Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Purogiramu Yeterevhizheni Yakamuita Kuti Arumbidze Mwari

Purogiramu Yeterevhizheni Yakamuita Kuti Arumbidze Mwari

Mushumo Wevazivisi voUmambo

Purogiramu Yeterevhizheni Yakamuita Kuti Arumbidze Mwari

MUAPOSTORA Pauro akati “vamwe vari kuparidza Kristu neshanje nemakwikwi, asi vamwewo nechido.” (VaFiripi 1:15) Pane dzimwe nguva, kunyange vaya vanoedza kukanganisa mukurumbira wevanhu vaJehovha, mukusaziva vakaita kuti vanhu vane mwoyo wakanaka vafarire chokwadi.

Muna November 1998, imwe purogiramu yairatidza mifananidzo yeBheteri, zvivako zvebazi reZvapupu zvaJehovha muLouviers, France, yakabuda paterevhizheni yenyika yeFrance. Pasinei nokuti vanhu vakanzwa nenzira dzakasiyana-siyana pamusoro payo, purogiramu yacho yakava nemigumisiro yakanaka munzira dzaisatarisirwa.

Anna-Paula, uyo aigara makiromita 60 chete kubva paBheteri, ndomumwe wevakaona purogiramu yacho. Anna-Paula, amai vakarambwa vane vana vaviri, akanga achitsvaka basa. Saka mangwanani akatevera acho, akafona kuBheteri achitsvaka basa ikoko. “Ndakava nepfungwa yokuti yaiva nzvimbo yakanaka uye kuti basa raiitwa ikoko raibatsira,” akadaro. Akashamiswa zvikuru kuziva kuti vose vanoshanda paBheteri vashumiri vanozvipira nguva yavo! Pashure pokukurukurirana kupfupi maererano nemabasa eZvapupu zvaJehovha, akabvuma kuti chimwe Chapupu chimushanyire.

Apo Léna, mushumiri wenguva yakazara muungano yomunharaunda yacho akashanya, vakakurukurirana kwenguva yakareba, uye Anna-Paula akagamuchira bhuku rinonzi Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. * Paakazoshanyazve, Anna-Paula akanga atoverenga bhuku racho kubva kubutiro kusvika kubutiro uye akanga ane mibvunzo yakawanda. Akabva angobvuma kudzidza Bhaibheri. Anna-Paula akati: “Kwandiri, waiva mukana wokuwana Shoko raMwari. Ndakanga ndisati ndambobata Bhaibheri mumaoko angu.”

Muna January, Anna-Paula akashanya kuBheteri, uye vhiki yakatevera yacho akapinda musangano wake wechiKristu wokutanga. Munguva pfupi yakatevera, akatanga kudzidza Bhaibheri nevana vake uye kupupurira shamwari dzake. “Ndaisagona kuvanzira vamwe zvandakanga ndiri kudzidza,” anodaro. “Ndaida kuudza vanhu chokwadi cheBhaibheri uye kuvanyaradza.” Pashure pokutamburira kukurira zvinetso zvake zvakawanda, Anna-Paula akatanga kupinda misangano nguva dzose. Akakurumidza kufambira mberi ndokubhabhatidzwa musi waMay 5, 2002.

Uyezve, somugumisiro womuenzaniso wakanaka kwazvo uye kushingaira kuparidza kwaAnna-Paula, amai vake vakatanga kudzidza Bhaibheri uye vakabhabhatidzwa munguva pfupi yakatevera. “Handigoni kutsanangura mufaro wandinawo nemashoko,” anodaro Anna-Paula. “Ndinoonga Jehovha zuva nezuva nokuita kuti ndimuzive uye nokuda kwezvikomborero zvose zvaakandipa.”

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mifananidzo iri papeji 8]

Pamusoro: Anna-Paula

Pazasi: Musuo wokupinda pahofisi yebazi reFrance