Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ipai Mbiri Kuna Mwari Kwete Vanhu

Ipai Mbiri Kuna Mwari Kwete Vanhu

Ipai Mbiri Kuna Mwari Kwete Vanhu

MWEDZI ichangopfuura, vanhu vanoda kururama pasi pose vakadzidza kuti vangapa sei mbiri kuna Mwari pavakanga vakaungana paKokorodzano Dzoruwa dzeZvapupu zvaJehovha dzaiti “Ipai Mbiri Kuna Mwari.” Ngatidzokororei purogiramu inodzidzisa yakapiwa ikoko.

Purogiramu yakavakirwa paBhaibheri yakaita mazuva matatu akatevedzana kuvapindi vekokorodzano vakawanda uye mazuva mana kune vaya vakakwanisa kupinda kokorodzano chaidzo dzemarudzi akawanda. Vose vakapinda vakanzwa hurukuro dzeMagwaro dzinopfuura 30, kusanganisira hurukuro dzaisimbisa kuonga zvinhu zvine chokuita nokunamata, zvakaitika zvaisimbisa kutenda, mienzaniso yaisimbisa kubatsira kunoita nhungamiro dzeBhaibheri, uye mutambo waiva nevatambi vaiva nezvipfeko zvomunguva yekare wairatidzira zvinetso zvakatarisana nevaKristu vomuzana remakore rokutanga. Kana wakapinda imwe yekokorodzano dzacho, wadii kudzokorora zvawakanyora paunoverenga nyaya ino? Tine chokwadi chokuti uchaona zvichifadza kuyeuka mutambo mukuru uyu wezvokunamata uye zvichirayiridza.

Musoro Wezuva Rokutanga: “Makafanirwa, Jehovha, . . . Kuti Mugamuchire Mbiri”

Pashure porwiyo nomunyengetero zvokutanga, mukurukuri wokutanga akagamuchira noushamwari vose vaivapo nehurukuro yaitaura nezvechikonzero chikuru chekokorodzano yacho yaiti: “Taungana Kuti Tirumbidze Mwari.” Achitora mashoko pana Zvakazarurwa 4:11, mukurukuri wacho akasimbisa musoro wose wekokorodzano. Akabva ataura zvinoreva kupa mbiri kuna Mwari. Achishandisa bhuku reMapisarema, akasimbisa kuti kupa mbiri kuna Mwari kunosanganisira ‘kunamata,’ ‘kuonga,’ uye ‘kurumbidza.’—Pisarema 95:6; 100:4, 5; 111:1, 2.

Hurukuro yakatevera yaiti “Vakakomborerwa Vanopa Mbiri Kuna Mwari.” Mukurukuri akataura chimwe chinhu chinofadza. Sezvo Zvapupu zvaJehovha zvinopfuura mamiriyoni matanhatu zviri munyika 234 pasi pose, zvinogona kunzi zuva hariviriri vaya vanounzira Jehovha mbiri. (Zvakazarurwa 7:15) Kubvunzurudzwa kwehama nehanzvadzi dzechiKristu dzakati kuti dziri mubasa chairo renguva yakazara chimwe chezvinhu zvakafadza mwoyo yevateereri pahurukuro iyi.

Hurukuro yakatevera yaiti “Zvinhu Zvakasikwa Zvinozivisa Mbiri yaMwari.” Kunyange akanyarara, matenga anooneka anokudza ukuru hwaMwari uye anotibatsira kuwedzera kuonga kwedu kutarisira kwake kworudo. Izvi zvakanyatsotsanangurwa zvakadzama.—Isaya 40:26.

Kutambudzwa, kushorwa, zvinofurira zvenyika, uye pfungwa dzokutadza zvinoedza kuvimbika kwevaKristu vechokwadi. Saka, hurukuro yaiti “Famba Munzira Yokutendeseka” yaida kuti vateereri vanyatsoteerera. Kukurukurwa kwendima nendima yePisarema 26 kwakatevera, pamwe nokubvunzurudzwa kweChapupu chezera richiri kuenda kuchikoro chakaramba unzenza zvakasimba uye chimwe chakanga chichipedzera nguva yakawandisa muvaraidzo inomutsa mubvunzo asi chikazotora matanho okukurira chinetso chacho.

Hurukuro inokosha yaiti, “Zvakaratidzwa Zvouprofita Zvinotikurudzira!” yakagumisa purogiramu yemangwanani. Mukurukuri akapa mienzaniso yomuprofita Dhanieri nevaapostora Johani naPetro sevaya vane kutenda kwakasimbiswa nezvakaratidzwa zvouprofita zvine chokuita nokugadzwa uye kushanda kwoUmambo hwaMwari hunotongwa naMesiya. Achitaura nezvevose vangava vasingachaoni uchapupu hwakajeka hwokuti tiri kurarama munguva yomugumo, mukurukuri wacho akati: “Tinotarisira nemwoyo wose kuti vakadaro vachaona zvakanaka zvakare chokwadi chokuvapo kwaKristu mumbiri yoUmambo uye vachabatsirwa kuwanazve simba romudzimu.”

Purogiramu yemasikati yakatanga nehurukuro yaiti “Mbiri yaJehovha Inozarurirwa Vanozvininipisa.” Mukurukuri akaratidza kuti Jehovha anoratidza sei muenzaniso wokuzvininipisa, kunyange zvazvo ari Munhu akakwirira pane zvinhu zvose. (Pisarema 18:35) Jehovha anonzwira nyasha vaya vanozvininipisa zvepachokwadi, asi anoshora vanoita sevanozvininipisa bedzi pavanenge vachibata nevezera ravo kana kuti nevakuru kwavari asi vozobata nehasha nevaya vari pasi pavo.—Pisarema 138:6.

Uprofita hweBhaibheri ndihwo hwakazotevera kutsanangurwa muhurukuro yokusiyirana yaisimbisa zvinhu zvakasiyana-siyana zvomusoro mukuru waiti: “Uprofita hwaAmosi—Shoko Rahwo Nokuda Kwezuva Redu.” Achitaura nezvomuenzaniso waAmosi, mukurukuri wokutanga akaita kuti tifunge basa ratinaro rokunyevera vanhu nezvokutonga kwaJehovha kuri kuuya. Musoro wehurukuro yake waiti “Taura Shoko raMwari Noushingi.” Mukurukuri wechipiri akabvunza mubvunzo waiti: “Jehovha achazombogumisa uipi nokutambura zviri pasi pano here?” Hurukuro yake yaiti, “Kutonga kwaMwari Vakaipa,” yakaratidza kuti nguva dzose kutonga kwaMwari kunoitwa pane akafanirwa nako, hakunzvengeki, uye hakuparadzi vose asi kunosarudza. Mukurukuri wokupedzisira wehurukuro yokusiyirana akasimbisa musoro waiti “Jehovha Anoongorora Mwoyo.” Vaya vanoshuva kufadza Jehovha vachateerera mashoko ari pana Amosi 5:15 anoti: “Vengai zvakaipa, mude zvakanaka.”

Zvinwiwa zvinodhaka, zvakadai sewaini zvinoita kuti mwoyo ufare, zvinogona kushandiswa zvisina kunaka. Muhurukuro yake yaiti “Nzvenga Musungo Woudhakwa,” mukurukuri akataura ngozi dzomumuviri nedzomudzimu dzokunwa doro zvisina mwero, kunyange kana munhu asingadhakwi. Akapa nhungamiro inobatsira inoti: Sezvo uwandu hwedoro rinogona kubvumwa nomuviri wedu huchisiyana pamunhu nomunhu, chero uwandu hunovhiringidza “uchenjeri chaihwo nokungwara” hwakakuwandira.—Zvirevo 3: 21, 22.

Sezvo tiri kurarama munguva dzakaoma, musoro unotevera waiti, “Jehovha ‘Nhare Yedu Panguva Yokutambudzika,’” wainyaradza. Tingabatsirwa kukurira nomunyengetero, mudzimu mutsvene, uye hama dzedu dzechiKristu.

Hurukuro yokupedzisira musi wacho yaiti, “‘Nyika Yakanaka’—Kufanoona Paradhiso,” yakaguma nechishamiso chinofadza kune vose—bhuku idzva rine mepu dzeBhaibheri dzakawanda! Rinonzi Ona Nyika Yakanaka.

Musoro Wezuva Rechipiri: “Dudzirai Kubwinya Kwake Pakati Pavahedheni”

Pashure pokukurukura rugwaro rwezuva, hurukuro yechipiri yokusiyirana yekokorodzano yakapiwa, yaiva nomusoro unoti “Ratidzirai Semagirazi Mbiri yaJehovha.” Hurukuro yokutanga yakataura nezvo“Kuparadzira Mashoko Akanaka Kwose Kwose” uye zvakaitika zvomubasa romumunda zvakaenzanisirwa semaitikiro azvakaita chaiwo. Hurukuro yechipiri yakavawo nomuenzaniso wokudzokerazve mukurukuri wacho paaikurukura musoro waiti “Kubvisa Chifukidziro Kune Vakapofumadzwa.” Hurukuro yokupedzisira, yaiti “Kuita Kudaro Zvizere Muushumiri Hwedu,” yakaitwa kuti iwedzere kunaka nokubvunzurudza kwainakidza kwaisanganisira zvakaitika mumunda.

Hurukuro yakatevera yepurogiramu yacho yaiti “Kuvengwa Pasina Chikonzero.” Yaiva nokubvunzurudzwa kunokurudzira kwevanhu vakatendeka avo vakaramba vakavimbika pamusana pesimba raMwari pavaishorwa.

Chinhu chinotarisirwa zvikuru pakokorodzano ihurukuro yorubhabhatidzo inoteverwa nokunyudzwa zvakakwana mumvura kwevadzidzi vose vanokodzera. Kubhabhatidzwa mumvura kunoratidza kuzvitsaurira kwakazara kuna Jehovha. Saka, musoro wehurukuro yacho waikodzera zvikuru waiti: “Kurarama Mukuwirirana Nokuzvitsaurira Kwedu Kunopa Mbiri Kuna Mwari.”

Purogiramu yemasikati yakatanga nehurukuro yaikurudzira kuzviongorora yaiti, “Kuva Nemaonero Akafanana neaKristu Oukuru.” Mukurukuri akataura pfungwa iyi inokosha inoti: Ukuru hunobva pakutevedzera kuzvininipisa kwaKristu. Saka, muKristu haafaniri kutsvaka mutoro kuti agutse zvaanoda. Anofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndinoda kuita mabasa okubatsira asingakurumidzi kucherechedzwa here?’

Unombonzwa kuneta here? Mhinduro iri pachena. Hurukuro yaiti “Takaneta asi Hatisi Kupera Simba” yakafarirwa nevose. Kubvunzurudzwa kwevave vari Zvapupu kwenguva refu kwakaratidza kuti Jehovha anogona kuti‘simbisa nomudzimu wake.’—VaEfeso 3:16.

Hatiberekwi tiine rupo asi tinofanira kurudzidzira. Pfungwa iyi inokosha yakabudiswa muhurukuro yaiti “Ivai Norupo, Vanoda Kugoverana.” Uye mubvunzo uyu unotokonya pfungwa wakabvunzwa waiti: “Tinoda here kugoverana maminitsi ezuva redu nehama nehanzvadzi dzakwegura, dzinorwara, dzakaora mwoyo, kana kuti dzakasurukirwa?”

Hurukuro yaiti “Ngwarira ‘Inzwi Revaeni’” yakabata pfungwa dzevateereri. Hurukuro iyi yakaenzanisa vateveri vaJesu nemakwai anongoteerera inzwi rake chete so“mufudzi akanaka kwazvo,” asi asingateereri “inzwi revaeni” sezvinotaurwa nevanhu vakawanda vanofurirwa naDhiyabhorosi.—Johani 10:5, 14, 27.

Kwaya inofanira kuimba pamwe chete kuti inzwisiswe. Kuti vape mbiri kuna Mwari, vanamati vechokwadi pasi pose vanofanira kubatana. Saka, hurukuro yaiti “Ipai Mbiri Kuna Mwari ‘Nomuromo Mumwe’” yakapa mirayiridzo inobatsira yokuti tose tingataura sei “rurimi rwakachena” rumwe chete toshumira Jehovha “nomwoyo mumwe.”—Zefania 3:9.

Vabereki, zvikurukuru vaya vane vana vaduku, vakanakidzwa kwazvo nehurukuro yokupedzisira yomusi wacho yaiti, “Vana Vedu—Nhaka Inokosha.” Vateereri vakafadzwa uye vakashamiswa nokubudiswa kwebhuku rine mapeji 256. Bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru richabatsira vabereki kupedzera nguva inogutsa mune zvokunamata nevana vavo, chipo chavo chavakapiwa naMwari.

Musoro Wezuva Rechitatu: “Itai Zvinhu Zvose Kuti Mwari Apiwe Mbiri”

Zviyeuchidzo zvorugwaro rwezuva zvakatanga zuva rokugumisira rekokorodzano nepfungwa dzomudzimu. Chikamu chokutanga chepurogiramu yezuva iri chakanyanyotaura nezvemhuri. Hurukuro yokutanga yaiti, “Vabereki, Vakai Boka Remhuri,” yakaita kuti vateereri vagadzirire kuteerera. Pashure pokukurukura mitoro yevabereki yokugovera zvokunyama zvemhuri dzavo, mukurukuri akati mutoro mukuru wevabereki ndewokutarisira vana vavo mumudzimu.

Mukurukuri akatevera akakurukura nevana musoro waiti “Nzira Iyo Pwere Dziri Kurumbidza Nayo Jehovha.” Akati vechiduku vakaita se“dova” nokuti vakawanda uye kushingaira kwavo sevechiduku kunozorodza. Vakuru vanofara kushanda navo mubasa raJehovha. (Pisarema 110:3) Hurukuro iyi yaisanganisira kubvunzurudzwa kunofadza kwevechiduku vari mienzaniso yakanaka.

Mitambo yevanhu vakapfeka zvipfeko zvomunguva yekare nguva dzose inofadza pakokorodzano dzoruwa, uye izvi ndozvakaitikawo pane iyi kokorodzano. Mutambo waiti “Kupupurira Tisingatyi Pasinei Nokushorwa” wakaratidza vateveri vaJesu vomuzana remakore rokutanga. Waisangonakidza asi, zvinotokosha zvikuru, wairayiridza. Hurukuro yakatevera mutambo wacho yaiti, “Zivisa Mashoko Akanaka ‘Usingaregi,’” yakasimbisa pfungwa huru dzomutambo wacho.

Vateereri vose vaitarisira chinhu chinokosha zvikuru chepurogiramu yomusi weSvondo, hurukuro yavose yaiti, “Ndivanaani Vari Kupa Mbiri Kuna Mwari Nhasi?” Mukurukuri akapa uchapupu hunoratidza kuti vezvesayenzi uye vezvechitendero vose zvavo vakundikana kupa mbiri kuna Mwari. Vanongova vanhu vezita rake bedzi, vaya vanoparidza nokudzidzisa chokwadi pamusoro paJehovha, vari kupa mbiri zita rake zvechokwadi nhasi.

Hurukuro yavose yakateverwa nokupfupiswa kwechidzidzo cheNharireyomurindi chevhiki yacho. Zvadaro hurukuro yokupedzisira yaiti, “‘Rambai Muchibereka Zvibereko Zvakawanda’ Kuti Jehovha Apiwe Mbiri.” Mukurukuri akaverengera vateereri vose chisarudzo chokuti vagamuchire. Chaiva nepfungwa gumi dzakasiyana-siyana dzokuti mbiri ipiwe kuna Jehovha, Musiki. Pakokorodzano dzose pasi pose vaivapo vose vakati “Hungu.”

Saka kokorodzano yakaguma nomusoro waiti “Ipai Mbiri Kuna Mwari” uchirira munzeve dzomuteereri mumwe nomumwe. Uye tichibatsirwa nomudzimu waJehovha uye chikamu chinooneka chesangano rake, nguva dzose ngatitsvakei kupa mbiri kuna Mwari kwete vanhu.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 23]

Kokorodzano Dzemarudzi Akawanda

Kokorodzano dzemarudzi akawanda dzemazuva mana dzakaitwa muAfrica, Asia, Australia, Europe, uye North neSouth America. Zvapupu zvakasarudzwa pasi pose zvakakokwa kupinda kokorodzano idzi. Nenzira iyi paiva “nokukurudzirana” pakati pevaeni nevakavagamuchira. (VaRoma 1:12) Ushamwari hwekare hwakamutsiridzwa, uye hutsva hwakatangwa. Chinhu chaikosha pakokorodzano dzemarudzi akawanda yaiva hurukuro yepurogiramu yacho yaiti “Mishumo Inobva Kune Dzimwe Nyika.”

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 25]

Mabhuku Matsva Anopa Mbiri Kuna Mwari

Mabhuku matsva maviri akabudiswa paKokorodzano Dzoruwa dzaiti “Ipai Mbiri Kuna Mwari.” Bhuku remepu dzeBhaibheri rinonzi Ona Nyika Yakanaka rine butiro rakasimba uye mapeji 36 emepu nemapikicha enzvimbo dzomuBhaibheri. Peji imwe neimwe ine mavara ose uye ine mepu dzoumambo hweAsiriya, Bhabhironi, Medhia nePersia, Girisi, neRoma. Pane dzimwe mepu dzinoratidza ushumiri hwaJesu hwose uye kuwedzera kwechiKristu.

Bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru rine mapeji 256 nemifananidzo inenge 230. Nguva yakawanda inonakidza inogona kupedzwa tiine vana tichingotarira mifananidzo uye tichipindura mibvunzo inotokonya pfungwa iri mubhuku racho. Bhuku idzva iri rakagadzirirwa kukurira kurwiswa kunoitwa vechiduku vedu naSatani, nechinangwa chokuodza tsika dzavo.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Mamishinari akarondedzera zvakaitika zvinosimbisa kutenda

[Mufananidzo uri papeji 24]

Rubhabhatidzo rwaiva chinhu chinokosha chekokorodzano dzaiti “Ipai Mbiri Kuna Mwari”

[Mifananidzo iri papeji 24]

Mitambo yeBhaibheri inofarirwa nevaduku nevakuru