Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

VaKristu vanofanira kuona sei kushandiswa kwematombo omwedzi wawakazvarwa?

Mune dzimwe tsika, matombo omwedzi wawakazvarwa anonzi ane chokuita nomwedzi wakazvarwa munhu. Kuti muKristu achapfeka here rin’i ine rimwe dombo rinokosha inyaya yokuzvisarudzira. (VaGaratiya 6:5) Pakuita chisarudzo ichocho, pane zvinhu zvinokosha zvinofanira kufungwa nezvazvo.

Encyclopaedia Britannica inotaura kuti dombo romwedzi wawakazvarwa i“dombo rinokosha rinoratidza musi wakazvarwa munhu, rinopfekwa zvichinzi zvinoita kuti uve nemhanza yakanaka kana utano hwakanaka.” Bhuku iri rinowedzera kuti: “Kwenguva refu vaongorori venyeredzi vave vachiti mamwe matombo anokosha ane chokuita nemasimba anoshamisa.”

Kunyanya munguva dzekare ndipo apo vakawanda vaidavira kuti dombo romwedzi wawakazvarwa raiita kuti akaripfeka ave nemhanza yakanaka. MuKristu wechokwadi anodavira izvi here? Kwete, nokuti anoziva kuti Jehovha akashora vaya vakamusiya uye vaivimba na“mwari weMhanza Yakanaka.”—Isaya 65:11, NW.

Munguva yokuma500 kusvika kuma1500 C.E., vafemberi vakasarudza dombo rinokosha romwedzi mumwe nomumwe wegore. Vakakurudzira vanhu kupfeka dombo rinokosha romwedzi wavakazvarwa, zvichinzi zvaidzivirira akaripfeka pakukuvadzwa. Asi zvaizova zvisina kururama maererano neMagwaro kuti vaKristu vatevedzere zvinotaurwa nevafemberi nokuti Bhaibheri rinovashora.—Dheuteronomio 18:9-12.

Zvaizovawo zvisina kukodzera kuti vaKristu vati rin’i inokosha chaizvo nemhaka yokuti ine dombo romwedzi wavakazvarwa. Zvapupu zvaJehovha hazvipembereri mazuva okuzvarwa. Izvi imhaka yokuti mhemberero dzakadaro dzinopa mukurumbira wakanyanya pamunhu uye mazuva okuzvarwa anongotaurwa muBhaibheri bedzi ndeevatongi vakanga vasinganamati Mwari.—Genesi 40:20; Mateu 14:6-10.

Vamwe vanhu vanofunga kuti kupfeka rin’i yakaiswa dombo romwedzi wawakazvarwa kunobatsira chaizvo paunhu hweakaipfeka. Zvisinei, vaKristu vechokwadi havadaviri izvi, nokuti vanoziva kuti “unhu hutsva” hunopfekwa nokubatsira kwomudzimu mutsvene waMwari uye nokushandisa zvinotaurwa neMagwaro.—VaEfeso 4:22-24.

Chinhu chinokosha zvikuru ivavariro. Pakusarudza kana achifanira kupfeka rin’i ine dombo romwedzi waakazvarwa, muKristu angazvibvunza kuti, ‘Ndinoda kupfeka rin’i iyi nokuti dombo rinokosha racho rinongondifadza haro here, kunyange zvazvo zvangoitikawo kuti rinonzi idombo romwedzi wandakazvarwa? Kana kuti ndiri kudzorwawo nepfungwa dzemashura dzinonzi nevamwe vanhu dzine chokuita nematombo anokosha aya here?’

MuKristu anofanira kuongorora mwoyo wake kuti azive vavariro yake. “Chengeta mwoyo wako kupfuura zvose zvinofanira kurindwa; nokuti mukati mawo ndimo mune zvitubu zvoupenyu.” (Zvirevo 4:23) Pakusarudza nezvematombo omwedzi wawakazvarwa muKristu mumwe nomumwe angaita zvakanaka kufunga vavariro yake uye kuti zvaachaita zvingava nemigumisiro yei paari nevamwe.—VaRoma 14:13.