Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurinda Kwedu Kwava Kwokukurumidzira Zvikuru

Kurinda Kwedu Kwava Kwokukurumidzira Zvikuru

Kurinda Kwedu Kwava Kwokukurumidzira Zvikuru

“Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.”—MATEU 24:42.

1, 2. Chii chinoratidza kuti tiri kurarama kumugumo wenyika ino?

“KUPFUURA zvimwe zvinhu zvose, zana remakore rechimakumi maviri rakanga rakazara nehondo,” anodaro munyori Bill Emmott. Kunyange achibvuma kuti nguva yose yenhau yevanhu, hondo nechisimba zvagara zvichiremera vanhu, anotizve: “Zana remakore rechimakumi maviri harina kusiyana nayo, rakasiyana pamwero. Ndiro zana remakore rakatanga kurwiwa hondo chaiyoiyo yepasi pose . . . Uye, sokunge kusimbisa pfungwa yacho, harina kungova nehondo yepasi pose yakadaro imwe chete, asi mbiri.”

2 Hondo dzinosanganisira ‘kumukirana kwemarudzi nekwoumambo’ dzakafanotaurwa naJesu Kristu. Zvisinei, dzinongova chiratidzo chimwe che‘chiratidzo chokuvapo kwaKristu nechokuguma kwenyika.’ Muuprofita hukuru uhwu, Jesu akataurawo nzara, nhenda, nokudengenyeka kwepasi. (Mateu 24:3, 7, 8; Ruka 21:6, 7, 10, 11) Munzira dzakawanda, mwero wenjodzi dzakadaro wawedzera muukuru nomukuipa. Uipi hwomunhu hwakawanda, sezvinoonekwa pane zvaanoitira Mwari nevamwe. Kuparara kwetsika nokuwedzera kwoutsotsi nechisimba zviri pachena. Vanhu vava kuda mari pane kuda Mwari, vachipengeswa nemafaro. Zvose izvi zvinopupurira kuti tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa.”—2 Timoti 3:1-5.

3. “Zviratidzo zvenguva” zvinofanira kuita kuti tiitei?

3 Unoona sei kuipa kunoramba kuchiwedzera munhau dzevanhu? Vakawanda havakendengi, vatotindivara, nezviitiko zvinorwadza zvanhasi. Vanhu vane simba venyika nevakangwara havanzwisisi zvinoreva “zviratidzo zvenguva”; uyewo vatungamiriri vezvitendero havana kupa nhungamiro yakarurama munhau iyi. (Mateu 16:1-3) Asi Jesu akarayira vateveri vake kuti: “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.” (Mateu 24:42) Pano Jesu anotikurudzira kwete kungorinda asi ‘kuramba takarinda.’ Kuti tirambe takarinda, tinofanira kuramba takamuka uye takasvinurira. Izvi zvinoda zvinopfuura kungobvuma kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira, zvinopfuura kuziva kuti nguva dzakaoma. Tinofanira kuva nokutenda kwakasimba kuti “mugumo wezvinhu zvose waswedera pedyo.” (1 Petro 4:7) Izvozvo bedzi ndizvo zvichaita kuti kurinda kwedu kuve kwokukurumidzira. Nokudaro, mubvunzo watinofanira kufunga nezvawo ndewokuti: ‘Chii chichatibatsira kusimbisa kutenda kwedu kuti mugumo wava pedyo?’

4, 5. (a) Chii chichasimbisa chivimbo chedu chokuti mugumo wenyika ino wava pedyo, uye nei? (b) Ndokupi kumwe kufanana kuri pakati pezuva raNoa nokuvapo kwoMwanakomana womunhu?

4 Funga mamiriro ezvinhu akanga akapararira panguva yakatangira chiitiko chakasiyana nezvimwe munhau yevanhu—Boporodzi guru romuzuva raNoa. Vanhu vakanga vakaipa zvikuru zvokuti Jehovha “akava neshungu pamwoyo pake.” Akazivisa kuti: “Ndichaparadza vanhu vandakasika ndivabvise panyika.” (Genesi 6:6, 7) Uye akaita izvozvo chaizvo. Achienzanisa nguva iyoyo nemazuva ano, Jesu akati: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuvapo kwoMwanakomana womunhu.”—Mateu 24:37.

5 Zvine musoro kufunga kuti Jehovha anonzwa saizvozvo pamusoro penyika iripo iye zvino sezvaaiita pamusoro penyika yaivapo Mafashamo asati aitika. Sezvo akagumisa nyika yakanga isingadi Mwari yomuzuva raNoa, zvechokwadi achaparadza nyika yanhasi yakaipa. Kunyatsonzwisisa kufanana kwakaita nguva iyoyo nezuva redu kunofanira kusimbisa chivimbo chedu chokuti mugumo wenyika iripo wava pedyo. Saka, zvakafanana papi? Pane zvinhu zvinenge zvishanu. Chokutanga ndechokuti nyevero yokuparadza kuri kuuya inotaurwa zvakananga.

Kunyeverwa Nezve“zvinhu Zvakanga Zvisati Zvaonekwa”

6. Jehovha akatsunga kuitei muzuva raNoa?

6 Muzuva raNoa, Jehovha akazivisa kuti: “Mweya wangu haungarambi uchigara mumunhu nokusingaperi, zvaari wenyamawo hake; naizvozvo mazuva ake achava makore ane zana namakumi maviri.” (Genesi 6:3) Kuziviswa kwomurayiro waMwari uyu muna 2490 B.C.E. kwakaratidza mavambo omugumo panyika iyoyo yakanga isingadi Mwari. Chimbofunga kuti izvozvo zvairevei kune vaya vairarama panguva iyoyo! Kwainge kwangosara makore 120 chete, kuti Jehovha aunze “mvura zhinji, kuti iparadze zvipenyu zvose, zvine mweya woupenyu, pasi pedenga.”—Genesi 6:17.

7. (a) Noa akaitei paakanyeverwa nezveMafashamo? (b) Tinofanira kuitei nezvenyevero dzomugumo wenyika ino?

7 Noa akanyeverwa nezvenjodzi yaizouya pachine makumi emakore, uye akashandisa nguva yacho nokuchenjera kugadzirira kupona. “Akati anyeverwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaonekwa,” anodaro muapostora Pauro, “[Noa] akaratidza kutya Mwari akavaka areka kuti aponese imba yake.” (VaHebheru 11:7) Ko isu? Makore anenge 90 apfuura kubvira pakatanga mazuva okupedzisira enyika ino muna 1914. Chaizvoizvo tiri mu“nguva yokupedzisira.” (Dhanieri 12:4) Tinofanira kuita sei nenyevero dzatave tichipiwa? “Uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi,” rinodaro Bhaibheri. (1 Johani 2:17) Naizvozvo, zvino ndiyo nguva yokuita zvinodiwa naJehovha tiine pfungwa yokukurumidzira zvikuru.

8, 9. Inyeveroi dzave dziri kupiwa naJehovha mazuva ano, uye dziri kuziviswa sei?

8 Mumazuva ano, vadzidzi veBhaibheri vepachokwadi vakadzidza muMagwaro akafuridzirwa kuti nyika ino ichaparadzwa. Tinozvitenda here? Ona zvakanyatsotaurwa naJesu Kristu kuti: “Pachava nokutambudzika kukuru kwakadaro sokusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” (Mateu 24:21) Jesu akatiwo aizouya soMutongi waMwari akagadzwa uye aizoparadzanisa vanhu somufudzi anoparadzanisa makwai nembudzi. Vaya vaizowanikwa vasina kukodzera vaizo“enda mukugurwa kusingaperi, asi vakarurama muupenyu husingaperi.”—Mateu 25:31-33, 46.

9 Jehovha ave achiita kuti vanhu vake varambe vachifunga nyevero idzi nokuvayeuchidza panguva yakakodzera achishandisa zvokudya zvomudzimu zvinopiwa no“muranda akatendeka, akangwara.” (Mateu 24:45-47) Uyezve, marudzi ose, madzinza, ndimi, nevanhu vanodanwa kuti ‘vatye Mwari vomupa mbiri, nokuti awa yokutonga kwake yasvika.’ (Zvakazarurwa 14:6, 7) Chinhu chinokosha pashoko roUmambo rinoparidzwa pasi pose neZvapupu zvaJehovha inyevero yokuti nokukurumidza Umambo hwaMwari huchabvisa utongi hwevanhu. (Dhanieri 2:44) Nyevero iyi haifaniri kurerutswa. Mwari Wemasimba ose anochengeta shoko rake nguva dzose. (Isaya 55:10, 11) Akadaro muzuva raNoa, uye achadaro muzuva redu.—2 Petro 3:3-7.

Unzenza Hunopararira

10. Chii chingagona kutaurwa nezvounzenza muzuva raNoa?

10 Nguva yedu inoenderana nezuva raNoa mune imwezve nzira. Jehovha akanga arayira murume nomukadzi vokutanga kuti va“zadze nyika” nevanhu, vachishandisa zvakakodzera simba ravo rokurara pamwe chete ravakapiwa naMwari muurongwa hwokuroorana. (Genesi 1:28) Muzuva raNoa, ngirozi dzisingateereri dzakasvibisa vanhu nokurara pamwe chete navo icho chaiva chinhu chitsva. Dzakaburukira pasi pano, dzikapfeka miviri yevanhu, ndokugara netsvarakadenga dzevakadzi, dzikabereka vana vaiva hafu munhu, hafu dhimoni—vaNefirimi. (Genesi 6:2, 4) Chivi chengirozi idzi dzine ruchiva chinofananidzwa nokutsauka kweSodhomu neGomora. (Judha 6, 7) Somugumisiro, unzenza hwakanga hwakapararira mumazuva iwayo.

11. Mamiriroi etsika anoita kuti nguva yedu ifanane nemazuva aNoa?

11 Zvakadini nezvemamiriro etsika dzanhasi? Mumazuva ano okupedzisira, upenyu hwevakawanda hunongova pakurara pamwe chete kwevarume nevakadzi. Pauro anorondedzera zvakajeka vakadaro se“vasisina kana nepfungwa yose zvayo yokuzvibata”; vakawanda vakazviregerera “vachiva nzenza kuti vaite kusachena kworudzi rwose nokukara.” (VaEfeso 4:19) Zvinonyadzisira, kurara mose musati maroorana, kushinha nevana, uye ungochani hazvizivani. Vamwe vava kuto“gamuchira muripo wakakwana” wehosha dzinotapuriranwa pabonde, kuputsika kwoupenyu hwemhuri, uye zvimwe zvinetso zvenzanga.—VaRoma 1:26, 27.

12. Nei tichifanira kukudziridza kuvenga zvakaipa?

12 Muzuva raNoa, Jehovha akatumira Boporodzi guru ndokugumisa nyika iyoyo yaipengeswa nounzenza. Hatimbofaniri kukanganwa chokwadi chokuti mazuva ano akangoita semazuva aNoa chaizvoizvo. “Kutambudzika kukuru” kuri kuuya kuchabvisa ‘zvifeve, mhombwe, varume vanochengeterwa zvinhu zvisiri zvomuzvarirwo, uye varume vanorara nevarume’ pasi pano. (Mateu 24:21; 1 VaKorinde 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:8) Ndezvokukurumidzira zvikuru kuti tivenge zvakaipa toramba tiri kure nemamiriro ezvinhu angakonzera kuita unzenza!—Pisarema 97:10; 1 VaKorinde 6:18.

Pasi Panozara “Nokumanikidzana”

13. Muzuva raNoa, nei pasi pakanga ‘pazere nechisimba’?

13 Richitaura nezvechimwezve chiratidzo chemazuva aNoa, Bhaibheri rinoti: “Nyika yakanga yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumanikidzana.” (Genesi 6:11) Kumanikidzana kana kuti chisimba chinhu chakanga chisiri chitsva chaizvoizvo. Kaini mwanakomana waAdhamu akaponda munun’una wake akarurama. (Genesi 4:8) Achifunga nezvechisimba chomuzuva rake, Rameki akanyora nhetembo achidada nezvokuuraya kwaakanga aita rimwe jaya achiti aizvidzivirira. (Genesi 4:23, 24) Chitsva muzuva raNoa waiva mwero wechisimba chacho. Sezvo vanakomana vaMwari vari ngirozi dzisina kuteerera vakaroora vakadzi pasi pano ndokubereka vana—vaNefirimi—chisimba chakawedzera kusvika pamwero wakanga usina kumbozivikanwa. Shoko rechiHebheru chekare rinoshandiswa neShanduro yeNyika Itsva kutaura nezveHofori idzi dzaiva nechisimba rinoreva kuti “Vawisi”—“vaya vanoita kuti vamwe vawire pasi.” (Genesi 6:4, NW, mashoko omuzasi) Saka pasi paiva ‘pakazara nechisimba.’ (Genesi 6:13) Fungidzira zvinetso zvinofanira kuva zvakatarisana naNoa kuti arere mhuri yake mumhoteredzo yakadaro! Asi Noa aiva‘akarurama pamberi paJehovha pakati pechizvarwa ichocho.’—Genesi 7:1.

14. Nhasi nyika yazova ya‘kazara nechisimba’ sei?

14 Chisimba chave chiripo munhau yose yevanhu. Asi kungofanana nomumazuva aNoa, nguva yedu yave ichitamburawo chisimba pamwero usina kumboitika. Tinogaronzwa nezvechisimba chomumba, ugandanga, kuparadza rudzi, uye kuurayiwa kwevakawanda nevanhu vane pfuti vasina chinangwa chinooneka. Kuwedzera kune izvi zvose pane kudeurwa kweropa kunokonzerwa nehondo. Pasi razara zvekare nechisimba. Nei? Chii chave chichikonzera kuwedzera uku? Mhinduro yacho inoratidza kumwezve kufanana nemazuva aNoa.

15. (a) Chii chave chichikonzera kuwedzera kwechisimba mumazuva okupedzisira? (b) Tinogona kuva nechivimbo chokuti zvichaguma sei?

15 Pakagadzwa Umambo hwaMesiya waMwari mudenga muna 1914, Mambo akagadzwa pachigaro choumambo, Jesu Kristu, akaita chiito chinokosha. Satani Dhiyabhorosi nemadhimoni ake vakadzingwa kudenga ndokuuya kunharaunda yepasi. (Zvakazarurwa 12:9-12) MaFashamo asati aitika, ngirozi dzisingateereri dzakasiya nokuzvidira nzvimbo yadzo yokudenga; zvisinei, munguva dzazvino, dzakadzingwa. Uyezve, zvino hadzichakwanisizve kupfeka miviri yevanhu vepasi pano kuti dzinakidzwe nemafaro asina kukodzera. Saka dzakagumbuka, dziine hasha, uye dzichitya kutonga kwava kusvika, dzinofurira vanhu nemasangano kuita zvinhu zvisina unhu zvoutsotsi nechisimba kunyange pamwero mukuru zvikuru kupinda zviya zvomuzuva raNoa. Jehovha akaparadza nyika yaivapo Mafashamo asati aitika pashure pokunge yazadzwa nouipi nengirozi dzisingateereri nevana vadzo. Unogona kuva nechokwadi chokuti ndozvaachaita muzuva redu! (Pisarema 37:10) Zvisinei, nhasi vaya vanoramba vakarinda vanoziva kuti kununurwa kwavo kwava pedyo.

Shoko Rinoparidzwa

16, 17. Kufanana kupi kwechina kuripo pakati pemazuva aNoa nezuva redu?

16 Pfungwa yechina yokufanana kuri pakati pezuva rino nenyika yaivapo Mafashamo asati aitika inoonekwa mubasa iro Noa akarayirwa kuita. Noa akavaka areka huru. Aivawo “muparidzi.” (2 Petro 2:5) Ishoko ripi raaiparidza? Kuparidza kwaNoa sezviri pachena kwaisanganisira kuudza vanhu kuti vapfidze uye nyevero yokuparadza kwakanga kuri kuuya. Jesu akati vanhu vomuzuva raNoa “havana kuziva kusvikira mafashamo auya akavakukura vose.”—Mateu 24:38, 39.

17 Saizvozvowo, sezvo Zvapupu zvaJehovha zvichishingaira kuita basa razvo rokuparidza, shoko roUmambo hwaMwari riri kuziviswa pasi pose. Munenge munzvimbo yose pasi pose, vanhu vanogona kunzwa uye kuverenga shoko roUmambo mumutauro wavo. Magazini yeNharireyomurindi, inozivisa Umambo hwaJehovha, inoparadzirwa makopi anopfuura 25 000 000 uye inodhindwa mumitauro inopfuura 140. Chokwadi, mashoko akanaka oUmambo hwaMwari ari kuparidzwa “mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose.” Basa iroro kana raitwa zvinogutsa Mwari, mugumo uchatouya chete.—Mateu 24:14.

18. Vanhu vakawanda vanoita sei kubasa redu rokuparidza zvichienzaniswa nezvaiitwa nevoruzhinji vomuzuva raNoa?

18 Tichifunga nezvokusada kunamata uye kushayikwa kwetsika kwemazuva akatangira Mafashamo, hazvina kuoma kuona kuti nei mhuri yaNoa yakava chiseko chevavakidzani vaiva vasingatendi uye yakatukwa nokushorwa. Kunyange zvakadaro, mugumo wakauya. Saizvozvowo, “vaseki nokuseka kwavo” vakazara mumazuva okupedzisira. “Asi zuva raJehovha richauya sembavha,” rinodaro Bhaibheri. (2 Petro 3:3, 4, 10) Richatouya chete panguva yakatarwa. Harizononoki. (Habhakuki 2:3) Kuchenjera zvikuru kuti tirambe takarinda!

Vashomanana Chete Vakapona

19, 20. Kufanana kupi kwatingaona pakati peMafashamo nokuparadzwa kwenyika iripo?

19 Kufanana kuripo pakati pezuva raNoa nezuva redu hakugumi nokuparadzwa kwevanhu nouipi hwavo. Sezvo paiva nevakapona paMafashamo, naizvozvo kuchava nevanopona pamugumo wenyika iripo. Vakapona paMafashamo vaiva vanyoro vakanga vasingararami sezvaiitwa nevoruzhinji. Vakateerera nyevero yaMwari ndokuramba vakaparadzana nenyika yakaipa yenguva iyoyo. “Noa wakawana tsitsi pamberi paJehovha,” rinodaro Bhaibheri. “[Noa akanga] asina mhosva mumarudzi ake.” (Genesi 6:8, 9) Pakati pevanhu vose, mhuri imwe, “vanhu vashoma, iyo mweya misere, yakatakurwa yakachengeteka nomumvura.” (1 Petro 3:20) Uye Jehovha Mwari akarayira kuti: “Berekai, muwande, muzadze nyika.”—Genesi 9:1.

20 Shoko raMwari rinotivimbisa kuti “boka guru revanhu” richa“bva mukutambudzika kukuru.” (Zvakazarurwa 7:9, 14) Vakawanda sei vachava muboka guru revanhu? Jesu pachake akati: “Suo rakatetepa uye mugwagwa wakamanikana unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.” (Mateu 7:13, 14) Vachienzaniswa nemabhiriyoni anogara pasi pano iye zvino, vachapona pakutambudzika kukuru kuri kuuya vachava vashoma. Asi vangave neropafadzo yakafanana neyakapiwa vakapona paMafashamo. Vachapona vangakwanisa kuva nevana kwenguva yakati sevamwe venzanga itsva yepasi pano.—Isaya 65:23.

“Rambai Makarinda”

21, 22. (a) Kukurukura nhoroondo yeMafashamo uku kwakubatsira sei? (b) Rugwaro rwegore ra2004 runotii, uye nei tichifanira kuteerera zano rarunopa?

21 Kunyange zvazvo Mafashamo achiita seari kure zvikuru nezuva redu, anonyatsopa nyevero yatisingafaniri kufuratira. (VaRoma 15:4) Kufanana kuripo pakati pezuva raNoa nezuva redu kunofanira kuita kuti tiwedzere kuziva kukosha kwezviri kuitika zvoita kuti tisvinurire kuuya kwaJesu kwakaita sokwembavha kuzotonga vakaipa.

22 Nhasi, Jesu Kristu ari kutungamirira basa guru rokuvaka mumudzimu. Nokuda kwokuchengeteka nokupona kwevanamati vechokwadi, paradhiso yomudzimu yakaita seareka iripo. (2 VaKorinde 12:3, 4) Kuti tichengetedzwe nomukutambudzika kukuru, tinofanira kuramba tiri muparadhiso iyoyo. Nzvimbo yeparadhiso yomudzimu yakakomberedzwa nenyika yaSatani, yakagadzirira kudya upi noupi ava kutsimwaira mumudzimu. Zvinokosha kuti ‘tirambe takarinda’ uye tova vakazvigadzirira nokuda kwezuva raJehovha.—Mateu 24:42, 44.

Unoyeuka Here?

• Jesu akapa zano ripi maererano nokuuya kwake?

• Jesu anofananidza nguva yokuvapo kwake nechii?

• Nguva yedu yakafanana nemazuva aNoa munzira dzipi?

• Kufunga kufanana kuripo pakati pezuva raNoa nezuva redu kunei chokuita nepfungwa yedu yokukurumidzira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 18]

Rugwaro rwegore ra2004 ruchave rwokuti: “Rambai makarinda . . . Ivai vakagadzirira.”—Mateu 24:42, 44.

[Mufananidzo uri papeji 15]

Noa akateerera nyevero yaMwari. Tinoitawo saizvozvo here?

[Mifananidzo iri papeji 16, 17]

“Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaita kuvapo kwoMwanakomana womunhu”