Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndakakomborerwa Zvikuru Nokuramba Ndiine Pfungwa Youmishinari

Ndakakomborerwa Zvikuru Nokuramba Ndiine Pfungwa Youmishinari

Nyaya Youpenyu

Ndakakomborerwa Zvikuru Nokuramba Ndiine Pfungwa Youmishinari

YAKATAURWA NATOM COOKE

Kurira kwepfuti nokukurumidza kwakavhiringidza masikati akanga akadzikama. Mabara aipferenyura miti yomubindu redu. Chii chakanga chichiitika? Nokukurumidza takaziva kuti mutungamiriri wezvematongerwe enyika akanga abviswa pachigaro nechisimba uye kuti Uganda yakanga yava pasi poutongi hwoMutungamiriri Idi Amin. Maiva muna 1971.

NEMHAKA yei ini nomudzimai wangu, Ann, takanga tatama kubva kunzvimbo ine runyararo yeEngland tichiuya kune imwe nyika isina kugadzikana yomuAfrica? Ndinofunga kuti ndiri munhu anoti nyanyei kuda zvokufamba-famba, asi chaizvoizvo wakanga uri muenzaniso wevabereki vangu wokushingairira basa roUmambo wakaita kuti ndive nepfungwa youmishinari.

Ndinoyeuka zuva raipisa raAugust muna 1946 apo vabereki vangu vakatanga kusangana neZvapupu zvaJehovha. Vakamira pamusuo wepamberi ndokutaura nevaeni vaviri kweyairatidzika senguva yakareba. Vaeni ava, Fraser Bradbury naMamie Shreve, vakadzoka kakawanda, uye mwedzi yakatevera, upenyu hwemhuri yedu hwakachinja zvinoshamisa.

Muenzaniso Wokushinga Kwevabereki Vangu

Vabereki vangu vaiita mabasa akawanda omunzanga. Somuenzaniso, nguva pfupi vasati vatanga kudzidza Bhaibheri, mifananidzo ine mashoko akanyorwa yaWinston Churchill yaigara yakanamirwa pamba pedu. Munguva yesarudzo yenyika, hondo yapera, musha wedu ndiwo waiva muzinda weConservative Party Committee. Mhuri yedu yaizivanawo nevechitendero uye vomunzanga vakakurumbira. Kunyange zvazvo ndaiva nemakore mapfumbamwe panguva iyoyo, ndakaziva kuti hama dzedu dzaishamisika kuti takanga tava kuzova Zvapupu zvaJehovha.

Muenzaniso womwoyo wose uye wokusatya weZvapupu zvataisonganirana nazvo wakakurudzira vabereki vangu kuti vashingaire mubasa rokuparidza. Nokukurumidza baba vangu vakanga vava kupa hurukuro vachishandisa gudzanzwi panzvimbo huru yezvitoro yeSpondon, kumusha kwedu, apo isu vana tanga takamira munzvimbo dzinooneka takabata Nharireyomurindi neMukai! Ndinofanira kubvuma kuti apo vana vepachikoro chandaidzidza vaiuya kwandiri, ndaishuva kuti dai pasi randimedza zvaro.

Muenzaniso wevabereki vangu wakakurudzira hanzvadzi yangu huru, Daphne, kuti atange kupayona. Muna 1955, akapinda Chikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi uye akanzi aende kunoita mumishinari kuJapan. * Zvisinei, hanzvadzi yangu diki, Zoe, akarega kushumira Jehovha.

Panguva iyoyo, ndakapedzisa chikoro nokudzidzira unyanzvi hwokunyora mifananidzo kugadzirira mabhuku kuti azonodhindwa. Mumazuva iwayo, nhau yaitsviriridza pane vandaidzidza navo yaiva yokumanikidzwa kuenda kuhondo. Pandakavaudza kuti hana yangu yakanga isingandibvumiri, vakazviona somusere. Nhau iyi yakandipa mukana wokukurukura Bhaibheri kakawanda nevamwe vadzidzi. Nguva pfupi yakatevera, ndakatongerwa mwedzi 12 mujeri nokuti ndakanga ndaramba basa rechiuto. Mumwe wevadzidzi vepakoreji yokudzidzira kunyora mifananidzo uyo akaratidza kufarira shoko reBhaibheri akazova mudzimai wangu. Asi ndichaita kuti Ann akuudzei madzidzire aakaita chokwadi.

Kuziva Kwakaita Ann Chokwadi

“Mhuri yedu yakanga isinganamati, uye ndakanga ndisina kubhabhatidzwa chero muchitendero chipi zvacho. Asi ndaida kuziva nezvechitendero uye ndaienda chero kuchechi ipi zvayo yaiendwa neshamwari dzangu. Kufarira kwangu Bhaibheri kwakawedzerwa pandakateerera Tom nechimwe Chapupu vachikurukura zvakachangamuka nevamwe vadzidzi vepakoreji. Tom nechimwe Chapupu pavakaendeswa kujeri pamusana pokuramba basa rechiuto, ndakashamiswa.

“Ndakaramba ndichinyorerana naTom paakanga ari mujeri, uye kufarira kwangu Bhaibheri kwakawedzera. Pandakatamira kuLondon kuti ndinowedzera zvidzidzo zvangu zvokunyika, ndakabvuma kudzidza Bhaibheri naMuriel Albrecht. Muriel aimbova mumishinari muEstonia, uye iye naamai vake vaindikurudzira zvikuru. Vhiki shomanana, ndakanga ndava kupinda misangano uye ndava kutomirawo panze peVictoria Station ndichigovera Nharireyomurindi neMukai!

“Ndaipinda neUngano yeSouthwark kumaodzanyemba kweLondon. Yaiva nehama nehanzvadzi dzakakura mumudzimu dzemarudzi akasiyana-siyana, vazhinji vavo vaiva varombo. Kunyange vakanga vasingandizivi, vakandibata somumwe wavo. Rudo rwomuungano iyoyo rwakanditendisa kuti ichi chaiva chokwadi, uye ndakabhabhatidzwa muna 1960.”

Zvinangwa Zvimwe Chete—Mamiriro Ezvinhu Akasiyana

Ini naAnn takazoroorana muna 1960, uye taiva nechinangwa chokupinda mubasa roumishinari. Asi mamiriro edu ezvinhu akachinja patakaziva kuti taizova nomwana. Mwanasikana wedu Sara azvarwa, ini naAnn takanga tichiri kuda kushanda munyika yaidiwa vaparidzi voUmambo zvikuru. Ndakatsvaka basa munyika dzakawanda, uye pakupedzisira, muna May 1966, ndakagamuchira tsamba kubva kuBazi Redzidzo rokuUganda vachindiudza kuti ndakanga ndawana basa. Asi, panguva ino Ann akanga ane pamuviri pechipiri. Vamwe vakafunga kuti kwakanga kusiri kuchenjera kutombofunga nezvokutama. Takabvunza chiremba wedu, akati: “Kana muchienda, munofanira kukwira ndege pamuviri pomudzimai wako pasati pava nemwedzi minomwe.” Saka takabva tangoenda kuUganda. Vabereki vedu havana kuzoona Rachel, mwanasikana wedu wechipiri, kusvikira ava nemakore maviri. Zvatava sekuru naambuya, tava kunzwisisa zvizere manzwiro aiita vabereki vedu vanodiwa.

Kusvika muUganda muna 1966 kwaifadza uye kwaityisa. Tichingoburuka mundege, takabva tangofadzwa nezvakanga zvakaita nyika yacho. Yakanga yakazojeka. Musha wedu wokutanga waiva pedyo netaundi duku reIganga, raiva makiromita 50 kubva kuJinja, taundi raiva kunotangira Rwizi rweNile. Zvapupu zvaiva pedyo nomusha wedu zvaiva boka rakanga risati rava ungano raiva kuJinja. Boka iri raitarisirwa nemamishinari anoti Gilbert naJoan Walters uye Stephen naBarbara Hardy. Ndakakumbira kuchinjirwa kuJinja kuti tigonyatsobatsira boka iri. Rachel achangozvarwa, takatamira kuJinja. Ikoko takafara kushanda neboka duku reZvapupu zvakatendeka sezvarakakura kuva ungano yechipiri muUganda.

Kushumira Semhuri Kune Imwe Nyika

Ini naAnn tinoziva kuti tingadai tisina kusarudza nzvimbo iri nani yokurerera mhuri yedu. Taifara kushanda pamwe chete nemamishinari okunyika dzakasiyana-siyana uye kubatsira ungano yakanga ichangoumbwa kuti ikure. Taida kuva pamwe nehama nehanzvadzi dzedu dzokuUganda dzaiwanzoshanyira musha wedu. Stanley naEsinala Makumba vaitikurudzira zvikuru.

Asi hama hadzisidzo bedzi dzaitishanyira sezvo taiva takapoteredzwa nemhuka dzomusango dzakasiyana-siyana dzinoshamisa. Mvuu dzaibuda muRwizi rweNile usiku dzofamba kusvika pamba pedu chaipo. Ndinonyatsoyeuka imwe nguva yatakaona shato yakareba mamita matanhatu mubindu redu. Dzimwe nguva taienda kunoona mhuka dzomusango mumapaki anochengeterwa mhuka, kunofamba shumba nedzimwe mhuka dzesango dzakasununguka.

Muushumiri, taiva chinhu chitsva kuvanhu vemo, vakanga vasati vamboona purema. Sezvataienda paimba neimba, taiwanzova nomudungwe wetuvana twaititevera. Vanhu vaititarisa noruremekedzo uye vobata mwana wedu. Kupupurira kwaifadza nokuti vanhu vacho vaiteerera zvokuti. Taifunga kuti vanhu vose vaizowana chokwadi, nokuti zvaiva nyore kutanga zvidzidzo zveBhaibheri. Zvisinei, zvaiva zvakaomera vakawanda kusiyana netsika dzavo dzisingapindirani nemagwaro. Asi, vakati wandei vakatanga kushandisa tsika dzakanaka dzeBhaibheri, uye vanhu vakawedzera muungano. Hatikanganwi gungano redunhu rokutanga ratakaita muna 1968 muJinja. Tinofara patinofunga nezvevaya vataidzidza navo Bhaibheri vakabhabhatidzwa muRwizi rweNile. Asi rugare rwedu rwaizovhiringidzwa nokukurumidza.

Kurambidzwa—Muedzo Wokutenda uye Kungwaririra

Muna 1971, Mutungamiriri Idi Amin akabvuta chigaro. MuJinja makava nemhirizhonga isingadzoreki, uye patakanga tichitonwa zvedu tii mubindu redu ndipo pakaitika zvatsanangurwa kumavambo kwenyaya ino. Mumakore maviri akatevera, vakawanda vaibva kuAsia vakadzingwa munyika yacho. Vakawanda vokune dzimwe nyika vakasarudza kuenda, uye zvikoro nezvipatara zvakanga zvisisiri kufamba zvakanaka zvachose. Ipapo zvakabva zvangoziviswa pachena kuti Zvapupu zvaJehovha zvarambidzwa. Vaine hanya nokuchengeteka kwedu, veDhipatimendi reDzidzo vakatiendesa kuguta guru reKampala. Kutama uku kwakabatsira munzira mbiri. Takanga tisinganyanyozivikanwi muKampala saka taigona kufamba takasununguka. Paivawo nebasa rakawanda rokuita muungano uye mubasa romumunda.

Brian naMarion Wallace nevana vavo vaviri vakanga vari mumamiriro ezvinhu akafanana needu, uye vakasarudzawo kugara muUganda. Takafara zvikuru kuva navo sezvatakashanda pamwe chete muUngano yeKampala munguva iyi yakaoma. Takakurudzirwa zvikuru nenyaya dzatakanga tamboverenga dzaiva nechokuita nehama dzedu dzaishanda munguva dzokurambidzwa mune dzimwe nyika. Taisangana mumapoka maduku, uye kamwe pamwedzi, taiungana takati wandei muEntebbe Botanical Gardens, tichinyepedzera kunge taiva nepati. Vanasikana vedu vakafunga kuti yakanga iri pfungwa yakanaka kwazvo.

Taifanira kungwaririra zvikuru nezvokuparidzira kwataiita. Paizova nokunyumwira kwakanyanya kana varungu vaizoshanyira misha yevanhu vomuUganda. Saka ndima yedu yakava zvitoro, mafurati uye pazvikoro. Imwe nzira yandaishandisa muzvitoro yaiva yokubvunza chimwe chinhu chandaiziva kuti hachichawaniki, seshuga kana mupunga. Kana mutengesi womuchitoro airatidza kushushikana nezvakanga zvichiitika munyika yacho ndaibva ndataura nezveshoko roUmambo. Izvi zvakashanda chaizvo. Apo neapo, ndaibva pachitoro chacho ndava nomunhu wokuzodzokera kunoona uyewo nezvishoma zvezvinhu zvakanga zvisingachanyanyowaniki.

Zvichakadai, chisimba chakaramba chichipararira kwakatipoteredza. Zviremera hazvina kundibvumirazve kuramba ndichishanda, nokuti ukama hweUganda neBritain hwakanga huchiwedzera kuipa. Saka muna 1974, tapedza makore masere tiri muUganda, yakanga yava nguva inosuwisa kuonekana nehama dzedu. Kunyange zvakadaro takaramba tiine pfungwa yedu yokuva mamishinari.

Kuenda kuNew Guinea

Muna January 1975 takawana mukana wokushanda muPapua New Guinea. Ndiko kutanga kwakaita makore masere ebasa rinonakidza munzvimbo iyi yePacific. Upenyu hwedu nehama dzeko uye muushimiri hwainge hwakapfuma uye huchifadza.

Mhuri yedu inoyeuka kugara kwatakaita muPapua New Guinea senguva yemitambo—mitambo yeBhaibheri. Gore negore taibatanidzwa mukugadzirira mitambo yekokorodzano, uye zvaizonakidza! Taifara kusonganira nemhuri dzakawanda dzaifarira zvokunamata, uye dzakakurudzira vanasikana vedu mune zvakanaka. Mwanasikana wedu wedangwe, Sara, akaroorwa napiyona chaiye, Ray Smith, uye vakashanda pamwe chete semapiyona chaiwo pedyo nomuganhu weIrian Jaya (zvino Papua, ruwa rweIndonesia). Vaiva neimba youswa mumusha weimomo, uye Sara anoti akadzidza zvakawanda munguva yaakapedzera mubasa iroro.

Kujairana Nemamiriro Ezvinhu Anochinja

Panguva ino vabereki vangu vakanga vava kuda kunyatsotarisirwa. Pane kuti tidzokere kuEngland, vabereki vangu vakabvuma kuuya kuzogara nesu, uye tose takatamira kuAustralia muna 1983. Vakambogarawo nehanzvadzi yangu Daphne, uyo akanga achiri kuJapan. Vabereki vangu vafa, ini naAnn takasarudza kuva mapiyona enguva dzose, uye izvi zvakatungamirira kuropafadzo huru.

Takanga tichangotanga kupayona patakakokwa kuzoita basa redunhu. Kubva ndiri muduku, ndaiona kushanya kwomutariri wedunhu senguva inokosha. Zvino ndakanga ndava mutariri wedunhu. Basa iri rakanga rakaoma zvikuru pane atakanga tamboita muupenyu hwedu, asi Jehovha airamba achitibatsira munzira dzakawanda dzatakanga tisati tamboona.

Pakashanya Hama Theodore Jaracz muAustralia vari mutariri wenyika muna 1990, takavabvunza kana vaifunga kuti takanga takura zvokutadza kuita basa renguva yakazara mhiri kwemakungwa. Vakati: “Ko kuSolomon Islands?” Saka pakupedzisira, ini naAnn tava nemakore okuma50, takaenda kwataizoita basa redu rokutanga semamishinari chaiwo.

Kushanda mu“Happy Isles”

Solomon Islands inozivikanwa seHappy Isles, uye basa redu kuno kwemakore gumi apfuura rave richifadza chaizvo. Ini naAnn takaona mutsa nounyoro zvehama nehanzvadzi dzomuSolomon Islands pandaiva mutariri woruwa. Kugamuchirwa kwataiitwa kwakatisvika pamwoyo, uye munhu wose aindinzwisisa pandaiedza kutsanangura zvinhu mune zvandaifunga kuti zvaigamuchirika mumutauro wokuSolomon Islands unonzi Pidgin—mumwe wemitauro ine mashoko mashomanana pasi pose.

Tichangosvika muSolomon Islands, vashori vakaedza kutivhiringidza pakushandisa Imba yedu Yemagungano. Chechi yeAnglican yakapomera Zvapupu zvaJehovha, ichiti Imba yedu Yemagungano itsva yomuHoniara yainopinda zvishoma muyadhi yavo. Hurumende yakatsigira zvavaitaura, saka takakwirira mutongo wacho kuDare Repamusoro. Zvaizobuda pakukwirira uku ndizvo zvaizotema kana taifanira kuputsa Imba yedu Yemagungano itsva inogara vanhu 1 200.

Nyaya yacho yakava mudare kwevhiki yose. Gweta raipikisa rainzwa uye rairatidza kuti raiva nechivimbo chakanyanya, sezvo nyaya yezvataipomerwa yaiva mudariro. Zvadaro, gweta redu, Hama Warren Cathcart vokuNew Zealand, vachitopa umboo hwakasimba, vakafumura uye vakaratidza kusashanda kwechimwe nechimwe chezvaitaurwa nevapomeri. Pakazosvika musi weChishanu, zvakaitika mudare macho zvakanga zvapararira kure, uye dare rakanga rakazara nevatungamiriri vemachechi, vakuru vakuru vehurumende, uye hama dzedu dzechiKristu. Ndinoyeuka kukanganisa kunyorwa kwaiva kwakaitwa pachiziviso chomudare. Chaiti: “Hurumende yeSolomon Islands neChechi yeMelanesia vachipikisana naJehovha.” Takahwinha.

Zvisinei, kwaiita sokugadzikana kweHappy Isles kwakanga kusingazogarisi. Zvekare, ini naAnn takazviwana tava pakati pemhirizhonga nechisimba zvemauto akabvuta chigaro. Kumukirana kwemadzinza kwakakonzera kurwisana kwevanhu vomunyika imwe chete. Musi waJune 5, 2000, hurumende yakakuduburwa uye guta guru rakatanga kudzorwa nemauto aiva nezvombo. Kwevhiki dzakati kuti Imba yedu Yemagungano yakava nzvimbo yokuchengetera vakanga vatiza misha yavo. Zviremera zvakashamiswa kuti hama dzedu dzechiKristu dzinobva kumadzinza airwisana dzaigara semhuri imwe chete murugare muImba Yemagungano. Hwakava uchapupu hwakazonaka!

Mauto akatoremekedzawo kusapindira kweZvapupu zvaJehovha mune zvematongerwe enyika. Izvi zvakaita kuti tigone kunyengetedza mumwe wevakuru vemauto kubvumira rori yemabhuku nezvimwewo zvinhu kuti zviendeswe kuhama shoma dzaiva rimwe divi rairwisana nemauto. Patakaona mhuri dzacho dzatakanga taparadzana nadzo kwemwedzi yakati, handifungi kuti pane asina kudonhedza musodzi.

Zvizhinji Zvokuti Tionge Nezvazvo

Tichifunga nezvoupenyu hwedu mubasa raJehovha, tine zvizhinji zvokuti tionge nezvazvo. Sevabereki, takava nechikomborero chokuona vanasikana vedu vose nevarume vavo, Ray naJohn, vachiramba vachishumira Jehovha vakatendeka. Vave vachititsigira zvikuru mubasa redu roumishinari.

Kwemakore 12 apfuura, ini naAnn takava neropafadzo yokushanda pahofisi yebazi reSolomon Islands, uye panguva iyi, tave tichiona nhamba yevazivisi voUmambo ichiwedzera nekaviri, ichipfuura pa1 800. Nguva ichangopfuura, ndakava neimwezve ropafadzo yokupinda Chikoro cheNhengo dzeDare reBazi muPatterson, New York. Zvechokwadi, takava noupenyu hunogutsa nezvikomborero zvakawanda nokuti takaramba tiine pfungwa youmishinari.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 10 Ona nyaya inoti “Hatina Kuverengera” iri muNharireyomurindi yeChirungu yaJanuary 15, 1977.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Pazuva romuchato wedu, muna 1960

[Mufananidzo uri papeji 24]

MuUganda, Stanley naEsinala Makumba vaikurudzira mhuri yedu

[Mufananidzo uri papeji 24]

Sara achipinda muimba yomuvakidzani

[Mufananidzo uri papeji 25]

Ndainyora mifananidzo kuti indibatsire kudzidzisa vanhu muSolomon Islands

[Mufananidzo uri papeji 25]

Tichipinda neungano iri kure nedzimwe yomuSolomon Islands

[Mufananidzo uri papeji 26]

Mhuri yedu nhasi