Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Nhungamiro dzeBhaibheri Dzakamubatsira Kuchinja

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Nhungamiro dzeBhaibheri Dzakamubatsira Kuchinja

“Swederai Pedyo naMwari, uye Achaswedera Pedyo Nemi”

Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza—Nhungamiro dzeBhaibheri Dzakamubatsira Kuchinja

ARI muduku, Adrian aiva nehasha noruvengo. Kusatana kwake kutsamwa kwaiita kuti aratidze hasha zvikuru. Ainwa, aisvuta, uye airarama upenyu hwounzenza. Adrian aizivikanwa somunhu anoita zvechipangi uye aive akanyorwa pamuviri wake mufananidzo wairatidza kuti aidavira kusateerera mutemo. Achirondedzera makore iwayo, anoti: “Ndaigera bvudzi rangu chipangi, ndairizora guruu, uye dzimwe nguva ndairipenda kuva dzvuku kana rumwe ruvara.” Adrian akabooresawo mhino yake.

Adrian akanogara mune rimwe dangwaza pamwe chete nedzimwe pwere shomanana dzinopandukira. Vainwira doro imomo nokushandisa zvinodhaka. “Ndaitora chinodhaka chinonzi speed ndozvibaya pamwe chete neValium nechimwe chinhuwo zvacho chandaingowana,” anoyeuka kudaro Adrian. Kana ndaitadza kuwana zvinodhaka kana guruu, ndaisveta peturu kana dhiziri kubva mumotokari dzevanhu ndobva ndadhakwa nazvo.” Achirarama upenyu hwokuita utsotsi mumigwagwa, Adrian akava munhu anotyisa uye ane chisimba zvikuru. Vanhu vazhinji vaisada kuwirirana naye. Panguva iyi, mukurumbira wake wakaita kuti ave neshamwari dzakaipa.

Zvishoma nezvishoma, Adrian akaona kuti “shamwari” dzake dzaingotamba naye nokuda kwoudyire chete. Uyezve, akafunga kuti “hasha dzose nechisimba hapana zvazvakanga zvabatsira.” Achinzwa asina chinangwa uye agumbuka, akasiyana neshamwari dzake. Paakawana magazini yeNharireyomurindi pane imwe nzvimbo yaivakwa, akanakidzwa neshoko rayo rinobva muBhaibheri, uye izvi zvakatungamirira pakudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Adrian akabvuma nomwoyo wose mashoko anoti: “Swederai pedyo naMwari, uye achaswedera pedyo nemi.” (Jakobho 4:8) Somugumisiro, Adrian akakurumidza kuona kudiwa kwokutanga kushandisa nhungamiro dzinowanikwa muMagwaro Matsvene.

Zivo inowedzera yeBhaibheri yakabatsira hana yaAdrian ndokuisa upenyu hwake mugwara zvakare. Akabatsirwa kukunda kusatana kutsamwa kwake ndokuva anozvidzora. Pamusana pesimba reShoko raMwari, unhu hwaAdrian hwakachinja chaizvo.—VaHebheru 4:12.

Zvisinei, Bhaibheri raigona sei kuva nomugumisiro une simba kudaro? Zivo yeMagwaro inotibatsira ku“pfeka unhu hutsva.” (VaEfeso 4:24) Chokwadi, unhu hwedu hunochinja nokushandisa zivo yakarurama inowanika muBhaibheri. Asi zivo yakadaro inochinja sei vanhu?

Chokutanga, Bhaibheri rinoisa pachena unhu husina kunaka hunofanira kubviswa. (Zvirevo 6:16-19) Chechipiri, Magwaro anotikurudzira kuratidza unhu hwakanaka hunoberekwa nomudzimu mutsvene waMwari. Ihwohwu hunosanganisira “rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako, kutenda, unyoro, kuzvidzora.”—VaGaratiya 5:22, 23.

Kunzwisisa zvakadzama zvinodiwa naMwari kwakabatsira Adrian kuzviongorora ndokuona unhu hwaaifanira kukudziridza uye hwaaifanira kubvisa. (Jakobho 1:22-25) Asi iwayo aingova mavambo bedzi. Kuwedzera pazivo, shungu dzaidiwawo—chimwe chinhu chokukurudzira Adrian zvokuti aizoda kuchinja.

Adrian akaziva kuti unhu hutsva hwakanaka hunoumbwa “maererano nomufananidzo weUyo akahusika.” (VaKorose 3:10) Akasvika pakuziva kuti unhu hwechiKristu hunofanira kufanana nounhu hwaMwari pachake. (VaEfeso 5:1) Nokudzidza Bhaibheri, Adrian akadzidza nezvokubata kwaJehovha nevanhu uye akacherechedza unhu hwaMwari hwakanaka kwazvo, hwakadai sorudo rwake, mutsa, runako, ngoni, uye kururama. Zivo iyoyo yakaita kuti Adrian ade Mwari uye aedze kuva rudzi rwomunhu runotenderwa naJehovha.—Mateu 22:37.

Nokufamba kwenguva uye achibatsirwa nomudzimu mutsvene, Adrian akakwanisa kudzora hasha dzake. Iye nomudzimai wake zvino vava kubatikana kubatsira vamwe kuchenesa upenyu hwavo vachibatsirwa nezivo yeBhaibheri. “Kusiyana nevakawanda vaimbova shamwari dzangu avo zvino vakafa, ndiri mupenyu uye ndine upenyu hwemhuri hunofadza,” anodaro Adrian. Iye uchapupu hupenyu hwesimba reBhaibheri rokuchinja upenyu kuti huve nani.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 25]

“Hasha dzose nechisimba hapana zvazvakanga zvabatsira”

[Bhokisi riri papeji 25]

Nhungamiro dzeBhaibheri Dzinoshanda

Dzinotevera ndedzimwe nhungamiro dzeBhaibheri dzakabatsira vanhu vakawanda vaiva nehasha nechisimba kuva norugare:

“Ivai norugare nevanhu vose. Musazvitsivira, vanodiwa, asi dziurirai hasha.” (VaRoma 12:18, 19) Rega Mwari asarudze kuti ndiani anofanira kutsiviwa uye rini. Anogona kuita kudaro achinyatsoziva zvakaitika, uye kutsiva kupi nokupi kunoitwa naye kucharatidza ruramisiro yake yakakwana.

“Ivai nehasha, asi musaite chivi; zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musatendera Dhiyabhorosi nzvimbo.” (VaEfeso 4:26, 27) Munhu anganzwa hasha nechikonzero chakanaka dzimwe nguva. Kana izvi zvikaitika, haafaniri kuramba “akatsamwa.” Nei? Nokuti izvi zvinogona kumuita kuti aite chimwe chinhu chakaipa, nokudaro achitendera “Dhiyabhorosi nzvimbo,” zvichiita kuti asafarirwe naJehovha Mwari.

“Rega kutsamwa, urashe hasha; usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.” (Pisarema 37:8) Pfungwa dzisingadzorwi dzinotungamirira kuzviito zvisingadzorwi. Kana munhu akatsamwa, iye angangotaura kana kuita zvinhu zvichakuvadza munhu wose anobatanidzwa.