Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Ane Rudo Rwokuvimbika Kwazvo

Jehovha Ane Rudo Rwokuvimbika Kwazvo

Jehovha Ane Rudo Rwokuvimbika Kwazvo

“Jehovha . . . une ngoni zhinji, [“mutsa une rudo,” NW].”—PISAREMA 145:8.

1. Rudo rwaMwari rwakakura sei?

“MWARI rudo.” (1 Johani 4:8) Kutaura ikoko kunonyevenutsa mwoyo kunoratidza kuti nzira yaJehovha yokutonga yakavakirwa parudo. Chokwadi, kunyange vanhu vasingamuteereri vanobatsirwa nezuva uye mvura zvaanogovera norudo! (Mateu 5:44, 45) Pamusana pokuda kunoita Mwari nyika yevanhu, kunyange vavengi vake vanogona kupfidza, votendeukira kwaari, uye vowana upenyu. (Johani 3:16) Zvisinei, nokukurumidza Jehovha achatsvaira vaya vasingadi kusiya uipi kuitira kuti vanhu vanomuda vagone kuwana upenyu husingaperi munyika itsva yakarurama.—Pisarema 37:9-11, 29; 2 Petro 3:13.

2. Jehovha anoratidza rudo runokosha rworudzii kune vaya vakazvitsaurira kwaari?

2 Jehovha anoratidza rudo rwake kuvanamati vake vechokwadi munzira inokosha, isingaperi. Rudo rwakadaro runotaurwa neshoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “mutsa une rudo,” kana kuti “rudo rwokuvimbika.” Mambo Dhavhidhi weIsraeri yekare aikoshesa zvikuru mutsa une rudo waMwari. Nokuda kworuzivo rwake uye kufungisisa kwake mabatiro aMwari nevamwe, Dhavhidhi aigona kuimba nechivimbo kuti: “Jehovha . . . une ngoni zhinji [“mutsa une rudo kana kuti rudo rwokuvimbika,” NW].”—Pisarema 145:8.

Kuziva Vakavimbika vaMwari

3, 4. (a) Pisarema 145 rinotibatsira sei kuziva vakavimbika vaJehovha? (b) Vakavimbika vaMwari ‘vanomukomborera’ sei?

3 NezvaJehovha Mwari, amai vomuprofta Samueri, Hana, vakati: “Uchachengeta tsoka dzavatsvene [“vakavimbika,” NW] vake.” (1 Samueri 2:9) “Vakavimbika” ivavo ndivanaani? Mambo Dhavhidhi anopa mhinduro. Pashure pokurumbidza unhu hwaJehovha hunoshamisa, anoti: ‘Vakavimbika venyu vachakukomborerai.’ (Pisarema 145:10) Ungashamisika kuti vanhu vangakomborera Mwari sei. Vanodaro zvikurukuru nokumurumbidza kana kuti nokutaura zvakanaka nezvake.

4 Vakavimbika vaJehovha vangazivikanwa sevaya vanoshandisa miromo yavo kutaura zvakanaka nezvake. Pavanenge vachitandara zvavo uye pamisangano yechiKristu, vanowanzokurukura chii? Zviri pachena kuti Umambo hwaJehovha! Vashumiri vaMwari vakavimbika vanonzwa saDhavhidhi, uyo akaimba kuti: “Vachataura vachireva kubwinya kwoushe hwenyu [Jehovha], nokuparidza simba renyu.”—Pisarema 145:11.

5. Tinoziva sei kuti Jehovha anoteerera vakavimbika vake pavanotaura zvakanaka nezvake?

5 Jehovha anoteerera here apo vakavimbika vake vanomurumbidza? Hungu, anoteerera zvavanotaura. Muuprofita hune chokuita nokunamata kwechokwadi muzuva redu, Maraki akanyora kuti: “Ipapo vaitya Jehovha vakataurirana, Jehovha akateerera, akanzwa, bhuku yokurangaridza ikanyorwa pamberi pake, nokuda kwavanotya Jehovha, vachirangarira zita rake.” (Maraki 3:16) Jehovha anofara zvikuru vakavimbika vake pavanotaura zvakanaka nezvake, uye anovayeuka.

6. Ibasa ripi rinotibatsira kuziva vakavimbika vaMwari?

6 Vashumiri vaJehovha vakavimbika vanogona kuzivikanwawo nokushinga kwavo uye nokutanga kwavanoita kutaura nevanhu vasiri vanamati vaMwari wechokwadi. Zvechokwadi, vakavimbika vaMwari ‘vanozivisa vanakomana vavanhu mabasa ake ane simba nokubwinya kwoumambo hwoushe hwake.’ (Pisarema 145:12) Unotsvaka ndokushandisa zvizere mikana yokutaura nevausingazivi nezvoumambo hwaJehovha here? Kusiyana nehurumende dzevanhu, idzo dzichakurumidza kupfuura, umambo hwake ndehwokusingagumi. (1 Timoti 1:17) Ndezvokukurumidzira kuti vanhu vadzidze nezvoumambo husingaperi hwaJehovha uye vohutsigira. “Ushe hwenyu ndihwo ushe husingaperi,” akaimba kudaro Dhavhidhi, “noumambo hwenyu huchagara nokusingaperi.”—Pisarema 145:13.

7, 8. Chii chakaitika muna 1914, uye uchapupu hupi huripo hwokuti zvino Mwari anotonga achishandisa Umambo hwoMwanakomana wake?

7 Kubvira muna 1914, kwave kune chimwezve chikonzero chokutaura nezvoumambo hwaJehovha. Mugore iroro, Mwari akagadza Umambo hwokudenga hunotongwa naMesiya, Jesu Kristu, Mwanakomana waDhavhidhi, ari Mambo. Saka Jehovha akazadzika chipikirwa chake chokuti umambo hwaDhavhidhi hwaizogadzwa zvakasimba kusvikira kunguva isingazivikanwi.—2 Samueri 7:12, 13; Ruka 1:32, 33.

8 Uchapupu hwokuti zvino Jehovha ari kutonga achishandisa Umambo hweMwanakomana wake, Jesu Kristu, hunoonekwa nokuzadzika kuri kuramba kuchiita chiratidzo chokuvapo kwake. Chinhu chinoshamisa zvikuru chechiratidzo ichocho ibasa rakafanotaurwa naJesu kune vanhu vose vaMwari vakavimbika paakati: “Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzwa mupasi rose rinogarwa nokuda kwouchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro mugumo uchasvika.” (Mateu 24:3-14) Nokuti vakavimbika vaMwari vari kushingaira kuzadzika uprofita ihwohwo, varume, vakadzi, nevana vanopfuura mamiriyoni matanhatu zvino vari kuita basa iri, risingazombodzokororwi. Nokukurumidza mugumo uchauyira vose vanoshora Umambo hwaJehovha.—Zvakazarurwa 11:15, 18.

Kubatsirwa Nouchangamire hwaJehovha

9, 10. Jehovha akasiyana nevatongi vevanhu pakudini?

9 Kana tiri vaKristu vakazvitsaurira, ukama hwedu naChangamire Ishe Jehovha hunotiunzira zvikomborero zvakawanda. (Pisarema 71:5; 116:12) Nokuti tinotya Mwari uye tinoita zvakarurama, somuenzaniso, tinotenderwa naye uye mumudzimu tiri pedyo naye. (Mabasa 10:34, 35; Jakobho 4:8) Kusiyana neizvi, vatongi vevanhu vanowanzoonekwa vachishamwaridzana nevanhu vane mukurumbira, vakadai sevatungamiriri vechiuto, vanamuzvinabhizimisi vakapfuma, kana kuti vaya vanopemberera mitambo nevaraidzo. Maererano nepepanhau romuAfrica rinonzi Sowetan, mukuru mukuru wehurumende ane mukurumbira akataura zvinotevera pamusoro penzvimbo dzayaura nourombo dziri munyika yake achiti: “Ndinonzwisisa nei vakawanda vedu vasingadi kuenda kunzvimbo dzakadaro. Kunongova kuti tinoda kukanganwa kuti mamiriro ezvinhu akadaro aripo. Hana yedu inotipa mhosva uye tinonyara [nemotokari] dzatinotyaira dzinodhura.”

10 Zviri pachena kuti vamwe vatongi vevanhu vane hanya zvepachokwadi nezvokugara zvakanaka kwevanhu vavo. Asi kunyange vaya vane chido chakanakisisa pakati pavo havanyatsozivi vanhu vavo. Chokwadi, tingabvunza kuti: Pane mutongi ane hanya nevanhu vake vose here zvokuti anokurumidza kubatsira mumwe nomumwe munguva yenhamo? Hungu, aripo. Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha unotsigira vose vanowa, unosimudza vose vakakotamiswa pasi.”—Pisarema 145:14.

11. Vanhu vaMwari vakavimbika vanowirwa nemiedzo ipi, uye rubatsiroi rwavanarwo?

11 Vanhu vaJehovha Mwari vakavimbika vanowirwa nemiedzo nenjodzi zvakawanda nokuti havana kukwana uye nokuti vanogara munyika iri musimba ro“wakaipa,” Satani. (1 Johani 5:19; Pisarema 34:19) VaKristu vanotambudzwa. Vamwe vanotambura nechirwere chisingaperi kana kuti nokufirwa. Dzimwe nguva, zvikanganiso zvevakavimbika vaJehovha zvingavaita kuti ‘vakotame pasi’ nokuora mwoyo. Zvisinei, chero ungava muedzo unovawira, nguva dzose Jehovha akagadzirira kunyaradza uye kupa simba romudzimu kune mumwe nomumwe wavo. Mambo Jesu Kristu anofarirawo saizvozvo vanhu vake vakavimbika.—Pisarema 72:12-14.

Zvokudya Zvinogutsa Panguva Yakafanira

12, 13. Jehovha anogovera zvinodiwa zve“zvipenyu zvose” zvakanaka sei?

12 Nokuti ane mutsa une rudo mukuru, Jehovha anogovera zvose zvinodiwa nevashumiri vake. Izvi zvinosanganisira kuvagutsa nezvokudya zvinovaka muviri. Mambo Dhavhidhi akanyora kuti: “Meso avose anotarira kwamuri [Jehovha]; munovapa zvokudya zvavo panguva yakafanira. Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.” (Pisarema 145:15, 16) Kunyange munguva yenjodzi, Jehovha anogona kuita kuti vakavimbika vake vawane ‘chingwa chezuva.’—Ruka 11:3; 12:29, 30.

13 Dhavhidhi akataura kuti “zvipenyu zvose” zvinogutiswa. Izvi zvinosanganisira mhuka. Kudai pasina zvinomera zvakawanda zvepanyika nezvomugungwa, zvisikwa zvomumvura, shiri, uye mhuka dzepanyika zvaizodai zvisina mhepo yokufema kana kuti zvokudya. (Pisarema 104:14) Zvisinei, Jehovha anoona kuti zvose zvawana zvazvinoda.

14, 15. Zvokudya zvomudzimu zviri kugoverwa sei nhasi?

14 Kusiyana nemhuka, vanhu vane chinodiwa chomudzimu. (Mateu 5:3) Jehovha anogutsa zvinodiwa zvomudzimu zvevakavimbika vake nenzira inoshamisa! Asati afa, Jesu akavimbisa kuti “muranda akatendeka, akangwara” aizogovera vateveri vaJesu ‘zvokudya zvomudzimu panguva yakafanira.’ (Mateu 24:45) Vasara vevakazodzwa 144 000 vanoumba boka iroro romuranda nhasi. Zvechokwadi Jehovha ave achigovera zvokudya zvomudzimu zvakawanda achivashandisa.

15 Somuenzaniso, vakawanda vevanhu vaJehovha zvino vanobatsirwa neshanduro itsva uye yakarurama yeBhaibheri mumutauro wavo. New World Translation of the Holy Scriptures yave iri chikomborero chakanaka zvikuru! Uyezve, mamiriyoni emabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri anoramba achibudiswa mumitauro inopfuura 300. Zvokudya zvomudzimu izvi zvose zvave zviri chikomborero kuvanamati vechokwadi pasi pose. Ndiani anofanira kurumbidzwa nokuda kwezvose izvi? Jehovha Mwari. Nomutsa une rudo mukuru waanawo, ave achiita kuti boka romuranda rikwanise kugovera ‘zvokudya panguva yakafanira.’ Nourongwa hwakadaro, “zvipenyu zvose” zviri muparadhiso yomudzimu yomuzuva ranhasi zviri kugutiswa. Uye vashumiri vaJehovha vanofara zvikuru netariro yokuona pasi pano pachishandurwa kuva paradhiso chaiyo nokukurumidza!—Ruka 23:42, 43.

16, 17. (a) Mienzaniso ipi iripo yezvokudya zvomudzimu zvakauya panguva yakafanira? (b) Pisarema 145 rinoratidza sei manzwiro evanhu vaMwari vakavimbika maererano nenhau huru yakamutswa naSatani?

16 Chimbofunga muenzaniso unoshamisa wezvokudya zvomudzimu zvakagamuchirwa panguva yakafanira. Muna 1939, Hondo yeNyika II yakatanga muEurope. Mugore iroro, magazini yeChirungu yeNharireyomurindi yaNovember 1 yaiva nenyaya yokuti “Kusava Nokwawakarerekera.” Nokuda kwemashoko akajeka aivamo, Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvakaona kukosha kwokuramba zvisina kwazvakarerekera zvachose munhau dzenyika dzairwisana. Izvi zvakaita kuti zvitsamwirwe nehurumende dzemativi ose airwisana kwemakore matanhatu. Zvisinei, pasinei nokurambidzwa uye kutambudzwa, vanhu vaMwari vakavimbika vakaramba vachiparidza mashoko akanaka oUmambo. Kubva muna 1939 kusvikira muna 1946, vakakomborerwa nokuwedzera kunoshamisa kwe157 muzana. Uyezve, chinyorwa chavo chakaisvonaka chokuvimbika munguva yehondo iyoyo chinoramba chichibatsira vanhu kuziva chitendero chechokwadi.—Isaya 2:2-4.

17 Zvokudya zvomudzimu zvinogoverwa naJehovha hazvina kungokodzera nguva asiwo zvinogutsa zvikuru. Marudzi paakanga achirwisana zvikuru muHondo yeNyika II, vanhu vaJehovha vakabatsirwa kuisa pfungwa dzavo pane chimwe chinhu chinokosha zvikuru kupinda kuponeswa kwavo. Jehovha akavabatsira kunzwisisa kuti nhau huru, inosanganisira zvose zvakasikwa, ine chokuita nouchangamire hwaJehovha hwakarurama. Zvinogutsa zvikuru kuziva kuti nokuvimbika kwavo Chapupu chaJehovha chimwe nechimwe chakava nechikamu chiduku mukureverera uchangamire hwaJehovha uye kuratidza kuti Dhiyabhorosi murevi wenhema! (Zvirevo 27:11) Kusiyana naSatani, uyo anochera Jehovha nenzira yake yokutonga, vanhu vaJehovha vakavimbika vanoramba vachizivisa pachena kuti: “Jehovha wakarurama panzira dzake dzose.”—Pisarema 145:17.

18. Muenzaniso upi wazvino uno uripo wezvokudya zvomudzimu wakakodzera nguva uye unogutsa zvikuru?

18 Mumwe muenzaniso wezvokudya zvomudzimu zvakakodzera nguva, zvinogutsa ibhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha, rakabudiswa pamazana eKokorodzano Dzoruwa dze“Vazivisi voUmambo Vanoshingaira” dzakaitwa pasi pose muna 2002/03. Bhuku iri, rakaitwa no“muranda akatendeka, akangwara” ndokubudiswa neZvapupu zvaJehovha, rinonyanya kutaura nezvounhu hwaJehovha Mwari hunoshamisa, kusanganisira huya hunotaurwa muPisarema 145. Bhuku iri rakaisvonaka zvechokwadi richaita basa rinokosha mukubatsira vanhu vaMwari vakavimbika kuswedera pedyo naye zvikuru.

Nguva Yokuswedera Pedyo Zvikuru naJehovha

19. Inguva ipi inokosha iri kuswedera pedyo, uye tingabata sei nayo?

19 Nguva inokosha pakugadzirisa nhau youchangamire hwaJehovha iri kuswedera pedyo. Sezvakafanotaurwa muchitsauko 38 chaEzekieri, nokukurumidza Satani achapedza basa rake sa“Gogi, wenyika yaMagogi.” Izvi zvichasanganisira kurwiswa kwevanhu vaJehovha pasi pose. Kuchava kuedza kwaSatani kwokupedzisira nesimba rake rose kuputsa kutendeka kwevanhu vaMwari vakavimbika. Sezvisina kumboitika, vanamati vaJehovha vachafanira kumudana nomwoyo wose, kunyange kuchemera kubatsirwa. Kutya kwavo Mwari kwokumuremekedza uye kumuda kwavo zvichava zvisina basa here? Kwete, nokuti Pisarema 145 rinoti: “Jehovha uri pedyo navose vanodana kwaari, vose vanodana kwaari nezvokwadi. Uchaitira vanomutya sezvavanoda; uchanzwawo kudanidzira kwavo, ndokuvaponesa. Jehovha unochengeta vose vanomuda; asi vakaipa uchavaparadza vose.”—Pisarema 145:18-20.

20. Mashoko ePisarema 145:18-20 achava echokwadi sei munguva yemberi iri pedyo?

20 Zvichafadza zvikuru kuva naJehovha pedyo uye kuona simba rake rokuponesa paachaparadza vakaipa vose! Chokwadi, panguva iyoyo inokosha, zvino yava pedyo zvikuru, Jehovha achangoteerera bedzi “vanodana kwaari nezvokwadi.” Zvechokwadi haazoteereri vanyengeri. Shoko raMwari rinonyatsoratidza kuti kushandiswa kwezita rake nevakaipa paminiti yokupedzisira nguva dzose kwave kusingabatsiri.—Zvirevo 1:28, 29; Mika 3:4; Ruka 13:24, 25.

21. Vanhu vaJehovha vakavimbika vanoratidza sei kuti vanofarira kushandisa zita rake?

21 Zvino kupfuura nakare kose inguva yokuti vaya vanotya Jehovha ‘vadane kwaari nezvokwadi.’ Vanhu vake vakavimbika vanofarira kushandisa zita rake muminyengetero yavo uye mumhinduro dzavanopa pamisangano yavo. Vanoshandisa zita raMwari munyaya dzavo. Uye vanozivisa noushingi zita raJehovha muushumiri hwavo hwepachena.—VaRoma 10:10, 13-15.

22. Nei zvichikosha kuramba tichidzivisa mafungiro uye zvido zvenyika?

22 Kuti tirambe tichibatsirwa noukama hwedu hwepedyo naJehovha Mwari, zvinokoshawo kuti tirambe tichidzivisa zvinhu zvinokuvadza mumudzimu zvakadai sokunyanya kuda zvinhu zvokunyama, varaidzo isina kunaka, pfungwa yokusakanganwira, kana kuti kusava nehanya nevanoshayiwa. (1 Johani 2:15-17; 3:15-17) Kana zvikasagadziriswa, unhu nezviito zvakadaro zvingaguma nokuita chivi chakakomba uye pakupedzisira kusafarirwa naJehovha. (1 Johani 2:1, 2; 3:6) Kuchenjera kuyeuka kuti Jehovha acharamba achitiratidza mutsa une rudo, kana kuti rudo rwokuvimbika, kana tikaramba takatendeka kwaari.—2 Samueri 22:26.

23. Vanhu vaMwari vose vakavimbika vakamirira remangwana rakaisvonaka zvakadini?

23 Naizvozvo pfungwa dzedu ngadzirambe dziri pane remangwana rakaisvonaka rakamirira vanhu vaJehovha vose vakavimbika. Nokuita kudaro, tine tariro inoshamisa yokubatanidzwa nevaya vachakudza, vachakomborera, uye vacharumbidza Jehovha “zuva rimwe nerimwe” uye “nokusingaperiperi.” (Pisarema 145:1, 2) Naizvozvo ngati‘zvichengetei tiri murudo rwaMwari tichirangarira upenyu husingaperi.’ (Judha 20, 21) Sezvatinoramba tichibatsirwa nounhu hunoshamisa hwaBaba vedu vokudenga, kusanganisira mutsa une rudo mukuru wavanoratidza vaya vanovada, manzwiro edu nguva dzose ngaave seevaya vakataurwa naDhavhidhi mumashoko okupedzisira ePisarema 145 anoti: “Muromo wangu uchataura kurumbidzwa kwaJehovha; vanhu vose ngavarumbidze zita rake dzvene nokusingaperiperi.”

Ungapindura Sei?

Pisarema 145 rinobatsira sei kuziva vanhu vaMwari vakavimbika?

• Jehovha ano“gutisa zvipenyu zvose” sei?

• Nei tichifanira kuswedera pedyo zvikuru naJehovha?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vanhu vaMwari vakavimbika vanofarira kukurukura zvaakaita zvine simba

[Mufananidzo uri papeji 17]

Vashumiri vaJehovha vanobatsira noushingi vanhu vavasingazivi kudzidza nezvokubwinya kwoumambo hwake

[Mifananidzo iri papeji 18]

Jehovha anogovera zvokudya “zvipenyu zvose”

[Kwazvakatorwa]

Mhuka: Parque de la Naturaleza de Cabárceno

[Mufananidzo uri papeji 19]

Jehovha anopa simba nenhungamiro kune vanhu vake vakavimbika, vanokumbira kubatsirwa mumunyengetero