Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kudzidza Kubva Mumhuri yaJesu Yepasi Pano

Kudzidza Kubva Mumhuri yaJesu Yepasi Pano

Kudzidza Kubva Mumhuri yaJesu Yepasi Pano

UNOZIVEI pamusoro pevomumhuri yaJesu, vaaigara navo kusvikira abhabhatidzwa, makore 30 okutanga oupenyu hwake pasi pano? Nhoroondo dzeEvhangeri dzinotiudzei? Tingadzidzei pakuongorora mhuri yake? Unogona kubatsirwa nemhinduro dzacho.

Jesu akaberekerwa mumhuri yakapfuma here? Josefa, baba vake vokurera, vaiva muvezi. Izvozvo zvaireva basa remaoko rinonetesa, iro raiwanzosanganisira kutema miti yokuita mapuranga. Vabereki vaJesu vepasi pano pavakaenda kuJerusarema mazuva 40 aberekwa, vakapa chibayiro chairayirwa noMutemo. Vakapa gwai pamwe negukutiwa kana kuti hangaiwa, sezvairayirwa noMutemo here? Kwete. Zvinoita sokuti vakanga vasingakwanisi kupa zvibayiro zvakadaro. Asi, Mutemo waivawo nourongwa hwevarombo. Maererano nourongwa ihwohwo, Josefa naMariya vakapa “magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa mbiri duku.” Kusarudza mhuka dzisinganyanyi kudhura kwakaratidza kuti yaiva mhuri yevarombo.—Ruka 2:22-24; Revhitiko 12:6, 8.

Unogona kuona kuti Jesu Kristu, Mutongi wevanhu vose womunguva yemberi, akaberekerwa pakati pevarombo, pakati pevaya vaifanira kushanda nesimba kuti vawane chokurarama nacho. Akakura ndokuva muvezi, sababa vake vokurera. (Mateu 13:55; Mako 6:3) “Kunyange [Jesu] akanga akapfuma” sechisikwa chomudzimu chine simba mudenga, Bhaibheri rinoti “akava murombo” nokuda kwedu. Akatora chinzvimbo chakaderera somunhu ndokukurira mumhuri yevanhuwo zvavo. (2 VaKorinde 8:9; VaFiripi 2:5-9; VaHebheru 2:9) Jesu haana kuberekerwa mumhuri youmbozha, uye izvi zvingave zvakabatsira vamwe vanhu kunzwa vachikwezverwa kwaari. Havana kutsauswa nechinzvimbo chake. Vaigona kumukoshesa pamusana pedzidziso dzake, unhu hwake hunofadza, uye mabasa ake anoshamisa. (Mateu 7:28, 29; 9:19-33; 11:28, 29) Tinogona kuona uchenjeri hwaJehovha Mwari mukuita kuti Jesu aberekerwe mumhuri yevanhuwo zvavo.

Zvino ngatikurukurei nezvenhengo dzemhuri yaJesu tione zvatingadzidza kwadziri.

Josefa—Murume Akarurama

Josefa paakaziva kuti musikana wake aiva nepamuviri “vasati vabatanidzwa,” anofanira kuva akanetseka zvikuru nezvorudo rwake naMariya uye nezvokuvenga kunyange zvaigona kufungwa kuti inzenza. Zvose zvakaitika zvaiita sokuti Josefa ndiye aiva ari kutadzirwa somurume wake womunguva yemberi. Muzuva rake, mukadzi akavimbiswa kuroorwa aionekwa somudzimai womurume wacho. Pashure pokufungisisa, Josefa akasarudza kuramba Mariya chinyararire kuitira kuti arege kuzotakwa nematombo semhombwe.—Mateu 1:18; Dheuteronomio 22:23, 24.

Zvadaro Josefa akaona ngirozi muchiroto ichibva yati: ‘Usatya kuendesa Mariya mukadzi wako kumba, nokuti icho chakaumbwa maari chakaitwa nomudzimu mutsvene. Iye achabereka mwanakomana, uye unofanira kumutumidza zita rokuti Jesu, nokuti achaponesa vanhu vake pazvivi zvavo.’ Agamuchira nhungamiro iyoyo kubva kuna Mwari, Josefa akaita saizvozvo ndokuenda naMariya kumba.—Mateu 1:20-24.

Nokusarudza izvi, murume uyu akarurama uye akatendeka akabatanidzwa mukuzadzika zvakanga zvakataurwa naJehovha achishandisa muprofita Isaya kuti: “Tarirai, mhandara ichava nemimba, ichabereka mwanakomana, ndokumutumidza Imanueri.” (Isaya 7:14) Chokwadi Josefa aiva murume akakura mumudzimu uyo aikoshesa ropafadzo yokuva baba vaMesiya vokurera, pasinei nokuti mwanakomana waMariya wedangwe aisazova wake.

Josefa akarega kurara naMariya kusvikira abereka mwanakomana wake. (Mateu 1:25) Zvino kune ava vakanga vachangobva kuroorana, kurega kurara vose kwaizove kwakaoma, asi sezviri pachena vakanga vasingadi kuti vanhu vavhiringidzike kuti Baba vomwana vaiva ani. Chokwadi, muenzaniso wakanaka wokuzvidzora! Josefa aiisa zvinhu zvomudzimu pamberi pezvido zvake zvokuberekwa nazvo.

Pazviitiko zvina, Josefa akagamuchira nhungamiro yengirozi pamusoro pokurera mwanakomana wake wokurera. Zvitatu zvacho zvaiva nechokuita nekwokurerera mukomana wacho. Kuteerera kwokukurumidzira kwaikosha kuti mwana wacho apone. Muzviitiko zvose, Josefa akaita chimwe chinhu pakarepo, pakutanga akaenda nomwana muduku uyu kuIjipiti, ndokuzodzoka naye kuIsraeri. Izvi zvakadzivirira Jesu muduku pakuurayiwa kukuru kwaiitwa vana naHerodhi. Uyewo, kuteerera kwaJosefa kwakaguma nokuzadzika kwouprofita pamusoro paMesiya.—Mateu 2:13-23.

Josefa akadzidzisa Jesu basa kuitira kuti agone kuzvitarisira. Saka, Jesu aizivikanwa kwete bedzi so“mwanakomana womuvezi” asiwo so“muvezi.” (Mateu 13:55; Mako 6:3) Muapostora Pauro akanyora kuti Jesu “akaedzwa muzvinhu zvose sesu.” Chaizvoizvo, izvi zvingave zvaisanganisira kushanda nesimba kubatsira kutarisira mhuri.—VaHebheru 4:15.

Pakupedzisira, tinoona uchapupu hwokuzvipira kwaJosefa pakunamata kwechokwadi munhoroondo yokupedzisira maanooneka muMagwaro echiKristu echiGiriki. Josefa akaenda nemhuri yake kuJerusarema kuPaseka. Varume chete ndivo vaifanira kupinda, asi yaiva tsika yaJosefa kuenda nemhuri yake kuJerusarema “gore negore.” Kwaiva kuzvipira kukuru, sezvo vaifanira kufamba makiromita 100 kubva kuNazareta kuenda kuJerusarema. Zvisinei, panguva iyi inotaurwa neMagwaro, Jesu akarasana neboka. Akawanikwa patemberi, achiteerera nokubvunza vadzidzisi voMutemo. Kunyange zvake aingova nemakore 12, Jesu akaratidza uchenjeri hukuru uye zivo yeShoko raMwari. Kubva pachiitiko ichi, tinoona kuti vabereki vaJesu vanofanira kuve vakanyatsomudzidzisa, vakamurera kuva mukomana aifunga zvinhu zvomudzimu. (Ruka 2:41-50) Sezviri pachena, Josefa akafa pane imwe nguva pashure peizvi, sezvo pasina panotaurwa nezvake munhoroondo dzeMagwaro dzakazotevera.

Chokwadi, Josefa aiva murume akarurama aitarisira mhuri yake zvakanaka, mumudzimu nomunyama. Iwe, saJosefa, unoisa zvinhu zvomudzimu pakutanga muupenyu hwako here paunoziva kuti Mwari anodei kwatiri nhasi? (1 Timoti 2:4, 5) Unoteerera inzwi raMwari nomwoyo wose sezvinoratidzwa muShoko Rake, nokudaro woratidza kuzviisa pasi sokwaJosefa here? Unodzidzisa vana vako kuitira kuti vagone kukurukurirana nevamwe zvinhu zvinokosha zvomudzimu here?

Mariya—Mushumiri waMwari Asina Udyire

Mariya, amai vaJesu, aiva mushumiri waMwari akanaka kwazvo. Ngirozi Gabrieri payakazivisa kuti aizobereka mwana, akashamiswa. Zvaaiva mhandara, akanga asina kumbo“rara nomurume.” Paakaziva kuti kubereka kwacho kwaizoitika kuburikidza nomudzimu mutsvene, akabvuma mashoko acho nokuzvininipisa, achiti: “Tarirai! Murandasikana waJehovha! Ngazviitike kwandiri sezvamazivisa.” (Ruka 1:30-38) Aikoshesa zvikuru ropafadzo yomudzimu zvokuti aida kutsungirira nhamo ipi neipi yaizokonzerwa nezvaaizosarudza.

Chokwadi, kubvuma basa racho kwakachinja upenyu hwake hwose somukadzi. Paakaenda kuJerusarema kunozvinatsa, mumwe murume mukuru aitya Mwari ainzi Simiyoni akamuudza kuti: “Bakatwa refu richabvoora mweya wako iwewe.” (Ruka 2:25-35) Zviri pachena kuti akanga achireva manzwiro aizoita Mariya paaizoona Jesu achirambwa nevakawanda uye pakupedzisira oroverwa padanda rokutambudzikira.

Jesu paaikura, Mariya akaramba achicherechedza zvaiitika muupenyu hwake, ‘achizvifungisisa mumwoyo make.’ (Ruka 2:19, 51) SaJosefa, Mariya aiva munhu akakura mumudzimu uye aikoshesa zviitiko uye mashoko akazadzika ouprofita. Zvaakataurirwa nengirozi Gabrieri zvinofanira kuva zvakanyura mupfungwa dzake zvokuti: “Iyeyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; uye Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chaDhavhidhi baba vake, uye achatonga samambo paimba yaJakobho nokusingaperi, uye hapazovi nomugumo woumambo hwake.” (Ruka 1:32, 33) Chokwadi, akakoshesa zvikuru ropafadzo yokuva amai vaMesiya vepasi pano.

Kukura mumudzimu kwaMariya kwakaonekazve paakasangana naErizabheti, hama yake yaivawo yaita pamuviri nenzira inoshamisa. Paakamuona, Mariya akarumbidza Jehovha ndokuzivisa madiro aaiita Shoko raMwari. Akataura nezvomunyengetero waHana wakanyorwa pana 1 Samueri chitsauko 2 uye akataurawo pfungwa dziri mune mamwe mabhuku eMagwaro echiHebheru. Zivo yeMagwaro yakadaro yakaratidza kuti aiva akakodzera kuva amai vakazvipira uye vanotya Mwari. Aizoshandira pamwe naJosefa kurera mwanakomana wake mumudzimu.—Genesi 30:13; 1 Samueri 2:1-10; Maraki 3:12; Ruka 1:46-55.

Mariya aiva nokutenda kwakasimba mumwanakomana wake saMesiya, uye izvozvo hazvina kuderera kunyange Jesu afa. Nokukurumidza amuka, Mariya aiva pakati pevadzidzi vakatendeka avo vakaungana kuti vanyengetere pamwe chete nevaapostora. (Mabasa 1:13, 14) Akaramba akatendeka, pasinei nokuti aifanira kutsungirira marwadzo okuona mwanakomana wake waaida achifa padanda rokutambudzikira.

Ungabatsirwa sei nokudzidza pamusoro poupenyu hwaMariya? Unogamuchira ropafadzo yokushumira Mwari pasinei nokuzvipira kunodiwa here? Une hanya nokukosha kweropafadzo iyi nhasi here? Unoyeuka zvakafanotaurwa naJesu wozvienzanisa nezviri kuitika nhasi here, ‘uchizvifungisisa mumwoyo mako’? (Mateu, zvitsauko 24 ne25; Mako, chitsauko 13; Ruka, chitsauko 21) Unotevedzera Mariya here mukunyatsoziva Shoko raMwari, uchirishandisa muhurukuro dzako? Ungaramba uchitenda muna Jesu here pasinei nokufunganya kwaungafanira kuita pamusana pokuti uri muteveri wake?

Vanun’una vaJesu—Vanokwanisa Kuchinja

Zvinoita sokuti vanun’una vaJesu vakanga vasingatendi maari kusvikira afa. Zvimwe ndosaka vakanga vasipo paakafa padanda rokutambudzikira uye kuti aifanira kuronzesa amai vake kumuapostora Johani. Hama dzaJesu dzakaratidza kuti dzakanga dzisingamuremekedzi, pane imwe nguva dzakatotaura kuti Jesu ‘aipenga.’ (Mako 3:21) Sezvo Jesu aiva nenhengo dzemhuri dzakanga dzisiri vatendi, nhasi vaya vane vasingatendi mumhuri dzavo vangava nechivimbo chokuti Jesu anonzwisisa manzwiro avo pavanonyombwa nehama dzavo nokuda kwokutenda kwavo.

Zvisinei, Jesu amuka, vanun’una vake sezviri pachena vakatanga kutenda maari. Vaiva muboka rakaungana muJerusarema Pendekosti ya33 C.E. isati yasvika uye vakanyengetera nomwoyo wose pamwe chete nevaapostora. (Mabasa 1:14) Zviri pachena kuti kumuka kwomukoma wavo kuna amai kwakaita kuti vachinje mwoyo, kusvika pakuva vadzidzi vake. Hatifaniri kumbopera mwoyo nevoukama vasingatendi zvatinotenda.

Jakobho, munun’una waJesu kuna amai uyo Jesu akazviratidza kwaari, anotaurwa muMagwaro seane basa rinokosha muungano yechiKristu. Akanyorera hama dzake dzechiKristu tsamba achifuridzirwa naMwari, achidzirayira kuramba dziine kutenda kwadzo. (Mabasa 15:6-29; 1 VaKorinde 15:7; VaGaratiya 1:18, 19; 2:9; Jakobho 1:1) Mumwe munun’una wake kuna amai, Judha, akanyora tsamba yakafuridzirwa kuti akurudzire vaainamata navo kuti varwire zvikuru kutenda. (Judha 1) Zvinokoshawo kuona kuti Jakobho naJudha havana kutaura mutsamba dzavo kuti vaiva noukama hwokunyama naJesu kuitira kuti vamwe vaKristu vabvume. Chidzidzo chakanaka zvikuru chokuva nomwero chatinogona kudzidza kwavari!

Saka, zvinhu zvipi zvatinodzidza kubva kumhuri yaJesu? Chokwadi, zvidzidzo mukuzvipira kungaratidzwa munzira dzakadai seidzi: (1) Zviise pasi nokutendeka kuzvinodiwa naMwari uye tarisana nemiedzo inokonzerwa nokuita kudaro. (2) Isa zvinhu zvomudzimu pakutanga, kunyange kana izvozvo zvichireva kurega zvimwe zvinhu. (3) Dzidzisa vana vako maererano neMagwaro. (4) Usapera mwoyo nenhengo dzemhuri dzisingatendi zvaunotenda. (5) Usadada noukama hupi nohupi hwaungava nahwo nevaya vakakurumbira muungano yechiKristu. Chokwadi, kudzidza pamusoro pemhuri yaJesu yepasi pano kunotiswededza pedyo zvikuru naye uye kunowedzera kuonga kwedu Jehovha nokuda kwokusarudza mhuriwo zvayo kuti irere Jesu paaiva muduku.

[Mifananidzo iri papeji 4, 5]

Josefa akatora Mariya kuti ave mudzimai wake ndokubatanidzwa mukuzadzika uprofita hune chokuita naMesiya

[Mifananidzo iri papeji 6]

Josefa naMariya vakadzidzisa vana vavo zvinhu zvomudzimu uye kuita basa

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kunyange zvazvo vakakurira mumhuri yomudzimu, vanun’una vaJesu vakanga vasingatendi maari kusvikira afa

[Mifananidzo iri papeji 8]

Vanun’una vaJesu, Jakobho naJudha vakakurudzira vamwe vaKristu