Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Bata Shoko raMwari Zvakarurama’

‘Bata Shoko raMwari Zvakarurama’

‘Bata Shoko raMwari Zvakarurama’

“Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.”—2 TIMOTI 2:15.

1, 2. (a) Nei vashandi vachida zvokushandisa? (b) VaKritsu vari kuita basa rei, uye vanoratidza sei kuti vanotanga kutsvaka Umambo?

VASHANDI vanoda zvokushandisa zvinovabatsira kuita mabasa avo. Zvisinei, hazvingodi chero chokushandisa. Mushandi anoda chokushandisa chakakodzera, uye anofanira kuchishandisa nenzira yakarurama. Somuenzaniso, paunenge uchivaka shedhi, kana uchida kubatanidza mabhodhi maviri, haungodi sando nezvipikiri chete. Ungafanira kuziva nzira yokurovera nayo chipikiri mupuranga usingachibhendesi. Kuedza kurovera chipikiri mupuranga usingazivi mashandisirwo esando kwaizova kwakaoma chaizvo, kunyange kutoshatirisa. Asi tikashandisa maturusi nenzira yakanaka zvinotibatsira kuti tibudise chinhu chinotigutsa.

2 SevaKristu, tine basa rokuita. Ibasa rinokosha kwazvo. Jesu Kristu akakurudzira vateveri vake ‘kutanga kutsvaka umambo.’ (Mateu 6:33) Tingazviita sei izvozvo? Imwe nzira yatingazviita nayo ndeyokushingaira mubasa rokuparidza Umambo nokuita vadzidzi. Imwe yacho ndeyokuvakira ushumiri hwedu zvakasimba muShoko raMwari. Nzira yechitatu mufambiro wakanaka. (Mateu 24:14; 28:19, 20; Mabasa 8:25; 1 Petro 2:12) Kuti tibudirire uye tifare mubasa iri rechiKristu ratakapiwa, tinoda zvokushandisa zvakakodzera uye ruzivo rwokuzvishandisa zvakanaka. Panyaya iyoyi, muapostora Pauro akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo somushandi wechiKristu, uye akakurudzira hama dzake dzechiKristu kuti dzimutevedzere. (1 VaKorinde 11:1; 15:10) Saka zvino, chii chatingadzidza kuna Pauro, mushandi pamwe nesu?

Pauro—Muparidzi woUmambo Aishingaira

3. Nei zvinganzi muapostora Pauro aiva mushandi woUmambo anoshingaira?

3 Pauro aiva mushandi worudzii? Zvechokwadi aishingaira. Pauro akashanda nesimba kwazvo, achiparadzira mashoko akanaka munzvimbo yakakura munharaunda yeMediterranean. Achipa chikonzero chokuzivisa kwake Umambo nechido, muapostora akanga asinganeti uyu akati: “Zvino, kana ndiri kuparidza mashoko akanaka, hachisi chikonzero chokuti ndizvirumbidze, nokuti ndine musengwa. Chaizvoizvo, ndine nhamo kana ndisingazivisi mashoko akanaka!” (1 VaKorinde 9:16) Pauro aifunga nezvokungoponesa upenyu hwake bedzi here? Kwete. Akanga asiri munhu ane udyire. Asi, aida kuti vamwe vabatsirwewo nemashoko akanaka. Akanyora kuti: “Ndinoita zvinhu zvose nokuda kwemashoko akanaka, kuti ndive anoagoverana navo.”—1 VaKorinde 9:23.

4. Vashandi vechiKristu vanokoshesa chishandiso chipi pane zvose?

4 Muapostora Pauro aiva mushandi ane mwero aiziva kuti aisagona kungovimba nounyanzvi hwake chete. Sokuda kunongoitawo muvezi sando, Pauro aida chinhu chakakodzera chokushandisa kuroverera chokwadi chaMwari mumwoyo yevateereri vake. Chii chaakanyanyoshandisa? Raiva Shoko raMwari, Magwaro Matsvene. Saizvozvowo, Bhaibheri rose ndiro chinhu chikuru chatinoshandisa kuti chitibatsire kuita vadzidzi.

5. Kuti tive vashumiri vanobudirira, chii chatinofanira kuita kuwedzera pakutaura nomuromo zviri mumagwaro?

5 Pauro aiziva kuti kubata Shoko raMwari zvakarurama kwaisangogumira pakutaura nomuromo zviri mariri. Aishandisa ku“nyengetedza.” (Mabasa 28:23) Sei? Pauro akabudirira kushandisa Shoko raMwari rakanyorwa kuti aite kuti vakawanda vagamuchire chokwadi choUmambo. Akavabatsira kufunga. Kwemwedzi mitatu musinagogi yaiva muEfeso, Pauro akanga “achikurukura achivanyengetedza pamusoro poumambo hwaMwari.” Nepo ‘vamwe vakaomesa mwoyo vakasatenda,’ vamwe vakateerera. Pamusana poushumiri hwaPauro muEfeso, “shoko raJehovha rakaramba richikura nesimba uye richipararira.”—Mabasa 19:8, 9, 20.

6, 7. Pauro akapa sei mbiri ushumiri hwake, uye tingaitawo sei izvozvo?

6 Somuzivisi woUmambo aishingaira, Pauro ‘aipa mbiri kuushumiri hwake.’ (VaRoma 11:13) Sei? Akanga asingafariri kuzvisimudzira; uye akanga asinganyari kuzivikanwa pachena somumwe wevanoshanda pamwe naMwari. Asi aiona ushumiri hwake soruremekedzo rwakakwirira kwazvo. Pauro aibata Shoko raMwari nounyanzvi uye zvinobudirira. Basa rake raibereka zvibereko rakakurudzira vamwe, richibatsira kuti vaite ushumiri hwavo zvakanyatsozara. Munzira iyiwo, ushumiri hwake hwakapiwa mbiri.

7 SaPauro, tinogona kupa mbiri kubasa redu sevashumiri nokushandisa Shoko raMwari kakawanda uye zvinobatsira. Mumarudzi ose oushumiri hwedu hwomumunda, vavariro yedu inofanira kuva yokutaura chimwe chinhu chinobva muMagwaro kuvanhu vakawanda sezvinobvira. Tingaita sei izvi nokunyengetedza? Funga nezvenzira nhatu dzinokosha: (1) Nangidzira vanhu kuShoko raMwari nenzira inoita kuti riremekedzwe. (2) Tsanangura nounyanzvi zvinotaura Bhaibheri wotaura mashandiro azvo. (3) Kurukura zviri muMagwaro nenzira inogutsa.

8. Zvinhui zvokushandisa kuparidza Umambo zvatinazvo nhasi, uye wave uchizvishandisa sei?

8 Vazivisi voUmambo vemazuva ano vane zvokushandisa izvo Pauro akanga asina panguva youshumiri hwake. Izvi zvinosanganisira mabhuku, magazini, mabhurocha, mahendibhiri, maturakiti, uye makaseti okuteerera nemavhidhiyo. Muzana remakore rapfuura, makadhi okupupurira, magiramufoni, motokari dzine gudzanzwi, uye nhepfenyuro dzeredhiyo zvaishandiswawo. Ichokwadi kuti chinhu chakanakisisa chatinoshandisa iBhaibheri, uye tinofanira kushandisa zvakanaka uye zvakakodzera chokushandisa ichi chinokosha zvikuru.

Ushumiri Hwedu Hunofanira Kudzika Midzi muShoko raMwari

9, 10. Nezvokushandiswa kweShoko raMwari, chii chatingadzidza kubva muzano raPauro kuna Timoti?

9 Tingashandisa sei Shoko raMwari sechinhu chinobatsira chokushandisa? Nokuteerera mashoko aya aPauro aaiudza Timoti waaishanda naye, anoti: “Ita nepaunogona napo kuti uzvipe kuna Mwari uchitenderwa, mushandi asina chokunyara nacho, anobata shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Timoti 2:15) Ku“bata shoko rechokwadi zvakarurama” kunosanganisirei?

10 Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kubata zvakarurama” sezvariri rinoreva “kucheka zvakati twasu” kana kuti “kugadzira nzira yakatwasuka.” Shoko iroro rakangoshandiswa muMagwaro echiKristu echiGiriki muzano raPauro kuna Timoti bedzi. Shoko iroro rinogona kushandiswa kurondedzera kubaya muforo wakatwasuka mumunda. Muforo wakabhenda-bhenda zvechokwadi unganyadzisa hurudza. Kuti ave “mushandi asina chokunyara nacho,” Timoti akayeuchidzwa kuti zvakanga zvisingatenderwi kutsauka padzidziso dzechokwadi dzeShoko raMwari. Timoti aisafanira kurega maonero ake pachake achikanganisa madzidzisiro ake. Aifanira kuvakira zvakasimba kuparidza nokudzidzisa kwake paMagwaro. (2 Timoti 4:2-4) Nenzira iyi, vanhu vaiva nemwoyo yakatendeseka vaizoitwa kuti vave nepfungwa dzaJehovha pazvinhu, kwete kuchinjira kuuzivi hwenyika. (VaKorose 2:4, 8) Ndizvo zvazvakaitawo nhasi.

Mufambiro Wedu Unofanira Kuva Wakanaka

11, 12. Mufambiro wedu unei chokuita nokubata kwedu Shoko raMwari zvakarurama?

11 Hatingofaniri kubata Shoko raMwari zvakarurama nokuzivisa chokwadi charo bedzi. Mufambiro wedu unofanira kuwirirana nazvo. “Tiri vashandi pamwe naMwari,” saka hatifaniri kuva vashandi vanonyengera. (1 VaKorinde 3:9) Shoko raMwari rinoti: “Zvisinei, iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here? Iwe, unoparidza kuti ‘Usaba,’ unoba here? Iwe, unoti ‘Usaite upombwe,’ unoita upombwe here? Iwe, unosema zvidhori, unobira temberi here?” (VaRoma 2:21, 22) Naizvozvo, sevashandi vaMwari vemazuva ano, imwe nzira yatinobata nayo Shoko raMwari zvakarurama ndeyokuteerera zano iri: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”—Zvirevo 3:5, 6.

12 Migumisiroi yatingatarisira pakubata Shoko raMwari zvakarurama? Funga nezvesimba ringava neShoko raMwari rakanyorwa paupenyu hwevanhu vane mwoyo yakatendeseka.

Shoko raMwari Rine Simba Rokuchinja

13. Kushandisa Shoko raMwari kunogona kuita kuti munhu aite sei?

13 Parinogamuchirwa serine chiremera, Shoko raMwari rinova nesimba guru rinobatsira vanhu kuchinja zvinoshamisa muupenyu hwavo. Pauro akanga aona shoko raMwari richishanda uye akanga aona kubatsira kwarakaita vaya vakanga vava vaKristu muTesaronika yekare. Naizvozvo akavaudza kuti: “Ti[no]ramba tichiongawo Mwari, nokuti pamakagamuchira shoko raMwari, ramakanzwa kwatiri, makarigamuchira, kwete seshoko revanhu, asi, sezvariri chaizvo, seshoko raMwari, riri kushandawo mamuri imi vatendi.” (1 VaTesaronika 2:13) KuvaKristu ivavo—zvechokwadi, kuvateveri vechokwadi vaKristu vose zvavo—pfungwa dzomunhu dzakaderera hadzimboenzani nouchenjeri hwakakwirira hwaMwari. (Isaya 55:9) VaTesaronika ‘vakagamuchira shoko vachitambudzika zvikuru nomufaro womudzimu mutsvene’ vakava mienzaniso kune vamwe vatendi.—1 VaTesaronika 1:5-7.

14, 15. Shoko raMwari rine simba zvakadini, uye nei?

14 Shoko raMwari rine simba, sezvakaita Tsime raro, Jehovha. Rinobva kuna “Mwari mupenyu,” uyo neshoko rake “kudengadenga kwakaitwa,” uye shoko iroro nguva dzose ‘rinobudirira pane zvarinotumirwa.’ (VaHebheru 3:12; Pisarema 33:6; Isaya 55:11) Imwe nyanzvi yeBhaibheri yakati: “Mwari haazviparadzanisi neShoko rake. Haarirambi sezvinonzi chinhu chaasingazivi. . . . Naizvozvo hachisi chinhu chakafa, chisinganzwi zvinoitwa kwachiri; nokuti chisungo chokubatana naMwari mupenyu.”

15 Zvinotaurwa neShoko raMwari zvine simba rakadini? Zvine simba rakakura kwazvo. Nenzira yakakodzera Pauro akanyora kuti: “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rakapinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose uye rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, nemapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro dzemwoyo.”—VaHebheru 4:12.

16. Shoko raMwari rinogona kuchinja munhu zvakasimba zvakadini?

16 Zvakanyorwa muShoko raMwari zvaka“pinza kupfuura bakatwa ripi neripi rinocheka nekwose.” Naizvozvo, zvine simba rakapinza rakakura kwazvo zvokuti zvinopfuura mudziyo kana chokushandisa chipi zvacho chinogadzirwa nevanhu. Shoko raMwari rinobaya mukatikati momunhu uye rinogona kumuchinja nechomukati, richichinja zvaanofunga uye zvaanoda, richimuita mushandi anogamuchirwa, anoda Mwari. Chinhu chine simba zvikuru chokushandisa!

17. Tsanangura simba rokuchinja rine Shoko raMwari.

17 Shoko raMwari rinobudisa pachena zvakanyatsoita munhu mumwoyo make chaimo kana zvichienzaniswa nezvaanofunga kuti ndozvaari kana kuti zvaanobvumira vamwe kuona. (1 Samueri 16:7) Kunyange munhu akaipa dzimwe nguva anogona kuvanza zvaari nechomukati nokuvharidzira nomutsa kana kuti kuzvipira pakunamata. Vakaipa vanopfeka chipameso nokuda kwezvikonzero zvakaipa. Vanhu vanozvikudza vanoedzesera kuva vanozvininipisa nepo vachivavarira kurumbidzwa nevanhu. Zvisinei, nokubudisa pachena zviri mumwoyo chaizvo, Shoko raMwari rinogona nenzira ine simba kuita kuti munhu anozvininipisa abvise unhu hwekare o“pfeka unhu hutsva hwakasikwa maererano nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEfeso 4:22-24) Zvinodzidziswa neShoko raMwari zvinogonawo kuchinja vanhu vanotya kuti vave Zvapupu zvaJehovha zvisingatyi uye vazivisi voUmambo vanoshingaira.—Jeremia 1:6-9.

18, 19. Kubva mundima idzi kana kuti zvakaitika zvawakasangana nazvo mubasa romumunda, ratidza kuti chokwadi cheMagwaro chinogona sei kuchinja mafungiro omunhu.

18 Simba rokuchinja rine Shoko raMwari rinobatsira vanhu kwose kwose. Somuenzaniso, vazivisi voUmambo vokuPhnom Penh, Cambodia, vaiparidza mupurovhinzi yeKompong Cham kaviri pamwedzi. Anzwa vamwe veboka revafundisi vachishora Zvapupu zvaJehovha, mumwe mufundisi womunzvimbo yacho akaronga kusangana neZvapupu nguva yaitevera yazvaizoshanyira purovhinzi yacho. Akavabvunza mibvunzo yakawanda pamusoro pokuchengeta mazororo ndokunyatsoteerera sezvavaimutsanangurira kubva muMagwaro. Ipapo akati: “Zvino ndava kuziva kuti zvaitaurwa pamusoro penyu nevamwe vafundisi vandinoshanda navo hazvisi zvechokwadi! Vaiti hamushandisi Bhaibheri, asi mangwanani ano ndiro bedzi ramangoshandisa!”

19 Mukadzi uyu akaramba achikurukurirana Bhaibheri neZvapupu uye kutyisidzirwa kuti achabviswa paufundisi hakuna kumumisa. Akataurira imwe shamwari yake nezvekurukurirano yeMagwaro yaaiita, ikabva yatakangawo kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Shamwari iyi yakafarira zvikuru zvayaidzidza zvokuti imwe nguva iri kuchechi kwayo, yakangoerekana yati: “Uyai mudzidze Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha!” Nguva pfupi pashure pacho, aimbova mufundisi uyu, shamwari yake, nevamwe vakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.

20. Zvakaitika kune mumwe mukadzi wokuGhana zvinoratidza sei simba reShoko raMwari?

20 Simba reShoko raMwari rinoratidzwawo nenyaya yaPaulina, mumwe mukadzi wokuGhana. Mumwe muzivisi woUmambo wenguva yakazara akadzidza Bhaibheri naye mubhuku raZivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. * Paulina aiva pabarika uye akaona kuti aifanira kuchinja, asi murume wake nehama dzake dzose dzakamushora uye kumurwisa. Sekuru vake, mutongi wedare repamusoro uye mukuru wechechi, vakaedza kumurambidza kuita izvi nokuedza kushandisa zvisizvo Mateu 19:4-6. Mutongi aiita seaitaura zvinhu kwazvo, asi Paulina akakurumidza kuona kuti izvi zvakanga zvakafanana nokuvhiringidza Magwaro kwakaita Satani paakaedza Jesu Kristu. (Mateu 4:5-7) Akayeuka mashoko akajeka akataurwa naJesu pamusoro pokuroora, anoti Mwari akasika vanhu murume nomukadzi, kwete murume nevakadzi, uye kuti vaviri vacho, kwete vatatu, vaifanira kuva nyama imwe. Akaomerera pane zvaakanga asarudza uye pakupedzisira akabvumirwa kudimbura muchato webarika maererano netsika yavo. Munguva pfupi akanga ava muzivisi woUmambo anofara, akabhabhatidzwa.

Ramba Uchibata Shoko raMwari Zvakarurama

21, 22. (a) Tinofanira kuva neshungu dzei sevazivisi voUmambo? (b) Chii chatichakurukura munyaya inotevera?

21 Shoko raMwari rakanyorwa chinhu chine simba kwazvo chokushandisa kubatsira vamwe kuchinja muupenyu hwavo kuti vaswedere pedyo naJehovha. (Jakobho 4:8) Sezvinongoita vashandi vane unyanzvi vanoshandisa zvishandiso kuti vaite basa rakanaka, ngativewo neshungu dzokuedza zvose zvatinokwanisa kuti tishandise Shoko raMwari, Bhaibheri, nounyanzvi mubasa redu ratakapiwa naMwari sevazivisi voUmambo.

22 Tingabata sei Magwaro nenzira inobatsira zvikuru mubasa redu rokuita vadzidzi? Imwe nzira ndeyokuvandudza mano edu sevadzidzisi vanonyengetedza. Tapota, dzidza nyaya inotevera, nokuti inotaura nzira dzokudzidzisa nadzo ndokubatsira vamwe kugamuchira shoko roUmambo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 20 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Zvinhui zvokushandisa izvo vazivisi voUmambo vanazvo?

• Pauro aiva muenzaniso womushandi woUmambo munzira dzipi?

• Kubata Shoko raMwari zvakarurama kunosanganisirei?

• Shoko raJehovha rakanyorwa chinhu chokushandisa chine simba zvakadini?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 10]

Zvimwe zvinhu zvinoshandiswa nevaKristu mubasa rokuzivisa Umambo