Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vose Ngavazivise Kukudzwa kwaJehovha

Vose Ngavazivise Kukudzwa kwaJehovha

Vose Ngavazivise Kukudzwa kwaJehovha

“Ipai Jehovha kukudzwa nesimba. Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake.”—PISAREMA 96:7, 8.

1, 2. Kurumbidzwa kunopiwa Jehovha kunobva kupi, uye ndivanaani vanokurudzirwa kuti vadarowo?

DHAVHIDHI mwanakomana waJese, akakurira munharaunda yeBheterehema ari mufudzi. Anofanira kunge aigara achitarira mudenga guru rizere nenyeredzi muusiku hwakanyarara achifudza makwai ababa vake mumafuro iwayo aiva kure! Hapana mubvunzo kuti akayeuka zvakajeka zvaakaona izvozvo, paakafuridzirwa nomudzimu mutsvene waMwari ndokunyora nokuimba mashoko anonakidza ePisarema rechi19 anoti: “Kudenga-denga kunoparidzira kubwinya kwaMwari; uye denga rinoratidza basa ramaoko ake.” Rwonzi rwokuyera rwazvo rwakasvika kunyika yose, namashoko azvo kumugumo wenyika.—Pisarema 19:1, 4.

2 Matenga aJehovha anoshamisa anozivisa kubwinya kwake zuva nezuva, uye usiku hwoga hwoga, pasina kutaura, pasina mashoko, uye pasina inzwi. Chisiko hachimboregi kuzivisa kubwinya kwaMwari, uye chinoita kuti tizvininipise patinofunga nezvouchapupu uhwu hwakanyarara hunoenda “kunyika yose” kuti vagari vayo vose vaone. Zvisinei, uchapupu hwakanyarara hwechisiko hahuna kukwana. Vanhu vakatendeka vanokurudzirwa kuti vataurewo neinzwi rinonzwika. Mumwe munyori wepisarema asina kutaurwa nezita akaudza vanamati vakatendeka mashoko aya akafuridzirwa anoti: “Ipai Jehovha kukudzwa nesimba. Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake.” (Pisarema 96:7, 8) Vaya vane ukama hwepedyo naJehovha vanofara kubvumirana nokukurudzira ikoko. Zvisinei, kukudza Jehovha kunosanganisirei?

3. Nei vanhu vachikudza Mwari?

3 Zvakawanda zvinodiwa kupfuura mashokowo zvawo. VaIsraeri vomuzuva raIsaya vaikudza Mwari nemiromo yavo, asi kune vakawanda zvakanga zvisingabvi pamwoyo. Achishandisa Isaya, Jehovha akati: “Ava vanhu zvavanoswedera kwandiri, vachindikudza nomuromo wavo uye nemiromo yavo, asi mwoyo yavo vakaiisa kure neni.” (Isaya 29:13) Kurumbidza chero kupi kwaitaurwa nevanhu ivavo kwaiva kusina zvakunoreva. Kuti kurumbidza kuve nezvakunoreva kunofanira kubva pamwoyo uzere nokuda Jehovha uye kuziva nomwoyo wose kukudzwa kwakamukodzera iye oga. Jehovha oga ndiye Musiki. Ndiye Wemasimba ose, Iye Akarurama, ndiye rudo pachake. Ruponeso rwedu runobva kwaari uye ndiye Changamire akakodzera uyo munhu wose anogara kudenga nepasi anozviisa pasi pake. (Zvakazarurwa 4:11; 19:1) Kana tichitenda zvinhu izvi zvechokwadi, ngatimukudzei nemwoyo yedu yose.

4. Jesu akapa mirayiridzo ipi nezvokukudza Mwari, uye tingaiita sei?

4 Jesu Kristu akatiudza kuti tinokudza sei Mwari. Akati: “Baba vangu vano[kudzwa] neizvi, kuti munoramba muchibereka zvibereko zvakawanda uye munozviratidza kuva vadzidzi vangu.” (Johani 15:8) Tinobereka sei zvibereko zvakawanda? Kutanga, nokuparidzira nomwoyo wose “mashoko akanaka oumambo” nokudaro tobatana nezvinhu zvose zvakasikwa “kupupurira” nezvaMwari, “izvo zvaari zvisingaoneki.” (Mateu 24:14; VaRoma 1:20) Uyezve, nenzira iyi tose tinogoverana—zvakananga kana kuti zvisina kunanga—kuita vadzidzi vatsva vanowedzera kurumbidza Jehovha Mwari. Chechipiri, tinokudziridza zvibereko zvinoberekwa matiri nomudzimu mutsvene uye toedza kutevedzera unhu hwakakwirira hwaJehovha Mwari. (VaGaratiya 5:22, 23; VaEfeso 5:1; VaKorose 3:10) Somugumisiro, mufambiro wedu wezuva nezuva unokudza Mwari.

“Mupasi Rose”

5. Tsanangura kuti Pauro akasimbisa sei basa revaKristu rokukudza Mwari nokuudzawo vamwe kutenda kwavo.

5 Mutsamba yake kuvaRoma, Pauro akasimbisa basa revaKristu rokukudza Mwari nokuudza vamwe kutenda kwavo. Shoko guru riri muna VaRoma nderokuti vaya vanotenda muna Jesu Kristu ndivo chete vangaponeswa. MuVaR chitsauko 10 chetsamba yake, Pauro akaratidza kuti Israeri chaiye womuzuva rake akanga achiri kuedza kunzi akarurama nokutevera Mutemo waMosesi, nepo “Kristu [aiva] mugumo woMutemo.” Saka, Pauro anoti: “Kana uchizivisa pachena ‘shoko iroro riri mumuromo mako,’ kuti Jesu ndiShe, uye uchitenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.” Kubva ipapo, pave pasina “mutsauko pakati pomuJudha nomuGiriki, nokuti kuna Ishe mumwe pamusoro pavose, akapfuma kune avo vose vanodana paari. Nokuti ‘munhu wose anodana pazita raJehovha achaponeswa.’”—VaRoma 10:4, 9-13.

6. Pauro akashandisa sei Pisarema 19:4?

6 Nenzira inonzwisisika, Pauro anobva abvunza kuti: “Vachadana sei pana iye wavasina kutenda? Uyewo, vachatenda sei maari wavasina kunzwa? Uyewo, vachanzwa sei pasina mumwe munhu anoparidza?” (VaRoma 10:14) NezvevaIsraeri, Pauro anoti: “Havasi vose vakateerera mashoko akanaka.” Nei vaIsraeri vasina kuteerera? Kusateerera kwavo kwakakonzerwa nokusava nokutenda, kwete nokushayiwa mukana. Pauro anoratidza izvi nokutora mashoko ePisarema 19:4 ndokuashandisira kubasa rokuparidza revaKristu pane kuashandisira kuuchapupu hwakanyarara hwechisiko. Anoti: “Chokwadi, chaizvoizvo, ‘inzwi ravo rakabudira mupasi rose, uye mashoko avo kumigumo yepasi rinogarwa.’” (VaRoma 10:16, 18) Chokwadi, sechisiko chisina upenyu chinokudza Jehovha, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaparidza mashoko akanaka oruponeso kwose kwose nokudaro ndokurumbidza Mwari “mupasi rose.” Mutsamba yake kuvaKorose, Pauro akataurawo kuti mashoko akanaka akanga aparadzirwa kusvika kure zvakadini. Akati mashoko akanaka akanga aparidzwa “pakati pezvisikwa zvose zviri pasi pedenga.”—VaKorose 1:23.

Zvapupu Zvinoshingaira

7. Maererano naJesu, vaKristu vane basa rei?

7 Pauro angangove akanyora tsamba yake kuvaKorose anenge makore 27 Jesu Kristu afa. Basa rokuparidza ringave rakanga rapararira sei zvokusvika kuKorose munguva pfupi yakadaro? Zvakaitika nokuti vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaishingaira, uye Jehovha akakomborera kushingaira kwavo. Jesu akanga afanotaura kuti vateveri vake vaizova vaparidzi vanoshingaira paakati: “Mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ose.” (Mako 13:10) Kuuprofita ihwohwo, Jesu akawedzera murayiro wakanyorwa mundima dzokupedzisira dzeEvhangeri yaMateu unoti: “Naizvozvo endai muite vanhu vamarudzi ose vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvinhu zvose zvandakakurayirai.” (Mateu 28:19, 20) Jesu achangoenda kudenga, vateveri vake vakatanga kuzadzika mashoko iwayo.

8, 9. Maererano naMabasa, vaKristu vakaitei pane zvavakarayirwa naJesu?

8 Mudzimu mutsvene wadururwa pavateveri vaJesu vakavimbika paPendekosti ya33 C.E., chavakatanga kuita kwaiva kuenda kunoparidza, vachiudza mapoka evanhu muJerusarema “pamusoro pezvinhu zvikuru zvaMwari.” Kuparidza kwavo kwakabudirira zvikuru, uye “mweya inenge zviuru zvitatu” yakabhabhatidzwa. Vadzidzi vakaramba vachirumbidza Mwari pachena nokushingaira, nemigumisiro yakanaka.—Mabasa 2:4, 11, 41, 46, 47.

9 Nokukurumidza mabasa evaKristu ivavo akazivikanwa nevatungamiriri vechitendero. Vavhiringidzwa nokutaura kusina kupoterera kwaPetro naJohani, vakarayira kuti vaapostora vacho vaviri varege kuparidza. Vaapostora vacho vakapindura kuti: “Hatingaregi kutaura pamusoro pezvinhu zvatakaona nezvatakanzwa.” Pashure pokunge vatyisidzirwa uye vasunungurwa, Petro naJohani vakadzokera kuhama dzavo, uye vakanyengetera vose kuna Jehovha. Noushingi, vakakumbira Jehovha kuti: “Mubvumire varanda venyu kuti varambe vachitaura shoko renyu vasingatyi.”—Mabasa 4:13, 20, 29.

10. Kushorwa kupi kwakatanga kuoneka, uye vaKristu vechokwadi vakaitei?

10 Munyengetero iwoyo waienderana nezvaidiwa naJehovha, sezvakazoonekwa gare gare. Vaapostora vakasungwa uye vakabva vasunungurwa nengirozi nenzira inoshamisa. Ngirozi yakavaudza kuti: “Endai, uye, kana mamira mutemberi, rambai muchitaura kuvanhu mashoko ose pamusoro poupenyu uhu.” (Mabasa 5:18-20) Nokuti vaapostora vakateerera, Jehovha akaramba achivakomborera. Saka, “mazuva ose vakaramba vachidzidzisa nokuzivisa mashoko akanaka pamusoro paiye Kristu Jesu, mutemberi uye paimba neimba vasingaregi.” (Mabasa 5:42) Zvakajeka kuti kushorwa kwakasimba kwakatadza zvachose kumisa vateveri vaJesu kukudza Mwari pachena.

11. VaKristu vekare vaiona sei basa rokuparidza?

11 Pasina nguva Stefani akasungwa uye akatakwa nematombo kusvikira afa. Kupondwa kwake kwakamutsa kutambudza kwoutsinye muJerusarema, uye vadzidzi vose kusiya kwevaapostora vaifanira kupararira kure. Vakaora mwoyo nokutambudzwa kwacho here? Kana. Tinoverenga kuti: “Avo vakanga vapararira vakapfuura nomunyika iyoyo vachizivisa mashoko akanaka eshoko.” (Mabasa 8:1, 4) Kushingairira kuzivisa kukudzwa kwaMwari kwakaramba kuchioneka. Muchitsauko 9 chaMabasa, tinoverenga kuti Sauro muFarisi weTaso, paaienda kuDhamasiko kunotanga kutambudza vadzidzi vaJesu ikoko, akaona Jesu ndokubva ava bofu. MuDhamasiko, Ananiyasi akasvinudza Sauro nenzira inoshamisa. Ndechipi chinhu chokutanga icho Sauro—uyo akazozivikanwa somuapostora Pauro—akaita? Zvakanyorwa zvinoti: “Akabva atanga kuparidza Jesu mumasinagogi, kuti Uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”—Mabasa 9:20.

Vose Vaiparidza

12, 13. (a) Maererano nevanyori venhau dzakaitika, ungano yechiKristu yekare yaizivikanwa nechii? (b) Bhuku raMabasa uye mashoko aPauro zvinopindirana sei nemashoko evanyori venhau dzakaitika?

12 Zvinozivikanwa chaizvo kuti vose vaiva muungano yechiKristu yekare vaiita basa rokuparidza. NezvevaKristu mumazuva iwayo, Philip Schaff anonyora kuti: “Ungano yoga yoga yaiva boka remamishinari, uye mutendi wechiKristu oga oga aiva mumishinari.” (History of the Christian Church) W. S. Williams anoti: “Uchapupu hunozivikanwa ndehwokuti vaKristu vose muChechi yekare, kunyanya vaya vaiva nechipo chesimba [chipo chomudzimu], vaiparidza evhangeri.” (The Glorious Ministry of the Laity) Anosimbisawo kuti: “Jesu Kristu haana kumboda kuti kuparidza kuve kodzero yaingowanikwa chete nemamwe mapoka evafundisi.” Kunyange Celsus, muvengi wechiKristu wekare, akanyora kuti: “Vagadziri veshinda, veshangu, vematehwe, vanhu vasina kudzidza uye vanhuwo zvavo, vaiva vaparidzi veevhangeri vanoshingaira.”

13 Kururama kwemashoko iwayo kunoonekwa munhoroondo yezvakanyorwa zvaMabasa. PaPendekosti ya33 C.E., mudzimu mutsvene wadururwa, vadzidzi vose, varume nevakadzi, vakazivisa pachena zvinhu zvikuru zvaMwari. Stefani apondwa uye vatambudzwa, vaKristu vose vaiva vapararira kure vakaparadzira mashoko akanaka kure kure. Anenge makore 28 gare gare, Pauro akanga achinyorera vaKristu vose vechiHebheru, kwete boka duku revafundisi chete, paakati: “Naye ngatigarei tichipa Mwari chibayiro chokurumbidza, icho chibereko chemiromo iyo inozivisa pachena zita rake.” (VaHebheru 13:15) Achitaura maonero ake ebasa rokuparidza, Pauro akati: “Zvino, kana ndiri kuparidza mashoko akanaka, hachisi chikonzero chokuti ndizvirumbidze, nokuti ndine musengwa. Chaizvoizvo, ndine nhamo kana ndisingazivisi mashoko akanaka!” (1 VaKorinde 9:16) Zvakajeka kuti vaKristu vose vakatendeka vomuzana remakore rokutanga vakanzwa saizvozvo.

14. Kutenda nokuparidza zvinobatana papi?

14 Zvechokwadi, muKristu chaiye anofanira kuita basa rokuparidza nokuti rakabatana zvisingaparadzanisiki nokutenda. Pauro akati: “Munhu anotenda nemwoyo kuti awane kururama, asi anozivisa pachena nomuromo kuti awane ruponeso.” (VaRoma 10:10) Saka rinongova boka duku muungano imwe chete—seboka revafundisi—rine kutenda uye rine basa rokuparidza here? * Kana! VaKristu vechokwadi vose vanokudziridza kutenda kupenyu munaShe Jesu Kristu uye vanonzwa vachida kuzivisa vamwe kutenda ikoko pachena. Vakasadaro kutenda kwavo kwakafa. (Jakobho 2:26) Nokuti vaKristu vose vakavimbika vomuzana remakore rokutanga reNguva Yavose vakaratidza kutenda kwavo munzira iyi, kurumbidza kukuru zita raJehovha kwakanzwiwa.

15, 16. Ipa mienzaniso inoratidza kuti basa rokuparidza rakaenderera mberi pasinei zvapo nezvinetso.

15 Muzana remakore rokutanga, Jehovha akakomborera vanhu vake nokuwedzera pasinei zvapo nezvinetso mukati nokunze kweungano. Somuenzaniso, muna Mabasa chitsauko 6 makanyorwa kusawirirana kwevatendeuki vaitaura chiHebheru nevaitaura chiGiriki. Chinetso chacho chakagadziriswa nevaapostora. Saka, tinoverenga kuti: “Shoko raMwari rakaramba richikura, uye vadzidzi vakaramba vachiwedzera zvikuru kwazvo muJerusarema; uye boka guru revapristi rakatanga kuteerera kukutenda.”—Mabasa 6:7.

16 Gare gare, kusawirirana mune zvematongerwe enyika kwakamuka pakati paMambo Herodhi Agiripa weJudhiya nevanhu vokuTire neSidhoni. Vagari vomumaguta iwayo, vakaita zvikumbiro zvorugare zvokubata kumeso, uye izvi zvakaita kuti Herodhi akurukure nevanhu vose. Boka revanhu vakanga vakaungana vakatanga kushevedzera vachiti: “Inzwi ramwari, kwete romunhu!” Pakarepo, ngirozi yaJehovha yakarova Herodhi Agiripa, akabva afa “nokuti haana ku[kukudza] Mwari.” (Mabasa 12:20-23) Chokwadi vaya vaivimba nevanhu vakavhunduka! (Pisarema 146:3, 4) Zvisinei, vaKristu vakaramba vachikudza Jehovha. Saka, “shoko raJehovha rakaramba richikura uye richipararira” pasinei zvapo nokusagadzikana kwezvematongerwe enyika kwakadaro.—Mabasa 12:24.

Kare Ikako uye Zvino

17. Muzana remakore rokutanga, vanhu vakawanda vakabatana mukuitei?

17 Chokwadi, ungano yechiKristu yepasi pose yomuzana remakore rokutanga yainge yakaumbwa nevarumbidzi vaJehovha Mwari vanoshingaira. VaKristu vakavimbika vose vaiparadzira mashoko akanaka. Vamwe vakasangana nevaida uye vakavadzidzisa kuteerera zvinhu zvose sezvakarayirwa naJesu. (Mateu 28:19, 20) Izvi zvakaguma nokukura kweungano, uye vakawanda vakaramba vachiwedzera kubatana naMambo Dhavhidhi wekare mukurumbidza Jehovha. Vose vakadzokorora mashoko akafuridzirwa anoti: “Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu, nomwoyo wangu wose, ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi. Nokuti ngoni dzenyu ihuru kwandiri.”—Pisarema 86:12, 13.

18. (a) Kusiyana kupi kunoonekwa nhasi pakati peungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga nechiKristudhomu? (b) Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?

18 Tichifunga nezveizvi, mashoko apurofesa wechitendero Allison A. Trites anoita kuti munhu afunge. Achienzanisa chiKristudhomu chomuzuva ranhasi nechiKristu chomuzana remakore rokutanga, akati: “Mazuva ano machechi anowanzokura nokuberekana kwenhengo dzawo (apo vana vomumhuri yomuchechi iyoyo vanogamuchira kutenda ikoko) kana kuti anokura nevanotamira muchitendero ichocho (apo munhu mutsva anotama achibva mune imwe chechi yomunzvimbo imomo achienda kune imwe). Zvisinei, muna Mabasa kukura kwaivapo nokutendeutsa, nokuti chechi yakanga ichangotanga basa rayo.” Zvinoreva here kuti chiKristu chechokwadi hachisisiri kukura munzira iyo Jesu akati chinofanira? Kwete. VaKristu vechokwadi nhasi vanoshingaira munzira dzose kupa mbiri kuna Mwari pachena sezvaiitwa nevaKristu vomuzana remakore rokutanga. Tichaona izvi munyaya inotevera.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Mashoko eChirungu anoshandurwa muShona kuti “mufundisi” uye “mushumairi” anobva pashoko rechiGiriki rokuti kleʹros, rinoreva kuti “mugove” kana kuti “nhaka.” Pana 1 Petro 5:2, 3, kleʹros rinoshandisirwa kureva “boka raMwari” rose senhaka yaMwari.

Ungatsanangura Here?

• Tinokudza Mwari munzira dzipi?

• Pauro akashandisa sei Pisarema 19:4?

• Kutenda nokuparidza zvinobatana papi?

• Ungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga yaizivikanwa nechii?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 8, 9]

Matenga anoramba achipupurira kubwinya kwaJehovha

[Kwazvakatorwa]

Courtesy of Anglo-Australian Observatory, mufananidzo naDavid Malin

[Mifananidzo iri papeji 10]

Basa rokuparidza nomunyengetero zvinofambidzana