Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungadavira Kuvapo Kweparadhiso Pasi Pano Here?

Ungadavira Kuvapo Kweparadhiso Pasi Pano Here?

Ungadavira Kuvapo Kweparadhiso Pasi Pano Here?

VANHU vashomanana vanodavira kuti pasi richazova paradhiso. Vakawanda vanofunga kuti harizomborambi riripo. Maererano nebhuku rinonzi The Sacred Earth, rakanyorwa naBrian Leigh Molyneaux, pasi rino rakavapo pamusana po‘kumwe kuputika kukuru kwakaitika muchadenga’ mamiriyoni emakore akapfuura. Uye kana munhu pachake asingaparadzi pasi, vakawanda vanodavira kuti pasi nechadenga chose pakupedzisira zvinga“dzoka zvakare pakuva zibhora rinobvira moto rinokoromokera mukati.”

John Milton munyori wenhetembo dzeChirungu womuzana remakore rechi17 akanga asina pfungwa dzisina tariro kudaro. Munhetembo yake refu inonzi Paradhiso Yakarasika, akanyora kuti Mwari akasika pasi kuti rive musha weparadhiso wemhuri yevanhu. Paradhiso yokutanga iyoyo yakarasika. Zvisinei, Milton aidavira kuti yaizodzorerwa—kuti mudzikinuri Jesu Kristu rimwe zuva aizo“pa mubayiro vakatendeka vake, ndokuvawanisa mufaro . . . muDenga kana Pasi pano.” Milton akazivisa nechivimbo kuti: “Nokuti zvadaro Pasi richava Paradhiso.”

Paradhiso—Mudenga Kana Kuti Pasi Pano Here?

Vanhu vakawanda vanonamata vanobvumirana nepfungwa dzaMilton dzokuti pakupedzisira vachabhadharwa kutambura kukuru kwavakatsungirira pasi pano. Asi vachawana mubayiro iwoyo kupi? Muchava “Mudenga kana kuti Pasi pano” here? Vamwe havatombofungi nezvepasi pano. Vanoti vanhu vachawana “mufaro” bedzi pashure pokunge vabva pasi pano vogara munyika yomudzimu mudenga.

Mubhuku rinonzi Heaven—A History, vanyori C. McDannell naB. Lang vanoti nyanzvi yezvechitendero yomuzana remakore rechipiri, Irenaeus aidavira kuti upenyu muparadhiso yakadzorerwa “hwaisazoitika munyika yokudenga iri kure, asi pasi pano.” Maererano nebhuku iroro, kunyange zvazvo vatungamiriri vechitendero vakadai saJohn Calvin naMartin Luther vaitarisira kuenda kudenga, vaidavirawo kuti “Mwari aizoita kuti pasi rive idzva.” Nhengo dzezvimwe zvitendero dzaidavirawo izvozvo. McDannell naLang vanotiwo vamwe vaJudha vaidavira kuti munguva yaMwari yakafanira, nhamo dzose dzevanhu “dzichabviswa uye vachararama upenyu hwakazara pasi pano.” Maererano nezvaidavirwa nevaPersia vekare, “pasi richadzorerwa zvaraiva pakutanga uye vanhu vachagarazve murugare,” inodaro The Encyclopaedia of Middle Eastern Mythology and Religion.

Chii chakaitika kutariro yeparadhiso pasi pano? Kuvapo kwedu pasi pano kunongova kwenguva pfupi here? Sezvaidavirwa naPhilo muzivi wechiJudha womuzana remakore rokutanga, kunofanira kungova “chiitiko chenguva pfupi, chinowanzosuruvarisa” murwendo rwokuenda kunyika yemidzimu here? Kana kuti Mwari aiva nechimwe chinhu chaaifunga here paakasika pasi ndokuisamo vanhu mumamiriro ezvinhu eparadhiso? Vanhu vangagutsikana mumudzimu zvechokwadi uye vangawana mufaro pasi pano chaipo here? Wadii kuongorora zvinotaura Bhaibheri nezvenhau iyi? Zvimwe, kufanana nezvakatoitwa nemamiriyoni evanhu, ungagumisa kuti kutarisira kuti paradhiso ichadzorerwa pasi pano kune musoro zvechokwadi.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Munyori wenhetembo John Milton aidavira kuti Paradhiso yaizodzorerwa

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 2]

BUTIRO: Pasi: U.S. Fish & Wildlife Service, Washington, D.C./NASA

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

Pasi: U.S. Fish & Wildlife Service, Washington, D.C./NASA; John Milton: Leslie’s