Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyika Isina Utsotsi Iri Mberi

Nyika Isina Utsotsi Iri Mberi

Nyika Isina Utsotsi Iri Mberi

KANA uchigona, fungidzira nyika isina matsotsi! Paisazodiwa mapurisa, majeri, kana urongwa hwokururamisira hunodhura uye hwakaoma. Yaizova nyika umo munhu mumwe nomumwe aizoremekedza upenyu nezvinhu zvevamwe. Izvozvo zvinoratidzika sezvisingadaviriki here? Ungafunga kudaro, asi kuchinja uku kwezvinhu zvichiva nani ndiko chaiko kunopikirwa neBhaibheri. Wadii kuongorora zvinofanotaurwa neMagwaro pamusoro poutsotsi nohumwe uipi pasi pano?

Mubhuku reMapisarema, tinoverenga kuti: “Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, usagodora vanoita zvisina kururama. Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, vachaoma somuriwo mutema. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.” (Pisarema 37:1, 2, 11) Chaizvoizvo, hapana angatadzisa Mwari kuzadzika chipikirwa ichi nezvimwe zvipikirwa zvake zvose zvinokurudzira.

Nzira yaMwari yokuunza nayo zvikomborero izvi Umambo hwake. Mumunyengetero waShe, Jesu Kristu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera kuti Umambo uhu huuye uye kuti kuda kwaMwari kuitwe “pasi panowo, sokudenga.” (Mateu 6:9, 10) Nokukurumidza, muUmambo ihwohwo, hapana munhu pasi pano achanzwa kuda kuita utsotsi pamusana pourombo, kudzvinyirirwa, kana kuti udyire. Pane kudaro, Shoko raMwari rinotaura kuti: “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo, zvibereko zvazvo zvichaunga.” (Pisarema 72:16) Zvechokwadi, Jehovha Mwari achapa munhu wose pasi pano zvinhu zvakanaka zvisingaperi. Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti vanhu vachadzika midzi mukuda Mwari nomuvakidzani, uye nyika haizombovhiringidzwizve noutsotsi.