Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndichavigireiko Jehovha?”

“Ndichavigireiko Jehovha?”

Nyaya Youpenyu

“Ndichavigireiko Jehovha?”

YAKATAURWA NAMARIA KERASINIS

Pandakanga ndava nemakore 18, vabereki vangu vakanga vava kunyara neni zvokushaya pokupinda, ndakanga ndaraswa nemhuri yangu, uye ndava chiseko mumusha wedu. Kuteterera, kumanikidza, uye kutyisidzira zvakashandiswa kuedza kuputsa kutendeseka kwangu kuna Mwari—zvikashaya basa. Ndakanga ndine chivimbo chokuti kuomerera nokuvimbika kuchokwadi cheBhaibheri kwaizoita kuti ndikomborerwe naMwari. Ndichitarira shure kumakore anopfuura 50 okushumira Jehovha, zvandingangoita kudzokororawo mashoko akataurwa nomunyori wepisarema anoti: “Ndichavigireiko Jehovha pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri?”—Pisarema 116:12.

NDAKAZVARWA muna 1930, muAggelokastro, musha uri makiromita anenge 20 kubva kuchiteshi chengarava cheCenchreae, kudivi rokumabvazuva reIsthmus of Corinth, kwaiva neungano yevaKristu vechokwadi muzana remakore rokutanga.—Mabasa 18:18; VaRoma 16:1.

Mhuri yedu yaiva noupenyu hune runyararo. Baba vaiva sabhuku wenharaunda yacho uye vairemekedzwa chaizvo. Ndaiva wechitatu pavana vashanu. Vabereki vangu vakatirera senhengo dzakazvipira dzeChechi yeGreek Orthodox. Ndaipinda Misa misi yeSvondo yoga yoga. Ndaiita sakaremende pamberi pemifananidzo, ndaibatidza makenduru muchechi dzokumamisha, uye ndaiita kutsanya kwose. Ndaiwanzofunga nezvokupikira kuva sisita. Nokufamba kwenguva, ndakava wokutanga mumhuri kugumbura vabereki vangu.

Kufadzwa Nechokwadi cheBhaibheri

Pandakanga ndava kuda kusvitsa makore 18, ndakanzwa kuti Katina, hanzvadzi yomurume womukoma wangu, iyo yaigara mune mumwe musha wakanga wakavakidzana nowedu, aiverenga mabhuku eZvapupu zvaJehovha, uye akanga asingachaendi kuchechi. Ndakashushikana nazvo zvikuru, saka ndakafunga kumubatsira kudzoka kune randaifunga kuti ndiro gwara kwaro. Saka, paakatishanyira, ndakaronga kuti timbofamba zvedu, ndiine vavariro yokupfuura nepamba pomupristi. Mupristi akatanga kurukurirano yacho nokutaura zvakawanda zvokushora Zvapupu zvaJehovha, achizvidana kuti vapanduki vakanga vatsausa Katina. Kurukurirano yacho yakaenderera mberi kwousiku hutatu hwakatevedzena. Katina akaratidza nemhinduro dzomuBhaibheri dzakanyatsogadzirirwa kuti zvose zvaifungirwa nomupristi dzaiva nhema. Pakupedzisira, mupristi wacho akamuudza kuti sezvo akanga ari musikana akanaka, akangwara, aifanira kunakidzwa nouduku hwake achiri kukwanisa ozofunga nezvaMwari paaizokura.

Vabereki vangu handina kuvaudza nezvekurukurirano iyoyo, asi musi weSvondo wakatevera, handina kuenda kuchechi. Masikati, mupristi akananga kuchitoro chedu. Ndakataura kuti ndakanga ndisina kuuya kuchechi nokuti ndaifanira kusara mushopu ndichibatsira Baba.

“Ndicho chikonzero chacho here chaizvo, kana kuti musikana uya akakufurira?” mupristi akandibvunza.

“Vanhu ava vane zvitendero zviri nani kupfuura zvatinazvo,” ndakadaro ndisingapotereri.

Achitaura nababa vangu, mupristi akati: “VaEconomos, kurumidzai kudzinga hama yenyu; yava kuda kuparadza imba yenyu.”

Mhuri Yangu Inondimukira

Izvi zvakaitika ma1940 ava kunopera apo Greece yakanga ichitambura kwazvo nehondo yevagari vemo. Vachitya kuti magandanga anganditora, Baba vakaronga kuti ndibve mumusha uyu ndoenda kumba kwomukoma wangu mumusha waigara Katina. Kwemwedzi miviri yandakagarako, ndakabatsirwa kunzwisisa zvinotaura Bhaibheri panyaya dzinoverengeka. Ndakaora mwoyo kuona kuti dzakawanda dzedzidziso dzeChechi yeOrthodox hadzisi muMagwaro. Ndakaziva kuti Mwari haadi kuti timunamate tichishandisa mifananidzo, kuti tsika dzechitendero dzakasiyana-siyana—dzakadai sokuremekedzwa kwomuchinjikwa—hadzina kutangira muchiKristu, uye kuti munhu anofanira kunamata Mwari “nomudzimu nechokwadi” kuti amufadze. (Johani 4:23; Eksodho 20:4, 5) Kupfuura zvose, ndakadzidza kuti Bhaibheri rinopa tariro yakajeka youpenyu husingaperi pasi pano! Chokwadi cheBhaibheri chakadaro chaiva pakati pezvikomborero zvokutanga zvakabva kuna Jehovha.

Panguva iyi, mukoma wangu nomurume wake vakaona kuti ndakanga ndisingaiti chiratidzo chomuchinjikwa panguva yokudya, uye ndakanga ndisinganyengeteri pamberi pemifananidzo yechitendero. Mamwe manheru, vose vakandirova. Zuva rakatevera racho ndakafunga kubva pamba pavo, uye ndakaenda kumba kwamainini vangu. Murume womukoma wangu akaudza baba vangu. Nguva pfupi pashure pacho Baba vakauya vachichema uye vakaedza kuchinja pfungwa dzangu. Murume womukoma wangu akapfugama pamberi pangu, achikumbira kuti ndimuregerere, uye ndakamuregerera. Kuti nyaya yacho ipere, vakandikumbira kudzoka kuchechi, asi ndakaramba zvakasimba.

Pandakadzoka kumusha kwaigara Baba, zvinhu zvakaramba zvichioma. Ndakanga ndisina nzira yokutaurirana naKatina, uye ndakanga ndisina bhuku rokuverenga, kunyange Bhaibheri. Ndakafara kwazvo apo mumwe womukoma wangu wokwababamukuru akaedza kundibatsira. Paakaenda kuCorinth, akawana chimwe Chapupu ndokudzoka nebhuku rinonzi “Mwari Ngaave Wezvokwadi” nekopi yeBhaibheri reMagwaro echiKristu echiGiriki, zvandakatanga kuverenga pachivande.

Upenyu Hunochinja Zvisingatarisirwi

Ndakaramba ndichishorwa zvakasimba kwemakore matatu. Hapana chapupu chandakaonana nacho, uye hapana kana bhuku randaigona kugamuchira. Zvisinei, ndisingazivi, zvinhu zvikuru zvakanga zvava kuda kuitika muupenyu hwangu.

Baba vakandiudza kuti ndaifanira kuenda kuna sekuru vangu kuThessalonica. Ndisati ndaenda kuThessalonica, ndakaenda kune imwe shopu yokusona muCorinth kunosonesa bhachi. Ndakashamisika sei kuona kuti ndiko kwaishanda Katina! Takafara kuonana pashure penguva yakareba zvakadaro. Patakanga tava kubuda muchitoro chacho tiri vaviri, takasangana nerimwe jaya rakanga rakasununguka kwazvo richienda kumba richibva kubasa, rakatasva bhasikoro. Zita rake rainzi Charalambos. Patakanga tava kuzivana, takaronga kuti taizoroorana. Paivawo panenge panguva iyoyi, musi waJanuary 9, 1952, pandakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha nokubhabhatidzwa.

Charalambos akanga abhabhatidzwa kare. Iyewo aishorwa nemhuri yake. Charalambos aishingaira zvikuru. Aishanda somubatsiri womuranda weungano uye aiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda. Nokukurumidza, vakoma vake vakagamuchira chokwadi, uye nhasi vakawanda vomumhuri dzavo vanoshumirawo Jehovha.

Baba vangu vaida Charalambos zvechokwadi, saka vakabvuma kuti tiroorane, asi zvakanga zvisiri nyore kuita kuti Amai vamufarire. Pasinei nezvose izvi, ini naCharalambos takaroorana musi waMarch 29, 1952. Hanzvadzi yangu huru neimwe hanzvadzi yangu yokwababamukuru ndivo chete vakauya kumuchato wacho. Panguva iyoyo handina kuziva kuti Charalambos aizova chikomborero chisingamboenzaniswi—chipo chechokwadi chinobva kuna Jehovha! Seshamwari yake, ndakakwanisa kuvakira upenyu hwangu pabasa raJehovha.

Kusimbisa Hama Dzedu

Muna 1953, ini naCharalambos takafunga zvokutamira kuAthens. Tichida kuita zvakawanda mubasa rokuparidza, Charalambos akasiya bhizimisi remhuri yake ndokutsvaka basa rokupota achishanda. Taiswera tiri muushumiri hwechiKristu pamwe chete uye taiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda.

Nemhaka yokuti ushumiri hwedu hwakanga husingatenderwi pamutemo, taifanira kufunga mazano anoshanda. Somuenzaniso, takafunga kuisa magazini yeNharireyomurindi pawindo rechitoro kana kuti musika wokutengesera pakati peAthens, kwaipota kuchishanda murume wangu. Mumwe mupurisa aiva nechinzvimbo chepamusoro akatiudza kuti magazini yacho yakanga yarambidzwa. Zvisinei, akabvunza kana aikwanisa kutora magazini imwe onobvunza nezvayo kuhofisi yemapurisa. Pavakamuudza kuti magazini yacho yakanga iri yepamutemo, akadzoka kuzotiudza. Pakangonzwa dzimwe hama dzaiva nezvitoro nezvazvo, naidzowo dzakatanga kuisa magazini eNharireyomurindi pamawindo ezvitoro zvavo. Mumwe murume akawana Nharireyomurindi pachitoro chedu, akava Chapupu, uye zvino ari kushanda somukuru.

Takafarawo kuona hanzvadzi yangu yokupedzisira ichidzidza chokwadi. Akanga auya kuAthens kuzodzidza pakoreji yezvikepe zvokutengesa, uye takaenda naye kukokorodzano. Kokorodzano dzedu dzaiitwa pachivande mumasango. Akafarira zvaakanzwa, asi nokukurumidza pashure pacho akatanga kufamba nebasa. Pane rumwe rwendo rwake, akasvika pachiteshi chengarava kuArgentina. Ikoko mumwe mumishinari akakwira ngarava yacho kuti aparidzemo, uye hanzvadzi yangu yakabvunza nezvemagazini edu. Takafara zvikuru patakagamuchira tsamba yake yaiti: “Ndawana chokwadi. Ndirongerei kuti nditumirwe magazini.” Nhasi, iye nemhuri yake vari kushumira Jehovha vakatendeka.

Muna 1958 murume wangu akakumbirwa kushanda somutariri anofambira. Sezvo basa redu rakanga risingatenderwi uye zvinhu zvakanga zvakaoma zvikuru, vatariri vanofambira vaiwanzoshanda vasina vadzimai vavo. Muna October 1959, takabvunza hama dzaiva nomutoro pahofisi yebazi kana ndaigona kuenda naye. Vakabvuma. Taifanira kushanyira ungano dzaiva pakati nokuchamhembe kweGreece tichidzisimbisa.

Nzendo idzodzo dzakanga dzisiri nyore. Migwagwa yakagadzirwa zvakanaka yakanga iri mishoma uye iri kure nokure. Sezvo takanga tisina motokari, taiwanzofamba nezvifambiso zvavose kana tumarori, pamwe chete nehuku kana zvimwe zvaitengeswa. Taipfeka majombo kuitira kuti tifambe mumigwagwa yaiva nemadhaka. Sezvo mumusha mumwe nomumwe maiva nemasoja anorinda, taifanira kupinda mumisha yacho usiku kuti tisazobvunzurudzwa.

Hama dzaionga zvikuru kushanya uku. Kunyange zvazvo vakawanda vavo vaishanda zvakasimba muminda yavo, vaiita zvose zvavaikwanisa kuti vapinde misangano yaiitwa usiku-siku mumisha yakasiyana-siyana. Hama dzacho dzaivawo nomutsa zvikuru uye dzaitipa zvakanakisisa zvadzaiva nazvo, kunyange dzaiva nezvishoma kwazvo. Dzimwe nguva tairara nemhuri yose mukamuri rimwe. Kutenda, kutsungirira, nokushingaira kwehama zvakava chimwe chikomborero chatakawana.

Kuwedzera Basa Redu

Muna February 1961, pataishanyira hofisi yebazi muAthens, takabvunzwa kana taizoda kushanda paBheteri. Takapindura nemashoko aIsaya anoti: “Ndiri pano ini, nditumei.” (Isaya 6:8) Mwedzi miviri gare gare, takagamuchira tsamba yaitirayira kuti tiuye kuBheteri nokukurumidza sezvaibvira. Saka musi waMay 27, 1961, takatanga kushanda paBheteri.

Takafarira basa redu idzva zvikuru, uye takakurumidza kugadzikana. Murume wangu akashanda mudhipatimendi reBasa neroKuzvinyoresa, uye gare gare akashanda kwechinguva muDare Rebazi. Ndaiva nemabasa akasiyana-siyana mudhipatimendi rinotarisira musha weBheteri. Panguva iyoyo paiva nenhengo 18 mumhuri yacho, asi kwemakore anoda kusvika mashanu, kwaiva nevanhu vanenge 40 nokuti chikoro chevakuru chakanga chichiitirwa paBheteri. Mumangwanani, ndaigeza ndiro, ndaibatsira mubiki, ndaiwaridza mibhedha 12, uye ndaigadzira tafura dzokudyira masikati. Mumasikati, ndaichisa hembe nokuchenesa zvimbudzi uye makamuri. Kamwe chete pavhiki ndaishandawo basa rokugeza mbatya. Paiva nebasa rakawanda, asi ndaifara kuti ndaikwanisa kubatsira.

Taigara takabatikana mumabasa edu epaBheteri uyewo mubasa romumunda. Kakawanda taiitisa zvidzidzo zveBhaibheri zvaisvika zvinomwe. Pakupera kwevhiki, ndaienda naCharalambos sezvaainopa hurukuro kuungano dzakasiyana-siyana. Takanga tisingasiyani.

Taiitisa mumwe murume nomudzimai wake chidzidzo cheBhaibheri avo vaishingaira chaizvo muChechi yeGreek Orthodox uye vaiva shamwari dzomufundisi aitungamirira sangano raitsvaka vapanduki muchechi yacho. Mumba mavo, vaiva nekamuri rakanga rakazara mifananidzo, maigara muchipiswa rusenzi uye nziyo dzeOrthodox dzairidzwa zuva rose. Kwenguva yakati, taivashanyira misi yeChina kuzodzidza navo Bhaibheri, uye shamwari yavo yaiva mufundisi yaivashanyira misi yeChishanu. Rimwe zuva vakatikumbira kuti tisambokundikana kuuya kumba kwavo nokuti pane zvavaida kutiratidza. Chinhu chokutanga chavakatiratidza raiva kamuri riya. Vakanga varasa mifananidzo iya yose uye vagadzirisa kamuri iri. Vaviri ava vakaramba vachifambira mberi uye vakabhabhatidzwa. Tichiverenga vose, takafara kuona vanhu vanenge 50 pane vatakadzidzisa Bhaibheri vachitsaurira upenyu hwavo kuna Jehovha nobhabhatidzwa.

Kusonganirana nehama dzakazodzwa chaiva chimwe chikomborero chinokosha chandakava nacho. Kushanya kwenhengo dzeDare Rinodzora, dzakadai saHama Knorr, Franz, uye Henschel, kwaikurudzira zvikuru. Pashure pemakore anopfuura 40, ndichiri kufunga kuti kushanda paBheteri kukudzwa kukuru uye iropafadzo.

Kutsungirira Kurwarirwa Uye Kurasikirwa

Muna 1982 murume wangu akatanga kuva nezviratidzo zvechirwere cheAlzheimer. Pakazosvika 1990 utano hwake hwakanga hwaderera, uye pakupedzisira aida kuramba achitarisirwa. Mumakore masere okupedzisira oupenyu hwake, taisagona kubva paBheteri zvachose. Hama dzinodiwa dzakawanda mumhuri yeBheteri, pamwe chete nevatariri vane mitoro, vakaita urongwa hwokutibatsira. Zvisinei, pasinei nokuyamura kwavo ndaifanira kupedza maawa akawanda masikati nousiku ndichimutarisira. Dzimwe nguva zvinhu zvaioma zvakanyanya, uye ndaiva nousiku hwakawanda hwandakanga ndisingarari.

Muna July 1998 murume wangu akafa. Kunyange ndichinzwa kurasikirwa naye zvikuru, ndinonyaradzwa nokuti ari mumaoko aJehovha, uye ndinoziva kuti Jehovha achamuyeuka pamwe chete nemamwe mamiriyoni murumuko.—Johani 5:28, 29.

Kufara Nezvikomborero zvaJehovha

Kunyange zvazvo ndakarasikirwa nomurume wangu, handisi ndoga. Ndichine ropafadzo yokushanda paBheteri, uye ndinofara norudo nehanya zvemhuri yose yeBheteri. Mhuri yangu huru inosanganisirawo hama nehanzvadzi dzomudzimu dzomuGreece yose. Kunyange zvazvo ndava nemakore anopfuura 70, ndichiri kukwanisa kushanda mazuva akazara mukicheni nomumba yokudyira.

Muna 1999 chishuvo chandaiva nacho muupenyu chakaitika pandakashanyira dzimbahwe repasi pose reZvapupu zvaJehovha muNew York. Handigoni kutsanangura manzwiro andakaita. Chaiva chiitiko chinokurudzira uye chisingakanganwiki.

Sezvandinotarira shure, ndinonyatsodavira kuti hapana imwezve nzira iri nani yandingadai ndakashandisa nayo upenyu hwangu. Basa rakanakisisa iro munhu upi noupi anogona kuva naro nderokushumira Jehovha nguva yakazara. Ndinogona kutaura nechivimbo kuti handina kubvira ndamboshaya chinhu. Jehovha akanditarisira nomurume wangu norudo zvose kumudzimu nokunyama. Kubva pane zvakaitika kwandiri, ndinonzwisisa chikonzero nei munyori wepisarema akabvunza kuti: “Ndichavigireiko Jehovha pamusoro pemikomborero yake yose kwandiri?”—Pisarema 116:12.

[Mufananidzo uri papeji 26]

Ini naCharalambos taisambosiyana

[Mufananidzo uri papeji 27]

Murume wangu ari muhofisi yake pabazi

[Mufananidzo uri papeji 28]

Ndinonzwa kuti basa repaBheteri rukudzo rukuru