Mhuri yaJesu—Vaiva Vanaani?
Mhuri yaJesu—Vaiva Vanaani?
MUNZVIMBO dzakawanda dzenyika, muna December unowanzoona mifananidzo yevanhu vaivapo pakaberekwa mucheche Jesu achitarisirwa norudo naamai vake, Mariya, uye baba vake vokurera, Josefa. Mifananidzo iyoyo yemhuri ingakwezva kunyange vaya vasingatauri kuti vaKristu. Sezvo tiri kunyanyotaura nezvaJesu, Magwaro anotiudzei nezvemhuri yaJesu yepasi pano?
Upenyu hwemhuri yaJesu hwaifadza zvikuru. Akaberekwa nemhandara yainzi Mariya, achibva ava nhengo yemhuri yevanhu. Maererano neBhaibheri, upenyu hwake hwakatamisirwa mudumbu raMariya kubva kudenga kuburikidza nomudzimu mutsvene. (Ruka 1:30-35) Kubata pamuviri kunoshamisa kwaamai vaJesu kusati kwaziviswa, Mariya akanga avimbisa kuroorana nomumwe murume ainzi Josefa, uyo aizova baba vaJesu vokurera.
Jesu aberekwa, Josefa naMariya vakazova nevamwe vana, vanun’una nehanzvadzi dzaJesu kuna amai. Izvi zvinoonekwa kubva pamubvunzo wakazobvunzwa nevagari veNazareta pamusoro paJesu wokuti: “Uyu haasi mwanakomana womuvezi here? Amai vake havanzi Mariya here, uye vanun’una vake Jakobho naJosefa naSimoni naJudhasi here? Uye hanzvadzi dzake, hadzisi nesu dzose here?” (Mateu 1:25; 13:55, 56; Mako 6:3) Kubva pane izvi tinogona kugumisa kuti vomumhuri yaJesu vaisanganisira vabereki vake, vanun’una vana, uye hanzvadzi dzinenge mbiri.
Zvisinei, vamwe nhasi havatendi kuti vanun’una nehanzvadzi dzaJesu vaiva vana vaJosefa naMariya. Nei? New Catholic Encyclopedia inoti, “Kubva pamazuva ayo okutanga-tanga, chechi yaidzidzisa kuti Mariya akaramba ari mhandara. Saka, tichifunga nezveizvi, pangasava nomubvunzo kuti Mariya haana kuzova nevamwe vana.” Bhuku iroro rinoti mashoko okuti “munun’una” uye “hanzvadzi” anogona kureva “mumwe munhu kana kuti vamwe vanhu vakabatana muchitendero kana kuti chimwe chisungo chinozivikanwa” kana kuti hama.
Ndozvazviri chaizvoizvo here? Kunyange dzimwe nyanzvi dzechitendero cheKaturike dzisingabvumirani nedzidziso yegamuchidzanwa, dzinototsigira pfungwa yokuti Jesu aiva nevanun’una uye hanzvadzi dzoukama naye. John P. Meier, aimbova purezidhendi weCatholic Bible Association of America, akanyora kuti: “MuTestamende Itsva shoko rokuti adelphos [munun’una], parinoshandiswa kwete chete nenzira yokufananidzira kana kuti sedimikira asi kuratidza ukama hwokunyama kana kuti hwepamutemo, rinongoreva munun’una kuna amai nababa vamwe chete kana kuti munun’una kuna amai chete kana kuna baba chete, uye hapana chimwezve charinoreva.” * Chokwadi, Magwaro anoratidza kuti Jesu aiva nevanun’una nehanzvadzi vakaberekwa naJosefa naMariya.
Evhangeri dzinotaura dzimwe hama dzaJesu, asi zvino ngationgororei vomumhuri yaJesu tione zvatingadzidza kubva kwavari.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 6 “Vanun’una neHanzvadzi dzaJesu Mumaonero Ezvitendero,” rakanyorwa naJ. P. Meier, The Catholic Biblical Quarterly, January 1992, peji 21.