Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Fara Kwazvo Muna Jehovha’

‘Fara Kwazvo Muna Jehovha’

‘Fara Kwazvo Muna Jehovha’

‘Fara kwazvo muna Jehovha; iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako.’—PISAREMA 37:4.

1, 2. Tsime romufaro wechokwadi ndiani, uye Mambo Dhavhidhi akaratidza sei izvozvo?

“VANOFARA avo vanoziva zvinodiwa zvavo zvomudzimu, . . . vanofara vane ngoni, . . . vanofara vanoita rugare.” Pamwe nedzimwe rondedzero nhanhatu dzevaya vanofara, mashoko aya anoumba sumo yakaisvonaka yeMharidzo yaJesu yepaGomo yakakurumbira, yakanyorwa nomunyori weEvhangeri, Mateu. (Mateu 5:3-11) Mashoko aJesu anovimbisa kuti tinogona kuwana mufaro.

2 Rwiyo rutsvene rwakanyorwa naMambo Dhavhidhi weIsraeri yekare runoita kuti tifunge nezveTsime romufaro wechokwadi, Jehovha. ‘Fara kwazvo muna Jehovha,’ Dhavhidhi akadaro, “iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako.” (Pisarema 37:4) Asi chii chingaita kuti kuziva Jehovha nezvinhu zvakawanda zviri muunhu hwake kuve ‘kufara kwazvo’? Kufungisisa zvaakaita nezvaachaita mukuita chinangwa chake kunokupa sei tariro yokuwana “zvinodikanwa nomwoyo wako”? Kunyatsoongorora Pisarema 37, ndima 1 kusvika ku11, kunopa mhinduro.

“Usagodora”

3, 4. Sezvakanyorwa pana Pisarema 37:1, Dhavhidhi anopa nyeveroi, uye nei nhasi kuiteerera kwakakodzera?

3 Tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” uye uipi hwakazara. Tave tichiona kuzadzika kwemashoko omuapostora Pauro anoti: “Vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa nokutsauswa.” (2 Timoti 3:1, 13) Zviri nyore zvikuru kurwadziwa nokunoita sokubudirira kwevanhu vakaipa! Zvose izvozvo zvingatitsausa, zvichiita kuti tisaona zvakanaka mumudzimu. Ona kuti mashoko okutanga ePisarema 37 anotinyevera sei nezvengozi iyi ingangoitika achiti: “Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, usagodora vanoita zvisina kururama.”

4 Zuva nezuva zvinobudisa nhau zvenyika zvinoramba zvichititutira mashoko okusaruramisira kuri kuitika. Vanamuzvinabhizimisi vasina kutendeka vanokorovhera vasingabatwi. Matsotsi anobiridzira vaya vasingagoni kuzvidzivirira. Mhondi hadzimbobatwi kana kuti hadzirangwi. Mienzaniso yose iyoyo yokukanganiswa kweruramisiro ingakonzera kutsamwa zvovhiringidza rugare rwedu rwepfungwa. Kunoita sokubudirira kwevakaipa kungatokuchidzira godo. Asi kugumbuka kwedu kuchaita kuti zvinhu zviite nani here? Godo rokubudirira kuri pachena kuri kuita vakaipa rinochinja zvichaguma zvaitika kwavari here? Kana! Uye hapana chikonzero chaichoicho chokuti isu tive “neshungu.” Nei?

5. Nei vanhu vanoita zvakaipa vachifananidzwa nouswa?

5 Munyori wepisarema anopindura kuti: “Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, vachaoma somuriwo mutema.” (Pisarema 37:2) Uswa hutsva hwegirini hungaratidzika zvakanaka, asi mashizha acho nokukurumidza anosvava ofa. Ndozvimwe chete nevanoita zvakaipa. Kunoita sokubudirira kwavo hakusi kwechigarire. Pavanofa, pfuma yavo yavakawana nenzira dzisina kururama haizovabatsiri. Pakupedzisira ruramisiro inozongoitwa kumunhu wose. “Mubayiro unoripa chivi rufu,” akanyora kudaro Pauro. (VaRoma 6:23) Vaiti vezvakaipa navose vasina kururama pakupedzisira vachagamuchira “mubayiro” wavo nokusingaperi. Chokwadi uhwu upenyu husina maturo zvachose!—Pisarema 37:35, 36; 49:16, 17.

6. Chidzidzoi chatingawana kubva pana Pisarema 37:1, 2?

6 Saka, tinofanira kubvumira kubudirira kwenguva pfupi kwevanhu vanoita zvakaipa kuchitivhiringidza here? Chidzidzo chinobva mundima mbiri dzokutanga dzePisarema 37 ndeichi: Usabvumira kubudirira kwavo kukutsausa panzira yako yawakasarudza yokushumira Jehovha. Pane kudaro, ramba wakaisa pfungwa dzako pazvikomborero nezvinangwa zvomudzimu.—Zvirevo 23:17.

“Vimba naJehovha, Uite Zvakanaka”

7. Nei tichifanira kuvimba naJehovha?

7 “Vimba naJehovha, uite zvakanaka,” munyori wepisarema anotikurudzira kudaro. (Pisarema 37:3a) Patinenge tichinetseka nokufunganya kana kuti kunyange nokusava nechokwadi, tinofanira kuvimba naJehovha zvakasimba. Ndiye anopa kuchengeteka mumudzimu kwakakwana. “Uyo ugere panzvimbo yokuvanda yoWokumusorosoro,” akanyora kudaro Mosesi, “ucharambira pamumvuri woWamasimba ose.” (Pisarema 91:1) Patinovhiringidzwa nokuwedzera kwokusateerera mutemo munyika ino, tinoda kutowedzera zvikuru kuvimba naJehovha. Kana tikaminyuka gumbo, tinofara kuti shamwari yedu itibatsire. Saizvozvowo, patinoedza kufamba nokutendeka, tinoda kutsigirwa naJehovha.—Isaya 50:10.

8. Kushanda muushumiri hwechiKristu kungatibatsira sei kurega kunyanya kuvhiringidzwa nokubudirira kwevakaipa?

8 Mushonga mumwe wokuvhiringidzwa nokubudirira kwevakaipa ndewokubatikana kutsvaka uye kubatsira vaya vakaita semakwai kusvika pakuva nezivo yakarurama yechinangwa chaJehovha. Pasinei nouipi hunoramba huchiwedzera, tinoda kubatikana zvizere mukubatsira vamwe. “Musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana zvinhu nevamwe,” akadaro muapostora Pauro, “nokuti Mwari anofadzwa kwazvo nezvibayiro zvakadaro.” “Zvakanaka” zvikuru kwazvo zvatingaita ndezvokuudza vamwe mashoko akanaka ane mbiri oUmambo hwaMwari. Chokwadi kuparidza kwedu kwepachena “chibayiro chokurumbidza.”—VaHebheru 13:15, 16; VaGaratiya 6:10.

9. Tsanangura kurudziro yaDhavhidhi yoku“gara panyika.”

9 Dhavhidhi anoenderera mberi achiti: “Gara panyika, ushingairire kutendeka.” (Pisarema 37:3b) “Nyika” yezuva raDhavhidhi yaiva nharaunda iyo Jehovha akanga apa Israeri, Nyika Yakapikirwa. Panguva yokutonga kwaSoromoni miganhu yayo yaibva kuDhani kumusoro kusvika Bheeri-shebha zasi. Ndokwaigara Israeri. (1 Madzimambo 4:25) Nhasi, chero kwatinogara pasi pano, tinotarisira mberi kunguva apo pasi rose richava paradhiso munyika itsva yokururama. Panguva ino, tinogara takachengeteka mumudzimu.—Isaya 65:13, 14.

10. Chii chinoitika patino‘shingairira kutendeka’?

10 Chii chichaitika patino‘shingairira kutendeka’? Chirevo chakafuridzirwa chinotiyeuchidza kuti: “Munhu wakatendeka uchava namaropafadzo mazhinji.” (Zvirevo 28:20) Kuramba kwedu tichiparidza mashoko akanaka takatendeka chero kwatinogara uye kumunhu upi noupi watinogona zvechokwadi kunounza mibayiro kubva kuna Jehovha. Somuenzaniso, Frank nomudzimai wake, Rose, vakatanga basa roupiyona makore 40 akapfuura mune rimwe guta kuchamhembe kweScotland. Vashomanana vakanga varatidza kufarira chokwadi ikoko vaiva vatsauka. Vasingaodzwi mwoyo, murume nomudzimai vanopayona ava vakatanga basa rokuparidza nokuita vadzidzi. Zvino muguta iroro mune ungano inobudirira. Kutendeka kwomurume nomudzimai ava chokwadi kwave kuine chikomborero chaJehovha. “Chikomborero chikuru pane zvose,” Frank anotsanangura achizvininipisa, “ndechokungoti tichiri muchokwadi uye tiri kushandiswa naJehovha.” Chokwadi, patino‘shingairira kutendeka,’ tinowana uye tinogamuchira zvikomborero zvakawanda.

‘Fara Kwazvo Muna Jehovha’

11, 12. (a) Tinga‘fara kwazvo muna Jehovha’ sei? (b) Ungavavarira kuitei paunodzidza woga, uye zvingangoguma nei?

11 Kuti tisimbise ukama hwedu naJehovha ndokuramba tichivimba naye, tinofanira ku‘fara kwazvo muna Jehovha.’ (Pisarema 37:4a) Tinozviita sei? Pane kuva vakabatikana nezvinhu zvedu pachedu, kunyange zvingava zvakaoma, tinoisa pfungwa dzedu pana Jehovha. Imwe nzira yokuita izvi ndeyokuva nenguva yokuverenga Shoko rake. (Pisarema 1:1, 2) Kuverenga kwaunoita Bhaibheri kunokuunzira mufaro here? Kuchadaro kana ukaverenga uine chinangwa chokudzidza zvakawanda nezvaJehovha. Unodii kumbomira pashure pokuverenga chikamu wozvibvunza kuti, ‘Ndima iyi yandidzidzisei pamusoro paJehovha?’ Uchaona zvichibatsira kuva nebhuku rokunyorera kana kuti kuva nepepa pedyo paunoverenga Bhaibheri. Nguva yoga yoga yaunomira kuti ufungisise zvinorehwa nezvawaverenga, nyora mashoko anokuyeuchidza humwe hwounhu hwaMwari hunofadza. Mune rimwe pisarema, Dhavhidhi akaimba kuti: “Mashoko omuromo wangu nokurangarira kwomwoyo wangu ngazvifadze pamberi penyu, imi Jehovha, dombo rangu, nomudzikinuri wangu.” (Pisarema 19:14) Kunyatsoisa pfungwa dzedu paShoko raMwari kwatinoita uku kuno‘fadza’ Jehovha uye isu.

12 Tingawana sei mufaro pakudzidza kwedu uye pakufungisisa? Tinogona kuvavarira kudzidza zvakawanda sezvatingagona pamusoro paJehovha nenzira dzake. Mabhuku akadai serinonzi Munhu Mukurusa Ati Amborarama naSwedera Pedyo naJehovha * anotipa zvakawanda zvatinogona kufungisisa nokuonga. Dhavhidhi anovimbisawo vakarurama kuti, Jehovha ‘achakupai zvinodikanwa nomwoyo wenyu.’ (Pisarema 37:4b) Rwaiva rudzi urwu rwokuvimba runofanira kuva rwakakurudzira muapostora Johani kunyora mashoko anoti: “Ichi ndicho chivimbo chatinacho kwaari, kuti, zvisinei nokuti chii chatinokumbira maererano nokuda kwake, anotinzwa. Uyezve, kana tichiziva kuti anotinzwa pamusoro pezvinhu zvose zvatinokumbira, tinoziva kuti tichawana zvinhu zvakumbirwa sezvo tazvikumbira kwaari.”—1 Johani 5:14, 15.

13. Mumakore achangopfuura, kuwedzera kupi kwebasa rokuparidza Umambo kwave kuchionekwa munyika dzakawanda?

13 Sevanhu vakavimbika, tinofara zvikuru kuona kurevererwa kwouchangamire hwaJehovha. (Zvirevo 27:11) Mwoyo yedu haipfachukiri nomufaro here patinoziva nezvebasa guru rokuparidza riri kuitwa nehama dzedu munyika dzaiwanzova pasi poutongi hwoudzvinyiriri kana kuti hwoumbimbindoga? Tinotarisira nomwoyo wose kuti tione rumwezve rusununguko rungavapo nyika ino isati yaguma. Vakawanda vevashumiri vaJehovha vanogara munyika dzokumadokero vanoshanda zvikuru mukuparidzira vadzidzi, vapoteri, uye vaya vanenge vatamira ikoko kwenguva pfupi, vova norusununguko rwokunamata. Chido chedu chepachokwadi ndechokuti vanhu ava pavanodzokera kumusha, varambe vachiita kuti chiedza chechokwadi chipenye kunyange murima rinoita serisingapindiki.—Mateu 5:14-16.

“Isa Nzira Yako Kuna Jehovha”

14. Uchapupu hupi huripo hwokuti tinogona kuvimba naJehovha?

14 Zvinozorodza zvikuru kuziva kuti zvinetso zvedu uye zvinhu zvingaita semitoro inotidzvinyirira zvinogona kubviswa! Sei? “Isa nzira yako kuna Jehovha; vimbawo naye,” anodaro Dhavhidhi, anowedzera kuti, “iye uchazviita.” (Pisarema 37:5) Muungano dzedu, tine uchapupu hwakakwana hwokuti tinogona kuvimba nokutsigira kwaJehovha. (Pisarema 55:22) Vaya vari muushumiri hwenguva yakazara, vangava mapiyona, vatariri vanofambira, mamishinari, kana kuti vazvipiri vanoshanda paBheteri, vose vanogona kupupurira kuvimbika kwokutarisira kwaJehovha. Wadii kutaura nevaya vaunoziva wobvunza kuti Jehovha ave achivabatsira sei? Pasina mubvunzo uchanzwa zviitiko zvakawanda zvinoratidza kuti kunyange panguva dzakaoma, Jehovha haambotadzi kutitarisira. Anogaropa zvinodiwa muupenyu.—Pisarema 37:25; Mateu 6:25-34.

15. Kururama kwevanhu vaMwari kunopenya sei?

15 Patinovimba naJehovha zvizere, tinogona kuona zvimwe zvakataurwa nomunyori wepisarema zvichiitika kwatiri, zvokuti: “Iye uchabudisa kururama kwako sechiedza, nokururamisirwa kwako samasikati.” (Pisarema 37:6) SeZvapupu zvaJehovha, tinowanzonyeperwa. Asi Jehovha anozarura maziso evane mwoyo yakatendeseka kuti avabatsire kuziva kuti ushumiri hwedu hwepachena hunokurudzirwa nokuda Jehovha nomuvakidzani. Panguva imwe chete, mufambiro wedu wakarurama, kunyange uchinyeperwa nevakawanda, haugoni kuvanzwa. Jehovha anotitsigira munzira dzose dzokushorwa nokutambudzwa. Somugumisiro, kururama kwevanhu vaMwari kunopenya sezuva remasikati.—1 Petro 2:12.

“Nyarara . . . Murindire Unyerere”

16, 17. Maererano nePisarema 37:7, zvino inguva yechii, uye nei?

16 Mashoko anotevera omunyori wepisarema anoti: “Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu pamusoro pounofara panzira yake, pamusoro pomunhu unoita mano akaipa aakafunga.” (Pisarema 37:7) Pano Dhavhidhi anosimbisa kukosha kwokuti isu timirire nokushivirira kuti Jehovha aite chimwe chinhu. Kunyange zvazvo mugumo wenyika ino usati wasvika, ichi hachisi chikonzero chokunyunyuta. Hatina kuona here kuti ngoni dzaJehovha nokushivirira zvakakura zvikuru kupfuura zvataifunga pakutanga? Zvino tingagona here kuratidza kuti isuwo tinomirira nokushivirira sezvatinoramba takabatikana mukuparidza mashoko akanaka mugumo usati wasvika? (Mako 13:10) Zvino ndiyo nguva yokurega kuita zviito zvechivhurumukira zvingatitadzisa kuwana mufaro uye kuva vakachengeteka mumudzimu. Zvino ndiyo nguva yokuramba zvakasimba zvikuru kukanganiswa nenyika yaSatani. Uye zvino ndiyo nguva yokuramba takachena mutsika torega kumbokanganisa kumira kwedu kwakarurama pana Jehovha. Ngatirambei tichibvisa pfungwa dzounzenza uye torega kuita zvakaipa kuvanhurume kana kuti vanhukadzi, kana kuti, zvechokwadi, kuita zvoungochani.—VaKorose 3:5.

17 “Rega kutsamwa, urashe hasha,” Dhavhidhi anotipa zano. “Usava neshungu, zvinongotadzisa munhu. Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika.” (Pisarema 37:8, 9) Chokwadi, tinogona kutarira mberi nechivimbo kunguva—zvino yava pedyo zvikuru—apo Jehovha achabvisa pasi pano uori hwose navose vanohukonzera.

“Kwasara Chinguva Chiduku”

18, 19. Ikurudziroi yaunowana muPisarema 37:10?

18 “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo.” (Pisarema 37:10) Mashoko iwayo anotikurudzira zvikuru sezvatinosvika mugumo wenyika ino uye mugumo wokuzvimiririra kubva pana Jehovha kune ngozi! Hurumende ipi neipi kana chiremera zvave zvichiumbwa nomunhu zvakundikana zvinosuruvarisa. Uye zvino tava pedyo nenguva yokuti tidzokere kukutonga kwaJehovha, Mwari wechokwadi, Umambo hwake huri mumaoko aJesu Kristu. Huchadzora zvakakwana zvinhu zvose zvenyika ndokubvisa vashori vose voUmambo hwake.—Dhanieri 2:44.

19 Munyika itsva muUmambo hwaMwari, kunyange kana ukatsvaka zvakadini, hauzokwanisi kuwana “wakaipa.” Chokwadi, panguva iyoyo munhu upi noupi anopandukira Jehovha achabviswa pakarepo. Hapana anorwisa uchangamire hwake kana kuti anoramba kuzviisa pasi pechiremera chaMwari achavamo. Vavakidzani vako vose vachava nokufunga kwakafanana muchido chavo chokufadza Jehovha. Pachava nokuchengeteka kukuru—pasina kiyi, pasina simbi, pasina chinhu chichakanganisa chivimbo chakazara uye mufaro!—Isaya 65:20; Mika 4:4; 2 Petro 3:13.

20, 21. (a) “Vanyoro” vePisarema 37:11 ndivanaani, uye vanowana kupi “rugare rukuru”? (b) Tichawana zvikomboreroi kana tikatevedzera Dhavhidhi Mukuru?

20 Ipapo, “vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika.” (Pisarema 37:11a) Asi “vanyoro” ava ndivanaani? Shoko rinoshandurwa kuti “vanyoro” rinobva mushoko rinoreva kuti “tambudza, zvininipise, dukupisa.” Chokwadi, “vanyoro” ndevaya vanomirira Jehovha nokuzvininipisa kuti abvise kusaruramisira kwose kwavanoitirwa. ‘Vachafara kwazvo norugare rukuru.’ (Pisarema 37:11b) Kunyange zvino tinowana rugare rukuru muparadhiso yomudzimu yakabatana neungano yechiKristu yechokwadi.

21 Kunyange zvazvo tisati tazorodzwa panhamo, tinotsigirana uye tinonyaradza vaya vakaora mwoyo. Somugumisiro, kugutsikana kwechokwadi kwomukati kunosimudzirwa pakati pevanhu vaJehovha. Hama dzakagadzwa sevafudzi dzinoshumira norudo pane zvinodiwa zvedu zvomudzimu—uye dzimwe nguva kunyange munyama—zvichiita kuti titsungirire nhamo nokuda kwokururama. (1 VaTesaronika 2:7, 11; 1 Petro 5:2, 3) Rugare urwu runokosha zvikuru! Tinewo tariro youpenyu husingaperi muParadhiso ine rugare yava pedyo. Saka, ngatitevedzerei Dhavhidhi Mukuru, Kristu Jesu, uyo kushingairira kwake Jehovha kwakamukurudzira kushumira nokutendeka kusvika kumugumo. (1 Petro 2:21) Nokuita kudaro, ticharamba tichifara, tichirumbidza uyo watinofarira, Mwari wedu, Jehovha.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 12 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

Ungapindura Here?

• Zvidzidzoi zvawadzidza muPisarema 37:1, 2?

• Unga‘fara kwazvo muna Jehovha’ sei?

• Uchapupu hupi huripo hwokuti tinogona kuvimba naJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

VaKristu ‘havagodori vaya vanoita zvisina kururama’

[Mufananidzo uri papeji 10]

“Vimba naJehovha, uite zvakanaka”

[Mufananidzo uri papeji 11]

Fara kwazvo muna Jehovha nokudzidza zvakawanda sezvaungagona pamusoro pake

[Mufananidzo uri papeji 12]

“Vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika”