Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unogona Kudavira Kuvapo Kweparadhiso Pasi Pano

Unogona Kudavira Kuvapo Kweparadhiso Pasi Pano

Unogona Kudavira Kuvapo Kweparadhiso Pasi Pano

MUNHOROONDO yose, mamiriyoni evanhu ave achidavira kuti pakupedzisira achabva pasi pano oenda kudenga. Vamwe vave vachifunga kuti Musiki wedu haana kumboronga kuti pasi pano panofanira kuva nzvimbo yedu yokugara nokusingaperi. Vaya vane pfungwa dzokuti havafaniri kurarama upenyu hwoumbozha vakatoita zvinopfuura apa. Vakawanda vavo vanoona pasi nezvinhu zvose zvokunyama zviri zvinhu zvakaipa—zvinhu zvinotadzisa kugutsikana pakunamata uye kuva pedyo naMwari.

Vaya vakatanga pfungwa dziri pamusoro apa zvimwe vakanga vasingazivi zvakataurwa naMwari nezveparadhiso yepasi pano kana kuti vakasarudza kuzvifuratira. Nhasi, kutaura zvazviri, vakawanda havana basa nokuongorora izvo Mwari akafuridzira vanhu kunyora panhau iyi muShoko rake, Bhaibheri. (2 Timoti 3:16, 17) Asi hakusi kuchenjera here kuvimba neShoko raMwari pane kugamuchira dzidziso dzevanhu? (VaRoma 3:4) Chokwadi, zvinokosha kuti tidaro, sezvo Bhaibheri richitinyevera kuti chisikwa chakaipa chine simba asi chisingaoneki chakapofumadza vanhu mumudzimu uye zvino chiri “kutsausa pasi rose rinogarwa.”—Zvakazarurwa 12:9; 2 VaKorinde 4:4.

Nei Pane Kuvhiringidzika?

Pfungwa dzinopesana pamusoro pomweya dzaita kuti vanhu vavhiringidzike pamusoro pechinangwa chaMwari nokuda kwepasi. Vakawanda vanodavira kuti tine mweya usingafi—chimwe chinhu chakaparadzana nomuviri womunhu uye chinopukunyuka rufu. Vamwe vanodavira kuti mweya waivapo muviri womunhu usati wasikwa. Maererano nerimwe bhuku, muzivi wechiGiriki Plato aifunga kuti mweya “wakavharirwa mumuviri sechirango chezvivi zvawakaita pawaiva mudenga.” Saizvozvowo, nyanzvi yezvechitendero yomuzana remakore rechitatu, Origen, akati “mweya yakatadza [mudenga] payakanga isati yabatanidzwa nomuviri” uye “yakavharirwa [mumuviri iwoyo pasi pano] sechirango chezvivi zvayo.” Uye mamiriyoni anodavira kuti pasi rinongova nzvimbo yokuedzera munhu murwendo rwake rwokuenda kudenga.

Panewo pfungwa dzakasiyana-siyana pamusoro pezvinoitika kumweya munhu paanofa. Maererano nebhuku rinonzi History of Western Philosophy, vanhu vokuEgypt vakasimudzira pfungwa yokuti “mweya yevafi inoenda kunyikadzimu.” Gare gare vazivi vakati mweya yevafi yakanga isingaendi munyikadzimu mune rima asi chaizvoizvo yaikwira kunyika yakakwirira yemidzimu. Muzivi wechiGiriki Socrates anonzi aidavira kuti parufu mweya “unoenda munzvimbo isingaoneki . . . uye wopedza nguva yawo yose yasara navanamwari.”

Bhaibheri Rinotii?

Hapana papi zvapo apo Shoko raMwari rakafuridzirwa, Bhaibheri, rinoti vanhu vane mweya usingafi. Zviverengere nhoroondo iri pana Genesi 2:7. Inoti: “Jehovha Mwari akaumba munhu neguruva revhu, akafuridzira mweya woupenyu mumhino dzake; munhu akava mweya mupenyu.” Izvi zvakajeka uye zvinonzwisisika. Mwari paakasika munhu wokutanga, Adhamu, hapana chinhu chisina muviri chaAkaisa maari. Aiwa, nokuti Bhaibheri rinoti “munhu akava mweya mupenyu.” Munhu akanga asina mweya. Ndiye aiva mweya.

Pakusika pasi nemhuri yevanhu, Jehovha akanga asina kumboronga kuti munhu anofanira kufa. Chinangwa chaMwari chaiva chokuti vanhu vazogara pasi pano nokusingaperi vari muParadhiso. Adhamu akafa pamusana pokungoti haana kuteerera mutemo waMwari. (Genesi 2:8, 15-17; 3:1-6; Isaya 45:18) Munhu wokutanga paakafa, akaenda kunyika yemidzimu here? Aiwa! Iye—mweya Adhamu—akadzokera kuguruva risina upenyu raakanga asikwa naro.—Genesi 3:17-19.

Tose takagara nhaka yechivi norufu kubva kuna tateguru vedu Adhamu. (VaRoma 5:12) Kufa uku mugumo wokuvapo, sezvakangoitika kuna Adhamu. (Pisarema 146:3, 4) Chokwadi, mumabhuku aro ose 66, Bhaibheri harimbobatanidzi mashoko okuti “kusafa” kana kuti “kusingaperi” neshoko rokuti “mweya.” Asi Magwaro anotaura zvakajeka kuti mweya—munhu—unofa. Mweya unofa.—Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4.

Zvinhu Zvokunyama Pachazvo Zvakaipa Here?

Zvakadini nepfungwa yokuti zvinhu zvokunyama, kusanganisira pasi, zvakaipa? Mafungiro akadaro aidavirwa nevateveri vechiManichaeism, sangano rechitendero rakavambwa muPersia muzana remakore rechitatu C.E. nomumwe munhu ainzi Mani. The New Encyclopædia Britannica inoti: “ChiManichaeism chakatanga pamusana penhamo yangogara iri muvanhu.” Mani aidavira kuti kuva munhu kwaisava “kwomuzvarirwo, kusingatsungiririki, uye kwakaipa zvachose.” Aidavirawo kuti nzira bedzi yokubuda nayo mu“nhamo” iyi yaiva yokuti mweya ubude mumuviri, wobva pasi pano, uye wowana ugaro hwomudzimu munyika yemidzimu.

Kusiyana neizvi, Bhaibheri rinotiudza kuti mumaonero aMwari “zvose zvaakaita” paaisika pasi nevanhu zvakanga “zvakanaka kwazvo.” (Genesi 1:31) Panguva iyoyo, paiva pasina muganhu pakati pevanhu naMwari. Adhamu naEvha vaiva noukama hwepedyo naJehovha, sezvo munhu akakwana Jesu Kristu aiva noukama hwepedyo naBaba vake vokudenga.—Mateu 3:17.

Kudai vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha, vakanga vasina kuita chivi, vangadai vakava noukama hwepedyo naJehovha Mwari nokusingaperi muparadhiso pasi pano. Vakatanga upenyu hwavo muParadhiso, nokuti Magwaro anotiudza kuti: “Jehovha Mwari akasima munda muEdheni, kumabvazuva, akaisapo munhu waakanga aumba.” (Genesi 2:8) Maiva mubindu rakaita separadhiso iroro umo Evha akasikirwa. Kudai Adhamu naEvha vakanga vasina kuita chivi, ivo nevana vavo vakakwana vangadai vakashanda pamwe chete vachifara kusvikira pasi rose rava paradhiso. (Genesi 2:21; 3:23, 24) Paradhiso yepasi pano yaizodai iri musha wevanhu nokusingaperi.

Nei Vamwe Vachienda Kudenga?

Ungati, ‘Asi Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vanoenda kudenga, haridaro here?’ Chokwadi. Pashure pokunge Adhamu aita chivi, Jehovha akaita chinangwa chokugadza Umambo hwokudenga umo vamwe vevana vaAdhamu vaizo“tonga samadzimambo pamusoro pepasi” pamwe chete naJesu Kristu. (Zvakazarurwa 5:10; VaRoma 8:17) Vaizomutsirwa kuupenyu hwokusafa mudenga. Vose i144 000, uye vokutanga pakati pavo vaiva vadzidzi vaJesu vakatendeka vomuzana remakore rokutanga.—Ruka 12:32; 1 VaKorinde 15:42-44; Zvakazarurwa 14:1-5.

Zvisinei, chakanga chisiri chinangwa chaMwari chepakuvamba kuti vanhu vakarurama vabve pasi pano vachienda kudenga. Chokwadi, Jesu paaiva pasi pano, akati: “Hapana munhu akakwira kudenga asi uyo akaburuka achibva kudenga, Mwanakomana womunhu.” (Johani 3:13) Achishandisa “Mwanakomana womunhu,” Jesu Kristu, Mwari akagovera rudzikinuro runoita kuti vaya vanotenda muchibayiro chaJesu vakwanise kuva noupenyu husingaperi. (VaRoma 5:8) Asi mamiriyoni evanhu ivavo achagara kupi nokusingaperi?

Chinangwa chaMwari Chepakuvamba Chichazadzika

Kunyange zvazvo Mwari akaita chinangwa chokutora vamwe kubva mumhuri yevanhu kuti vashande sevatongi naJesu Kristu muUmambo hwokudenga, izvozvo hazvirevi kuti vanhu vose vakanaka vanoenda kudenga. Jehovha akasika pasi kuti pave musha weParadhiso wemhuri yevanhu. Munguva pfupi zvino, Mwari achazadzika chinangwa ichocho chepakuvamba.—Mateu 6:9, 10.

Mukutonga kwaJesu Kristu nevaanotonga navo kudenga, rugare nomufaro zvichatekeshera pasi pose. (Pisarema 37:9-11) Vaya vanoyeukwa naMwari vachamutswa uye vachava noutano hwakakwana. (Mabasa 24:15) Nokutendeka kwavo kuna Mwari, vanhu vanoteerera vachapiwa chakaraswa nevabereki vedu vokutanga—upenyu husingaperi mukukwana kwevanhu muparadhiso pasi pano.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Jehovha Mwari haambokundikani kuita zvaanoda kuita. Achishandisa muprofita wake Isaya, akazivisa kuti: “Mvura nechando sezvazvinoburuka zvichibva kudenga, zvisingazodzokeriko, asi zvinodiridza nyika, zvichiiberekesa nokuitungisa maruva, ichipa mudyari mbeu, nomudyi zvokudya; ndizvo zvichaita shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda, richiendika pane zvandakaritumira.”—Isaya 55:10, 11.

Mubhuku reBhaibheri raIsaya, tinofanoona zvichange zvakaita upenyu muParadhiso pasi pano. Hapana munhu anogara muParadhiso achati, “Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Mhuka hadzizokuvadzi vanhu. (Isaya 11:6-9) Vanhu vachavaka misha yakaisvonaka vogaramo uye vachadyara zvirimwa vozvidya kusvika pakuguta. (Isaya 65:21-25) Uyezve, Mwari ‘achaparadza rufu nokusingaperi, Ishe Jehovha uchapisika misodzi pazviso zvose.’—Isaya 25:8.

Nokukurumidza, vanhu vanoteerera vachagara mumamiriro ezvinhu iwayo akaisvonaka. Va‘chasunungurwa muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.’ (VaRoma 8:21) Kugara nokusingaperi muParadhiso yakapikirwa pasi pano kuchava kwakaisvonaka zvikuru! (Ruka 23:43) Unogona kuvamo kana ukaita maererano nezivo yakarurama yeMagwaro uye ukatenda muna Jehovha Mwari naJesu Kristu. Uye unogona kuva nechivimbo chokuti zvine musoro kudavira kuvapo kweparadhiso pasi pano.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Adhamu naEvha vaiva vasikwa kuti vagare muparadhiso pasi pano nokusingaperi

[Mifananidzo iri papeji 7]

Muparadhiso pasi pano . . .

vachavaka dzimba

vachadyara minda yemizambiringa

vachakomborerwa naJehovha

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 4]

U.S. Fish & Wildlife Service, Washington, D.C./NASA