Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Chikonzero Chakanaka Chokutenda

Chikonzero Chakanaka Chokutenda

Chikonzero Chakanaka Chokutenda

BHUKU rokuKorea rinonzi 31 Reasons Why Young People Leave the Church rinoti vakawanda vakarega kuenda kuchechi nokuti havakwanisi kuwana mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yavo. Somuenzaniso, vanobvunza kuti, ‘Nei vanhu vanotenda muna Mwari vachitambura?’ uye ‘Nei tichifanira kubvuma zvose zvinodzidziswa nechechi nepo dzakawanda dzedzidziso dzacho dzichivhiringidza uye dzichipesana?’

Vaodzwa mwoyo nemhinduro dzinopiwa nevafundisi vavo, vakawanda vanogumisa kuti muBhaibheri hamuna mhinduro. Mufundisi paanopa tsanangudzo inongobva pamafungiro ake, zvinowanzoguma nokusanzwisiswa, kunyange kurambwa, kwaMwari neBhaibheri.

Ndozvakaitika kuna Abel, uyo akakurira muchechi yeLutheran muSouth Africa. Anoyeuka kuti: “Chechi inodzidzisa kuti munhu wose anofa ano‘torwa’ naMwari. Asi ndakanga ndisinganzwisisi kuti nei Mwari ane rudo aizo‘torera’ vana vabereki vavo. Kumaruwa omuAfrica kwandakakurira, taisauraya nhunzvi yehuku kusvikira nhiyo dzakura. Pataiona kuti mombe ine zamu, taimbomira kuiuraya kusvikira mhuru yacho yaberekwa uye yava kufura. Ndakanga ndisinganzwisisi kuti nei Mwari ane rudo akanga asingaratidzi kuva nehanya nevanhu zvakadaro.”

Aram, wokuCanada, ainetsekawo saizvozvo. “Pandaiva nemakore 13, baba vangu vakafa,” anorondedzera kudaro. “Muhurukuro yemariro, mufundisi aitungamirira akatsanangura kuti Mwari aida kuti baba vangu vafe kuitira kuti vagone kuva pedyo naMwari mudenga. ‘Mwari anotora vanhu vakanaka,’ akadaro, ‘nokuti Mwari anoda vakarurama.’ Ndakanga ndisinganzwisisi kuti Mwari aigona sei kuva noudyire kudaro.”

Pakupedzisira, Abel naAram vakasangana neZvapupu zvaJehovha, vakadzidza Bhaibheri, uye pakupedzisira, vakawana mhinduro dzemibvunzo yavo. Vakatanga kuda Mwari uye vakava nokutenda kwakasimba maari. Pakupedzisira, vakatsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha ndokuva vashumiri vake vakavimbika.

Zivo Yakarurama—Inokosha Pakutenda Muna Mwari

Tingadzidzei kubva muzviitiko izvi? Zvinotiudza kuti zivo yeBhaibheri yakarurama inokosha pakutenda muna Mwari. Muapostora Pauro akaudza vaKristu vomuguta rekare reFiripi kuti: “Izvi ndizvo zvandinoramba ndichinyengeterera, kuti rudo rwenyu rurambe ruchiwanda nezivo yakarurama uye nenzwisiso yakazara.” (VaFiripi 1:9) Pano Pauro anoratidza kuti kuda Mwari uye vatinonamata navo kwakabatana nezivo yakarurama yaMwari uye kunzwisisa kuti anodei.

Izvi zvinonzwisisika, sezvo uchifanira kutanga waziva munhu kuti uvimbe naye—paunomuziva zvakakwana uye zvakarurama, ndipo paunovimba naye zvikuru. Saizvozvowo, zivo yakarurama inodiwa kuti unzwe uchida kutenda muna Mwari. “Kutenda kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaoneka,” akadaro Pauro. (VaHebheru 11:1) Kutenda muna Mwari pasina zivo yakarurama yeBhaibheri kwakaita seimba yakagadzirwa nemakadhi. Kamhepo kakangofuridza inobva yatowa.

Kudzidza Bhaibheri kungakubatsira kuwana mhinduro dzemibvunzo yakaita souya wakapazanisa Abel naAram musoro kwenguva refu wokuti, Nei vanhu vachifa? Bhaibheri rinotsanangura kuti ‘chivi chakapinda munyika nemhaka yomunhu mumwe norufu nemhaka yechivi, uye nokudaro rufu rwakapararira kuvanhu vose nokuti vose vakanga vaita chivi.’ (VaRoma 5:12) Vanhu vanochembera vofa, kwete nokuti Mwari anovatora kuti ave navo, asi nokuti Adhamu akaita chivi. (Genesi 2:16, 17; 3:6, 17-19) Uyezve, Bhaibheri rinozivisa tariro yechokwadi inopiwa naJehovha Mwari. Achishandisa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, anopa tariro yokumuka kwevanhu vanoita zvivi.—Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15.

Kutibatsira kunzwisisa chokwadi pamusoro porumuko, nhoroondo yeBhaibheri ine mienzaniso inoverengeka yevanhu vakamutswa naJesu. (Ruka 7:11-17; 8:40-56; Johani 11:17-45) Sezvaunoverenga nhoroondo idzi dzeBhaibheri, ona mufaro wakava neshamwari uye mhuri dzevakamutswa vacho. Onawo kuti vakanzwa vachida kurumbidza Mwari uye kutenda muna Jesu.

Zivo yakarurama pamusoro paMwari nezvinangwa zvake inogona kuva nomugumisiro wakadaro pavanhu nhasi. Vakawanda vakambenge vakavhiringidzika, vakaremerwa, uye vachitogumburwa nemibvunzo inokosha iyo yavaisagona kuwanira mhinduro dzinogutsa. Asi pavakadzidza Bhaibheri, vakawana mhinduro dzacho, uye izvozvo zvakachinja upenyu hwavo zvizere.

Kuda Mwari—Chikonzero Chikuru Chokumushumira

Kunyange zvazvo zivo yakarurama ichikosha pakutenda muna Mwari, zvakawanda zvinodiwa kuita kuti munhu amuteerere uye amushumire. Paakabvunzwa kuti ndoupi murayiro mukuru pane yose inobva kuna Mwari, Jesu akati: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose nemweya wako wose nepfungwa dzako dzose uye nesimba rako rose.” (Mako 12:30) Kana munhu achida Mwari sezvakaratidzwa naJesu, achadawo zvikuru kumuteerera nokuMushumira. Ndozvaunoita here?

Rachel, uyo ave achishumira somumishinari muKorea kwemakumi emakore anoverengeka, anopa chikonzero ichi chokutenda kwake: “Ndinofunga nezvorupo rwaJehovha kuzvisikwa zvake, kukanganwira kwake mukubata nevanhu vake, uye chido chake chokuti isu tibatsirwe nokutiita kuti tizive zvaanoda kwatiri. Zvinhu zvose izvozvo zvinoita kuti kuda kwandinoita Mwari kuwedzere. Uye rudo irworwo runoita kuti ndide kumushumira.”

Martha, chirikadzi yokuGermany, ave achishumira Jehovha kwemakore 48. Anoti: “Nei ndichishumira Jehovha? Nokuti ndinomuda. Manheru oga oga ndinotaura naJehovha mumunyengetero uye ndinomuudza kuti ndinoonga sei zvikomborero zvake zvose, zvikurukuru chibayiro chorudzikinuro.”

Chokwadi, kuda Mwari kunoita kuti tide kumushumira zvinobva pamwoyo. Asi munhu anosvika sei pakuva norudo rwakadaro? Chinoita kuti tide Mwari zvikuru ndiko kuonga kukuru rudo rwaakatiratidza. Ona chiyeuchidzo ichi chinonyevenutsa mwoyo chinobva muBhaibheri: “Uyo asingadi haasati asvika pakuziva Mwari, nokuti Mwari rudo. Neizvi rudo rwaMwari rwakaoneswa kwatiri, nokuti Mwari akatumira Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi munyika kuti tiwane upenyu naye. Rudo rwuri muchinhu ichi, kwete kuti isu takada Mwari, asi kuti iye akatida akatumira Mwanakomana wake sechibayiro cheyananiso nokuda kwezvivi zvedu.”—1 Johani 4:8-10.

Unoziva here kuti rudo urwu rwakakura sei? Chimbofungidzira kuti wakanga wava kunyura murwizi rwakazara uye mumwe murume akaisa upenyu hwake pangozi kuti akuponese. Waizomukanganwa here, kana kuti waisazomuonga zvikuru here? Waisazoda kumuitira zvose zvaunogona here? Rudo rwakaratidzwa naMwari mukupa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, sechibayiro chorudzikinuro rwakakura zvisingaenzaniswi. (Johani 3:16; VaRoma 8:38, 39) Mwoyo wako paunoororwa norudo rwaMwari, uchakurudzirwa kumuda uye kumushumira nomwoyo wose.

Zvikomborero Zvino uye Munguva Yemberi

Kunyange zvazvo kuda kwedu Mwari kuchifanira kuva chikonzero chikuru chokuti tiite zvaanoda, zvinonyevenutsa mwoyo kuziva kuti Mwari anopa mubayiro vaya vanomushumira. Muapostora Pauro anoti: “Pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza, nokuti iye anosvika Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anova anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.”—VaHebheru 11:6.

Vaya vanoda uye vanoteerera Mwari vanokomborerwa naye zvechokwadi. Vakawanda vane utano hwakanaka nokuti vanotevera nhungamiro dzeBhaibheri. (Zvirevo 23:20, 21; 2 VaKorinde 7:1) Vaya vanoshandisa nhungamiro dzeBhaibheri maererano nokutendeka uye kushingaira kazhinji vanovimbwa nevavanoshandira saka vanova vakachengeteka zvikuru mune zvemari. (VaKorose 3:23) Nokuvimba kwavo naJehovha, vashumiri vaMwari vanokomborerwa norugare rwepfungwa kunyange pavanenge vari mumamiriro ezvinhu anoedza. (Zvirevo 28:25; VaFiripi 4:6, 7) Kupfuura zvose, vanotarira mberi nechivimbo kuchikomborero choupenyu husingaperi muParadhiso yepasi pano iri kuuya.—Pisarema 37:11, 29.

Vaya vane zvikomborero zvakadaro zvinobva kuna Jehovha vanofungei nezvake? Jacqueline, mumwe muKristu womuCanada, anotaura kuonga kwake Mwari achiti: “Anotipa zvipo zvakaisvonaka kudaro nguva dzose, uye anopa tariro yechokwadi youpenyu husingaperi.” Abel, watambonzwa nezvake pakutanga, anorondedzera manzwiro ake seizvi: “Tarisiro yokurarama nokusingaperi muparadhiso pasi pano yaiva chimwe chinhu chitsva kwandiri, uye ndiri kuimirira. Zvisinei, kunyange kudai kwakanga kusina Paradhiso, ndaizongofara kuratidza kuda kwandinoita Mwari nokumushumira.”

Iwewo Unogona Kuva Nokutenda Kwechokwadi

“Jehovha wehondo, imi munotonga zvakarurama, munoidza itsvo nomwoyo,” rinodaro Bhaibheri. (Jeremia 11:20) Hungu, Jehovha ari kuongorora zvakavanzwa mukati-kati medu. Mumwe nomumwe anofanira kuongorora chinangwa chake chokutenda muna Mwari. Zvitendero uye pfungwa dzisiri idzo pamusoro paMwari zvingave zvakatungamirira kuzviito zvakaipa munguva yakapfuura. Asi zivo yakarurama yeBhaibheri inogona kutungamirira kuukama hwakarurama noMusiki, Jehovha Mwari.—1 Timoti 2:3, 4.

Zvapupu zvaJehovha zviri kubatsira vanhu kuwana zivo yakarurama yaMwari kuburikidza nourongwa hwazvo hwokudzidza Bhaibheri nevanhu pachena. (Mateu 28:20) Vakawanda vakagamuchira rubatsiro rwakadaro vakasvika pakuda Mwari uye vakava nokutenda kwechokwadi maari. Nokudzidza Bhaibheri, vakawana “uchenjeri chaihwo nokungwara,” zvinovabatsira ku‘famba vakachengeteka’ mumazuva ano ane ngozi. (Zvirevo 3:21-23) Kupfuura zvose, zvino vane tariro “yechokwadi uye yakasimba” nokuda kwenguva yemberi. (VaHebheru 6:19) Iwewo unogona kuva nokutenda kwakasimba ndokuwana zvikomborero izvi.

[Bhokisi riri papeji 6]

Mibvunzo Inovhiringidza Yaida Mhinduro

“Pandaidzidziswa basa rokurapa mune chimwe chipatara, ndakaona vanhu vakanaka vachigomera nokurwadziwa pamusana pehosha nenjodzi. Kana kuina Mwari, nei zvinhu izvi zvichiitika? Chitendero chinongova nzira yokuwana nayo rugare rwepfungwa here?”—Aimbova muPresbyterian kuKorea.

“Ndaiwanzonetseka kana baba vangu, chidhakwa, vakanga vaenda kuhero kana kudenga. Ndaitya vakafa uye pfungwa yemoto wehero. Ndaisagona kunzwisisa kuti Mwari ane rudo aizotumira sei mumwe munhu kunotambura nokusingaperi muhero.”—Aimbova muKaturike kuBrazil.

“Chii chichaitika kupasi nevanhu munguva yemberi? Vanhu vachakwanisa kurarama nokusingaperi sei? Vanhu vachawana sei rugare rwechokwadi?”—Aimbova muKaturike kuGermany.

“Dzidziso yokuberekwazve yakanga isina musoro kwandiri. Mhuka hadzinamati, saka kana ukaberekwazve kuva mhuka nokuda kwechikonzero chakati, kuti ubhadhare zvivi zvako, unogadzirisa sei zvinhu ndokufambira mberi kubva ipapo?”—Aimbova muHindu kuSouth Africa.

“Ndakakurira mumhuri yechiConfucian, uye ndaiwanzobatanidzwa mumitambo yokupfupa madzitateguru edu. Sezvandaibatanidzwa mukuisa zvinhu patafura yezvibayiro nokupfugama, ndaishamisika kana madzitateguru akafa aiuya kuzodya uye kuzoona kuapfugamira kwataiita.”—Aimbova muConfucian kuKorea.

Vanhu vose ava vakawana mhinduro dzemibvunzo yavo pavakadzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha.