“Ndakaratidzwa Ushamwari, Rudo, uye Ndakaitirwa Hanya”
“Ndakaratidzwa Ushamwari, Rudo, uye Ndakaitirwa Hanya”
“VOSE vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana mune rudo pakati penyu.” (Johani 13:35) Maererano nemashoko aJesu, rudo rwakava chiratidzo choukama hwevaKristu vekare. Tertullian, achinyora makore anopfuura zana pashure porufu rwaKristu, akataura mashoko evacherechedzi vaiti: ‘Onai kudanana kwavanoita uye kugadzirira kwavakaita kunyange kufirana.’
Rudo rwakadaro ruchiri kuwanika here munyika? Hungu. Somuenzaniso, funga tsamba yakagamuchirwa nehofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha kuBrazil. Munyori wetsamba yacho, mumwe mukadzi anonzi Marília, akanyora kuti:
“Pandaigara kuVilla Mercedes, kuArgentina, amai vangu, avo vari mumwe weZvapupu zvaJehovha, vakava nechirwere cheosteoarthritis, chakavasiya varemara kubva muchiuno zvichidzika. Kwemwedzi misere yokutanga yokurwara kwavo, Zvapupu zvomuVilla Mercedes ndizvo zvakavatarisira norudo uye nehanya. Vaitarisira zvose, kuchenesa musha wavo nokuvagadzirira zvokudya. Kunyange pavaiva muchipatara, Amai vaiva nomumwe munhu nguva dzose, siku nesikati.
“Ini naAmai panguva ino tava kuBrazil, uko vachiri kunaya paurwere hwavo. Zvapupu zviri kwatava kugara zviri kuita zvose zvazvinogona kubatsira Amai kuti vanaye.”
Marília anogumisa tsamba yake achiti: “Ndinobvuma kuti ini pachangu handisi Chapupu, asi ndakaratidzwa ushamwari, rudo, uye ndakaitirwa hanya neZvapupu.”
Ichokwadi kuti kuchine vanhu vanoita zvinhu norudo rwechokwadi rwechiKristu. Mukuita kudaro, vanoratidza simba iro dzidziso dzaJesu dzinaro muupenyu hwedu.