Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakadzi Avo Vakaita Kuti Mwoyo waJehovha Ufare

Vakadzi Avo Vakaita Kuti Mwoyo waJehovha Ufare

Vakadzi Avo Vakaita Kuti Mwoyo waJehovha Ufare

“Jehovha ngaakuripire sezvawakabata, upiwe mubayiro wakakwana naJehovha.”—RUTE 2:12.

1, 2. Tingabatsirwa sei nokufungisisa mienzaniso yeBhaibheri yevakadzi vakaita kuti mwoyo waJehovha ufare?

KUTYA Mwari kwakaita kuti vakadzi vaviri vasateerera Farao. Kutenda kwakaita kuti pfambi iise upenyu hwayo pangozi kuitira kuti idzivirire vasori vaviri vechiIsraeri. Kungwara nokuzvininipisa munjodzi kwakabatsira mumwe mukadzi kuponesa vanhu vakawanda uye kuita kuti muzodziwa waJehovha asava nemhaka yeropa. Kutenda muna Jehovha Mwari uyewo mutsa zvakaita kuti chirikadzi uye amai vape muprofita waMwari zvokudya zvavo zvokupedzisira. Iyi inongova mimwe yemienzaniso yakawanda yomuMagwaro yevakadzi vakaita kuti mwoyo waJehovha ufare.

2 Maonero aiita Jehovha vakadzi ivavo uye zvikomborero zvaakavapa zvinoratidza kuti chinomufadza pane zvose unhu hwomudzimu, hunopfuura kuva mukadzi kana murume. Munyika yanhasi, yakazara nokuda zvinhu zvenyama, zvakaoma kuti munhu ape nzvimbo yokutanga kuzvinhu zvomudzimu. Asi chinetso ichocho chinogona kukurirwa, sezvinoratidzwa nemamiriyoni evakadzi vanotya Mwari avo vanoumba chikamu chikuru chevanhu vaMwari nhasi. Vakadzi vechiKristu vakadaro vanotevedzera kutenda, uchenjeri, mutsa, nohumwe unhu hwakanaka kwazvo hwakaratidzwa nevakadzi vaitya Mwari vanotaurwa muBhaibheri. Chokwadi, varume vechiKristu vanofanirawo kutevedzera unhu hwakaratidzwa nevakadzi ivavo vaiva nomuenzaniso wakanaka vomunguva yekare. Kuti tione kuti tingaita sei izvozvo pamwero wakazara, ngatikurukurei zvakadzama nhoroondo dzeBhaibheri dzinotaura nezvevakadzi vambotaurwa pakutanga.—VaRoma 15:4; Jakobho 4:8.

Vakadzi Vasina Kuteerera Farao

3, 4. (a) Nei Shifra naPua vakaramba kuteerera Farao paakarayira kuti mwana mutsva wose wechiIsraeri mukomana aiberekwa aurayiwe? (b) Jehovha akakomborera sei vananyamukuta ava vaviri nokuda kwoushingi uye kutya kwavo Mwari?

3 Pakutonga kwomuNuremberg, kwakaitwa muGermany Hondo Yenyika II yapera, vakawanda vaiwanikwa vaine mhosva yokupondwa kwevazhinji vakaedza kupembedza mhosva dzavaipara vachitaura kuti vakanga vari kungoteerera zvavakanga varayirwa. Zvino enzanisa vanhu ava navananyamukuta vaviri vechiIsraeri, Shifra naPua, vaigara muIjipiti yekare panguva yaitonga Farao asina kutaurwa zita rake asi aiva noutsinye. Achityira kuti vaHebheru vangawanda, Farao akarayira vananyamukuta vaviri ava kuti vave nechokwadi chokuti mwana wose wechiHebheru mukomana aiberekwa aiurayiwa. Vakadzi vacho vakaita sei kumurayiro wakaipa kudaro? ‘Havana kuita zvavakanga varayirwa namambo weIjipiti, vakarega vanakomana vari vapenyu havo.’ Nei vakadzi ava vasina kutya munhu? Nokuti va“itya Mwari.”—Eksodho 1:15, 17; Genesi 9:6.

4 Chokwadi, vananyamukuta vaivimba naJehovha, uye iyewo akaratidza kuva “nhoo” kwavari, achivadzivirira pakutsamwa kwaFarao. (2 Samueri 22:31; Eksodho 1:18-20) Asi chikomborero chaJehovha hachina kugumira ipapo. Akakomborera Shifra naPua nokuvapa mhuri dzavo pachavo. Akatokudza vakadzi ava nokuita kuti mazita avo nezviito zvavo zvinyorwe muShoko rake rakafuridzirwa kuti zvizvarwa zvinotevera zviverenge, nepo zita raFarao harichayeukwi.—Eksodho 1:21; 1 Samueri 2:30b; Zvirevo 10:7.

5. Nhasi vakadzi vechiKristu vakawanda vanoratidza sei mafungiro akafanana neakaitwa naShifra naPua, uye Jehovha achavakomborera sei?

5 Nhasi pane vakadzi vakaita saShifra naPua here? Hungu, zvechokwadi! Gore rimwe nerimwe, zviuru zvevakadzi vakadaro vanoparidza shoko reBhaibheri rinoponesa upenyu vasingatyi munyika umo “murayiro wamambo” unozvirambidza, nokudaro vachiisa rusununguko rwavo pangozi kana kuti kunyange upenyu hwavo. (VaHebheru 11:23; Mabasa 5:28, 29) Vachikurudzirwa nokuda Mwari nomuvakidzani, vakadzi vakashinga kudaro havabvumiri chero ani zvake kuti avamise pakuudza vamwe mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Somugumisiro, vakadzi vechiKristu vakawanda vanorwisana nokupikiswa nokutambudzwa. (Mako 12:30, 31; 13:9-13) Sezvaakaita kuna Shifra naPua, Jehovha anonyatsoziva zviito zvevakadzi ivavo vakaisvonaka, vakashinga, uye achavaratidzira rudo rwake nokuchengetedza mazita avo mu“bhuku [rake] roupenyu” chero bedzi vakatsungirira vakatendeka kusvikira kumugumo.—VaFiripi 4:3; Mateu 24:13.

Yaimbova Pfambi Inoita Kuti Mwoyo waJehovha Ufare

6, 7. (a) Rakabhi aizivei pamusoro paJehovha nevanhu vake, uye zivo iyi yakaita kuti aite sei? (b) Shoko raMwari rinokudza Rakabhi sei?

6 Mugore ra1473 B.C.E., paiva neimwe pfambi yainzi Rakabhi yaigara muguta revaKanani muJeriko. Zviri pachena kuti Rakabhi aiva mukadzi ainyatsoziva nhau dzakawanda. Apo vasori vaviri vechiIsraeri vakatsvaka pokupotera mumusha make, akavaudza zvinhu chaizvo pamusoro poKubuda kunoshamisa kwevaIsraeri muIjipiti, kunyange zvazvo izvozvo zvakanga zvaitika makore 40 akanga apfuura! Ainyatsozivawo nezvokukunda kwakanga kuchangobva kuita vaIsraeri Madzimambo evaAmori, Sihoni naOgi. Ona kuti zivo iyoyo yakamubatsira sei. Kuvasori vacho, akati: “Ndinoziva kuti Jehovha wakakupai nyika, . . . nokuti Jehovha Mwari wenyu, ndiye Mwari kudenga kumusoro napanyika pasi.” (Joshua 2:1, 9-11) Chokwadi, zvakazivikanwa naRakabhi pamusoro paJehovha nezvaakaitira Israeri zvakaita kuti mwoyo wake ude kuita chimwe chinhu uye zvakaita kuti ave nokutenda maari.—VaRoma 10:10.

7 Kutenda kwaRakabhi kwakaita kuti aite chimwe chinhu. Akagamuchira vasori vechiIsraeri “norugare,” uye akateerera mirayiridzo yavo inoponesa upenyu apo Israeri yakarwisa Jeriko. (VaHebheru 11:31; Joshua 2:18-21) Ichokwadi kuti mabasa aRakabhi okutenda akaita kuti mwoyo waJehovha ufare, nokuti akafuridzira mudzidzi wechiKristu Jakobho kunyora zita rake pamwe neraAbrahamu, shamwari yaMwari, somuenzaniso wokuti vaKristu vatevedzere. Jakobho akanyora kuti: “Nenzira yakafanana Rakabhi hure haana kunziwo akarurama nemabasa here, pashure pokunge agamuchira nhume zvakanaka akadzibudisa neimwe nzira?”—Jakobho 2:25.

8. Jehovha akakomborera Rakabhi sei nokuda kwokutenda uye kuteerera kwake?

8 Jehovha akakomborera Rakabhi munzira dzakati wandei. Kutanga, akaponesa upenyu hwake nenzira inoshamisa uye upenyu hwevose vakapotera mumusha make—kureva, ‘veimba yababa vake, nevose vaakanga anavo.’ Zvadaro akabvumira ivava kugara “pakati paIsraeri,” pavaizobatwa sezvizvarwa zvomunyika imomo. (Joshua 2:13; 6:22-25; Revhitiko 19:33, 34) Asi izvozvo handizvo zvoga. Jehovha akapawo Rakabhi ropafadzo yokubereka tateguru vaJesu Kristu. Uyu waiva mutsa une rudo mukuru kumukadzi wechiKanani aimbonamata zvidhori! *Pisarema 130:3, 4.

9. Maonero aiita Jehovha Rakabhi nevamwe vakadzi vechiKristu muzana remakore rokutanga angakurudzira sei vamwe vakadzi nhasi?

9 SaRakabhi, vamwe vakadzi vechiKristu, kubvira muzana remakore rokutanga kusvika nhasi, vakasiya mararamiro ounzenza kuti vafadze Mwari. (1 VaKorinde 6:9-11) Hapana mubvunzo kuti vamwe vavo vakakurira mumhoteredzo yakaita seKanani yekare, umo unzenza hwakanga hwakazara uye hwaitoonekwa sechinhu chakajairika. Asi vakachinja nzira dzavo, vachikurudzirwa nokutenda kwakavakirwa pazivo yakarurama yeMagwaro. (VaRoma 10:17) Nokudaro, zvinogonawo kutaurwa nezvevakadzi ivavo kuti “Mwari haanyari navo, kuti adanwe kunzi Mwari wavo.” (VaHebheru 11:16) Kukudzwa chaiko!

Akakomborerwa Nokuda Kwokungwara Kwake

10, 11. Mamiriroi ezvinhu ane chokuita naNabhari naDhavhidhi akaita kuti Abhigairi aite chimwe chinhu?

10 Vakadzi vakawanda vekare vakatendeka vakaratidza kungwara nenzira inoshamisa, zvichivaita mudziyo unokosha kuvanhu vaJehovha. Mumwe mukadzi akadaro aiva Abhigairi, mudzimai womuIsraeri aiva akapfuma uye aine munda, Nabhari. Kungwara kwaAbhigairi kwakabatsira kuponesa upenyu uye kuita kuti Dhavhidhi, mambo weIsraeri womunguva yemberi, asava nemhaka yeropa. Tinogona kuverenga nhoroondo yaAbhigairi yakanyorwa pana 1 Samueri chitsauko 25.

11 Panotanga nyaya yacho, Dhavhidhi nevateveri vake vakatodzika misasa pedyo nezvipfuwo zvaNabhari, izvo zvavanochengeta vasingabhadharwi siku nesikati pamusana pomutsa kuhama yavo yechiIsraeri, Nabhari. Apo zvokudya zvaDhavhidhi zvava kupera, anotuma majaya gumi kuna Nabhari kunokumbira zvokudya. Zvino Nabhari ava nomukana wokuratidza kuonga kwake Dhavhidhi uye kumukudza somuzodziwa waJehovha. Asi Nabhari haadaro. Afufutirwa nehasha, anonyomba Dhavhidhi odzosa majaya aya asina chinhu. Dhavhidhi paanozvinzwa, anounganidza varume 400 vane zvombo ndokutanga kuenda kunotsiva. Abhigairi anoziva nezvokupindura kwehasha kwomurume wake uye nokungwara kwake, anokurumidza kutumira zvokudya zvakawanda kuti afadze Dhavhidhi. Zvadaro iye pachake anoenda kuna Dhavhidhi.—Ndima 2-20.

12, 13. (a) Abhigairi akaratidza kungwara uyewo kuvimbika kuna Jehovha nomuzodziwa wake sei? (b) Abhigairi akaitei paakadzokera kumba, uye zvinhu zvakamufambira sei?

12 Abhigairi paanosangana naDhavhidhi, kukumbira kwake ngoni nokuzvininipisa kunoratidza kuremekedza kwake kukuru muzodziwa waJehovha. “Zvirokwazvo Jehovha uchaitira ishe wangu imba yakasimba, nokuti ishe wangu unorwa hondo dzaJehovha,” anodaro, achiwedzera kuti Jehovha achagadza Dhavhidhi kuva mutungamiriri weIsraeri. (Ndima 28-30) Panguva imwe chete iyi, Abhigairi anoratidza ushingi hwakafanira nokuudza Dhavhidhi kuti kutsvaka kwake kutsiva, kana kukasadzorwa, kuchakonzera mhaka yeropa. (Ndima 26, 31) Kuzvininipisa kwaAbhigairi, ruremekedzo rukuru, uye kufunga kwakajeka zvinoita kuti Dhavhidhi afunge zvakanaka. Anoti: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaakudzwe, iye wakakutuma nhasi kuzosongana neni; nokungwara kwako ngakukudzwe, newewo ukudzwe, nokuti wakandidzivirira nhasi kuti ndirege kuteura ropa.”—Ndima 32, 33.

13 Pakudzokera kumba, Abhigairi nenzira youshingi anoda kuudza murume wake nezvechipo chaapa Dhavhidhi. Zvisinei, anomuwana, aka“batwa kwazvo.” Saka anomirira kusvikira kudhakwa kwapera uye anobva amuudza. Nabhari anoita sei? Anovhunduka zvikuru zvokuti anobatwa norungangova rudzi rwakati rwechirwere chokuoma rutivi rwomuviri. Mazuva gumi gare gare anourayiwa naMwari. Dhavhidhi paanoziva nezvokufa kwaNabhari, anokumbira kuroora Abhigairi, sezviri pachena uyo waanoda uye waanoremekedza zvikuru. Abhigairi anobvuma kuroorwa naDhavhidhi.—Ndima 34-42.

Ungagona Kuita saAbhigairi Here?

14. Unhu hupi hwaAbhigairi hwatingada kukudziridza pamwero mukuru zvikuru?

14 Unoona here unhu huna Abhigairi uhwo iwe—murume kana mukadzi—ungada kukudziridza kusvika pamwero mukuru zvikuru? Zvichida unoda kuita nokuchenjera uye nokungwara zvikuru zvinetso pazvinomuka. Kana kuti zvimwe unoda kutaura zvakadzikama uye zvine musoro apo vamwe vanenge vakagumbuka chaizvo. Kana zvakadaro, wadii kunyengetera kuna Jehovha pamusoro penhau yacho? Anopikira kupa uchenjeri, nzwisiso, uye mano okufunga kune vose ‘vanoramba vachikumbira nokutenda.’—Jakobho 1:5, 6; Zvirevo 2:1-6, 10, 11.

15. Mumamiriroi ezvinhu azvinokosha zvikuru kuti vakadzi vechiKristu varatidze unhu hwakaratidzwa naAbhigairi?

15 Unhu hwakanaka kudaro hunokosha zvikuru kumukadzi ane murume asingatendi uyo asina basa zvakanyanya nemitemo yeBhaibheri kana kuti asingaiteereri. Zvichida anonwa doro zvakanyanya. Tinotarisira kuti varume vakadaro vachachinja nzira dzavo. Vakawanda vakaita kudaro—kazhinji nokuda kwounyoro, ruremekedzo rukuru, uye mufambiro wakachena wemadzimai avo.—1 Petro 3:1, 2, 4.

16. Hanzvadzi yechiKristu ingaratidza sei kuti inokoshesa ukama hwayo naJehovha kupfuura zvose, pasinei nemamiriro ezvinhu pamba payo?

16 Chero chinetso chipi zvacho chaungafanira kutsungirira kumba, yeuka kuti Jehovha aripo nguva dzose kuti akutsigire. (1 Petro 3:12) Saka edza kuzvisimbisa mumudzimu. Nyengeterera uchenjeri uye hana yakadzikama. Chokwadi, swedera pedyo zvikuru naJehovha kuburikidza nokudzidza Bhaibheri nguva dzose, kunyengetera, kufungisisa, uye kusonganirana nehama dzako dzechiKristu. Kuda Mwari kwaAbhigairi uye maonero aaiita mushumiri wake akazodzwa zvakanga zvisingadzorwi nokusaona zvinhu nenzira yokumudzimu kwaiitwa nomurume wake. Akaita maererano nenhungamiro yakarurama. Kunyange mumhuri umo murume ari mushumiri waMwari ane muenzaniso wakanaka, mudzimai wechiKristu anoona kuti anofanira kuramba achishanda nesimba kuti avake ukama hwake hwomudzimu ndokuhuchengetedza. Chokwadi, murume wake ane mutoro wepaMagwaro wokumutarisira mumudzimu nomunyama, asi pakupedzisira, anofanira kushandira ‘kuponeswa kwake nokutya nokudedera.’—VaFiripi 2:12; 1 Timoti 5:8.

Yakawana “Mubayiro woMuprofita”

17, 18. (a) Chirikadzi yeZarefati yakava nomuedzo upi wokutenda usingambofungiki? (b) Chirikadzi iyi yakaita sei kuchikumbiro chaEriya, uye Jehovha akaikomborera sei nokuda kweizvi?

17 Nzira iyo Jehovha akatarisira nayo chirikadzi murombo munguva yomuprofita Eriya inoratidza kuti anokoshesa zvikuru vaya vanotsigira kunamata kwechokwadi nokuzvipira kwavo uye nokupa kwavo pfuma yavo. Pamusana pokusanaya kwemvura kwenguva refu muzuva raEriya, vakawanda vakatambura nenzara, kusanganisira imwe chirikadzi nomwanakomana wayo muduku vaigara muZarefati. Pavakanga vava kutopedza zvokudya zvavo zvokupedzisira, mueni akasvika—muprofita Eriya. Akaita chikumbiro chakanga chisingambofungiki. Kunyange zvazvo aiziva chinetso chomukadzi uyu, akamukumbira kuti amubikire “chingwa chiduku,” achishandisa mafuta nefurawa yake yokupedzisira. Asi akatizve: “Nokuti zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri: Upfu huri mudende hahungaperi, namafuta ari muchinu haangashayikwi, kusvikira pazuva Jehovha raachanisa naro mvura panyika.”—1 Madzimambo 17:8-14.

18 Ungadai wakapindura sei chikumbiro ichocho chisingambofungiki? Chirikadzi yeZarefati, sezviri pachena ichiziva kuti Eriya aiva muprofita waJehovha, yaka“ita sezvakataura Eriya.” Jehovha akaita sei kumutsa wayo? Nenzira inoshamisa akagovera zvokudya kumukadzi wacho, mwanakomana wake, uye Eriya munguva yokusanaya kwemvura. (1 Madzimambo 17:15, 16) Chokwadi, Jehovha akapa chirikadzi yeZarefati “mubayiro womuprofita,” kunyange zvazvo yakanga isiri muIsraeri. (Mateu 10:41) Mwanakomana waMwari akarumbidzawo chirikadzi iyi paakaitaura somuenzaniso pamberi pevanhu vasina kutenda vomutaundi rokumusha kwake, Nazareta.—Ruka 4:24-26.

19. Nhasi vakadzi vechiKristu vakawanda vanoratidza pfungwa yechirikadzi yeZarefati munzira dzipi, uye Jehovha anofungei nezvevakadzi ava?

19 Nhasi, vakadzi vechiKristu vakawanda vanoratidza pfungwa yechirikadzi yeZarefati. Somuenzaniso, vhiki imwe neimwe, hanzvadzi dzechiKristu dzisina udyire—dzakawanda dzadzo varombo uye dzine mhuri dzokutarisira—dzinoratidza mutsa kuvatariri vanofambira nemadzimai avo. Dzimwe dzinopa zvokudya vashumiri venguva yakazara vomunharaunda, dzinobatsira vanoshayiwa, kana kuti mune imwe nzira dzinozvipira uye dzinopa pfuma yadzo kutsigira basa roUmambo. (Ruka 21:4) Jehovha anoona zvibayiro zvakadaro here? Chaizvo! “Mwari haasi asina kururama kuti angabve akanganwa basa renyu norudo rwamakaratidza nokuda kwezita rake, pakuti makashumira vatsvene uye munoramba muchishumira.”—VaHebheru 6:10.

20. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

20 Muzana remakore rokutanga, vakadzi vanoverengeka vaitya Mwari vaiva neropafadzo yokushumira Jesu nevaapostora vake. Munyaya inotevera, tichakurukura kuti vakadzi ava vakaita sei kuti mwoyo waJehovha ufare, uye tichakurukura muenzaniso wevakadzi vemazuva ano vanoshumira Jehovha nomwoyo wose, kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Sezvakanyorwa naMateu, dzinza raJesu rinotaura vakadzi vana nemazita—Tamari, Rakabhi, Rute, naMariya. Vose vanokosheswa zvikuru muShoko raMwari.—Mateu 1:3, 5, 16.

Kudzokorora

• Vakadzi vanotevera vakaita sei kuti mwoyo waJehovha ufare?

• Shifra naPua

• Rakabhi

• Abhigairi

• Chirikadzi yeZarefati

• Kufungisisa mienzaniso yakaratidzwa nevakadzi ava kungatibatsira sei somunhu mumwe nomumwe? Enzanisira.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 9]

Vakadzi vakawanda vakatendeka vakashumira Mwari pasinei no“murayiro wamambo”

[Mufananidzo uri papeji 10]

Nei Rakabhi ari muenzaniso wakanaka kwazvo womunhu ane kutenda?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Unhu hupi hwakaratidzwa naAbhigairi hwaunoda kutevedzera?

[Mufananidzo uri papeji 12]

Nhasi vakadzi vechiKristu vakawanda vanoratidza pfungwa yechirikadzi yeZarefati