Vakapedza Kudzidza kuGiriyedhi Vanokurudzirwa Kutaura “Zvinhu Zvikuru”
Vakapedza Kudzidza kuGiriyedhi Vanokurudzirwa Kutaura “Zvinhu Zvikuru”
BOKA risina kunyanya kukura revanhu 6 635 vakabva kunyika 52 raivapo papurogiramu yokupedza kudzidza yekirasi yechi115 yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi musi waSeptember 13, 2003.
Vakanzwa mashoko aibva muBhaibheri aikurudzira vadzidzi 48 vekirasi kuti vaendese “zvinhu zvikuru zvaMwari” kuvanhu vari munyika 17. (Mabasa 2:11) Vainge vapedza kudzidza vaizoitira basa ravo roumishinari ikoko.
Mumashoko ake okuzarura, Stephen Lett, uyo ari nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha uye aiva sachigaro ipapo, akayeuchidza vadzidzi kuti: “Pamunoenda kwamuchashandira, chero kupi kana mumamiriro api ezvinhu amuchava maari, vari kwamuri vazhinji kupfuura vasiri kwamuri.” Vachishandisa chitsauko 6 chaMadzimambo weChipiri, Hama Lett vakayeuchidza vadzidzi kuti vanogona kuvimba nokutsigira kwaJehovha Mwari nokwezviuru zvengirozi pavanenge vachiita kuti “zvinhu zvikuru zvaMwari” zvizivikanwe. (2 Madzimambo 6:15, 16) VaKristu vomuzana remakore rokutanga vaishorwa uye vakanga vasingafarirwi pavaiita basa ravo rokuparidza nokudzidzisa, uye mamishinari echiKristu nhasi anoitirwawo izvozvo. Zvisinei, vanogona kuvimba nokutsigira kunobva kudenga nokwesangano repasi raJehovha.—Pisarema 34:7; Mateu 24:45.
Taurai “Zvinhu Zvikuru zvaMwari”
Sachigaro ataura mashoko okuzarura, Harold Corken, weDare reBazi reUnited States, akakurukura musoro waiti “Kutarisira Zvinhu Zvinogona Kuitika—Musimboti Womufaro uye Kubudirira Mubasa.” Hama Corken vakataura kuti kutarisira zvinhu zvisingazoitiki kunogona kuodza mwoyo, sezvinoratidzwa pana Zvirevo 13:12. Zvisinei, kuora mwoyo kunobva pakutarisira zvinhu zvisingagoni kuzoitika. Vakapedza kudzidza vacho vanofanira kuzviona uye kuona vamwe zvakanaka sezvavari. Vanofanira kutarisira kukanganisawo, asi izvi hazvifaniri kuita kuti vasuruvare kwazvo sezvavanenge vachiedza kubatsira vamwe kunzwisisa “zvinhu zvikuru zvaMwari.” Hama Corken vakakurudzira mamishinari matsva kuvimba naJehovha, uyo “anopa mubayiro vanomutsvaka nemwoyo wose.”—VaHebheru 11:6.
Akatevera papurogiramu yacho aiva Daniel Sydlik, nhengo yeDare Rinodzora, uyo akakurukura musoro waiti “Tariro yomuKristu—Chii?” Akati: “Tariro chinhu chinodiwa nomuKristu. Ndiyo inoshandiswa kusarudza zvakarurama zvinoita kuti munhu ave noukama hwakanaka naMwari. Kumunhu asiri muKristu kuva netariro sesu hazviiti.” Hama Sydlik vakaenderera mberi vachirondedzera zvinhu zvakasiyana-siyana zvetariro yomuKristu zvinobatsira munhu kuramba aine chivimbo pasinei nezvinhu zvakaoma zvoupenyu. “Netariro tinogona kurarama tiine simba idzva uye tiine chivimbo chokukunda.” VaRoma 12:12.
Tariro yomuKristu inomubatsira kuona Jehovha saMwari wechinangwa uye kumushumira nomufaro.—Wallace Liverance, mabharani weChikoro cheGiriyedhi, akakurudzira vadzidzi ‘Kuramba Vachifamba Nomudzimu.’ (VaGaratiya 5:16) Akaratidza kuti Bharuki, munyori waJeremia, akapotsa sei atsauka pakufamba nomudzimu. Pane imwe nguva, Bharuki akaneta uye akatanga kuzvitsvakira zvinhu zvikuru. (Jeremia 45:3, 5) Hama Liverance vakabva vataura kuti vamwe vakarega kutevera Jesu uye vakaramba chokwadi chomudzimu, chinokosha pakupona. Zvakaitika nokuti havana kunzwisisa zvaaidzidzisa, uye vakaora mwoyo pakuti zvavaitarisira sevanhu hazvina kuitika panguva iyoyo. (Johani 6:26, 27, 51, 66) Mamishinari, ayo ane basa rokuti vanhu vafunge nezvoMusiki nechinangwa chake, anogona kudzidzei munhoroondo idzi? Vadzidzi vakakurudzirwa kuti vasafunge nezvokuva nechinzvimbo, kukudzwa nevanhu, kana kushandisa basa raMwari kuti vazviwanire zvinhu.
“Uchapa Here Kana Kuti Uchava Mugamuchiri?” ndiwo mubvunzo wakabvunzwa nomurayiridzi weGiriyedhi Mark Noumair. Akavakira mashoko ake pana Vatongi 5:2, muIsraeri mumwe nomumwe paairumbidzwa nokuzvipira kusina udyire kushanda muuto raBharaki. Vadzidzi veGiriyedhi vakarumbidzwa nechido chavo chokubvuma kudanwa naBharaki Mukuru, Jesu Kristu, kuti vaite zvakawanda muhondo yokumudzimu. Varwi vaKristu vanofanira kufarira kufadza uyo akavadana. Hama Noumair vakayeuchidza vadzidzi kuti: “Patinotanga kufunga nezvokuzvifadza, tinomira kurwisa muvengi. . . . Basa roumishinari harisi rako. NderaJehovha, uchangamire hwake, uye kuti kuda kwake kuitwe. Hatishumiri semamishinari kuti Jehovha atifadze, asi tinomushumira nokuti tinomuda.”—2 Timoti 2:4.
Mumwe murayiridzi weGiriyedhi Lawrence Bowen akatevera sasachigaro muchikamu chaiti “Vatsvenesei Nechokwadi.” (Johani 17:17) Akataura kuti vadzidzi vekirasi yechi115 vashumiri vakatsveneswa vaMwari. Vari pachikoro vaiitawo ushumiri hwomumunda, vachitsvaka vanoda chokwadi nemwoyo wose. Kufanana naJesu nevadzidzi vake vekare, vadzidzi vakanga vasingatauri ‘zvavo voga.’ (Johani 12:49, 50) Vaitaura nokushingaira shoko rechokwadi rakafuridzirwa rinopa upenyu. Kudzokorora zvakaitika zvevadzidzi kwakaratidza mugumisiro une simba weBhaibheri kune vaya vavaitaura navo.
Mazano uye Ruzivo Zvinokurudzira
Anthony Pérez naAnthony Griffin, nhengo dzeDhipatimendi Rebasa pabazi reUnited States, vakabvunzurudza venhengo dzeDare Rebazi vakanga vabva munyika yose. Varume ava vakakurukura zvinetso zvinosangana nemamishinari matsva uye vakapa mazano anoshandisika aibva muruzivo rwavo. Zvimwe zvinetso zvacho zvinosanganisira kusiyana kwetsika, mwaka unopisa gore rose, kana kusiyana kwezvitendero uye kwezvematongerwo enyika nezvinenge zvakajaira vadzidzi. Chii chinogona kubatsira mamishinari matsva kurarama mumamiriro avo ezvinhu matsva? Kuda Jehovha, kuda vanhu, kusatarira shure, uye kurega kuita zvechimbichimbi. Mumwe wedare rebazi akati: “Vanhu vekwatinoshandira vakagarako kwemazana nemazana emakore isu tisati taendako. Chokwadi tinogona kugarako uye kujaira. Nguva yose yataisangana nezvinetso, taizviona somukana wokuvaka unhu hwedu. Unovimba nomudzimu waJehovha uye munyengetero, uye unobva waona kuti mashoko aJesu ndeechokwadi anoti, ‘Ndinemi.’”—Mateu 28:20.
Purogiramu yacho yava kunopera Samuel Herd, nhengo yeDare Rinodzora, akapa hurukuro yaiti, “Rambai Muchitaura Nezvezvinhu Zvikuru zvaMwari.” Kudururwa kwomudzimu mutsvene pazuva rePendekosti ya33 C.E. kwakapa vadzidzi vaJesu simba rokutaura nezve“zvinhu zvikuru zvaMwari.” Chii chingabatsira mamishinari matsva nhasi kutaura nokushingaira zvakadaro nezvoUmambo hwaMwari? Mudzimu mutsvene iwoyo. Hama Herd vakakurudzira vadzidzi vakanga vapedza kudzidza ku‘pisa nomudzimu,’ kufarira basa ravo, kuti vasambokanganwa zvavakanga vadzidziswa. (VaRoma 12:11) “Bhaibheri chinhu chikuru chaMwari,” vakadaro Hama Herd. “Musamborerutsa kukosha kwaro. Shoko raro ibenyu. Rinocheka kusvika pamwoyo chaipo pezvinhu. Rishandisei kururamisa zvinhu muupenyu hwenyu. Ribvumirei kuchinja mafungiro enyu. Chengetedzai mano enyu okufunga nokudzidza, kuverenga, uye kufungisisa Magwaro . . . Tsungai uye vavarirai kushandisa zvamadzidziswa paGiriyedhi kuramba muchitaura ‘zvinhu zvikuru zvaMwari.’”
Kwaziso dzaibva munyika yose dzaverengwa uye madhipuroma apiwa, mumwe akanga apedza kudzidza akaverenga tsamba yekirasi yairatidza kuonga kudzidziswa kwavakanga vaitwa. Hama Lett vakabva vagumisa zvakanaka nguva yacho yomufaro nokutaura nezva2 Makoronike 32:7 uye Dheuteronomio 20:1, 4. Vachibatanidza mashoko avo okupedzisira neavakanga vatanga nawo, vakagumisa vachiti: “Saka imi mapedza kudzidza munodiwa, yeukai sezvamuchaenda, sezvamuchafamba mukurwa hondo yokumudzimu munzvimbo itsva dzamuchashandira, kuti Jehovha anenge achifamba nemi. Musambokanganwa chokwadi chokuti vari kwamuri vazhinji kupfuura vasiri kwamuri.”
[Bhokisi riri papeji 25]
ZVAKAITA KIRASI YACHO
Nyika dzinomiririrwa: 7
Nyika dzavakatumirwa: 17
Vadzidzi: 48
Avhareji yezera: 33,7
Avhareji yemakore vari muchokwadi: 17,8
Avhareji yemakore vari muushumiri hwenguva yakazara: 13,5
[Mufananidzo uri papeji 26]
Kirasi yechi115 Yevakapedza Kudzidza paChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi
Pamazita akarongwa pasi apa, mitsetse inoverengwa kubva mberi zvichidzokera shure, uye mazita akarongwa kubva kuruboshwe zvichienda kurudyi mumutsetse woga woga.
(1) Brown, T.; Goller, C.; Hoffman, A.; Bruzzese, J.; Trahan, S. (2) Smart, N.; Cashman, F.; Garcia, K.; Lojan, M.; Seyfert, S.; Gray, K. (3) Beckett, M.; Nichols, S.; Smith, K.; Gugliara, A.; Rappenecker, A. (4)Gray, S.; Vacek, K.; Fleming, M.; Bethel, L.; Hermansson, T.; Hermansson, P. (5) Rappenecker, G.; Lojan, D.; Dickey, S.; Kim, C.; Trahan, A.; Washington, A.; Smart, S. (6) Goller, L.; Burghoffer, T.; Gugliara, D.; Nichols, R.; Washington, S.; Kim, J. (7) Beckett, M.; Dickey, J.; Smith, R.; Garcia, R.; Hoffman, A.; Seyfert, R.; Brown, H. (8) Fleming, S.; Bruzzese, P.; Burghoffer, W.; Bethel, T.; Cashman, J.; Vacek, K.