Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
Mumunyengetero wake wokuenzanisira, Jesu aireva kuti kuda kwaMwari kwaiitwa kudenga kunyange zvazvo ngirozi dzakaipa dzakanga dzisati dzadzingwa ikoko here?
Sezvakanyorwa pana Mateu 6:10, Jesu akati: “Kuda kwenyu ngakuitike, pasi panowo, sokudenga.” Kukumbira uku kunogona kunzwisiswa munzira dzose dziri mbiri. Kutanga, sechikumbiro chokuti kuda kwaMwari kuitwe pasi sezvakwakanga kuchitoitwa kudenga kana kuti, chechipiri, sechikumbiro chokuti kuitwe zvizere kwose kudenga nepasi. * Zvinoreva mashoko aJesu akatangira aya, okuti, “umambo hwenyu ngahuuye,” zvinoratidza kuti pfungwa yechipiri inowirirana zvikuru neMagwaro. Uye zvinoratidza mamiriro ezvinhu aivapo Jesu paaiva pasi pano uye nguva refu pashure pacho. Zvinodaro sei?
Bhuku raZvakazarurwa rinoratidza migumisiro miviri yakasiyana yokugadzwa kwoUmambo hwaMwari kudenga. Mugumisiro wokutanga une chokuita nokudenga pachako, wechipiri une chokuita nepasi pano. Zvakazarurwa 12:7-9, 12 inoti: “Hondo yakavapo mudenga: Mikayeri nengirozi dzake vakarwa nedhiragoni, uye dhiragoni nengirozi dzayo vakarwa asi haina kukurira, uyewo nzvimbo yavo haina kuzombowanika kudenga. Nokudaro dhiragoni huru yakakandirwa pasi, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani, ari kutsausa pasi rose rinogarwa; akakandirwa pasi, uye ngirozi dzake dzakakandirwa pasi pamwe naye. Nemhaka yeizvi farai, imi matenga nemi munogara maari! Nhamo nokuda kwepasi negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”
Kudzingwa kwaSatani nemadhimoni mudenga pashure pa1914 kwakabvisa midzimu yose inopandukira mudenga, zvichiita kuti ngirozi dzakavimbika dziri vanakomana vaJehovha dzifare kwazvo, dzinova ndidzo zhinji zvikuru pazvisikwa zvake zvomudzimu. (Jobho 1:6-12; 2:1-7; Zvakazarurwa 12:10) Saka, chikumbiro chiri mumunyengetero waJesu wokuenzanisira, kana chichishandisirwa zvokudenga, chakazadzika. Vose vakasara munzvimbo iyoyo yokudenga vaiva vakavimbika kuna Jehovha uye vachizviisa pasi zvizere kuuchangamire hwake.
Zvinofanira kusimbiswa kuti izvozvo zvisati zvatomboitika, ngirozi dzakaipa padzakanga dzichiri kusvika kudenga, dzaiva dzisingabatanidzwi mumhuri yaMwari uye pane zvinhu zvadzaitorambidzwa. Somuenzaniso, Judha 6 inoratidza kuti nechakare muzana rokutanga remakore C.E., dzaiva ‘dzakachengetwa nezvisungo zvisingagumi murima gobvu [romudzimu] nokuda kwokutongwa kwepazuva guru.’ Saizvozvowo, 2 Petro 2:4 inoti: “Mwari [haana] kurega kuranga ngirozi dzakaita chivi, asi, nokudzikandira muTatarosi, [mamiriro ezvinhu okuderedzwa zvachose] akadziisa kumakomba erima guru [romudzimu] kuti dzichengeterwe kutongwa.” *
Kunyatsosiyana nenzvimbo yadzo sevadzingwa Johani 12:31; VaEfeso 6:11, 12; 1 Johani 5:19) Pamusana pesimba rake, Dhiyabhorosi aigona kupa Jesu “umambo hwose hwenyika nembiri yahwo” nokungomunamata kamwe chete bedzi. (Mateu 4:8, 9) Saka, zviri pachena kuti Umambo hwaMwari ‘pahunouya’ pasi pano, huchakonzera kuchinja kukuru kwazvo.
idzo dzichiri mudenga, ngirozi dzakaipa idzi dzakashandisa simba guru pasi pano. Kutaura zvazviri, Shoko raMwari rinodana Satani kuti “mutongi wenyika ino,” uye madhimoni rinoati “vatongi venyika verima rino.” (‘Kuuya’ kwoUmambo hwaMwari pasi pano kuchaguma nokuvapo kwenyika itsva yakakwana. Umambo huchaputsa utongi hwose hwevanhu hwova hurumende imwe chete yepasi. Panguva imwe chete iyi, vanhu vanotongwa nahwo vanotya Mwari vachava “pasi idzva.” (2 Petro 3:13; Dhanieri 2:44) Umambo huchabvisawo chivi kuvanhu vanoteerera uye nokufamba kwenguva huchaita kuti pasi rose rive paradhiso, nokudaro huchibvisa zvose zvoutongi hwaSatani.—VaRoma 8:20, 21; Zvakazarurwa 19:17-21.
Pamugumo weMireniyamu, Umambo hwaMesiya pahunenge hwaita kuda kwaMwari, “Mwanakomana achazviisawo pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvose kumunhu wose.” (1 VaKorinde 15:28) Zvadaro pachava nomuedzo wokupedzisira, pashure pawo Satani, madhimoni ake, nevanhu vapi nevapi vanopandukira vanenge vatsauswa vachabviswa zvachose pa“rufu rwechipiri.” (Zvakazarurwa 20:7-15) Pashure pacho, zvisikwa zvose zvakangwara zviri mudenga nepanyika zvichararama nokusingaperi zvichifara nokuzviisa pasi pouchangamire hwaJehovha hune rudo. Ndiko kuchava kuzadzika kwakakwana kwemashoko aJesu omunyengetero wokuenzanisira mune zvose hazvo.—1 Johani 4:8.
[Mashoko Omuzasi]
^ ndima 3 The Bible—An American Translation, rinotaura chikamu ichi chomunyengetero waJesu wokuenzanisira richiti, “Umambo hwenyu huuye! Kuda kwenyu kuitwe pasi pano uyewo kudenga!”—Mateu 6:10.
^ ndima 6 Muapostora Petro akafananidza kudzingwa mumudzimu uku sokuva “mujeri.” Zvisinei, akanga asingarevi “gomba rakadzika-dzika” renguva yemberi iro madhimoni aizokandirwa kwemakore ane chiuru.—1 Petro 3:19, 20; Ruka 8:30, 31; Zvakazarurwa 20:1-3.