Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Paridza Kuti Uite Vadzidzi

Paridza Kuti Uite Vadzidzi

Paridza Kuti Uite Vadzidzi

“Prisira naAkwira vakati vamunzwa [Aporo], vakamutora vakava naye vakamutsanangurira nzira yaMwari zvakanyatsorurama.”—MABASA 18:26.

1. Kunyange zvazvo akanga “achipisa nomudzimu,” chii chaifanira kuitwa naAporo?

PRISIRA naAkwira, murume nomudzimai vechiKristu vomuzana remakore rokutanga, vakaona Aporo achipa hurukuro mune imwe sinagogi muguta reEfeso. Nemashoko ake ounyanzvi uye simba rokunyengetedza, Aporo akanga abata pfungwa dzevateereri vake. Akanga “achipisa nomudzimu,” uye ai“dzidzisa nenzira yakarurama zvinhu zvine chokuita naJesu.” Zvisinei, zvaiva pachena kuti Aporo “aingoziva bedzi rubhabhatidzo rwaJohani.” Zvaiparidzwa naAporo pamusoro paKristu zvaiva zvechokwadi hazvo. Chinetso chaiva chokuti zvakanga zvisina kukwana. Aporo aifanira kuwedzera zivo yake yebasa raJesu Kristu mukuitwa kwechinangwa chaJehovha.—Mabasa 18:24-26.

2. Prisira naAkwira vakabvuma kuita basa ripi rakaoma?

2 Vasingazezi, Prisira naAkwira vakabatsira Aporo kuva munhu aigona kuchengeta “zvinhu zvose” zvakarayirwa naKristu. (Mateu 28:19, 20) Nhoroondo yacho inoti vakatora Aporo “vakava naye vakamutsanangurira nzira yaMwari zvakanyatsorurama.” Zvisinei, paiva nezvimwe zvinhu pamusoro paAporo zvingadai zvakaita kuti vamwe vaKristu vazeze kumudzidzisa. Zvaiva zvii? Uye chii chatingadzidza kubva pane zvakaitwa naPrisira naAkwira kuti vakurukure Magwaro naAporo? Kudzokorora nhoroondo iyi yakakurumbira kungatibatsira sei kufunga nezvokutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha?

Funga Zvinodiwa Nevanhu

3. Nei dzidzo yaAporo isina kutadzisa Prisira naAkwira kumudzidzisa?

3 Sezvo akaberekwa mudzinza rechiJudha, Aporo sezviri pachena akanga arererwa muguta reArekizandriya. Panguva iyoyo Arekizandriya raiva guta guru reIjipiti uye muzinda wedzidzo yakakwirira, waizivikanwa neraibhurari yawo yakakurumbira. Guta racho raiva nevanhu vechiJudha vakawanda, kusanganisira nyanzvi. Saka, shanduro yechiGiriki yeMagwaro echiHebheru inozivikanwa seSeptuagint yakaitwa ikoko. Ndosaka zvisingashamisi kuti Aporo “ainyatsoziva Magwaro”! Akwira naPrisira vaiva vagadziri vematende. Unyanzvi hwokutaura hwaAporo hwakavazezesa here? Kwete. Pamusana porudo, vakafunga nezvomunhu wacho, zvaaida, uye nzira yavaigona kumubatsira nayo.

4. Aporo akawana rubatsiro rwaaida kupi uye sei?

4 Pasinei nokuti Aporo aiva nounyanzvi zvakadini, aida kurayiridzwa. Rubatsiro rwaaida rwakanga rusingazowaniki kuyunivhesiti ipi neipi asi rwaiwanika pakati penhengo dzeungano yechiKristu dzaainamata nadzo. Aporo akanga ava kuzobatsirwa nepfungwa dzaizoita kuti anzwisise zvakarurama urongwa hwaMwari hworuponeso. Prisira naAkwira “vakamutora vakava naye vakamutsanangurira nzira yaMwari zvakanyatsorurama.”

5. Chii chaungataura pamusoro pokunamata kwaPrisira naAkwira?

5 Prisira naAkwira vaiva vakasimba mumudzimu uye vakanyatsodzika midzi mukutenda. Zvingangodaro kuti ‘vaigara vakagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose aivabvunza chikonzero chetariro yavo,’ kunyange angava mupfumi, murombo, nyanzvi, kana muranda. (1 Petro 3:15) Akwira nomudzimai wake vaikwanisa ku“bata shoko rechokwadi zvakarurama.” (2 Timoti 2:15) Zviri pachena kuti vaidzidza Magwaro nomwoyo wose. Aporo akaororwa zvikuru nomurayiridzo waibva mu‘shoko raMwari, benyu uye rine simba,’ rinobaya mwoyo.—VaHebheru 4:12.

6. Tinoziva sei kuti Aporo akaonga kubatsirwa kwaakaitwa?

6 Aporo akaonga muenzaniso wevadzidzisi vake uye akatozova nyanzvi pakuita vadzidzi. Akashandisa zivo yake zvinonyatsobatsira mubasa rokuzivisa mashoko akanaka, kunyanya pakati pevanhu vechiJudha. Aporo aibatsira zvikuru pakunyengetedza vaJudha pamusoro paKristu. ‘Zvaaiva nesimba paMagwaro,’ akakwanisa kuvaratidza kuti vaprofita vose vekare vaitarisira kuuya kwaKristu. (Mabasa 18:24, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Nyaya yacho inowedzera kuti Aporo akazoenda kuAkaya, uko “akabetsera zvikuru avo vakanga vatenda nemhaka yomutsa usina kufanirwa waMwari; nokuti nesimba akaratidza kwazvo vaJudha pachena kuti vakanga vasina kururama, asi achiratidza neMagwaro kuti Jesu aiva Kristu.”—Mabasa 18:27, 28.

Dzidza Kubva Mumuenzaniso Wevamwe Vadzidzisi

7. Akwira naPrisira vakava sei vadzidzisi vane unyanzvi?

7 Akwira naPrisira vakava sei vadzidzisi vane unyanzvi veShoko raMwari? Kunze kwokushingaira kwavo pakudzidza munhu ari oga uye kupinda misangano, kusonganira kwavo zvakanyanya nomuapostora Pauro kunofanira kunge kwakabatsira zvikuru. Kwemwedzi 18 Pauro akagara mumusha waPrisira naAkwira muKorinde. Vakashanda vose vachigadzira matende. (Mabasa 18:2, 3) Fungidzira kukurukurirana Magwaro zvakadzama kwavanofanira kuve vakaita. Uye vanofanira kuva vakasimbiswa zvikuru kutenda kwavo nokusonganira naPauro ikoko! “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo,” inodaro Zvirevo 13:20. Kusonganira kwakanaka kwakava nomugumisiro wakanaka patsika dzavo dzomudzimu.—1 VaKorinde 15:33.

8. Chii chakadzidzwa naPrisira naAkwira kubva mukucherechedza Pauro ari muushumiri hwake?

8 Prisira naAkwira pavakacherechedza Pauro somuzivisi woUmambo, vakaona muenzaniso wakanaka kwazvo womudzidzisi akanaka. Nyaya iri muna Mabasa inotaura kuti Pauro “aikurukura musinagogi [muKorinde] masabata ose uye ainyengetedza vaJudha nevaGiriki.” Gare gare, pakauya Sirasi naTimoti kwaari, Pauro “akatanga kubatikana zvikuru neshoko, achipupurira kuvaJudha kuti avaratidze kuti Jesu ndiye Kristu.” Pakawanikwa vanhu vashomanana bedzi vanofarira pakati penhengo dzesinagogi yacho, Prisira naAkwira vakacherechedza kuti Pauro akachinja nzvimbo yokuitira basa rake rokuparidza achienda kunzvimbo iri nani, imba yakanga yakabatana nesinagogi. Ikoko Pauro akakwanisa kubatsira Kirisipo, “mukuru aitungamirira sinagogi,” kuti ave mudzidzi. Prisira naAkwira vanotofanira kuva vakaona kuti kuitwa kwomudzidzi mumwe chete iyeye kwakava nomugumisiro mukuru uye wakanaka pandima yacho. Nyaya yacho inoti: “Kirisipo . . . akava mutendi munaShe, uye ndizvo zvakaitawo imba yake yose. Uye vaKorinde vakawanda vakanzwa vakatanga kutenda vakabhabhatidzwa.”—Mabasa 18:4-8.

9. Prisira naAkwira vakaita sei nomuenzaniso waPauro?

9 Muenzaniso waPauro muushumiri hwomumunda wakatevedzerwa nevamwe vazivisi voUmambo, vakadai saPrisira naAkwira. Muapostora wacho akakurudzira vamwe vaKristu kuti: “Ivai vatevedzeri vangu, seni ndiri waKristu.” (1 VaKorinde 11:1) Maererano nomuenzaniso waPauro, Prisira naAkwira vakabatsira Aporo kunzwisisa dzidziso dzechiKristu zvakanyatsorurama. Iyewo akazobatsira vamwe. Hapana mubvunzo kuti Prisira naAkwira vakabatsira kuita vadzidzi muRoma, Korinde, uye Efeso.—Mabasa 18:1, 2, 18, 19; VaRoma 16:3-5.

10. Chii chawadzidza muna Mabasa chitsauko 18 chichakubatsira mubasa rokuita vadzidzi?

10 Chii chatingadzidza mukukurukura kwedu Mabasa chitsauko 18? Sezvo Akwira naPrisira vangave vakadzidza kubva kuna Pauro, tinogona kuvandudza mano edu okuita vadzidzi nokutevedzera muenzaniso wevadzidzisi vakanaka veShoko raMwari. Tinogona kusonganira nevaya vaka“batikana zvikuru neshoko” uye ‘vanopupurira kwazvo’ kune vamwe. (Mabasa 18:5, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Tinogona kuona nzira yavanosvika nayo pamwoyo yevanhu nokushandisa unyanzvi hwokudzidzisa kwokunyengetedza. Unyanzvi hwakadaro hunogona kutibatsira kuita vadzidzi. Apo munhu anenge achidzidza Bhaibheri nesu, tingamukumbira kuti akoke vamwe vemhuri yake kana vavakidzani kuti vauyewo kuzodzidza. Kana kuti tingamukumbira kutiudza vamwe vatingagona kudzidza navo Bhaibheri.—Mabasa 18:6-8.

Tsvaka Mikana Yokuita Vadzidzi

11. Vadzidzi vatsva vangawanika kupi?

11 Pauro nedzimwe hama dzake dzechiKristu vakatsvaka kuita vadzidzi nokuparidza paimba neimba, pamusika, uye pavaifamba—chaizvoizvo, kwose kwose. Somushandi woUmambo anoshingaira ari kutsvaka kuita vadzidzi, ungawedzera basa rako romumunda here? Ungashandisa mikana yokutsvaka vakafanirwa wovaparidzira here? Ndedzipi dzimwe nzira idzo vamwe vaparidzi vemashoko akanaka vakawana nadzo vadzidzi? Ngatimbotangai kutarira kupupurira norunhare.

12-14. Kuratidza kubatsira kwokupupurira parunhare, rondedzera zvawakasangana nazvo kana zvimwe zvakaitika zviri mundima dzino.

12 Achipupurira paimba neimba kuBrazil, mumwe muKristu watichadana kuti Maria akagashidza turakiti kune mumwe mukadzi wechiduku uyo akanga ava kubuda mune chimwe chivako chine dzimba dzokugara. Achishandisa musoro weturakiti racho sesumo, Maria akabvunza kuti, “Mungada kuziva zvakawanda nezveBhaibheri here?” Mukadzi wacho akapindura kuti: “Ndingada. Chinetso chiripo ndechokuti ndiri mudzidzisi, uye kudzidzisa kunotora nguva yangu yose.” Maria akatsanangura kuti vaigona kukurukura misoro yeBhaibheri parunhare. Mukadzi wacho akapa Maria nhamba dzake dzorunhare, uye manheru iwayo, akatanga chidzidzo parunhare achishandisa bhurocha raMwari Anodei Kwatiri? *

13 Paakanga achipupurira parunhare, mumwe mushumiri wenguva yakazara kuEthiopia akashamiswa paaitaura nomumwe murume asi akanzwa kupopotedzana kwainzwika nomurunhare rwacho. Murume wacho akamukumbira kuti azoridzazve gare gare. Maria paakazoridza, murume uyu akakumbira ruregerero ndokuti panguva yaakanga amboridza, iye nomudzimai wake vakanga vari kupopotedzana chaizvo. Hanzvadzi iyi yakashandisa kutaura uku somukana wokuratidza nhungamiro youchenjeri inopiwa neBhaibheri pakubata nezvinetso zvemhuri. Akaudza murume wacho kuti mhuri dzakawanda dzakanga dzabatsirwa nebhuku raChakavanzika Chomufarwa Wemhuri, rinobudiswa neZvapupu zvaJehovha. Mazuva mashomanana pashure pokunge bhuku racho raendeswa, hanzvadzi iyi yakaridzirazve murume uyu runhare. Akati: “Bhuku iri raponesa mhuri yangu!” Zvakanga zvaitika ndezvokuti, akanga aita kamusangano nemhuri kuti aiudze pfungwa dzakanaka dzaakanga averenga mubhuku racho. Chidzidzo cheBhaibheri chepamusha chakatangwa, uye nokukurumidza murume uyu akatanga kupinda misangano yechiKristu nguva dzose.

14 Mumwe muzivisi woUmambo muDenmark akatanga chidzidzo cheBhaibheri nokupupurira parunhare anoti: “Mutariri webasa akandikurudzira kuita uchapupu hweparunhare. Pakutanga ndakazeza, ndichiti: ‘Izvi handingazvikwanisi.’ Zvisinei, rimwe zuva ndakashinga ndokutanga kuridza runhare kuna saimba wokutanga. Rwakapindurwa naSonja, uye pashure pokukurukurirana kwenguva pfupi, akabvuma kugamuchira mabhuku eBhaibheri. Mamwe manheru takakurukura nezvokusika, uye aida kuverenga bhuku rinonzi Life—How Did It Get Here? By Evolution or by Creation. * Ndakati zvaizova zvakanaka kuti tiite zvokuonana chaiko tokurukura nyaya yacho. Akabvuma. Sonja akanga akagadzirira kudzidza pandakasvika, uye tave tichidzidza vhiki dzose kubvira panguva iyoyo.” Hanzvadzi yedu yechiKristu inogumisa ichiti: “Kwemakore akawanda ndakanga ndanyengeterera kuva nechidzidzo cheBhaibheri, asi ndakanga ndisingatarisiri kuchiwana nokupupurira norunhare.”

15, 16. Zvii zvakaitika zvaungarondedzera kuratidza kubatsira kwokuva akangwarira nzira dzakasiyana-siyana dzokutanga nadzo zvidzidzo zveBhaibheri?

15 Vakawanda vari kubudirira nokuti vanoshandisa mazano okupupurira vanhu kwose kwavanenge vari. Mumwe mukadzi wechiKristu kuUnited States akamisa motokari yake pedyo nemotokari yezvebhizimisi panzvimbo yokupaka. Mukadzi aiva mumotokari iyoyo paakaiona, hanzvadzi iyi yakatanga kutsanangura mamiriro akaita basa redu rokudzidzisa Bhaibheri. Mukadzi wacho akateerera, akabuda mumotokari yacho, uye akafamba achienda pamotokari yehanzvadzi iyi. Akati: “Ndinofara kuti mamira kuti mutaure neni. Ndave ndisiri kuwana mabhuku enyu eBhaibheri kwenguva refu. Pamusoro pazvo, ndinoda kutanga kudzidza Bhaibheri zvakare. Mungadzidza neni here?” Saka hanzvadzi yedu yakatanga mamiriro ezvinhu akanaka okutaurira vamwe mashoko akanaka.

16 Imwe hanzvadzi iri muUnited States yakava nechiitiko chinotevera payakashanyira misha inotarisirwa vakwegura. Yakaenda kune mumwe mukuru mukuru anotarisira mamwe mabasa panzvimbo yacho ndokumuudza kuti yaizoda kuzvipira kubatsira vagari vepo nokuvaudza nezvaMwari. Hanzvadzi yedu yakawedzera kuti yaizofara kuitisa chidzidzo cheBhaibheri chepachena vhiki nevhiki kuvose vaida kupinda. Mukuru mukuru wacho akaipa mvumo yokushanyira makamuri okugara akasiyana-siyana. Pasina nguva refu, yakanga yava kuitisa vanhu 26 vanogarapo chidzidzo cheBhaibheri katatu pavhiki, mumwe wacho anokwanisa kupinda misangano yedu nguva dzose.

17. Inzirai inowanzoshanda mukutanga zvidzidzo zveBhaibheri?

17 Nokuda kwevamwe vazivisi voUmambo, kutaura zvakananga kuti vanoda kuitisa chidzidzo cheBhaibheri kunobereka zvibereko zvakanaka. Mamwe mangwanani imwe ungano yevaparidzi 105 yakaita chirongwa chaicho chokutaura nezvechidzidzo cheBhaibheri kuna saimba mumwe nomumwe wavaisangana naye. Vaparidzi makumi masere nevatanhatu vakabuda mubasa romumunda, uye pashure pokupedza maawa maviri mubasa rokuparidzira, vakawana kuti zvidzidzo zveBhaibheri zvitsva zvinopfuura 15 zvakanga zvatangwa.

Ramba Uchitsvaka Vakafanira

18, 19. Murayiroi unokosha wakabva kuna Jesu watinofanira kugara tichifunga nezvawo, uye kuti tiite izvozvo chii chatinofanira kutsunga kuita?

18 Somuzivisi woUmambo, ungada kuedza mazano ataurwa munyaya ino. Zvechokwadi, kungava kuchenjera kufunga nezvetsika dzomunharaunda paunenge uchifunga nezvenzira dzokupupurira. Kupfuura zvose, ngatigare tichifunga nezvomurayiro waJesu wokutsvaka vakafanira tobatsira vanhu vakadaro kuva vadzidzi.—Mateu 10:11; 28:19.

19 Kuti tiite kudaro, ngati‘bate shoko rechokwadi zvakarurama.’ Tinogona kuita kudaro nokushandisa kunyengetedza kwakavakirwa zvakasimba muMagwaro. Izvi zvichatibatsira kubaya mwoyo yevanogamuchira zvovaita kuti vaite chiito. Sezvatinovimba naJehovha tichinyengetera, tinogona kubatsira vamwe kuva vadzidzi vaJesu Kristu. Uye basa iri rinopa mubayiro kwazvo! Naizvozvo ngati‘ite nepatinogona napo kuti tizvipe kuna Mwari tichitenderwa,’ nguva dzose tichikudza Jehovha sevazivisi voUmambo vanoshingaira, vanoparidza nechinangwa chokuita vadzidzi.—2 Timoti 2:15.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 14 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Unoyeuka Here?

• Nei Aporo aifanira kutsanangurirwa nzira yaMwari zvakanyatsorurama?

• Prisira naAkwira vakadzidza kubva kumuapostora Pauro munzira dzipi?

• Kubva muna Mabasa chitsauko 18, wadzidzei pamusoro pebasa rokuita vadzidzi?

• Ungatsvaka sei mikana yokuita vadzidzi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Prisira naAkwira ‘vakatsanangura nzira yaMwari zvakanyatsorurama’ kuna Aporo

[Mufananidzo uri papeji 20]

Aporo akava nyanzvi mukuita vadzidzi

[Mufananidzo uri papeji 21]

Pauro aiparidza kwose kwaaienda

[Mifananidzo iri papeji 23]

Tsvaka mikana yokuparidza