Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Ezekieri akava “mbeveve” mupfungwa ipi panguva yokukombwa nokuparadzwa kweJerusarema?

Zvikurukuru, mupfungwa yokuti akanga asina chimwe chokuwedzera kushoko raJehovha rouprofita raakanga atotaura.

Muprofita Ezekieri akatanga basa rake somurindi akatendeka wevaIsraeri vakanga vakatapwa muBhabhironi mu“gore rechishanu rokutapwa kwamambo Jehoiakini,” kureva muna 613 B.C.E. (Ezekieri 1:2, 3) Pazuva regumi romwedzi wegumi womudenga wa609 B.C.E., akaziviswa nokufuridzira kwaMwari nezvokutanga kwokukombwa kweJerusarema nevaBhabhironi. (Ezekieri 24:1, 2) Kukomba uku kwaizoguma nei? Jerusarema nevagari varo vakanga vasina kutenda vaizopukunyuka here? Somurindi, Ezekieri akanga atotaura kare shoko raJehovha rakarurama rokuparadzwa, uye Ezekieri akanga asingafaniri hake kuwedzera zvimwe, sokunge kuti shoko iroro riwedzere kujeka. Ezekieri akaita mbeveve panyaya yokutaura zvimwe pamusoro pokukombwa kweJerusarema.—Ezekieri 24:25-27.

Inenge mwedzi mitanhatu pashure pokuparadzwa kweJerusarema muna 607 B.C.E., mumwe munhu akanga apukunyuka akaunza mashoko okuparadzwa kweguta dzvene kuna Ezekieri muBhabhironi. Usiku hwakatangira kuuya kwomunhu akanga apukunyuka uyu, Jehovha ‘akashamisa muromo waEzekieri, akasazovazve mbeveve.’ (Ezekieri 33:22) Ipapo ndipo pakaperera kuva mbeveve kwaEzekieri.

Ezekieri akanga ari mbeveve chaizvoizvo here munguva iyoyo? Zviri pachena kuti kwete, nokuti kunyange pashure pokunge ava “mbeveve,” akataura uprofita zvikurukuru kunyika dzakanga dzakapoteredza idzo dzaifara nokuparara kweJerusarema. (Ezekieri, zvitsauko 25-32) Kumavambo kwebasa raEzekieri somuprofita nomurindi, Jehovha akanga amuudza kuti: “Ini ndichanamatirisa rurimi rwako mumukanwa wako, kuti uve mbeveve, urege kuva murayiri wavo; nokuti ivo iimba inondimukira simba. Asi kana ndichitaura newe, ndichashamisa muromo wako.” (Ezekieri 3:26, 27) Apo Jehovha akanga asina shoko nokuda kwevaIsraeri, Ezekieri aifanira kuramba asingatauri chinhu kurudzi irworwo. Ezekieri aifanira kutaura zvaidiwa naJehovha kuti ataure panguva iyo Jehovha aida kuti aite izvozvo. Kuva mbeveve kwaEzekieri kwairatidza kuti akanga asingachagoni kutaura mashoko ouprofita aiva nezvaanoreva kuvaIsraeri.

Boka romurindi remazuva ano, vaKristu vakazodzwa, vave vachinyevera nezvokuda kuparadzwa kwechiKristudhomu, Jerusarema rakafananidzirwa. Pachaitika “kutambudzika kukuru” kuchaparadza “Bhabhironi Guru,” sangano repasi pose rezvitendero zvenhema, boka revakazodzwa raEzekieri harina zvimwezve zvarinofanira kutaura pamusoro pokuguma kwechiKristudhomu, icho chinoumba chikamu chikuru chesangano iroro.—Mateu 24:21; Zvakazarurwa 17:1, 2, 5.

Chokwadi, zuva richauya apo vakazodzwa vasara neshamwari dzavo vachava mbeveve, vasina chimwezve chokutaurira chiKristudhomu. Ndipo apo “nyanga gumi” dze“chikara” dzichaparadza Bhabhironi Guru nokuriita mushutu. (Zvakazarurwa 17:16) Ichokwadi kuti izvi hazvirevi kuti vaKristu vachava vasingagoni kutaura chaizvoizvo. Kunyange sezvavanoita iye zvino, vacharumbidza Jehovha ndokutaura nezvake mazuva ose uye “kusvikira kumarudzi ose.”—Pisarema 45:17; 145:2.