Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesi—I

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesi—I

Shoko raJehovha Ibenyu

Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raGenesi—I

“GENESI” zvinoreva “mavambo,” kana kuti “kuberekwa.” Iri izita rakakodzera bhuku rinorondedzera kuti zvinhu zvose zvakasikwa zvakavapo sei, kuti pasi rakagadzirwa sei kuti rigarwe nevanhu, uye kuti munhu akatanga sei kugara mariri. Mosesi akanyora bhuku iri ari murenje reSinai, zvichida achiripedza muna 1513 B.C.E.

Bhuku raGenesi rinotiudza nezvenyika yaivapo Mafashamo asati auya, zvakaitika Mafashamo apfuura, uye kuti Jehovha akabata sei naAbrahama, Isaka, Jakobho, naJosefa. Nyaya ino ichataura pfungwa huru dziri muna Genesi 1:1–11:9, zvikurukuru kusvikira panguva apo Jehovha akatanga kubata natateguru Abrahama.

NYIKA YAIVAPO MAFASHAMO ASATI AUYA

(Genesi 1:1–7:24)

Mashoko okutanga aGenesi anoti, “pakutanga,” anotaura nezvemabhiriyoni emakore akapfuura. Zvakaitika zve“mazuva” matanhatu okusika, kana kuti nguva yemabasa anokosha okusika, zvinorondedzerwa sezvazvaifanira kuva zvakaita kumunhu anoona kudai akanga aripo pasi pano. Pakupera kwezuva rechitanhatu, Mwari akasika munhu. Kunyange zvazvo Paradhiso inorasika nokukurumidza nokuda kwokusateerera kwevanhu, Jehovha anopa tariro. Uprofita hwokutanga-tanga hweBhaibheri hunotaura nezvo‘mwana’ achapedza migumisiro yechivi okuvadza Satani mumusoro.

Mumazana 16 emakore anotevera, Satani anobudirira kutsausa pana Mwari vanhu vose kunze kwevashomanana vakatendeka, vakadai saAbheri, Enoki, naNoa. Somuenzaniso, Kaini anoponda munun’una wake akarurama, Abheri. “Vanhu va[no]tanga kudana zita raJehovha,” asi nenzira yokuzvidza. Achitaura nezvechisimba chemazuva iwayo, Rameki anoita nhetembo yokuuraya kwaakaita rimwe jaya, achiti aizvidzivirira. Zvinhu zvinowedzera kuipa sezvo vanakomana vaMwari vari ngirozi vanotora vakadzi kuti vave vadzimai vavo ndokubereka hofori dzine chisimba dzinonzi maNefirimu. Asi, Noa akatendeka anovaka areka, anonyevera vamwe noushingi nezveBoporodzi riri kuuya, uye iye nemhuri vanopona pakuparadza kwaro.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

1:16—Mwari aigona sei kuita kuti chiedza chivepo pazuva rokutanga kana zvinovhenekera zvakatozoitwa pazuva rechina? Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “ita” mundima 16 harina kufanana neshoko rinoshandurwa kuti “sika” muna Genesi chitsauko 1, ndima 1, 21, ne27. “Denga” raiva nezvinovhenekera rakanga ratosikwa kare ‘zuva rokutanga’ risati ratombotanga. Asi chiedza chazvo chakanga chisingasviki pasi. Pazuva rokutanga, ‘chiedza chakavapo’ nokuti chiedza chakapinda nomumakore chikaonekwa panyika. Saka, pasi rinotenderera rakatanga kuva nemasikati nousiku. (Genesi 1:1-3, 5) Kwaibva chiedza ichocho kwakaramba kusingaonekwi uri panyika. Zvisinei, panguva yokusika yechina, pakava nokuchinja kukuru. Zuva, mwedzi, nenyeredzi zvino zvakaitwa “kuti zvivhenekere panyika.” (Genesi 1:17) ‘Mwari akazviita,’ mukuti zvakanga zvave kuonekwa uri panyika.

3:8—Jehovha Mwari akataura naAdhamu zvakananga here? Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari paaitaura nevanhu, aiwanzozviita achishandisa ngirozi. (Genesi 16:7-11; 18:1-3, 22-26; 19:1; Vatongi 2:1-4; 6:11-16, 22; 13:15-22) Mutauriri waMwari mukuru aiva Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, anonzi “Shoko.” (Johani 1:1) Zvingadaro kuti Mwari akataura naAdhamu naEvha achishandisa “Shoko.”—Genesi 1:26-28; 2:16; 3:8-13.

3:17—Pasi rakatukwa munzirai, uye kwenguva yakareba sei? Kutukwa kwakaitwa pasi kwaireva kuti kuririma zvino kwaizova kwakaoma kwazvo. Migumisiro yokutukwa kwepasi, neminzwa noutumbambeva zvaro, zvakatambudza zvikuru vazukuru vaAdhamu zvokuti Rameki, baba vaNoa, vakataura nezvoku“tambudzika kwamaoko edu, zvinobva panyika yakatukwa naJehovha.” (Genesi 5:29) Mafashamo apera, Jehovha akakomborera Noa nevanakomana vake, achitaura chinangwa Chake chokuti vazadze nyika. (Genesi 9:1) Saka zviri pachena kuti kutukwa kwepasi naMwari kwakapera.—Genesi 13:10.

4:15—Jehovha ‘akaisira Kaini chiratidzo’ sei? Bhaibheri haritauri kuti chiratidzo chakaiswa pana Kaini munzira chero ipi. Zvichida chiratidzo chacho chaibatanidza murayiro waikosha waizivikanwa uye waichengetwa nevamwe uye waiva waitirwa kumudzivirira pakuurayiwa nokuda kwokutsiva.

4:17—Kaini akawana kupi mudzimai wake? Adhamu “akabereka vanakomana navanasikana.” (Genesi 5:4) Saka Kaini akaroora mumwe wehanzvadzi dzake kana kuti zvichida mumwe wevazukuru vake. Gare gare, Mutemo waMwari kuvaIsraeri wakarambidza kuroorana kwehanzvadzi nehanzvadzi.—Revhitiko 18:9.

5:24—Mwari aka‘tora Enoki’ munzirai? Zviri pachena kuti Enoki akanga ari pangozi yokuurayiwa, asi Mwari haana kubvumira vavengi vake kuti vamuuraye. “Enoki akatamiswa kuti asaone rufu,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaHebheru 11:5) Izvi hazvirevi kuti Mwari akamutora kuenda kudenga, kwaakaramba ari mupenyu. Jesu ndiye akatanga kukwira kudenga. (Johani 3:13; VaHebheru 6:19, 20) ‘Kutamiswa kwaEnoki kuti asaone rufu’ kungareva kuti Mwari aimuratidza chimwe chinhu nenzira youprofita akabva agumisa upenyu hwake zvichakadaro. Mumamiriro ezvinhu akadaro, Enoki haana kuurayiwa nevavengi vake, kana kuti ‘kuona rufu.’

6:6—Zvinogona kunzi Jehovha “akazvidemba” kuti akanga asika munhu mupfungwai? Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti ‘kuzvidemba’ pano rine chokuita nokuchinja kwemafungiro kana kuti chinangwa. Jehovha akakwana naizvozvo haana kukanganisa pakusika munhu. Zvisinei, akachinja mafungiro nezvechizvarwa chakaipa chaivapo Mafashamo asati auya. Mwari akachinja kubva pakuva Musiki wevanhu ndokuva muparadzi wavo nokuti akanga asingafariri uipi hwavo. Chokwadi chokuti akachengetedza vamwe vanhu chinoratidza kuti kuzvidemba kwake kwaingova pane vaya vakanga vakaipa.—2 Petro 2:5, 9.

7:2—Chii chaishandiswa kusiyanisa mhuka dzakachena nedzisina? Kusiyanisa kwaiva nechokuita nokushandiswa kwezvibayiro pakunamata asi kwete pakuti chii chingadyiwa kana kuti chingasadyiwa. Vanhu vakanga vasingadyi nyama yemhuka Mafashamo asati auya. Mashoko okuti “kuchena” uye “chisina kuchena” pane zvokudya akatozouya noMutemo waMosesi, uye akaguma pawakabviswa. (Mabasa 10:9-16; VaEfeso 2:15) Zviri pachena kuti Noa aiziva zvakanga zvakakodzera kubayirwa pakunamata Jehovha. Achangobuda muareka, “akavakira Jehovha atari, akatora dzimwe pamhuka dzose dzakanaka neshiri dzose dzakanaka, akapisira zvipiriso zvinopiswa paatari.”—Genesi 8:20.

7:11—Mvura yakakonzera Mafashamo enyika yose yakabva kupi? Munguva yokusika yechipiri, kana kuti “zuva,” pakaumbwa “nzvimbo” yepasi, paiva nemvura “yakanga iri pasi penzvimbo” nemvura “yakanga iri pamusoro penzvimbo.” (Genesi 1:6, 7) Mvura “yakanga iri pasi” ndiyo yaitova pasi pano. Mvura yaiva “pamusoro” ndiyo yaiva unyoro hwakawanda hwaiva pamusoro penyika, huchiumba mvura ye“pakadzika-dzika.” Mvura iyi yakanaya panyika muzuva raNoa.

Zvatinodzidza:

1:26. Sezvavakaitwa mumufananidzo waMwari, vanhu vanogona kuratidza unhu hwaMwari. Chokwadi tinofanira kuedza kukudziridza unhu hwakadai sorudo, ngoni, mutsa, kunaka, nokushivirira, tichiratidza zvakaita Uyo akatiita.

2:22-24. Mwari ndiye akaita urongwa hwokuroorana. Chisungo chokuroorana chinogara narini uye chitsvene, murume ari iye musoro wemhuri.

3:1-5, 16-23. Kuti tifare tinofanira kuziva muupenyu hwedu kuti Jehovha ndiye changamire.

3:18, 19; 5:5; 6:7; 7:23. Shoko raJehovha nderechokwadi nguva dzose.

4:3-7. Jehovha akafadzwa nechibayiro chaAbheri nokuti akanga ari munhu akarurama ane kutenda. (VaHebheru 11:4) Ukuwo, sezvinoratidzwa nezviito zvake, Kaini akanga asina kutenda. Mabasa ake akanga akaipa, aionekwa negodo, ruvengo, uye kuponda. (1 Johani 3:12) Uyezve, zvichida haana kumbonyanyofunga nezvechibayiro chake uye akangochipa asina hanya. Zvibayiro zvedu zvokurumbidza Jehovha hazvifaniri here kuva zvomwoyo wose pamwe nemafungiro akanaka uye maitiro akarurama?

6:22. Kunyange zvakatora makore akawanda kuvaka areka, Noa akaita chaizvo zvaakanga arayirwa naMwari. Naizvozvo Noa nemhuri yake vakachengetedzwa muBoporodzi. Jehovha anotaura nesu achishandisa Shoko rake rakanyorwa uye anotitungamirira kuburikidza nesangano rake. Tinobatsirwa nokuteerera.

7:21-24. Jehovha haaparadzi vakarurama pamwe nevakaipa.

VANHU VANOPINDA MUNGUVA ITSVA

(Genesi 8:1–11:9)

Nyika yakatangira Mafashamo yapfuura, vanhu vanopinda munguva itsva. Vanhu vanobvumirwa kudya nyama asi paine murayiro wokurega ropa. Jehovha anotendera chirango chorufu kune mhondi uye anoita sungano yomuraraungu, achivimbisa kusazounzazve Boporodzi. Vanakomana vatatu vaNoa vanova madzitateguru evanhu vose, asi muzukuru chibvi wake Nimirodhi anova “mudzimba mukuru pamberi paJehovha.” Pane kuti vapararire nenyika, vanhu vanosarudza kuvaka guta rinonzi Bhabheri neshongwe yokuti vazviitire zita rine mukurumbira. Zvavanovavarira hazvibudiriri Jehovha paanovhiringidza mutauro wavo obva avaparadzira kwose kwose nenyika.

Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa:

8:11—Kana miti yakaparadzwa neMafashamo, njiva yakawana kupi shizha romuorivhi? Pane zvinhu zviviri zvinogona kunge zvakaitika. Sezvo muorivhi uri muti usingafi nhando, ungangove wakaramba uri mupenyu pasi pemvura kwemwedzi yakati kuti muBoporodzi. Mvura yemafashamo zvayaiserera, muorivhi wainge wakanyura waizovazve pavhu rakaoma uye waigona kutungira mashizha. Shizha romuorivhi rakaendeswa kuna Noa nenjiva rinogonawo kunge rakabva pamuorivhi uchangomera wakabuda mvura yemafashamo yaserera.

9:20-25—Noa akatukirei Kanani? Zvingangodaro kuti Kanani aiva nemhosva yokubata sekuru vake, Noa, zvisina kufanira kana kuti kuvaitira zvimwe zvakaipa. Kunyange zvazvo Hami, baba vaKanani, vakazviona, hapana zvavakaita kunze kwokutoparadzira nyaya yacho. Zvisinei, vamwe vanakomana vaNoa vaviri, Shemi naJafeti, vakafukidza baba vavo. Saka vakakomborerwa, asi Kanani akatukwa, uye Hami akatambura pamusana pokunyadziswa kwakauya pamwana wake.

10:25—Nyika yainge “yakakamurwa” sei mumazuva aPeregi? Peregi akararama kubva muna 2269 kusvika muna 2030 B.C.E. Maiva mu“mazuva ake” apo Jehovha akakonzera kukamukana kukuru nokuvhiringidza mutauro wevaivaka Bhabheri achibva avaparadzira kwose kwose panyika. (Genesi 11:9) Saka, “nyika [kana kuti, vagari vomunyika] yakakamurwa” mumazuva aPeregi.

Zvatinodzidza:

9:1; 11:9. Hapana zvirongwa zvevanhu kana zvavanoedza kuita zvingavhiringidza chinangwa chaJehovha.

10:1-32. Nhoroondo mbiri dzemadzinza eMafashamo—zvitsauko 5 ne10—dzinobatanidza rudzi rwose rwevanhu nomunhu wokutanga, Adhamu, nokuvanakomana vaNoa vatatu. VaAsiria, vaKardhia, vaHebheru, vaSiria uye mamwe madzinza evaArabhiya, vazukuru vaShemi. VaEtiopiya, vaIjipiti, vaKanani, uye mamwe madzinza evanhu vomuAfrica neArabhiya vazukuru vaHami. Vanhu vechiIndia nevokuEurope vazukuru vaJafeti. Vanhu vose vane ukama, uye vose vanoberekwa vakaenzana pamberi paMwari. (Mabasa 17:26) Chokwadi ichi chinofanira kuchinja maonero uye mabatiro atinoita vamwe.

Shoko raMwari Rinogona Kuva Nesimba

Chikamu chokutanga chebhuku raGenesi ndicho chine nhoroondo yakarurama bedzi yenhau yekare yevanhu. Mumapeji ano, tinowana nzwisiso yechinangwa chaMwari chokuisa vanhu pasi pano. Zvinokurudzira kuona kuti hapana kuedza kwevanhu, sezviya zvakamboitwa naNimirodhi, kunogona kudzivisa kuzadzika kwacho!

Sezvaunoverenga Bhaibheri vhiki nevhiki uchigadzirira Chikoro chaMwari Choushumiri, kufungisisa zvinotaurwa pachikamu chinoti “Mibvunzo yeMagwaro Inopindurwa” kuchakubatsira kunzwisisa dzimwe ndima dzakaoma dziri muMagwaro. Mashoko ari pasi pe“Zvatinodzidza” achakuratidza kubatsirwa kwaungaitwa nokuverenga Bhaibheri kwevhiki iyoyo. Pazvinenge zvakakodzera, anogona kushandisirwa pahurukuro yezvinodiwa muungano paMusangano Webasa. Shoko raJehovha ibenyu zvechokwadi uye rinogona kuva nesimba muupenyu hwedu.—VaHebheru 4:12.