Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Shoko raMwari Rine Simba Kwazvo!”

“Shoko raMwari Rine Simba Kwazvo!”

“Shoko raMwari Rine Simba Kwazvo!”

“SHOKO raMwari ibenyu uye rine simba.” (VaHebheru 4:12) Kusimbisa simba risingadzivisiki reShoko raMwari, Karenda yeZvapupu zvaJehovha ya2003 yakabudisa nyaya dzoupenyu nhanhatu dzakanyatsoitika dzakabva pasi pose. Pasi pomusoro unoti “Asati Adzidza Bhaibheri uye Azoridzidza,” karenda yacho yakaratidza kuti basa redzidzo reZvapupu zvaJehovha rinobatsira sei vanhu kuita kuti tsika dzavo dzive nani, vasiye mararamiro anoparadza, vasimbise upenyu hwavo hwemhuri, uye vachengetedze ukama hwavo naMwari.

Tsamba dzinoverengeka dzokuonga dzakagamuchirwa pamusoro pekarenda ya2003. Heano mamwe emashoko acho akataurwa:

“Karenda iyi uchapupu kuvaKristu vechokwadi hwokuti kune vamwe vakangoita saivo vakarwira kutenda zvakasimba. Iye zvino vanogona kutarira pamifananidzo yacho sezviyeuchidzo zvokuchinja kwakaitwa nevamwe.”—Steven, United States.

“Ndaida chaizvo kunyora mashoko mashomanana aya kuitira kuti ndikuzivisei kuororwa kwandakaitwa nekarenda ya2003. Handisati ndamboororwa nekarenda zvakadaro. Nyaya idzi dzoupenyu dzichava zvimwe zvezvinhu zvandinotakura mubhegi rangu rokuuchapupu kuitira kuti ndiratidze vanhu uchapupu chaihwo hunoorora hwesimba rinogona kuva neBhaibheri pavanhu.”—Marc, Belgium.

“Ndakakurudzirwa chaizvo nekarenda yacho. Ndakanzwa pfungwa dzaindimanikidza kuverenga ndokuona nzira iyo Jehovha akachinja nayo vanhu ava. Somugumisiro, ndiri kukurudzirwa kugadzirisa zvinhu muupenyu hwangu. Iye zvino kupfuura imwe nguva, ndinonzwa ndiri mumwe wehama dzepasi pose.”—Mary, United States.

“Jesu ainzwa tsitsi kwazvo pamusoro penhamo yokumudzimu yemapoka evanhu. Ndinokuongai nokutevedzera muenzaniso waKristu nokubudisa nyaya dzoupenyu dziri mukarenda yedu ya2003. Handisati ndambosvimhiswa misodzi nekarenda muupenyu hwangu.”—Cassandra, United States.

“Pandaiva nemakore 11, ndakatanga kusvuta fodya; gare gare ndakashandisa zvinodhaka. Kakawanda ndaifunga nezvokuzviuraya. Pandakasvika pakuziva Jehovha, ndakabatsirwa kusiyana nemiitiro iyoyo. Karenda iyi inokosha zvikuru kwandiri. Mienzaniso yehama nehanzvadzi dzangu dziri pasi pose inondisimbisa. Iye zvino ndava kuziva kuti handisini ndoga ndiri muhondo iyi uye kuda Jehovha nokumuitira basa romwoyo wose ndicho chinhu chinonyanyokosha.”—Margaret, Poland.

“Chokwadi, Shoko raMwari rine simba kwazvo!” Pandakagamuchira karenda ya2003, ndakatambura kuti ndisachema. Zvakaitika izvi, pamwe chete nemifananidzo yacho, zvinosimbisa kutenda zvikuru.”—Darlene, United States.

“Mararamiro aimboita vamwe vevanhu ava akanyatsofanana nemararamiro andaimboita. Jehovha akandipa simba rokurega uipi hwaiita sohusingakundiki. Ndinokuongai zvikuru nokuda kwenyaya idzi dzoupenyu dzakanyatsoitika.”—William, United States.