Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Vakagadzirira Basa Rose Rakanaka”

“Vakagadzirira Basa Rose Rakanaka”

“Vakagadzirira Basa Rose Rakanaka”

“RAMBA uchivayeuchidza kuti vave vanozviisa pasi uye kuti vave vanoteerera hurumende nevane simba sevatongi, kuti vave vakagadzirira basa rose rakanaka.” (Tito 3:1) Ibasa ripi rakanaka raifungwa nomuapostora Pauro paakanyora mashoko iwayo kune vaainamata navo? Nyanzvi yeBhaibheri E. F. Scott akataura nezverimwe basa rakanaka, achiti: “VaKristu vaisangofanira kuteerera vane simba chete, asi vaifanira kuva vakagadzirira basa rose rakanaka. . . . Pose pazvakanga zvakafanira, vaKristu vaifanira kuva pakati pevokutanga mukuratidza chido chokubatsira vamwe munzanga. Nguva nenguva kwaizova nenzvimbo dzinotsva nomoto, zvirwere, matambudziko akasiyana-siyana, apo vagari vakanaka vose vomunzvimbo macho vaizoda kubatsira vavakidzani vavo.”

VaKristu vanoita mamwe mabasa akanakira vanhu vose chero bedzi mabasa acho asingapesani nemitemo yaMwari. (Mabasa 5:29) Somuenzaniso, ichitevera zvakarayirwa nedhipatimendi rokudzima moto romuguta racho, hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha muJapan, iri kuEbina, inoita chirongwa chokuedzesera kudzima nokutiza moto gore negore. Pazviitiko zvakadaro, nhengo dzose dzemhuri yeBheteri dzinoungana kuti dziteerere mirayiridzo inopiwa nomushandi wedhipatimendi rokudzima moto muguta racho.

Kuwedzera kune izvi, kwemakore anopfuura gumi, hofisi yebazi yave ichishandira pamwe nevakuru vakuru vomuguta racho vachida kukurudzira ruzivo rwokudzivirira moto. Pashoo yacho, makambani omuguta racho anoratidza kugadzirira kwawo kurwisa moto nokudzivisa moto. Bazi iri rave richiwanzopiwa menduru dzounyanzvi nokushandira pamwe kwevashandi varo. Muna 2001, vakapiwa mubayiro wokutanga wokuratidza izvi. Vakagadzirira kuita basa rakanaka rinogona kuponesa upenyu kana paita moto.

Basa Rinokosha

Zvisinei, Zvapupu zvaJehovha zvinofarira rudzi runokosha zvikuru rwebasa rakanaka, iro rinoponesawo upenyu. Zvinogara zvichishanyira vavakidzani vazvo kuti zvivaudze mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mateu 24:14) Zvapupu zvinokurudzira vanhu kudzidza nokushandisa zviri muBhaibheri muupenyu hwavo kuti vaite kuti upenyu hwavo huve nani iye zvino vova netariro youpenyu husingaperi munyika umo rugare rwechokwadi nokuchengeteka zvinenge zvizere.

Vamwe vangasaona kukosha kwebasa rinoitwa neZvapupu zvaJehovha, vachizviona sezvinonetsa. Zvisinei, Mutongi Jean Crepeau weDare Repamusorosoro reQuebec muCanada aiva nepfungwa dzakasiyana neidzi. Zvapupu zvaJehovha ikoko zvakanga zvapikisa mumwe mutemo muduku weguta reBlainville, Quebec, waida kuti vave netsamba inovatendera kushanya pasuo nesuo. Muchisarudzo chakaitwa nedare, Mutongi Crepeau akati: “Kushanya kunoitwa neZvapupu zvaJehovha ibasa rechiKristu romunharaunda uye . . . mabhuku anogoverwa neZvapupu kuvanhu vanofarira vanogara muno mabhuku anokosha, anotaura nhau dzakadai sechitendero, Bhaibheri, zvinodhaka, udhakwa, dzidzo yevechiduku, zvinetso zvemichato uye kurambana.” Chisarudzo chacho chakaenderera mberi chichiti: “Dare rinongogona kutaura kuti kuenzanisa Zvapupu zvaJehovha nevatengesi kutuka, kushora, kunokuvadza, uye kunozvidzisa.”

Zvapupu zvaJehovha zvinobatsira kuti vanhu vagare zvakanaka munharaunda mazvinogara nokuvabatsira kukunda zvinetso muupenyu hwavo hwezuva nezuva nokuvaunzira tariro yenguva yemberi. Bhaibheri rinovashongedzera kuita basa iroro. “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama, kuti munhu waMwari ave anokwanisa kwazvo, akashongedzerwa zvakakwana basa rose rakanaka.”—2 Timoti 3:16, 17.

Ungada kuziva here kuti Zvapupu zvaJehovha zvinova sei ‘zvakagadzirira basa rose rakanaka’? Tinokukurudzira kubvuma kubatsirwa nazvo kudzidza zvakawanda nezveBhaibheri uye nokudaro wobatsirwa nebasa iri rinokosha ravanoitira vanhu munharaunda yako uye pasi pose.

[Mifananidzo iri papeji 30, 31]

Zvapupu zvaJehovha zvinovavarira kushandira pamwe nevakuru vakuru vomunharaunda

[Mufananidzo uri papeji 31]

Zvapupu zvinozivikanwa nokubatsira vavakidzani vazvo