Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Iva Akagadzirira Zuva raJehovha

Iva Akagadzirira Zuva raJehovha

Iva Akagadzirira Zuva raJehovha

“Ivai vakagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu anouya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.”—MATEU 24:44.

1. Nei tichifanira kufungisisa nezvezuva raJehovha?

RICHAVA zuva rokurwa nerokutsamwa, rokutambudzika nerokurwadziwa, rerima nerokuparadza. ‘Zuva guru nerinotyisa’ raJehovha richauya chete panyika ino yakaipa, sokungonyudza kwakaita Mafashamo nyika yakaipa yomuzuva raNoa. Harinzvengeki. Asi, “ani naani unodana zita raJehovha ucharwirwa.” (Joere 2:30-32; Amosi 5:18-20) Mwari achaparadza vavengi vake oponesa vanhu vake. Aine pfungwa yokukurumidzira, muprofita Zefania anozivisa kuti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo, rava pedyo, rinokurumidza kwazvo.” (Zefania 1:14) Zvisinei, kutonga kwaMwari uku kuchaitika rini?

2, 3. Nei zvichikosha kuti tizvigadzirire nokuda kwezuva raJehovha?

2 “Hapana munhu anoziva pamusoro pezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba bedzi,” akadaro Jesu. (Mateu 24:36) Sezvo tisingazivi nguva chaiyo, zvinokosha kuti titeerere mashoko orugwaro rwedu rwegore ra2004 anoti: “Rambai makarinda . . . Ivai vakagadzirira.”—Mateu 24:42, 44.

3 Achiratidza kuti vaya vakagadzirira vachaunganidzwa sei kamwe kamwe kuti vave vakachengeteka nepo vamwe vachasiyiwa, Jesu akati: “Varume vaviri vachava mumunda: mumwe achaendwa naye uye mumwe achasiyiwa; vakadzi vaviri vachave vachikuya paguyo rimwe: mumwe achaendwa naye uye mumwe achasiyiwa.” (Mateu 24:40, 41) Panguva iyoyo yakaoma, tichange tiri papi somunhu mumwe nomumwe? Tichange takagadzirira here, kana kuti zuva iroro richatiwana takatorivara zvedu? Zvakawanda zvinobva pane zvatinoita iye zvino. Kuti tive vakagadzirira zuva raJehovha zvinoda kuti tirege mamwe mafungiro akatekeshera nhasi, zvinoda kuti tirege kuwira mune mamwe manamatiro, uye tirege mamwe mararamiro.

Usavarairwa

4. Vanhu vomuzuva raNoa vaiva nemafungiro akadini?

4 Funga nezvemazuva aNoa. “Nokutenda Noa, akati anyeverwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaonekwa, akaratidza kutya Mwari akavaka areka kuti aponese imba yake,” rinodaro Bhaibheri. (VaHebheru 11:7) Areka yacho yaizova chinhu chitsva uye chinonyatsooneka. Uyezve, Noa aiva “muparidzi wokururama.” (2 Petro 2:5) Kuvaka kwakaita Noa areka kana kuti kuparidza kwake zvose hazvina kuita kuti vanhu vomuzuva rake vachinje. Nei? Nokuti vakanga “vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa.” Vaya vakaparidzirwa naNoa vakanga vakanyura zvikuru mukuita zvinhu zvavo pachavo uye mumafaro zvokuti “havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.”—Mateu 24:38, 39.

5. Vagari veSodhomu vaiva nemafungiroi muzuva raRoti?

5 Zvaiva zvimwe chete mumazuva aRoti. Magwaro anotiudza kuti: “Vakanga vachidya, vakanga vachinwa, vakanga vachitenga, vakanga vachitengesa, vakanga vachidyara, vakanga vachivaka. Asi pazuva rakabuda Roti muSodhomu kwakanaya moto nesarufa zvichibva kudenga zvikavaparadza vose.” (Ruka 17:28, 29) Ngirozi dzanyevera Roti nezvokuparadza kwakanga kwava kusvika, akataurira vakuwasha vake zvakanga zvichizouya. Kunyange zvakadaro mumaziso avo, vaimuona somunhu “unoita hake musere.”—Genesi 19:14.

6. Tinofanira kurega kuva vakadini?

6 Sezvazvaiva zvakaita mumazuva aNoa naRoti, ndizvo zvaizoita “kuvapo kwoMwanakomana womunhu,” akadaro Jesu. (Mateu 24:39; Ruka 17:30) Chokwadi, vakawanda vatinoona nhasi vakavarairwa. Tinofanira kungwarira kusakanganiswa naizvozvo. Hapana chakaipa nokudya zvokudya zvakanaka uye nokunwa doro zvine mwero. Saizvozvowo, kuroorana urongwa hwaMwari. Zvisinei, kana zvinhu izvozvo zvava kunyanya kukosha muupenyu hwedu uye zvinhu zvokunamata zvasundirwa parutivi, somunhu mumwe nomumwe tichiri vakagadzirira zuva raJehovha rinotyisa here?

7. Mubvunzoi unokosha watinofanira kubvunza tisati taita chinhu chipi nechipi, uye nei?

7 “Nguva yasara ipfupi,” akadaro muapostora Pauro. “Kubvira zvino vane vakadzi ngavave sevasina.” (1 VaKorinde 7:29-31) Nguva shomanana chete ndiyo yasara kuti tipedzise basa redu rokuparidza Umambo ratakapiwa naMwari. (Mateu 24:14) Pauro akarayira kunyange vaya vakaroorana kuti varege kunyanya kunyura mukuratidzana rudo zvokuti vanoisa zvinhu zvoUmambo panzvimbo yechipiri muupenyu hwavo. Zvakajeka kuti mafungiro airumbidzwa naPauro anopesana nokuvarairwa. Jesu akati: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwa[Mwari].” (Mateu 6:33) Pakusarudza chero chii zvacho, kana kuti usati waita chinhu chipi nechipi, zvinokosha kuzvibvunza kuti, ‘Izvi zvichava nechii chokuita nokuramba kwangu ndichiisa zvinhu zvoUmambo pakutanga muupenyu hwangu?’

8. Kana tanyanya kunyura muzvinhu zvemazuva ose zvoupenyu, tinofanira kuitei?

8 Zvakadini kana tikaziva kuti tatonyura muzvinhu zvemazuva ose zvoupenyu kusvika pamwero wokuti zvinhu zvokunamata zvava kutsvikinyidzirwa kunze? Panongova nekamusiyano kaduku here pakati pemararamiro edu neayo evavakidzani vedu vasina zivo yakarurama yeMagwaro uye vasiri vazivisi voUmambo? Kana zvakadaro, ipapo tinofanira kunyengeterera nhau yacho. Jehovha anogona kutibatsira kuva nemafungiro akanaka. (VaRoma 15:5; VaFiripi 3:15) Anogona kutibatsira kuramba tichiisa zvinhu zvoUmambo pakutanga, tichiita zvakarurama, uye tichizadzika mutoro wedu kwaari.—VaRoma 12:2; 2 VaKorinde 13:7.

Usatsimwaira Mune Zvokunamata

9. Maererano naZvakazarurwa 16:14-16, nei zvichikosha kudzivisa kutsimwaira mune zvokunamata?

9 Uprofita uhwu hunotaura nezve“hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose” iri kuuya paAmagedhoni, hunonyevera kuti vamwe vangasaramba vakamuka. “Tarira! Ndiri kuuya sembavha,” anodaro Ishe Jesu Kristu. “Anofara ndiye anoramba akamuka uye anochengeta nguo dzake dzokunze, kuti arege kufamba asina kupfeka vanhu vatarire nyadzi dzake.” (Zvakazarurwa 16:14-16) Nguo dzokunze dzinotaurwa pano dzinoreva zvinotiratidza kuti tiri Zvapupu zvaJehovha zvechiKristu. Izvi zvinosanganisira basa redu sevazivisi voUmambo uye mufambiro wedu wechiKristu. Kana tikava vasingaiti basa zvishoma nezvishoma ndokuita setava kurara, tingapfekenurwa chiratidzo chedu chechiKristu. Izvozvo zvinonyadzisa uye zvine ngozi. Tinofanira kudzivisa kutsimwaira mune zvokunamata kana kuti kuneta. Tingadzivisa sei mafungiro akadaro?

10. Nei kuverenga Bhaibheri zuva nezuva kuchitibatsira kuramba takamuka mune zvokunamata?

10 Bhaibheri rinoramba richisimbisa kudiwa kwokuramba takamuka uye takasvinura. Somuenzaniso, nhoroondo dzeEvhangeri dzinotiyeuchidza kuti: “Rambai makarinda” (Mateu 24:42; 25:13; Mako 13:35, 37); “ivai vakagadzirira” (Mateu 24:44); “rambai muchitarira, rambai makamuka” (Mako 13:33); “rambai makagadzirira” (Ruka 12:40). Ataura kuti zuva raJehovha richauya panyika ino risingatarisirwi, muapostora Pauro anokurudzira hama dzake achiti: “Ngatirege kuramba takarara sezvinoita vamwe vose, asi ngatirambei takamuka, takasvinura.” (1 VaTesaronika 5:6) Mubhuku rokupedzisira reBhaibheri, Kristu Jesu akapiwa mbiri anosimbisa kuuya kwake kwekamwe kamwe, achiti: “Ndiri kuuya nokukurumidza.” (Zvakazarurwa 3:11; 22:7, 12, 20) Vakawanda vevaprofita vechiHebheru vakarondedzerawo nokunyevera nezvezuva guru raJehovha rokutonga. (Isaya 2:12, 17; Jeremia 30:7; Joere 2:11; Zefania 3:8) Kuverenga Shoko raMwari, Bhaibheri, zuva nezuva uye kufungisisa zvatinoverenga kunotibatsira zvikuru kuramba takamuka mune zvokunamata.

11. Nei kudzidza tiri toga kuchikosha kuti tirambe takamuka mune zvokunamata?

11 Chokwadi, kushingaira kudzidza tiri toga Magwaro tichishandisa mabhuku eBhaibheri akapiwa no“muranda akatendeka, akangwara” kunotikurudzira zvikuru kumuka mune zvokunamata! (Mateu 24:45-47) Zvisinei, kuti kudzidza tiri toga kubatsire, kunofanira kuramba kuchifambira mberi uye kuchiitwa nguva dzose. (VaHebheru 5:14–6:3) Tinofanira kugara tichidya zvokudya zvomudzimu zvikukutu. Kuwana nguva yokudaro mazuva ano zvakaoma. (VaEfeso 5:15, 16) Zvisinei, kuverenga Bhaibheri nemabhuku eBhaibheri pazvinenge zvakakodzera chete hazvina kukwana. Kudzidza tiri toga nguva dzose kunokosha kana tichizoramba tiine “utano mukutenda” toramba takamuka.—Tito 1:13.

12. Misangano yechiKristu, magungano, nekokorodzano zvinotibatsira sei kurwisa kutsimwaira mune zvokunamata?

12 Misangano yechiKristu, magungano, nekokorodzano zvinotibatsirawo kurwisa kutsimwaira mune zvokunamata. Sei? Kuburikidza nemirayiridzo yatinowana. Pakuungana uku, hatigari tichiyeuchidzwa nezvokuva pedyo kwezuva raJehovha here? Misangano yechiKristu yevhiki nevhiki inopawo mikana yoku‘kurudzirana kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo.’ Kukurudzirana kwakadaro, kana kuti kumutsana, kunobatsira kuti munhu arambe akamuka mune zvokunamata. Hazvishamisi kuti tinorayirwa kuungana nguva dzose sezvati“noona zuva richiswedera pedyo.”—VaHebheru 10:24, 25.

13. Ushumiri hwechiKristu hunotibatsira sei kuramba takamuka mune zvokunamata?

13 Tinobatsirwawo kuramba takamuka patinoshanda nomwoyo wose muushumiri hwechiKristu. Inzira dzipi dziri nani dziripo dzokuti tirambe tichifunga zviratidzo zvenguva nezvazvinoreva dzingapfuura kuudza vamwe nezvazvo? Uye patinoona vaya vatinodzidza navo Bhaibheri vachifambira mberi uye vachitanga kuita chimwe chinhu pane zvavari kudzidza, pfungwa yedu pachedu yokukurumidzira inokwidziridzwa. “Sungai pfungwa dzenyu nokuda kwebasa,” akadaro muapostora Petro, “nyatsosvinurirai.” (1 Petro 1:13) Ku“garova nezvakawanda zvokuita mubasa raShe,” ndiwo mushonga wakanaka kwazvo wokurega kuneta mune zvokunamata.—1 VaKorinde 15:58.

Ramba Mararamiro Anokuvadza Mune Zvokunamata

14. Sezvinorondedzerwa pana Ruka 21:34-36, Jesu akanyevera pamusoro pemararamiro api?

14 Muuprofita hwake hukuru pamusoro pechiratidzo chokuvapo kwake, Jesu akapazve imwe nyevero. Akati: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu isambova inoremerwa nokudyisa nokunwisa nokufunganya zvoupenyu, uye kamwe kamwe zuva iroro rikusvikirei pakarepo seriva. Nokuti richauya pana avo vose vanogara pamusoro pepasi rose. Ipapo, rambai makamuka, muchigaroteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye pakumira pamberi peMwanakomana womunhu.” (Ruka 21:34-36) Jesu akarondedzera zvakarurama mararamiro anoitwa nevanhu vazhinji: kudyisa, kudhakwa, uye nzira youpenyu inokonzera kufunganya.

15. Nei tichifanira kurega kudyisa uye kunyanya kunwa doro?

15 Kudyisa nokunyanya kunwa doro hazviwirirani nenhungamiro yeBhaibheri uye zvinofanira kuregwa. “Usava pakati pavanokarira waini, pakati pavanokarira nyama,” rinodaro Bhaibheri. (Zvirevo 23:20) Zvisinei, kudya nokunwa doro hakufaniri kusvika pamwero wakadaro, nokuti kunova nengozi. Kungaita kuti munhu atsimwaire uye ave simbe asati atanga kudaro. “Mweya wesimbe unopanga,” chinodaro chirevo cheBhaibheri, “asi unoshayiwa.” (Zvirevo 13:4) Munhu akadaro angada kuita zvinodiwa naMwari, asi chido chake chinoramba chisina kuzadzika nokuda kwokuregeredza.

16. Tingarega sei kuva vanoremerwa nokufunganya nezvemhuri yedu?

16 Jesu akanyevera nezvokufunganya zvinhu zvipi zvoupenyu? Zvinosanganisira zvinotinetsa somunhu mumwe nomumwe, kutarisira mhuri, nezvimwewo. Kusachenjera kwakadini kurega izvi zvichitiremera! “Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubiti rimwe paurefu hwoupenyu hwake nokufunganya?” Jesu akabvunza kudaro. Akarayira vateereri vake kuti: “Musambofunganya muchiti: ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinorondwa nemarudzi nemwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.” Kuisa zvinhu zvoUmambo pakutanga muupenyu hwedu uye kuva nechivimbo chokuti Jehovha achatitarisira kuchaderedza kufunganya kwotibatsira kuramba takamuka.—Mateu 6:25-34.

17. Kutsvakisisa zvinhu zvokunyama kungakonzera sei kufunganya?

17 Kufunganya kungakonzerwawo nokutsvakisisa zvinhu zvokunyama. Somuenzaniso, vamwe vanoomesa upenyu hwavo nokurarama nezvavasingakwanisi kuwana. Vamwewo vave vachinyengerwa nezvirongwa zvokukurumidza kupfuma uye vachida kuwana mari nenzira dzisina chokwadi. Nokuda kwevamwe, dzidzo yokunyika kuti vabudirire mune zvemari yave iri musungo. Chokwadi, kudzidza kusvika pamwero wakati kungabatsira kuwana basa. Zvisinei, chokwadi ndechokuti vachitsvaka dzidzo yepamusoro inopedza nguva, vamwe vakazvikuvadza mune zvokunamata. Zvine ngozi zvikuru kuva mumamiriro ezvinhu aya sezvo zuva raJehovha rinoswedera! Bhaibheri rinonyevera kuti: “Avo vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo nomumusungo wokuchiva zvinhu zvakawanda zvoupenzi uye zvinokuvadza, zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa.”—1 Timoti 6:9.

18. Kuti tirege kukweverwa kumararamiro okunyanya kuda zvinhu zvokunyama, tinofanira kukudziridza mano api?

18 Zvinokosha kuti usakweverwa kumararamiro okunyanya kuda zvinhu zvokunyama ndiko kukudziridza mano okusiyanisa chakanaka nechakaipa pakusarudza. Mano aya anotangwa nokugarodya ‘zvokudya zvomudzimu zvikukutu zvevanhu vakuru’ uye no‘kuita kuti masimba edu okunzwisisa arovedzwe nokushandiswa.’ (VaHebheru 5:13, 14) Kuva nechokwadi che“zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe” pakuronga zvokuisa pakutanga kuchatidzivirirawo pakuita zvisarudzo zvakaipa.—VaFiripi 1:10.

19. Kana tikanzwisisa kuti tine nguva shomanana zvikuru yokuita zvinhu zvokunamata, tinofanira kuitei?

19 Mararamiro okunyanya kuda zvinhu zvokunyama anogona kutipofumadza, achitisiyira nguva shomanana, kana kuti kusambotisiyira nguva yezvinhu zvokunamata. Tingazviongorora sei torega kubatwa nemararamiro akadaro? Tinoda kufunga tichinyengetera kuti tingaita sei kuti upenyu hwedu hureruke uye kusvika pamwero wakadini. Mambo Soromoni weIsraeri yekare akati: “Hope dzomunhu, unobata, dzakanaka, kana achidya zvishoma kana zvizhinji; asi kuguta kwomupfumi hakumutenderi kuvata.” (Muparidzi 5:12) Kuva nehanya nezvinhu zvokunyama zvisingakoshi kunotipedzera nguva yakawanda uye simba redu here? Kuwanda kwezvatinazvo, ndokuwandawo kwezvinoda kugadziriswa, zvinoda inishuwarenzi, uye zvinoda kuchengetedzwa. Zvingatibatsira here kurerutsa upenyu hwedu nokuzvisunungura pane zvimwe zvinhu?

Nepaunogona Napo, Iva Akagadzirira

20, 21. (a) Muapostora Petro anopa vimbisoi pamusoro pezuva raJehovha? (b) Tinofanira kuramba tichiita mabasa api sezvatinova vakagadzirira zuva raJehovha?

20 Nguva yakaperera nyika yomuzuva raNoa, uye ichaperera nyika iripo iye zvino. Muapostora Petro anotivimbisa kuti: “Zuva raJehovha richauya sembavha, mariri matenga achapfuura nokushinyira, asi zvinhu zvacho zvichipisa kwazvo zvichanyungudutswa, uye pasi nemabasa ari mariri zvichava pachena.” Angave matenga okufananidzira—hurumende dzakaipa—kana kuti pasi rokufananidzira—vanhu vakazviparadzanisa naMwari—hapana chichapona kupisa kwehasha huru dzaJehovha. Achiratidza kuti tingava sei vakagadzirira zuva iroro, Petro anoti: “Zvinhu zvose izvi zvazvichanyungudutswa kudaro, munofanira kuva vanhu vorudzii pamabasa matsvene emufambiro nemabasa ekuzvipira kuna Mwari, muchimirira uye muchiramba muchinyatsorangarira kuvapo kwezuva raJehovha!”—2 Petro 3:10-12.

21 Kupinda kwatinoita misangano yechiKristu nguva dzose nokuparidzawo mashoko akanaka zvinobatanidzwa pamabasa aya okuzvipira kuna Mwari. Ngatiaitei nokuzvipira nomwoyo wose kuna Mwari patinenge tichimirira nokushivirira zuva guru raJehovha. Ngatiitei ‘nepatinogona napo kuti tiwanikwe naMwari pakupedzisira tisina ruvara uye tisina gwapa tiri murugare.’—2 Petro 3:14.

Unoyeuka Here?

• Nei tichifanira kuva vakagadzirira zuva raJehovha?

• Kana tiri kunyanya kubatikana nezvinhu zvenguva dzose zvoupenyu, tinofanira kuitei?

• Chii chichatibatsira kusatsimwaira mune zvokunamata?

• Tinofanira kurega mararamiro api anokuvadza, uye sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 20, 21]

Vanhu vomuzuva raNoa havana kucherechedza kutonga kwakanga kuri kuuya—unodaro here?

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ungarerutsa upenyu hwako kuti uve nenguva yakawanda yezvinhu zvine chokuita nokunamata here?