Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakadzi vechiKristu Vakatendeka—Vanamati vaMwari Vanokosha

Vakadzi vechiKristu Vakatendeka—Vanamati vaMwari Vanokosha

Vakadzi vechiKristu Vakatendeka—Vanamati vaMwari Vanokosha

“Zvinofadza zvinonyengedzera, unaki hahuna maturo; asi mukadzi unotya Jehovha, ndiye unofanira kurumbidzwa.”—ZVIREVO 31:30.

1. Maoenero anoita Jehovha kunaka anosiyana sei neenyika?

NYIKA inosimbisa zvikuru chitarisiko chokunze, zvikurukuru kuvakadzi. Zvisinei, Jehovha anonyanya kufarira munhu womukati, uya anogona kuzova akatonaka zvikuru munhu paanokura. (Zvirevo 16:31) Saka, Bhaibheri rinorayira vakadzi kuti:“Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokuruka bvudzi kwokunze uye kwokupfeka zvishongo zvendarama kana kwokupfeka nguo dzokunze, asi ngakuve munhu akavanzika wemwoyo akapfeka chipfeko chisingaori chomudzimu wakanyarara uye munyoro, uyo unokosha zvikuru mumaziso aMwari.”—1 Petro 3:3, 4.

2, 3. Vakadzi vakabatsira sei kufambira mberi kwemashoko akanaka muzana remakore rokutanga, uye izvi zvakafanotaurwa sei?

2 Mafungiro akadaro anorumbidzwa akaratidzwa nevakawanda vevakadzi vanotaurwa muBhaibheri. Muzana remakore rokutanga, vamwe veava vaiva neropafadzo yokushumira Jesu nevaapostora vake. (Ruka 8:1-3) Gare gare, vakadzi vechiKristu vakava vaevhangeri vanoshingaira; vamwe vakapa rutsigiro runokosha kuvarume vechiKristu vakanga vachitungamirira, kusanganisira muapostora Pauro; uye vamwe vakaratidza mutsa mukuru, vachitoita kuti misha yavo ipindirwe misangano yeungano.

3 Kuti Jehovha aizoshandisa vakadzi munzira yakakura mukuitwa kwechinangwa chake kwakanga kwafanotaurwa muMagwaro. Somuenzaniso, Joere 2:28, 29 yakafanotaura kuti varume nevakadzi, vaduku nevakuru, vaizogamuchira mudzimu mutsvene voshanda vose mukuparadzira mashoko akanaka oUmambo. Uprofita ihwohwo hwakatanga kuzadzika paPendekosti ya33 C.E. (Mabasa 2:1-4, 16-18) Vamwe vakadzi vakazodzwa nomudzimu vakapiwa zvipo zvinoshamisa, zvakadai sechipo chokuprofita. (Mabasa 21:8, 9) Nokushingaira kwavo muushumiri, uto guru iri romudzimu rehanzvadzi dzakatendeka, rakaita kuti chiKristu chiparadzirwe nokukurumidza muzana remakore rokutanga. Chokwadi, munenge muna 60 C.E., muapostora Pauro akanyora kuti mashoko akanaka akanga “aparidzwa pakati pezvisikwa zvose zviri pasi pedenga.”—VaKorose 1:23.

Vakarumbidzwa Pamusana Poushingi, Kushingaira, uye Mutsa Wavo

4. Nei Pauro aiva nechikonzero chakanaka chokurumbidza vakadzi vanoverengeka vomuungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga?

4 Somuenzaniso, muapostora Pauro akaonga ushumiri hwakaitwa nevamwe vakadzi zvikuru—sezvinoita vatariri vechiKristu nhasi vanokoshesa ushumiri hwevakadzi vanoshingaira. Pakati pevakadzi vakataurwa nemazita naPauro paiva na“Tirifena naTirifosa, vakadzi vari kushanda zvakaoma munaShe,” uye “Pesisi anodiwa wedu, nokuti akaita mabasa akawanda munaShe.” (VaRoma 16:12) Pauro akanyora kuti, Yuodhiya naSindike vakanga va“bishaira [naye] pamashoko akanaka.” (VaFiripi 4:2, 3) Prisira, pamwe nomurume wake, Akwira, vakashandawo naPauro. Prisira naAkwira, vakato“isa mitsipa yavo mungozi” nokuda kwaPauro, zvichimukurudzira kunyora kuti: “Vanoongwa kwete neni bedzi asiwo neungano dzose dzemamwe marudzi.”—VaRoma 16:3, 4; Mabasa 18:2.

5, 6. Prisira akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo kuhanzvadzi nhasi munzira dzipi?

5 Chii chakakonzera kushingaira uye ushingi zvaPrisira? Chimwe chinhu chinobatsira chinowanikwa pana Mabasa 18:24-26, patinoverenga kuti akatsigira murume wake kubatsira Aporo, nyanzvi pakutaura, kuti azive chokwadi chakaziviswa. Saka, zviri pachena kuti Prisira aiva mudzidzi akanaka weShoko raMwari uye wezvaidzidziswa nevaapostora. Somugumisiro, akava nounhu hwakanaka kwazvo hwakamuita kuti akoshe kuna Mwari nokumurume wake uye kuti ave nhengo inokosha yeungano yekare. Nhasi dzinokosha zvakaenzana ihanzvadzi dzechiKristu dzakawanda dzinoshanda nesimba idzo dzinodzidza Bhaibheri nokushingaira uyewo dzinodya zvokudya zvomudzimu izvo Jehovha anogovera achishandisa “mutariri akatendeka.”—Ruka 12:42.

6 Akwira naPrisira vaiva nomutsa zvikuru. Pauro akagara mumusha mavo paaishanda navo mubhizimisi ravo rokugadzira matende muKorinde. (Mabasa 18:1-3) Vaviri ava pavakatamira kuEfeso uye gare gare kuRoma, vakaramba vachiratidza mutsa wechiKristu, kunyange kuita kuti musha wavo upindirwe misangano yeungano. (Mabasa 18:18, 19; 1 VaKorinde 16:8, 19) Nimufa naMariya amai vaJohani Mako vakazarurawo misha yavo kuti ipindirwe misangano yeungano.—Mabasa 12:12; VaKorose 4:15.

Mudziyo Unokosha Nhasi

7, 8. Chinyorwai chinorumbidzwa chebasa dzvene chine vakadzi vakawanda vechiKristu vemazuva ano, uye vangavimbiswei?

7 Somuzana remakore rokutanga, nhasi vakadzi vechiKristu vakatendeka vanoita basa rinokosha mukuitwa kwechinangwa chaMwari, zvikurukuru mubasa rokuparidza evhangeri. Uye hanzvadzi idzi dzine mukurumbira wakanaka kwazvo! Funga muenzaniso waGwen, uyo akashumira Jehovha nokutendeka kwemakore anopfuura 50 kusvikira pakufa kwake muna 2002. “Kushingaira kwaGwen somuevhangeri kwaizivikanwa zvikuru muguta redu,” anodaro murume wake. “Kwaari, munhu wose aikwanisa kugamuchira rudo nevimbiso zvaJehovha. Kuvimbika kwake kuna Mwari, sangano rake, uye kumhuri yedu—tisingatauri kurudziro yake yorudo pataiva takaora mwoyo—kwave kuchinditsigira zvikuru ini nevana vedu muupenyu hwedu hwose hune zvizhinji zvokuita uye hune mubayiro tiri pamwe chete. Tinomusuwa zvikuru.” Gwen nomurume wake vakanga vakaroorana kwemakore 61.

8 Makumi ezviuru zvevakadzi vechiKristu, vasina kuroorwa nevakaroorwa, vanoshumira semapiyona nemamishinari, vachigutsikana nezvinodiwa muupenyu sezvavanoparadzira shoko roUmambo mundima dzinobvira mumaguta ane vanhu vakawanda kusvika kunzvimbo dziri kure. (Mabasa 1:8) Vakawanda vakarega kuva nomusha kana kuti kuva nevana kuitira kuti vashumire Jehovha zvizere. Pane vaya vanotsigira nokuvimbika varume vanoshumira sevatariri vanofambira, uye zviuru zvehanzvadzi zvinoshanda mumisha yeBheteri pasi pose. Pasina mubvunzo, vakadzi ava vanozvipira vari pakati pe“zvinodikanwa nendudzi dzose” izvo zvinozadza imba yaJehovha nembiri.—Hagai 2:7.

9, 10. Dzimwe nhengo dzemhuri dzakaratidza sei kuonga muenzaniso wakanaka kwazvo unoratidzwa nemadzimai uye vanaamai vechiKristu?

9 Chokwadi, vakadzi vechiKristu vakawanda vane mitoro yemhuri yokutarisira; asi, vanoramba vachiisa zvinhu zvoUmambo pakutanga. (Mateu 6:33) Imwe hanzvadzi piyona isina kuroorwa yakanyora kuti: “Amai vangu, nokuda kwokutenda kwavo kwakasimba uye muenzaniso wakanaka, vakaita basa rinokosha kuita kuti ndive piyona wenguva dzose. Kutaura zvazviri, vaiva imwe yeshamwari dzangu dzakanakisisa dzandaipayona nadzo.” Mumwe murume anoti nezvomudzimai wake, amai vevanasikana vashanu vakura: “Musha wedu waigara wakachena uye wakarongedzwa. Bonnie aiuchengeta wakanaka uye usina zvinhu zvisiri pose pose zvokuti mhuri yedu yaigona kuisa pfungwa dzayo pazvinhu zvomudzimu. Kutarisira kwake nokungwarira mari yedu kwakaita kuti ini ndikwanise kushanda basa rokunyika risiri renguva dzose kwemakore 32, zvichiita kuti ndipedzere nguva yakawanda pane zvaidiwa nemhuri uye pazvinhu zvomudzimu. Mudzimai wangu akadzidzisawo vana kukosha kwokushanda nesimba. Ndinofanira kumurumbidza.” Nhasi murume nomudzimai ava vanoshanda padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha.

10 Mumwe murume anonyora maererano nomudzimai wake, amai vevana vakura achiti: “Unhu hwandinoyemura zvikuru pana Susan kuda kukuru kwaanoita Mwari nevanhu, uyewo kunzwisisa kwake, kunzwira vamwe tsitsi, uye kutendeseka. Nguva dzose ave achifunga kuti Jehovha anokodzerwa nezvakanakisisa zvatingagona kumupa—nhungamiro yaanozvishandisira somushumiri waMwari uye saamai.” Achitsigirwa nomudzimai wake, murume uyu ave kugamuchira ropafadzo dzomudzimu dzakati, kusanganisira kushanda somukuru, piyona, anombotsiva mutariri wedunhu, uye senhengo yeDare Rokukurukura Nezvipatara. Vakadzi vakadaro vanokosha zvikuru kuvarume vavo, kune vamwe vaKristu, uye kupfuura zvose, kuna Jehovha!—Zvirevo 31:28, 30.

Vakadzi Vanokosha Vasina Varume

11. (a) Jehovha ave achiratidza sei kuva kwake nehanya nevakadzi vakatendeka, zvikurukuru chirikadzi? (b) Chirikadzi dzechiKristu nedzimwe hanzvadzi dzakatendeka dzisina varume dzingava nechokwadi chei?

11 Jehovha aiwanzoratidza kuva kwake nehanya nokugara zvakanaka kwechirikadzi. (Dheuteronomio 27:19; Pisarema 68:5; Isaya 10:1, 2) Haana kuchinja. Anoramba ane hanya zvikuru kwete chete nechirikadzi asiwo navanaamai vasina varume uyewo nevakadzi vasina kuroorwa nokuzvidira kana kuti vasina kuwana murume wechiKristu akakodzera. (Maraki 3:6; Jakobho 1:27) Kana uri pakati pevaya vanoshumira Jehovha nokutendeka usina murume wechiKristu anokutsigira, unogona kuva nechokwadi chokuti unokosha mumaziso aMwari.

12. (a) Dzimwe hanzvadzi dzechiKristu dzinoratidza sei kuvimbika kwadzo kuna Jehovha? (b) Dzimwe dzehanzvadzi dzedu dzinorarama dzichinzwa sei?

12 Somuenzaniso, funga nezvehanzvadzi dzedu dzechiKristu dzisina kuroorwa nokuti dzinoteerera nokuvimbika zano raJehovha rokuroorwa “munaShe bedzi.” (1 VaKorinde 7:39; Zvirevo 3:1) Shoko raMwari rinodzivimbisa kuti: ‘Wakavimbika Jehovha achamuitirawo nokuvimbika.’ (2 Samueri 22:26) Asi, kune vakawanda vavo, kuramba vasina kuroorwa kwakaoma. Imwe hanzvadzi inoti: “Ndakatsunga kuroorwa munaShe bedzi, asi ndakachema kakawanda pandaiona shamwari dzangu dzichiroorwa nevarume vechiKristu vakanaka, uku ini ndichiramba ndiri ndoga.” Imwe hanzvadzi inoti: “Ndashumira Jehovha kwemakore 25. Ndakatsunga kuramba ndakavimbika kwaari, asi kunzwa kwokusurukirwa kunowanzondisuruvarisa.” Inotizve: “Hanzvadzi dzakaita seni dzinopanga kukurudzirwa.” Tingabatsira sei vakavimbika vakadaro?

13. (a) Tinodzidzei pamuenzaniso wakaratidzwa nevaya vaishanyira mwanasikana waJefta? (b) Munzirai dzokuwedzera matingaratidza kuti tine hanya nehanzvadzi dzisina kuroorwa dziri muungano medu?

13 Imwe nzira inooneka mune mumwe muenzaniso wekare. Apo mwanasikana waJefta akarega mukana wokuva nomurume, vanhu vakaziva kuti akanga achizvipa sechibayiro. Chii chakaitwa kumukurudzira? “Vakunda vaIsraeri va[ienda] makore ose mazuva mana pagore kundochema [“kunorumbidza,” NW] mukunda waJefta muGireadhi.” (Vatongi 11:30-40) Saizvozvowo, tinofanira kurumbidza nomwoyo wose hanzvadzi dzisina kuroorwa dzinoteerera mutemo waMwari nokuvimbika. * Ndeipi imwe nzira yatingaratidza nayo kuti tine hanya? Muminyengetero yedu tinofanira kuteterera Jehovha kuti atsigire hanzvadzi dzinodiwa, dzakatendeka kudaro kuti dzirambe dzakavimbika mubasa radzo. Dzinokodzerwa kuvimbiswa kuti dzinodiwa nomwoyo wose uye dzinokosheswa zvikuru naJehovha uye neungano yose yechiKristu.—Pisarema 37:28.

Kubudirira Kunoita Vabereki Vari Voga

14, 15. (a) Nei vaKristu vari vanaamai vasina varume vachifanira kukumbira kubatsirwa naJehovha? (b) Vabereki vari voga vangaita sei nezvezvavanenge vanyengeterera?

14 Vakadzi vechiKristu vari vabereki vari voga vanotarisanawo nezvinetso zvakasiyana-siyana. Zvisinei, vangakumbira Jehovha kuti avabatsire kurera vana vavo maererano nenhungamiro dzeBhaibheri. Chokwadi, kana uri mubereki ari oga, haungagoni kuva zvose amai nababa muzvinhu zvose. Kunyange zvakadaro, Jehovha achakubatsira kutarisira mitoro yako yakawanda kana ukamukumbira uchiratidza kutenda. Kuenzanisira: Fungidzira kuti une saga rinorema kwazvo rechibage raunoda kuendesa kuchigayo. Waizotamburira kuritakura nomusoro here nepo paine munhu ati anogona kukukweretesa bhasikoro rake, uye iwe uchigona kurichovha? Chokwadi kwete! Saizvozvowo, usaedza kutakura mitoro yepfungwa dzinorema uri woga nepo uchigona kukumbira Jehovha kuti akubatsire. Chokwadi, anokukoka kuti umukumbire. Pisarema 68:19 rinoti: “Ishe ngaaongwe, iye unotakura mitoro yedu zuva rimwe nerimwe.” (Tisu tatsveyamisa mabhii.) Saizvozvowo, 1 Petro 5:7 inokukoka kukandira kufunganya kwako kwose pana Jehovha ‘nokuti ane hanya newe.’ Saka kana uchiremerwa nezvinetso nokufunganya, zviturire Baba vako vokudenga, uchi“ramba” uchiita kudaro.—1 VaTesaronika 5:17; Pisarema 18:6; 55:22.

15 Somuenzaniso, kana uri amai, hapana mubvunzo kuti unonetseka nokufurirwa kungaitwa vana vako kuchikoro nevezera ravo kana kuti nemiedzo yokuvimbika yavangatarisana nayo. (1 VaKorinde 15:33) Uku kunetseka kwakakodzera. Asi inhauwo dzinofanira kunyengetererwa. Chokwadi, wadii kunyengeterera zvinhu zvakadaro nevana vako vasati vaenda kuchikoro, zvichida mapedza kukurukura rugwaro rwezuva nezuva pamwe chete? Minyengetero yemwoyo wose, yakananga ingasimbisa zvikuru pfungwa dzevechiduku ava. Kupfuura zvose, unoita kuti Jehovha akukomborere paunoedza nokushivirira kunyatsopinza Shoko rake mumwoyo yevana vako. (Dheuteronomio 6:6, 7; Zvirevo 22:6) Yeuka kuti, “maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo.”—1 Petro 3:12; VaFiripi 4:6, 7.

16, 17. (a) Mumwe mwanakomana akati kudini nezvorudo rwairatidzwa naamai vake? (b) Maonero aiita amai vacho zvinhu zvomudzimu akabatsira sei vana vavo?

16 Funga muenzaniso waOlivia, amai vane vana vatanhatu. Murume wake asingatendi akasiya mhuri yacho mwana wokupedzisira achangoberekwa, asi Olivia akabva atakura mutoro wokurovedza vana vake munzira dzaMwari pakarepo. Mwanakomana waOlivia, Darren, zvino ane makore 31 uye ari kushanda somukuru wechiKristu uye piyona, akanga ane anenge makore 5 panguva yacho. Kuwedzera pakufunganya kwaOlivia, Darren akava nechinetso choutano chakakomba icho chichiri kumunetsa nazvino. Achifunga nezvouduku hwake, Darren anonyora kuti: “Ndichiri kuyeuka ndakagara pamubhedha wangu muchipatara ndichimirira Amai nomwoyo wose. Vaizogara pedyo neni vondiverengera Bhaibheri mazuva ose. Zvadaro vaizoimba rwiyo rwoUmambo runoti ‘Tinokuongai, Jehovha.’ * Nanhasi, ndirwo rwiyo rwoUmambo rwandinofarira zvikuru.”

17 Kuvimba naJehovha kwaOlivia uye kumuda kwake zvakabatsira kuti abudirire saamai vasina murume. (Zvirevo 3:5, 6) Mafungiro ake akanaka kwazvo akaonekwa muzvinangwa zvaakakurudzira vana vake. “Amai vaigarotikurudzira kuva nechinangwa chokuita ushumiri hwenguva yakazara,” anodaro Darren. “Nokuda kweizvi, ini uye hanzvadzi dzangu ina pashanu dzandinadzo takapinda muushumiri hwenguva yakazara. Asi Amai vakanga vasingambodadiri vamwe pamusoro pezvinhu izvi. Ndinoedza nepandinogona napo kutevedzera unhu hwavo hwakaisvonaka.” Chokwadi, havasi vana vose vanokura voshumira Mwari sezvakaitwa nevaOlivia. Asi amai pavanoita nepavanogona napo kurarama maererano nenhungamiro dzeBhaibheri, vangava nechokwadi chokutungamirirwa naJehovha uye kutsigirwa naye nenzira yorudo.—Pisarema 32:8.

18. Tingaratidza sei kuti tinoonga urongwa hwaJehovha hweungano yechiKristu?

18 Rutsigiro rwaMwari rukuru runopiwa kuburikidza neungano yechiKristu, nepurogiramu yayo yenguva dzose yokupa zvokudya zvomudzimu, noukama hwayo hwechiKristu, uye ne“zvipo zviri varume” vakakura mumudzimu. (VaEfeso 4:8) Vakuru vakatendeka vanoshanda nesimba kukurudzira vose vari muungano, vachinyatsotarira zvinodiwa ne“nherera nechirikadzi pakutambudzika kwadzo.” (Jakobho 1:27) Saka ramba uri pedyo nevanhu vaMwari, usingambozviparadzanisi.—Zvirevo 18:1; VaRoma 14:7.

Kunaka Kwokuzviisa Pasi

19. Nei kuzviisa pasi kwomudzimai kusingarevi kuti haakoshi, uye muenzaniso upi womuBhaibheri unotsigira izvi?

19 Jehovha akasika mukadzi kuti ave mubatsiri womurume. (Genesi 2:18) Saka, kuzviisa pasi kwomudzimai kumurume wake hakurevi kuti haakoshi. Asi kunopa mukadzi chiremerera, kuchimubvumira kushandisa zvipo zvake zvakawanda uye matarenda maererano nokuda kwaMwari. Zvirevo chitsauko 31 inorondedzera mabasa akasiyana-siyana omudzimai ane unyanzvi muIsraeri yekare. Aibatsira vanoshayiwa, airima minda yemizambiringa, nokutenga munda. Chokwadi, ‘mwoyo womurume wake waimutenda, naiye aisashayiwa pfuma.’—Ndima 11, 16, 20.

20. (a) Mukadzi wechiKristu anofanira kuona sei mano ake aakapiwa naMwari, kana kuti zvipo? (b) Estere akaratidza unhu hupi hwakaisvonaka, uye Jehovha akakwanisa sei kumushandisa nokuda kweizvi?

20 Mukadzi ane mwero, anotya Mwari haavavariri kuzvikwidziridza kana kukwikwidzana nomurume wake. (Zvirevo 16:18) Haatsvaki kuzvigutsa zvikurukuru kuburikidza nokutsvaka zvinhu zvenyika asi anoshandisa zvipo zvake zvaakapiwa naMwari zvikuru kushumira vamwe—mhuri yake, vamwe vaKristu, vavakidzani, uye kupfuura zvose, Jehovha. (VaGaratiya 6:10; Tito 2:3-5) Funga nezvomuenzaniso womuBhaibheri waMambokadzi Estere. Kunyange aiva tsvarakadenga, aiva nomwero uye aizviisa pasi. (Estere 2:13, 15) Aroorwa, akaratidza ruremekedzo rukuru kumurume wake, Mambo Ahashivheroshi, kusiyana naVhashti aimbova mudzimai wamambo. (Estere 1:10-12; 2:16, 17) Nenzira yokuremekedza, Estere akaitawo zvaidiwa kuti aite naModhekai, hama yake yakanga yakura, panhau dzakakodzera—kunyange pashure pokunge ava mambokadzi. Asi akanga asiri mbwende! Noushingi akafumura Hamani, murume aiva nesimba uye aiva noutsinye uyo akaronga kuparadza vaJudha. Jehovha akashandisa Estere zvikuru kuti vanhu vake vachengetedzwe.—Estere 3:8–4:17; 7:1-10; 9:13.

21. Mukadzi wechiKristu angava anotokosha zvikuru kuna Jehovha sei?

21 Zviri pachena kuti kare uye nhasi, vakadzi vanotya Mwari vave vachiratidza kuzvipira kwavo kwakazara kuna Jehovha nokunamatwa kwake. Naizvozvo, vakadzi vanotya Mwari vanokosha mumaziso aJehovha. Hanzvadzi dzechiKristu, bvumirai Jehovha kukuumbai zvishoma nezvishoma nomudzimu wake kuva “mudziyo” unotodiwa zvikuru, uyo “wakagadzirirwa basa rose rakanaka.” (2 Timoti 2:21; VaRoma 12:2) Nezvevanamati ivavo vanokosha, Shoko raMwari rinoti: “Chimupai zvakafanira zvaakabata namaoko ake; mabasa ake ngaamurumbidze pamasuwo eguta.” (Zvirevo 31:31) Izvozvo ngazvive zvechokwadi kune mumwe nomumwe wenyu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Kuti kurumbidza kwakadaro kungaitwa sei, ona Nharireyomurindi yaMarch 15, 2002, pamapeji 26-8.

^ ndima 16 Rwiyo 212 mubhuku rinonzi Imbirai Jehovha Rumbidzo, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Vamwe vakadzi vechiKristu vomuzana remakore rokutanga vakaratidza sei kuti vaikosha mumaziso aJehovha?

• Hanzvadzi dzakawanda munguva yedu dzave dzichizviita sei dzinokosha kuna Mwari?

• Jehovha anotsigira vanaamai vasina varume uye dzimwe hanzvadzi dzisina varume munzira dzipi?

• Mukadzi angaratidza sei kuremekedza urongwa hwomusoro nomwoyo wose?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi riri papeji 17]

MIENZANISO YOKUFUNGISISA

Ungada kuona mimwezve mienzaniso yevakadzi vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri here? Kana uchida, tapota verenga magwaro ari pasi apa. Sezvaunofungisisa vanhu vakasiyana-siyana vakanyorwa pano, edza kuona zvidzidzo zvaungakwanisa kushandisa zvikuru muupenyu hwako.—VaRoma 15:4.

Sara: Genesi 12:1, 5; 13:18a; 21:9-12; 1 Petro 3:5, 6.

Vakadzi vechiIsraeri vaiva nomutsa: Eksodho 35:5, 22, 25, 26; 36:3-7; Ruka 21:1-4.

Dhebhora: Vatongi 4:1–5:31.

Rute: Rute 1:4, 5, 16, 17; 2:2, 3, 11-13; 4:15.

Mukadzi weShunemi: 2 Madzimambo 4:8-37.

Mukadzi muFenikiya: Mateu 15:22-28.

Marita naMariya: Mako 14:3-9; Ruka 10:38-42; Johani 11:17-29; 12:1-8.

Tabhita: Mabasa 9:36-41.

Vanasikana vana vaFiripi: Mabasa 21:9.

Febhi: VaRoma 16:1, 2.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Unorumbidza hanzvadzi dzisina kuroorwa idzo dzinoteerera mutemo waMwari nokuvimbika here?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Zvinhu zvipi zvingakumbirwa zvakananga mumunyengetero vana vasati vaenda kuchikoro?