve. Nokufamba kwenguva, vashumiri vanofambira ava, vainzi varanda kune hama, vakasvika pakunzi vatariri vematunhu. Muchirimo cha1942, paBheteri pakarongwa kosi yokudzidzisa hama ushumiri hworudzi urwu, uye ndakava neropafadzo yokuva pakati pevakadzidziswa izvozvo. Ndinoyeuka zvikuru kuti Hama Knorr, mumwe wevarayiridzi vacho, vakasimbisa izvi kwatiri: “Musaedza kufadza vanhu. Munozopedzisira musina wamafadza. Fadzai Jehovha, uye muchafadza vose vanoda Jehovha.”

Basa rokufambira rakatangwa muna October 1942. Vamwe vedu paBheteri tairiita mukumwe kupera kwevhiki, tichishanyira ungano dzaiva mudaro remakiromita asingadariki 400 kubva kuNew York City. Taiongorora basa reungano rokuparidza nokupinda misangano, taiita musangano nevaya vaitarisira mabasa eungano, taipa hurukuro imwe kana mbiri, uye taishanda muushumiri neZvapupu zvomuungano yacho.

Muna 1944, ndaiva pakati pevaya vomuDhipatimendi Rebasa vakatumwa mubasa rokufambira kwemwedzi mitanhatu, tichishanda kuDelaware, Maryland, Pennsylvania, nokuVirginia. Gare gare, kwemwedzi mishomanana, ndakashanyira ungano dzokuConnecticut, Massachusetts, neRhode Island. Pandakadzoka kuBheteri, ndaipota ndichishanda muhofisi naHama Knorr nomunyori wavo Milton Henschel, uko ndakaziva nezvebasa redu pasi pose. Ndaipotawo ndichishanda muHofisi Yomubati Wehomwe ndichitarisirwa naW. E. Van Amburgh nomubatsiri wake, Grant Suiter. Zvadaro, muna 1946, ndakaitwa mutariri wemahofisi anoverengeka paBheteri.

Kuchinja Kukuru Muupenyu Hwangu

Pandaishanyira ungano muna 1945, ndakashamwaridzana naJulia Charnauskas wokuProvidence, Rhode Island. Kuzoti pava pakati pa1947 takanga tava kufunga zvokuroorana. Ndaida basa repaBheteri kwazvo, asi panguva iyoyo, pakanga pasina urongwa hwokuunza mudzimai kuti azoshanda ipapo. Saka muna January 1948, ndakabva paBheteri, uye ini naJulia (Julie) takaroorana. Ndakawana basa rokupota ndichishanda mune imwe supamaketi kuProvidence, uye takatanga ushumiri hwedu hwoupiyona pamwe chete.

Muna September 1949, ndakakumbirwa kuita basa redunhu kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweWisconsin. Kwaiva kuchinja kukuru kwandiri naJulie kuparidza munharaunda dzakawanda mataundi maduku nenharaunda dzemaruwa dzinochengetwa mombe dzomukaka. Nguva dzechando dzaiva dzakareba uye dzaitonhora zvikuru, paine vhiki dzakawanda apo tembiricha yaisvika madhigirii celsius -20 nesinou yakawanda. Takanga tisina motokari. Zvisinei, nguva dzose paiwanikwa mumwe munhu aititakura kuenda kuungano yaitevera.

Nguva pfupi tatanga basa redunhu, takava negungano redunhu. Ndinoyeuka ndichiongorora chaizvo kuti ndione kuti zvinhu zvose zvaiitwa nomazvo, izvi zvaiita kuti vamwe vati zezei. Saka mutariri weruwa, Nicholas Kovalak, nomutsa akanditsanangurira kuti hama dzomunzvimbo iyi dzakanga dzakajaira kuita zvinhu nenzira yadzaikwanisa uye kuti ndaisafanira kubva ndatarisisa zvinhu nenzira yakadaro. Zano iroro rave richindibatsira pakutarisira mabasa akawanda kubvira ipapo.

Muna 1950, ndakagamuchira basa renguva pfupi—rokutarisira kupiwa kwepokugara kunhume dzaiuya kune yokutanga yekokorodzano dzedu huru dzakawanda paYankee Stadium muNew York City. Kokorodzano yacho yaifadza kubvira pamavambo kusvikira pamagumo, iine nhume dzaibva kunyika 67 nenhamba yepamusoro yevanhu vakapinda yaiva 123 707! Pashure pekokorodzano yacho, ini naJulie takasimudzira kuita ushumiri hwedu hwokufambira. Taifara chaizvo mubasa redunhu. Zvisinei, takafunga kuti taifanira kuramba tichida kushandiswa. Saka gore rimwe nerimwe, taitumira zvikumbiro zvebasa repaBheteri neroumishinari. Muna 1952 takafara kukokwa kuzopinda kirasi yechi20 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, kwatakadzidziswa basa roumishinari.

Basa Kunze Kwenyika

Patakapedza kudzidza muna 1953, takatumirwa kuBritain, uko ndakashanda mubasa reruwa kumaodzanyemba kweEngland. Pashure perisingasviki gore tiri mubasa iri, iro ini naJulie takanakidzwa naro zvikuru, takashamiswa nomugove watakagamuchira wokuti titamire kuDenmark. KuDenmark kwaidiwa munhu mutsva anotarisira hofisi yebazi. Sezvo ndaiva pedyo uye ndadzidziswa basa rakadaro kuBrooklyn, ndakatumwa kunobatsira. Takakwira chikepe kuenda kuNetherlands, uye kubva ikoko takakwira chitima kuenda kuCopenhagen, Denmark. Takasvika musi waAugust 9, 1954.

Chimwe chezvinetso zvaifanira kugadziriswa chaiva chokuti vashomanana vaiva munzvimbo dzomutoro vakatadza kugamuchira nhungamiro yaibva kudzimbahwe rokuBrooklyn. Uyezve, vatatu vevanhu vana vaishandurira mabhuku edu muchiDanish vakasiya Bheteri vakazoguma varega kusonganira neZvapupu zvaJehovha. Asi Jehovha akapindura minyengetero yedu. Mapiyona maviri, Jørgen naAnna Larsen, avo vaimbopota vachiita basa rokushandura, vakati vaigona kuita basa racho nguva yakazara. Saka kushandurirwa kwemagazini edu muchiDanish kwakaenderera mberi pasina magazini imwe chete yakatadza kushandurwa. VanaLarsen vachiri paBheteri muDenmark, uye Jørgen ndiye mutsinhanisi weDare reBazi.

Chinhu chaicho chaitikurudzira mumakore iwayo epakuvamba kwaiva kugaroshanya kwaHama Knorr. Vaiwana nguva yokugara pasi ndokukurukura, vachirondedzera zvakaitika zvaijekesa nzira yokubata nayo nezvinetso. Pane kumwe kushanya muna 1955, pakasarudzwa kuti taifanira kuvaka bazi idzva rine pokudhindira kuitira kuti tibudise magazini eDenmark. Nzvimbo yakatengwa kumusha wokuchamhembe kweCopenhagen, uye pakazosvika chirimo cha1957, takatamira kuchivako chakanga chichangobva kuvakwa. Harry Johnson, uyo nomudzimai wake, Karin, vakanga vachangobva kusvika muDenmark vapedza zvidzidzo mukirasi yechi26 yeGiriyedhi, vakabatsira kubatanidza muchina wedu wokudhinda uye kuita kuti utange kushanda.

Takavandudza urongwa hwedu hwokuita kokorodzano hombe muDenmark, uye ruzivo rwandakanga ndawana pandaishanda pakokorodzano muUnited States rwakabatsira. Muna 1961 kokorodzano yedu huru yemarudzi akawanda muCopenhagen yakava nenhume dzaibva kunyika dzinopfuura 30. Nhamba yepamusoro yevakapinda yaiva 33 513. Muna 1969, takaita yakava kokorodzano huru kupinda dzose dzakaitwa muScandinavia, yaiva nenhamba yepamusoro yevakapinda 42 073!

Muna 1963, ndakakokwa kuti ndipinde kirasi yechi38 yeGiriyedhi. Iyi yaiva kosi yakagadziridzwa yaingova yokudzidzisa vashandi vomumapazi. Zvaifadza kuva nemhuri yeBheteri reBrooklyn zvakare uye kubatsirwa noruzivo rwevaya vakanga vave vachishanda kwemakore akawanda vachitarisira mabasa epadzimbahwe.

Pashure pekosi iyi yokudzidziswa, ndakadzoka kuDenmark kuti ndirambe ndichitarisira mabasa ikoko. Kuwedzera kune izvi, ndakava neropafadzo yokushanda somutariri wenyika dzakawanda, ndichishanyira mapazi kumadokero nokuchamhembe kweEurope kuti ndikurudzire vashandi vaikoko uye kuvabatsira kuita mabasa avo. Nguva pfupi pfupi ichangopfuura ndakaita basa iri kuWest Africa nokuCaribbean.

Ma1970 ava kunopera, hama muDenmark dzakatanga kutsvaka nzvimbo uko chivako chikuru chaigona kuvakwa nokuda kwebasa raiwedzera rokushandura nokudhinda. Pakawanika nzvimbo yakanaka kwazvo yaiva kure nemakiromita anenge 60 kumadokero kweCopenhagen. Pamwe chete nevamwe, ndakashanda mukuronga nokunyora purani yechivako chitsva ichi, uye ini naJulie taitarisira kuzogara nemhuri yeBheteri mumusha mutsva wakanaka kwazvo uyu. Zvisinei, zvinhu hazvina kufamba nenzira iyoyo.

Kudzoka kuBrooklyn

Muna November 1980, ini naJulie takakumbirwa kuuya kuzoshanda paBheteri rokuBrooklyn, uko kwatakasvika mukuvamba kwaJanuary 1981. Ipapo takanga tava kupedza makore edu okuma50, uye pashure pokushanda inoda kusvika hafu youpenyu hwedu nehama nehanzvadzi dzedu dzinodiwa kuDenmark, zvakanga zvisiri nyore kuti tidzokere kuUnited States. Asi, hatina kuramba tichifunga nezvekwatainzwa tichida kuva asi takaedza kuisa pfungwa pamigove yedu mitsva nezvinetso zvipi nezvipi zvayaipa.

Takasvika kuBrooklyn ndokugadzikana. Julie akanzi ashande kuhofisi yeakaunzi, achiita basa rakafanana neraakanga achiita kuDenmark. Ndakanzi ndishande kuDhipatimendi Rokunyora kuti ndibatsire kuronga kubudiswa kwemabhuku edu. Kumavambo ema1980 yaiva nguva yokuchinja mumashandiro edu kuBrooklyn, sezvataichinja kubva pakushandisa matapureta uye kugadzira mashoko okudhinda pasimbi inopisa tichitanga kushandisa makombiyuta nemichina yokudhinda. Hapana chandaiziva nezvemakombiyuta asi ndainzwisisa maitirwo ezvinhu zvesangano uye kushanda nevanhu.

Nguva pfupi pashure pacho, pakanga pava kudiwa kusimbisa kurongwa kweDhipatimendi Rokugadzira mifananidzo sezvataichinja tichitanga kudhinda mumavara ose uye kushandisa mifananidzo nemapikicha emavara ose. Kunyange ndakanga ndisina ruzivo rwokunyora mifananidzo, ndaigona kubatsira pakuronga. Saka ndakava neropafadzo yokutarisira dhipatimendi iroro kwemakore mapfumbamwe.

Muna 1992, ndakanzi ndinobatsira Komiti Yokubudisa Mashoko yeDare Rinodzora uye ndakachinjirwa kuHofisi Yomubati Wehomwe. Muno ndakaramba ndichishanda mumabasa ezvemari eZvapupu zvaJehovha.

Basa Kubvira Ndiri Muduku

Kubvira pandaiva muduku uye mumakore angu 70 ebasa randakazvitsaurira kwariri, Jehovha ave achindidzidzisa nokushivirira achishandisa Shoko rake, Bhaibheri, nehama dzinobatsira dziri musangano rake rinoshamisa. Ndave ndichiita ushumiri hwenguva yakazara kwemakore anopfuura 63, makore anopfuura 55 acho ndiine mudzimai wangu akavimbika, Julie. Zvechokwadi, ndinonzwa ndakakomborerwa zvikuru naJehovha.

Kare muna 1940 pandakabva pamusha kuti ndipinde mubasa roupiyona, baba vangu vakaseka chisarudzo changu ndokuti: “Mwanangu, ukabva pamusha kuti uite izvi, usafunga kuti unogona kudzoka kwandiri kuti ndikubatsire.” Mumakore ose aya, handina kubvira ndaita izvozvo. Jehovha nenzira yorupo ave achindipa zvandinoda, kakawanda achishandisa hama dzangu dzechiKristu dzinoda kubatsira. Gare gare, baba vangu vakasvika pakuremekedza basa redu, uye vakatofambira mberi mukudzidza chokwadi cheBhaibheri vasati vafa muna 1972. Amai, avo vaiva netariro youpenyu hwokudenga, vakaramba vachishumira Jehovha vakatendeka kusvikira parufu rwavo muna 1985, vava nemakore 102.

Kunyange zvazvo zvinetso zvichimuka muushumiri hwenguva yakazara, ini naJulie hatina kumbobvira tafunga kusiya basa redu. Jehovha nguva dzose ave achititsigira muchisarudzo ichi. Kunyange apo vabereki vangu vakanga vava kukwegura uye vachida kubatsirwa, hanzvadzi yangu, Victoria Marlin, yakabatsira ikavatarisira nomutsa. Tinoonga zvikuru kuyamura kwayo kworudo, uko kwatibatsira kuramba tiri muushumiri hwenguva yakazara.

Julie ave achinditsigira mumabasa edu ose nokuvimbika, achiona izvi sorutivi rwokuzvitsaurira kwake kuna Jehovha. Uye kunyange iye zvino ndava nemakore 80 uye ndava nezvinetso zvoutano, ndinonzwa kuti ndakakomborerwa zvikuru naJehovha. Ndinokurudzirwa zvikuru nomunyori wepisarema uyo pashure pokuzivisa kuti Mwari akanga amudzidzisa kubvira pauduku hwake, akakumbira kuti, ‘Haiwa Mwari, kusvikira ndakwegura regai kundisiya, kusvikira ndadudzira simba renyu kurudzi runouya.’—Pisarema 71:17, 18.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Warren aiva mukoma waMilton Henschel, uyo akashanda kwemakore akawanda senhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Ndiina Amai muna 1940, pandakatanga kupayona

[Mufananidzo uri papeji 21]

Ndiine vamwe vangu vandaipayona navo, Joe naMargaret Hart

[Mufananidzo uri papeji 23]

Musi womuchato wedu muna January 1948

[Mufananidzo uri papeji 23]

Muna 1953, ndiine vamwe vangu vandakadzidza navo kuGiriyedhi. Kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi: Don naVirginia Ward, Geertruida Stegenga, Julie, neni

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ndiina Frederick W. Franz naNathan H. Knorr muCopenhagen, Denmark, muna 1961

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ndiina Julie nhasi