Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoramba Uine Pfungwa Yokushamisika Here?

Unoramba Uine Pfungwa Yokushamisika Here?

Unoramba Uine Pfungwa Yokushamisika Here?

WAKACHERECHEDZA here kuti vanyori veBhaibheri vanowanzomutsa pfungwa yokushamisika pavanobvuma mabasa uye unhu hwaMwari? ‘Ndakaitwa nomutoo unoshamisa,’ akazivisa kudaro munyori wepisarema. (Pisarema 139:14) “Jehovha,” akanyora kudaro muprofita Isaya, “ndimi Mwari wangu! Ndichakukudzai, ndicharumbidza zita renyu; nokuti makaita zvinoshamisa.” (Isaya 25:1) Kana kuti funga nezvemashoko okushamisika uye kukatyamadzwa kunoratidzwa nemashoko omuapostora Pauro anoti: “Haiwa ukuru hwepfuma yaMwari nouchenjeri nezivo!”—VaRoma 11:33.

The Oxford Encyclopedic English Dictionary rinorondedzera “kushamisika” se“pfungwa inovapo pamusana pechinhu changa chisingatarisirwi, chisingazivikanwi, kana kuti chisingatsananguriki, zvikurukuru kushamisika kwakasangana nokuyemura kana kuti kwokuda kuziva zvichingodaro.”

Hazvifadzi here kuona vana vaduku vachituzura maziso nokushamiswa pavanoona, kunzwa nokubata, kana kunzwa zvinhu zvinenge zviri zvitsva kwavari? Zvinosuwisa kuti kushamisika kwakadaro kwakavakirwa pakuda kuziva kana kuti pazvinhu zvitsva kunowanzopera nokufamba kwemakore.

Zvisinei, kana vari vanyori veBhaibheri vane mashoko ari pamusoro apa, pfungwa yokushamisika yainge yakadzika midzi mavari. Yaigara. Nei zvainge zvakadaro? Vakaramba vaine pfungwa yavo yokushamisika nokufungisisa noruyemuro mabasa aMwari. Munyori wepisarema akanyengetera kuti: “Ndinorangarira makore ekare; ndinoyeuka zvose zvamakaita; kushamisa kwezvemakasika kunozadza pfungwa dzangu.”—Pisarema 143:5, The New English Bible.

Zvinorumbidzwa kwazvo kuti pfungwa iyi yokushamisika inogona kuwanika pavanamati vaMwari vemazuva ano! Unayo here? Uri kuramba unayo here?